“Kuitira Kuti Pagorega Kuva Nechinhu Chinopambadzwa”
Yakanyorwa nomunyori waMukai! muGhana
NDAKASANGANA naye pashopu yake duku muLabadi, sabhabhu yeAccra, achisaha uye achirongedzera mutoo wokushanda nawo neratidziro inoshamisa yesimba. Zita rake ndiAdams Akuetteh. Ane makore 70 okukura uye ave ari muvezi kwamakore 50 apfuura.
Apo ini ndakamubvunza icho iye airangarira kuva pfundo guru rebasa rake rokuveza, nokukurumidza akati makore mana aakapedzera pabasa rokuvaka zvivako zvitsva zvebazu zveWatch Tower Society paNungua, Ghana. Ikoku kwakanga kuri kubvira pana 1984 kusvikira kuna 1988.
“Chii chawakanga uchiita panzvimbo yokuvaka?” ndakabvunza kudaro.
“Ndaishanda pazvimiro zvekongiri uye ndaibetsera vaturiki vedenga.”
“Unoratidzika kuva unoyeukwa zvikuru,” ndakakarakadza kudaro, “pamusoro pomugove wezvipikiri panzvimboyo.”
“Ah, hungu, zvipikiri. Zvipikiri zvinodhura muGhana, unozivaka. Mumazuva iwawo paundi [hafu yekirogiramu] yezvipikiri yaibvira pamadhora maviri kusvikira kumadhora matatu. Naizvozvo ndakati kwandiri ndimene, ‘Hatingagoni kushandisazve zvimwe zvezvipikiri here? Ndichaedza.’
“Nokudaro ndakatanga nhano yokutanga yangu ndimene uye panguva yangu ndimene. Apo mutarisiri webasa akandiona, akafara. Akandigovera kwechigarire kuita basa irero. Nokudaro kwamakore mana, ndaitsvaira nzvimbo mangwanani ari ose ndichiunganidza zvipikiri zvairasika. Ndaisanobvisa chipi nechipi chandaiwana mupuranga kana kuti zvimiro zvakagurunurwa.”
“Wairasa here zvakagomara nezvakakombama?”
“Aiwa. Zvakagomara zvaishandiswazve pamapuranga akapfava, kana kuti dhuriri raiboora buri kuti zvishandiswezve pamapuranga akaoma. Ndaisanotwasanudza zvakakombama nesando.”
“Hauna kuwana iri basa kuva rinonetesa nerinofinha here?”
“Muduku biyangu angadaro, asi ini handina. Mutarisiri webasa akandiudza kuti basa rangu rakanga richichengetedzera Sosaiti mari, mari yaJehovha, naizvozvo ndakafara. Wakanga uri mufaro chaiwo kwandiri kuona mirwi yamarudzi akasiana ezvipikiri zvinonongwa ichiwedzera. Uye ndaizotaura ndimene kuti, ‘Aha! zvino ndava mberi kwavaturiki vedenga!’ Asika ipapo mirwi yainyangarika. Vaizodanidzira nokuda kwezvimwe vari pamusoro pedenga! Nokudaro ndaitangazve kutsvaka nesimba rose.”
“Chii chauri kuita zvino sezvo basa rokuvaka rapera?”
“Ndavazve muushumiri hwenguva yakazara, ndichimirira kutozosvikira wauya kuzovaka futunuko pabazu reGhana. Ipapo ndichavapo, ndichinonga zvipikiri uye ndichichengetedza mari—nomufaro.”
Kwamakore mana akaita icho vamwe vaizorangarira kuva basa rakaderera. Asi rakanga risingatongorangarirwi kudaro naAdams Akuetteh, “mutwasanudzi wezvipikiri zvebazu reGhana.” Nomufaro akaita kuti zvipikiri zvishandiswezve kuchengetedza mari yaJehovha!
Ikoko kwakangawo kuri kufunga kwaJesu. Kunyange zvazvo akanga ane simba rezvishamiso risina kuganhurirwa rokuti awanziridze zvingwa, pashure pokudya kumwe akati: “Unganidzai zvimedu zvasara, kuti pagorega kuva nechinhu chinopambadzwa.”—Johane 6:12, NW.
[Mufananidzo uri papeji 32]
Adams Akuetteh, “mutwasanudzi wezvipikiri zvapabazu reGhana”
Kana pashure pokurava iyi magazini, une mibvunzo ipi neipi yeBhaibheri, tapota inzwa wakasununguka kuonana neZvapupu zvaJehovha paHoro yoUmambo munharaunda yenyu, kana kuti kunyorera vabudisi vamagazini ino. (Ona peji 5.)