RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 5/8 pp. 28-30
  • Neiko Ndichifanira Kusvika Pamba Nokukurumidza Kwazvo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Ndichifanira Kusvika Pamba Nokukurumidza Kwazvo?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nguva Dzakagadzwa Dzokusvika Pamba—Murangariro Wavabereki
  • Kunoreva Kuti Vanoitira Hanya
  • Neiko Nguva Yangu Yakagadzwa Yokusvika Pamba Iri Yorumano Zvikuru?
    Mukai!—1992
  • Nei Paine Mitemo Yakawanda Kudai?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndinofanira Kuitei Kana Vabereki Vangu Vachipopotedzana?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndinogona Sei Kuita Kuti Vabereki Vangu Vandipe Rusununguko Rukuru?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 5/8 pp. 28-30

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Neiko Ndichifanira Kusvika Pamba Nokukurumidza Kwazvo?

“UPI noupi wenyu ane nguva yakagadzwa yokusvika pamba here?” Mukai! yakabvunza kudaro rimwe boka repwere. Mhinduro yacho yakanga iri yokuti hungu yaanodokuva wavose! Mubvunzo unotevera, zvisinei, wakaraira mhatsa yemhinduro. Takabvunza, kuti, “Kunonoka kwakadini kwamunofunga kuti munofanira kubvumirwa kuva kunze?”

“Ndinofunga kuti unofanira kuita chipi kana chipi icho vabereki vako vanotaura,” akataura kudaro mumwe muyaruki anonzi Monica.a Bill muduku haana kubvumirana. “Handifungi kuti vanofanira kukuudza kuti ndirini paunofanira kusvika pamba,” iye akataura kudaro. “Pashure pazvose, zvimwe vainonoka kudzoka pavakanga vachiri vana.” Mumwe muyaruki anonzi Sally akaedza kuwana murangariro wavose: “Ndinofunga kuti unofanira kuuya nguva ipi neipi iyo vabereki vako vanoda—chero bedzi kusiri kukurumidza pamberi pa 8:00 p.m.” Pakupedzisira, pakanga pana Jerry, uyo airatidzika kuva ane kunzwa kwakasimba zvikuru kwavose. Iye akati: “Panzvimbo pokutiudza kuva pamba panguva yakati, tinoregerereiko kuvaridzira runhare ndokuvaudza kwatiri? Vanofanira kuva vanonzwisisa zvikuru.”

Chipi nechipi chiri mufungo wako womunhu oga, sezvingabvira zvikuru vabereki vako vakakugadzira nguva yakati yokusvika pamba. Ungava murairo usingachinjiki: ‘Iva pamba na 10:00 p.m. kana kuti zvimwe ucharangwa!’ Kana kuti zvimwe vabereki vako vanogadza nguva dzokusvika pamba pahwaro hwechinoitika chimwe nechimwe. “Pashure pokunge varangarira kuti ndiani wandichaenda naye uye kuti ndokupi kwatiri kuenda,” anodaro mumwe musikana wamakore 16 okukura anonokorwa mashoko mumagazini ye’Teen, “vachagadza nguva yandinofanira kusvika pamba. Kwose kunotsamira pavanhu nenzvimbo.” Kunyange pwere inoita zvakanaka zvikuru iyo inofarikanya rusununguko runoratidzika kuva rusina kuganhurirwa kazhinji kazhinji inofanira kupa vabereki vayo pfungwa yakati yokwaichava uye kuti ndirini paichadzoka.

Pwere zhinjisa hadziratidziki kuva dzinovhiringidzwa nokuva neganhuriro dzakadaro. Asi dzimwe dzinorangarira nguva yakagadzwa yokusvika pamba sechinetso chiduku kana kuti chidziviso chinovhiringidza gadziriro dzomunhu oga. Bhuku rinozi Teens Speak Out, rakanyorwa naJane Rinzler, rinonokora mashoko mumwe musikana ane makore 16 okukura saanonyunyuta, kuti: “Ndinonzwa sokunge ndiri mucheche uye kuti handina upenyu hwokuzvisarudzira mibato yangu ndimene.” Vamwe vanotsamwiswa zvikuru nenguva yakagadzwa yokusvika pamba nokuda kwokunetsa kwainoita muupenyu hwavo. Inoti imwe pwere: “Ndisati ndabva pamba ndinofanira kuudza mai vangu kwandiri kuenda, wandiri kuenda naye, ndiri kuenda sei ikoko, ndichadzoka sei pamba.”

Nguva Dzakagadzwa Dzokusvika Pamba—Murangariro Wavabereki

Neiko vabereki vako vasingangokuregi uchiuya nokuenda sezvaunoda? Eya, rangarira ganhuriro iyo Mwari akamboisa parudzi rwaIsraeri. Pausiku hwokuchengeta Paseka kwokutanga muna 1513 P.N.V., Mwari akarairidza vaIsraeri, kuti: “Hakuna nomumwe wenyu anofanira kubuda kunze kwesuo reimba yake kusvikira mangwanani.” (Eksodho 12:12, 22, NW) Mwari akanga achiva asina mufungo here? Aiwa. Iyoyi yakanga iri dziviriro mukurwisana nokuurawa nengirozi yaJehovha!

Kunyange zvazvo mugariro wacho nhasi ungava usati uri wekurumidziro, vabereki vazhinjisa vane zvikonzero zvakanaka zvokuedza kudzivirira vayaruki vavo. Pashure pazvose, kunongova kwomuzvarirwo kuti vabereki vaitire hanya pamusoro pavana vavo. Vabereki vaJesu Kristu vakanga vari “munhamo yendangariro” pavaisagona kuziva kwaaiva—uye iye akanga ari mwana akakwana! (Ruka 2:41-48) Vabereki vako vanoziva kuti uri kure nokukwana. Naizvozvo vachava nechokwadi chokukuitira hanya nguva nenguva, kunyange kana usiri rudzi rwokutsvaka chinetso. Neiko ikoku kwakadaro?

Nemhaka yokuti vabereki vako vanoziva kuti “kuchiva kwoujaya” kunogona kuva kune simba sei. (2 Timotio 2:22) Vangazivawo muchinoitika chokutanga kuti “mukomana [kana kuti musikana] anosiiwa achiita madiro achanyadzisa mai vake.” (Zvirevo 29:15, NW) Mumwe mubereki akabvuma, kuti: “Ndakanga ndiri muyaruki asingadzoreki zvikuru. Ndinoziva chaunogona kuvanzira vabereki vako.” Naizvozvo apo vabereki vako vanonzwa pamusoro poutere hwavayaruki, kushandiswa kusina kufanira kwedoro nemirimo, kana kuti mitambo youpengo yomunzanga, vangapedzisa nenzira yakarurama kuti ganhuriro dzakati dzakafanira.

Vabereki vako vangavawo neitiro hanya dzinokosha nokuda kwekotsekano yako. Bhaibheri rinotiudza kuti apo vanakomana vatateguru Jakobho vakanonoka kudzoka kubva kuruwa rwakapoteredza rwaShekemi, Jakobho akaudza mwanakomana wake Josefa, kuti: “Enda, ndapota. Ona kana vakoma vako vakakotsekana uye vakanaka . . . , uye undidzorere shoko.” (Genesi 37:13, 14, NW) Ikoku kwakanga kusiriwo hako vhiringidziko yendangariro. Nemhaka yezvinoitika zvakanga zvaitika makore akati pakuvamba, Shekemi yakanga iri nzvimbo ine ngozi yokuti vanakomana vaJakobho vagova!—Genesi, ganhuro 34.

Nyika nhasi ine ngozi zvikuru kupfuura zvayakanga yakaita munguva dzeBhaibheri—kana kuti kunyange apo vabereki vako vakanga vari vaduku zvikuru. Tapinda zvikuru kupfuura nakare kose mu“mazuva okupedzisira,” nhambo iyo Bhaibheri rakaporofita kuti yaizoratidzirwa ne“nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo.” Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “dzakaoma kubata nadzo” rinogonawo kushandurwa kuti “dzine ngwavaira,” “dzine ngozi,” “dzinotambudza,” uye “dzakaoma.” (King James Version, Douay, English Revised Version, Moffatt) Vanhu vazhinji nhasi “havana kuzvidzora,” kana kuti “vane masimba masimba.” (2 Timotio 3:1-5; Today’s English Version) Utsotsi hwamasimba masimba, kubatanidza kubata chibharo nokuuraya, nokudaro ndizvo zvinhu zvakaipisisa zvoupenyu nhasi.

Vabereki vako vanozivawo kuti bviro yokupinda kwako muzvinetso inowedzera sezvo maawa amanheru anofambira mberi. “Zvinhu zvakashata zvinogona kuitika usiku zvikuru,” mumwe musikana muduku akabvuma kudaro kuna Mukai!, “uye vabereki vako vari kuedza kukudzivirira.” Imwe pwere yakatsanangura, kuti: “Pashure pepakati pousiku, muna vatyairi vazhinji vakadhakwa mumugwagwa, uye kwakanakisisa kusava munzira navo.”

Asi panewo ngozi dzetsika. Sezvo madekwana anofambira mberi, kuzvidzora kunokombamira kukuderedzwa, uye mufambiro usingadzorwi unowedzera. Nechikonzero chakanaka, ipapoka, Bhaibheri rinobatanidza mufambiro woutere namaawa amadekwana. Pana Isaya 5:11, Mwari akazivisa “nhamo” kuna avo vakanga vachi“swerera kusvikira usiku, kusvikira vapengeswa [newaini, NW].” (Enzanisa na 1 VaTesaronika 5:7.) Naizvozvo vabereki vako vangatya kuti kana ukanonoka kudzoka, pane ngozi yakakura zvikuru yokubatanidzwa kwako mumitambo youpengo, kushandiswa zvisina kufanira kwedoro, kana kuti utere hwevatano. Naizvozvo kana usiri pamba apo vabereki vako vanonzwa kuti unofanira kuvapo, sezvingabvira vanganetseka. Uye vane maruramiro okutsanangurirwa.

Mumwe musikana muduku anoyeuka, kuti: “Kamwe ndakagarisa kuimba yeshamwarisikana yangu. Mai vakanga vasingazivi kwandakanga ndiri, naizvozvo vakauya vachinditsvaka. Vakatanga kufamba-famba munzanga vachidana zita rangu!” Kunokwenudza here? Pasina panikiro. Asi sokutsanangura kwakaita mumwe mai, “ndinozviwana ndimene ndichifunga pamusoro pebviro dzakaipisisa nguva iri yose apo [vanasikana vangu] vanouya pamba pashure pokunge kwasviba.”

Kunoreva Kuti Vanoitira Hanya

Asi zvakadiniko kana mufambiro woutere uri chinhu chiri kure zvikuru nendangariro yako? Zvakadiniko kana uchida kupedza nguva neshamwari dzako? Sezvinobvumwa, kunogona kuva kunovhiringidza kugara pamba apo vamwe vezera rako vanobvumirwa kuenda kunze. Kunogonawo kuva kunokwenudza kutsanangura kushamwari kuti haugoni kuvhakacha nadzo nemhaka yokuti unofanira kukurumidza kusvika pamba. Asi paunofunga pamusoro pako chaizvoizvo, mune zvokwadi yakawanda mukutaura kwepwere inonzi Leslie. Iyo inoti: “Chii chauchaita patwelve [o’clock] chausingagoni kuita pa 8 [kiroko]?” Namamwe mashoko, zvimiro zvizhinjisa zvakanaka zvevaraidzo hazvigoni kufarikanywa mukati mamaawa enguva dzose okushanda here? Naizvozvo kuzvipinzireiko mungozi dzinouya nokunyanyononoka kuva pamba?

Rimwe pfundo rokurangarira: Kusvika pamba usiku kushandiswa kwakanaka kwenguva yako here? Bhaibheri rinokurudzira maKristu, kuti: “Naizvozvo rambai muchisanongwarira kuti mufambiro wenyu urege kuva savasina kuchenjera asi savanhu vakachenjera, muchitenga nguva yakafanira nokuda kwenyu mumene, nemhaka yokuti mazuva akaipa.” (VaEfeso 5:15, 16, NW) Kunze kwezvo, kunonoka kusvikira usiku kuchawedzera basa rako rokuchikoro here kana kuti kukubetsera kupedza mabasa apamba? Kuchadzivisa mano ako okubatikana pamisangano yechiKristu here?

Pakupedzisira, unogona kuedza kurangarira ganhuriro yako seratidzirwo yorudo rwavabereki. Mubhuku rake rinonzi How to Raise Parents, munyori Clayton Barbeau anobvunza, kuti: “Waizofungei kudai ini, somubereki wako, ndikati kwauri, ‘handina basa nazvo kana ukashandisa mirimo kana kuti kunwa kana kuti kusvuta. Handina basa nazvo kana ukatyaira uchimhanya. Handina basa nazvo kuti unonoka sei kusvika. . . .’ Ndaizodai ndichikuudzei? Chokwadika: Ndaizodai ndichiti, ‘Handikudi. Handina basa newe. Haukoshi kwandiri.’” Chokwadi, padzimwe nguva unganzwa uchirwadziwa negodo nokuda kwepwere dzinofarikanya rusununguko rwakawanda. Asi yeuka: “Uyo anorega shamhu yake ari kuvenga mwanakomana wake, asi uyo anomuda ndeuyo anomutsvaka nechirango.”—Zvirevo 13:24, NW.

Muupenyu hwako hwose uchafanira kurarama mukuwirirana nemirairo neganhuriro. Naizvozvo kurambireiko nguva yakapfava yakagadzwa yokusvika pamba? Chokwadi, pane dzimwe nguva nguva dzakagadzwa dzokusvika pamba dzingava dzisina mufungo, uye nyaya inotevera ichakubetsera kubata nomugariro iwoyo. Kazhinji kazhinji, kunyanguvezvo, wakachenjera kubatira pamwe navabereki vako uye kuedza kunzwisisa kunzwa kwavo. Zvirevo 28:7 inoti: “Mwanakomana anonzwisisa anochengeta mutemo.” Zvichida pashure penguva yakati ucharangarira zvinhu sezvinoita mumwe mukadzi muduku uyo anoti: “Ndaisagona kunzwisisa chikonzero nei mai vangu nababa vaindidzivirira kwazvo uye vaitsamwiswa pandainonoka kusvika. Zvino zvandava mubereki ndimene, ndinoziva chikonzero nei mai vangu vaindigarira vachindimirira. Nemhaka yokuti vaindiitira hanya!”

[Mashoko Omuzasi]

a Mazita acho akachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Pwere kazhinji kazhinji dzinotsamwira kufanira kuva pamba nokukurumidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe