RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 6/8 p. 31
  • “Imbwa Dzine Udhemoni” Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Imbwa Dzine Udhemoni” Here?
  • Mukai!—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Vana Vakachengeteka Nembwa Yako Here?
    Mukai!—1997
Mukai!—1992
g92 6/8 p. 31

“Imbwa Dzine Udhemoni” Here?

DENHO dzepit-bull muCanada, England, uye United States dzakaziviswa zvakafara mumakore anoverengeka akapfuura. Nzvimbo dzoKudzora Hosha dzeU.S. dzinoshuma kuti 42 muzana yenzufu 157 dzokurumwa nembwa dzakasimbiswa dzakaitika muUnited States pakati pa 1979 na 1988 dzakabatanidza mapit bull. MuBritain manyuko enhau akanongedzera kuimbwa duku dzepit-bull dzinorura se“Imbwa Dzine Udhemoni.” Magazini inonzi Equinox inoidza imbwa yacho kuti “muchina wokuuraya mukurusa.”

Munzvimbo yeropa isiri yapamutemo yokurwa kwembwa, pit bull inorangarirwa kuva “Nyanzvi yokuuraya imbwa,” nokuda kwesimba rayo, kusvinurira, utsungarari, uye udhemoni. The Globe and Mail reToronto, Canada, rinoti ‘pit bull yakarovedzwa kuti iuraye dzimwe imbwa.’

“Shaya dzayo dzakafanana nevhaisi dzinogona kuita kuvadziko inotyisa padzimwe mhuka uye vanhu, zvikurukuru vana, vasingakwanisi kuzvidzivirira vamene,” rinotsinhira kudaro The Toronto Star. Nhauro dzinotyisa dzedenho dzinobatanidza iya yomusikana wezera ramakore mapfumbamwe akada maawa mashanu okuvhiya kwokutsiva mativi akabviswa echiso chake pashure pokunge agwarabvurwa nepit bull. Mumwe musikana ane makore 13 okukura aida kurapwa kwokurumwa kumeso, pachipfuva, makumbo, chiuno, uye magaro. Mumwe musikana anoratidzira zvipfeko zvezvitayera wezera ramakore 21 akatambura chiso chakagwarabvurwa zvakashata, chichida anenge masitichi 70, apo pit bull yeshamwari yake yakaita chiito kupfurikidza nokuruma paakaedza kutsvoda imbwa. MuEngland murume wezera ramakore 54 akagwarabvurwa nembiri dzeidzi “Imbwa Dzine Udhemoni” uye mhino yake yakagurwa.

Kathleen Hunter, mutarisiri mukuru weToronto Humane Society, akambodavira kuti kupfurikidza nokurovedza kwakafanira pit bull yaizova yakafanana chaizvo neimwe imbwa ipi neipi inotambwa nayo. Zvisinei, zvino anobvuma kuti “pit bull ine simba rinogarwa nhaka rinoiita mhuka isingadeyi kukarirwa. Zvamazvirokwazvo imbwa inodenha . . . , inorovedzwa kuti idenhe pasina kunyandurwa.”a Mutarisiri mukuru webazu ramabasa okudzora mhuka wePublic Health Department reToronto, Jim Bandow, anoti: “Pit bull imbwa inodenha paisingakarirwi. Haungoni kuva nechokwadi chaapo ichadenha.”

Vaiti vemitemo vari kuedza kugadzikisa chinetso kupfurikidza nokugadza uye kugombedzera mhatsa yemitemo. Varidzi vepit-bull muEdmonton, Canada, vanodikanirwa kufamba ne$2 500 000 iri muinishuwarenzi inodzivirira kumangarirwa uye vachibhadhara muripo werezinesi we$500. MuWinnipeg, Canada, hakuna mapit bull matsva anobvumirwa mukati meganhuriro dzeguta, uye varidzi vanofanira kusunga imbwa nebanhire uye kusunga miromo yembwa dzavo uye kuratidzira chibvumikiso cheinishuwarenzi inodzivirira kumangarirwa ye$1 500 000. Paramende yeBritain yakabudisa mutemo une zvisungo zvimwe chetezvo nokuda kwavaridzi vamapit-bull. Kuputswa kwomutemo kunogona kuguma nefaindi nokutongerwa mujere.

Mukuwirirana noMutemo waMwari wakapiwa kuna Israeri wakare, mhuka dzine ngozi dzaifanira kurindwa. Kana mhuka ine ngozi ikabvumirwa kufamba yakasununguka, muridzi aigoverana mutoro nokuda kwekuvadziko yayaiparira. Kana mhuka ikaparira rufu rwomunhu, muridzi aizova nemhaka yeropa, uye ikoko kwaigona kumutorera upenyu hwake. (Eksodho 21:29) Nokuda kwechinotaurwa muMutemo waMwari, yaizova nzira youchenjeri kuti maKristu aite nhano dziri madikanwa kuti adzivise imbwa dzinodenha, dzisingakarirwi kana kuti kusarudza kusadzichengeta.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kweimwe tsananguro ine udzame yaikoku, ona Mukai! yechiNgezi yaMarch 22, 1988, peji 25.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe