RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 7/8 pp. 3-4
  • Vakadzi—Vanoremekedzwa Here Nhasi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakadzi—Vanoremekedzwa Here Nhasi?
  • Mukai!—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Vakadzi—Vanoremekedzwa Here Pamusha?
    Mukai!—1992
  • Nguva Yemberi Inei Nokuda Kwavakadzi?
    Mukai!—1998
  • Mwari Ane Hanya Nevanhukadzi Uye Anovaremekedza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mwari Ane Hanya Nevanhukadzi Zvechokwadi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 7/8 pp. 3-4

Vakadzi—Vanoremekedzwa Here Nhasi?

NEIKO uyu mubvunzo uchifanira kumbomuka? vamwe vanhurume vanoshamisika vangabvunza kudaro. Asi patinonzvera kubatwa kwavakadzi munhau yose, uye mumazuva ano munyika yose, mibvunzo mishomanene yakapfava inotipa nhungamiro yokuwana mhinduro.

Muukama hwavanhu, ndivanaani zvikurukuru vave vari vanyajambwa uye ndivanaani vadzvinyiriri? Ndivanaani zvikurukuru vave vachirohwa muroorano? Varume here kana kuti vakadzi? Ndivanaani vave vachibatwa chibharo munguva dzorugare nedzehondo? Ndivanaani vave vari vanyajambwa vakuru vokubatwa zvisina kufanira kwavana muvatano? Vakomana here kana kuti vasikana? Ndivanaani vave vachiiswa kazhinji kazhinji nemitemo inoitwa nomunhu kuhugari hwemo hweboka rechipiri? Ndivanaani vave vachinyimwa maruramiro okuvhota? Ndivanaani vave vane banza rakaganhurirwa nokuda kwedzidzo? Varume here kana kuti vakadzi?

Pangagona kuva nemimwe mibvunzo mizhinji, asi maidi anoratidzira mugariro wechokwadi. Mubhuku rake rinonzi May You Be the Mother of a Hundred Sons, Elisabeth Bumiller anonyora, rakavakirwa pazvinoitika zvake muIndia, kuti: “Mukadzi weIndia ‘chaiyeiye’, anomirira inenge 75 muzana yavakadzi vana mamirioni mazana mana navanakadzi muIndia, vanogara mumusha. . . . Iye haagoni kurava kana kuti zvimwe kunyora, kunyange zvazvo iye angada kudaro, uye haana kuwanzofamba [makiromita ana makumi matatu] kubva panzvimbo yaakaberekerwa.” Uyu musiano mudzidzo chinetso kwete bedzi muIndia asi munyika yose.

MuJapan, somune dzimwe nyika, musiano uchipo. Mukuwirirana neThe Asahi Yearbook ra 1991, chiverengero chavadzidzirume mukosi dzamakore mana dzapayunivhesiti i 1 460 000 nepo icho chavanhukadzi chiri 600 000. Pasina panikiro, vakadzi munyika yose vanogona kupupurira kumabanza avo akaderera mune zvedzidzo. ‘Dzidzo ndeyavakomana’ ndicho chimiro chendangariro chavakanga vachitofanira kunangana nacho.

Mubhuku rake remisi ichangobva kupfuura iyi rinonzi Backlash—The Undeclared War Against American Women, Susan Faludi anobvunza mibvunzo yakakodzera pamusoro pomugariro wavakadzi muUnited States. “Kana vakadzi veAmerica vakaenzana zvikuru navarume, neiko vachimirira mativi maviri ezvikamu zvitatu zvavakura vose varombo? . . . Neiko sezvingabvira zvikuru vachiri vanogara mudzimba dzisina kutsarukana kupfuura varume uye vasingawani inishuwarenzi youtano, uye sezvingabvira vasingawani mudyandigere nakanopfuura kaviri?”

Vakadzi zvikurukuru vave vari ivo vakatambura zvikurusa. Ndivo vave vari chipfuro chikuru chokushatirirwa, kudenhwa, kunetswa kwavakadzi, uye kushaiwa ruremekedzo kunoparirwa navarume. Uku kubatwa zvisina kufanira hakuna kutongoganhurirwa kudzinonzi nyika dzichiri kubudirira. Dare Rokutonga reDare reU.S. misi ichangobva kupfuura iyi rakaunganidza mushumo pamusoro pamasimba masimba okurwisana navakadzi. Rakazivisa mamwe maidi anokatyamadza, “Maminiti 6 ari ose, mukadzi anobatwa chibharo; masekondi 15 ari ose, mukadzi anorohwa. . . . Hakuna mukadzi asingatapurwi noutsotsi hwamasimba masimba munyika ino. Pavakadzi veAmerica vapenyu nhasi, vatatu muvana vachava vanyajambwa vohunenge hutsotsi humwe hwamasimba masimba.” Mugore rimwe chete, kubvira pavakadzi vatatu kusvikira kumamirioni mana vakabatwa zvisina kufanira navarume vavo. Wakanga uri uyu mugariro unosuruvarisa wakaparira kubudiswa kwaMasimba Masimba Anorwisana Nomutemo Wavakadzi wa 1990.—Mushumo weDare, The Violence Against Women Act of 1990.

Zvino ngatinzverei mimwe yemigariro iyo vakadzi vakatsungirira kushaikwa kworuremekedzo runobva kuvarume kupota nyika yose. Ipapo, munhau mbiri dzokupedzisira munhevedzano ino, tichakurukura kuti kuremekedzana kunogona kuratidzwa sei navarume navakadzi mumigariro yose youpenyu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe