Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Mwari Anopindura Minyengetero Yangu Here?
“NDINODA kuziva kana Jehovha ari kupindura minyengetero yangu,” anodaro Sandra wamakore 11 okukura, “nemhaka yokuti handina chokwadi kana ari kudaro. Ndinoziva dzimwe pwere dzakawanda dzine chinetso chimwe chetecho.” Alyssa wamakore gumi namashanu okukura akambova nechinetso chakafanana chomunyengetero. “Ndaiwanzonzwa kuti ndakanga ndichitaura kwandiri ndimene,” anobvuma kudaro.
Mukuwirirana nokunzvera kweGallup kwa 1988, 87 muzana yavachiri kuyaruka muUnited States vakanyengetera pane imwe nguva, asi vasingasviki hafu vanoita kudaro nguva dzose. Sezvinooneka vamwe vanonzwa kuti minyengetero yavo haisati zvayo iri kupindurwa. Padzimwe nguva, ungava nokunzwa kwakafanana kuti hapana munhu ari kuteerera minyengetero yako. Bhaibheri rinotipikira, kunyanguvezvo, kuti apo mumwe munhu anoita munyengetero wapachokwadi wokutenda, “Munzwi womunyengetero” ari kuteerera! (Pisarema 65:2, NW) Asi unoziva sei kuti haasati ari muteereri asingaiti chiito—anonzwa zvakanaka asi achiita zvishoma kana kuti kusaita chinhu mukupindura?
Pashure pokuidza Mwari Munzwi womunyengetero, wezvamapisarema akati: “Mukururama kwenyu munotipindura nezvinhu zvinotyisa, imi Mwari muponesi wedu.” (Pisarema 65:5; enzanisa naPisarema 66:19, 20.) Neiko, ipapoka, vamwe vachinzwa kuti minyengetero yavo haipindurwi?
Zvidziviso Zveminyengetero
Chikonzero chingava kushaikwa kwoukama chaihwo naMwari. Dzimwe pwere dzinopanikira kuvapo kwake kumene. Dzimwe dzinodavira asi dzinomurangarira somunhu ari kure, akaoma kunzwisisa. Munyengetero unova chiito—chokupedzisira chinoitwa apo zvimwe zvose zvinenge zvakundikana mumigariro inonetsa zvikuru. “Ndinodavira Mwari,” inotaura kudaro imwe pwere yeKaturike. “Apo ndinova muchinetso, apo ndinoda betsero, nguva dzose ndinokumbira betsero Yake.” Imwe pwere yakakutaura nenzira yakajeka, kuti: “Dzimwe nguva ndinonyengetera bedzi apo ndinoda zvomenemene chimwe chinhu.”
Zvisinei, munyengetero unofanira kuva ratidziro yokutenda, kuremekedza, kuzvipira, uye kuvimba—kwete chishuvowo zvacho chokupererwa nezano kana kuti choudyire. Uye hakuna kukwana kunyengetera nemhaka yokuti unofunga kuti Mwari angavapo. “Iye unouya kuna Mwari,” rinodaro Bhaibheri, “unofanira kutenda kuti iye uripo, uye kuti unopa vanomutsvaka mubairo wavo.” (VaHebheru 11:6) Vapanikiri havapindurwi minyengetero yavo. (Jakobho 1:6-8) Jehovha anoteerera avo vakasvika pakumuziva nokumuda; havachengeteri minyengetero migariro inonetsa. Sokupangira kunoita 1 VaTesaronika 5:17, vano“ramba vachinyengetera,” kana kuti sokutaura kunoita An American Translation, hava“tongoregi kunyengetera.”
Kunosuruvarisa kutaura, dzimwe pwere dzechiKristu dzakaziva Jehovha asi hadzina chaizvoizvo kukudziridza ukama naye. (Pisarema 25:14) Minyengetero yadzo inokombamira kuva mishomanene uye yapanhambo dziri kure, isiri yomwoyo wose, uye somuuyo haipindurwi. Ikoku kungava chokwadi nezveminyengetero yako here? Kana zvakadaro, “swederai kuna Mwari” kupfurikidza nokumuziva. (Jakobho 4:8) Alyssa muduku, adudzwa pakuvamba, akanga achipanikira pamusoro paJehovha. Asi fundo yomunhu oga yeBhaibheri pashoma napashoma yakabvisa panikiro dzake ndokumubetsera kutanga ukama naMwari.
Chimiro chendangariro chomunhu nomufambiro zvinogonawo kuva zvidziviso zvikuru zvomunyengetero. Wezvamapisarema akati: “Kana ndikarangarira zvakaipa mumwoyo mangu, [Jehovha, NW] haangandinzwi.” (Pisarema 66:18; Zvirevo 15:29) Kwaizova kune mufungo kukarira Mwari kupindura minyengetero yako kudai waiita zvinhu zvakamutsamwisa—kudai wakashandisa mirimo, wakasvuta, wakateerera nziyo dzinonyadzisa, kana kuti wakapinda muutere hwevatano? Nyangwe. Jehovha naizvozvo anoramba minyengetero yaavo vanorarama upenyu huviri, hwokunyengera ‘vachivanza zvavari.’ (Pisarema 26:4) Iye anoteerera bedzi munhu ari “kufamba asina mhosva, unotaura zvokwadi mumwoyo make.” (Pisarema 15:1, 2) Naizvozvo kana ukanzwa kuti uri kutaura kwauri umene apo unonyengetera, nzvera upenyu hwako. Zvimwe unoda kuita chinjo dzakati.
Kushatisa Munyengetero
Zvinhu zvorudzii zvaungakumbira kuna Mwari? Jesu akatipikira, kuti: “Kana mukakumbira Baba chinhu chipi nechipi vachachipa kwamuri muzita rangu.” (Johane 16:23, NW) Iroro ishoko rinofadza—chinhu chipi nechipi! Mwari zvomenemene akagadzirira kuteerera kufanana norudzi rwakati rwomudzimu wesimba here? Achapindura chikumbiro chako chiri chose, kunyange zvisingakoshi here? Jesu akataura mashoko ake maawa bedzi pamberi porufu rwake runorwadza. Zvirokwazvo akanga asingarangariri itiro hanya dzoupenzi! Jakobho 4:3 naizvozvo inonyevera kushatisa munyengetero. Iyo inoti: “Munokumbira, musingapiwi; nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muparadze pakuchiva kwenyu.”
Vazhinji nhasi vanoshatisa ropafadzo yomunyengetero. Rimwe boka rechikoro rebasketball raipfugama pakati penhandare yebasketball ndokudzokorora munyengetero pashure pomutambo mumwe nomumwe. Asi zvomenemene unofunga kuti Mwari mutsigiri webasketball kana kuti aizokombamira kupindira mumutambo wamakwikwi here? (Enzanisa naVaGaratia 5:26.) Kana kuti zvakadini nezvomukadzi anoshumwa kunyengeterera shangu? “Dzimwe nguva chitoro cheshangu chingava neshangu imwe kana kuti mbiri dzasara dzandinokwana,” iye anodaro, “uye kana ndisina mari panguva iyoyo chaiyo, ndinokumbira Mwari kuti ndive nechokwadi chokuti dziripo pandinodzoka.” Zvino, ndichimwe chinhu kunyengetera nokuda kwokushaiwa—uye ndichimwe zvikuru kukarira Mwari kundokutengera.
Nenzira yakafanana, kwaizova kusina kukodzera—uye kusina mufungo—kunyengetera kuna Mwari kuti akudzivisire chirango chakafanira kana kuti tsiuro. (VaHebheru 12:7, 8, 11) Uyewo haungavi nebudiriro huru uchikumbira Mwari kukupa magiredhi akanaka pabvunzo iyo wakaita zvishomanene kana kuti usina kutongoita chinhu nokuda kwokugadzirira.—Enzanisa naVaGaratia 6:7.
Minyengetero “Mukuwirirana Nokuda Kwake”
Muapostora Johane anotsanangura pfundo rinokosha pamusoro pomunyengetero: “Ndiko kusatya, kwatinako kwaari, kuti kana tichikumbira chinhu [mukuwirirana nokuda kwake, NW] unotinzwa.” (1 Johane 5:14) Munyengetero womuenzaniso waJesu (Munyengetero waShe) unoenzanisira zvimwe zvezvinhu munyengetero wakadaro ungabatanidza. Iye akanyengeterera (1) zita raMwari kuti ritsveneswe, (2) Umambo hwaMwari kuti huuye, (3) kuda kwaMwari kuti kuitwe, (4) kugoverwa kwezvinodikanwa zvokunyama nezvomudzimu, uye (5) betsero mukudzivisa misungo yaSatani.—Mateo 6:9-13.
Mune iyi gadziriro mune nhau dzakakodzera dzakawanda dzomunyengetero. Zvamazvirokwazvo, 1 Petro 5:7 inokurudzira maKristu ku‘kandira kufunganya kwawo kwose pana Mwari, nokuti iye anovatarisira.’ Ikoko kunoreva kuti kwakakodzera kunyengeterera rutivi runokosha rwuri rwose rwoupenyu hwedu. Unofanira kuita chisarudzo, chakadai sokusarudza zvidzidzo zvako zvechikoro here? Nyengeterera uchenjeri hwoumwari. (Jakobho 1:5) Wakaita chikanganiso choupenzi here? Ipapo kumbira kanganwiro yaMwari.—Isaya 55:7; 1 Johane 1:9.
Asi unofanira kuita mutsinhirano nomunyengetero wako. Rangarira Clint muduku. Iye akava muevhangeri wenguva yakazara pashure pokupedza chikoro chapamusoro (sekondari). Kwemwedzi yakati haana kuwana munhu upi noupi aifarira kufunda Bhaibheri. Naizvozvo akaiita nhau yomunyengetero. Haana kumirira mudzidzi weBhaibheri kuvapo nenzira yenenji pasina nhamburiko kwaari, zvisinei. Iye akapfuurira nenzira yokushingaira kugoverana muushumiri hwapaimba neimba, uye mukufambira mberi kwenguva akawana chiverengero chavanhu vaidisa kufunda Bhaibheri.
Nzira Iyo Mwari Anopindura Nayo
Dzimwe nguva chiito chomunyengetero icho chimene chinobetsera. Sandy muduku ainetseka nechinetso chebonhora. Iye anoti: “Kunyengetera uye kudana pana Jehovha kunondibetsera nemhaka yokuti ndinoziva kuti pashure pokumukumbira kundibetsera kusaita bonhora, ndinoita zvakanaka kusariita.”
Padzimwe nguva, kunyanguvezvo, kunoratidzika kuti Mwari anosunda zvinhu kupindura minyengetero. Ken muduku aida pane imwe nguva kuenda kuHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha kuti anokurukura hurukuro pfupi yeBhaibheri yaakanga agoverwa. Zvisinei, hapana munhu akanga achikwanisa kumupa chokufambisa. Akanyengetera pamusoro penhau yacho zvakasimba. Maminiti mashomanene gare gare hanzvadzi yake, iyo yaisawanzoshanya, yakasvika. Kunyange zvazvo aisafarira rudzidziso rwake, akamupa chokufambisa. Imhinduro yakananga kumunyengetero wake here? Zvimwe. Muchinoitika chipi nechipi, kwakakodzera nguva dzose kutenda Mwari apo zvinhu zvinotinakira. Pauro anopangira, kuti: “Pamusoro pechinhu chiri chose ipai kuonga.”—1 VaTesaronika 5:18.
Usakarira Mwari kupindura minyengetero yako munzira yakati yenenji, kunyanguvezvo. Uyewo haufaniri kududzira chinhu chiduku chiri chose chinoitika kwauri seratidzirwo yokuda kwoumwari. Minyengetero yedu inowanzopindurwa munzira dzakati sianei: Unorava chimwe chinhu muBhaibheri kana kuti mubhuku reBhaibheri; mubereki kana kuti muKristu biyako anokugovera zano rakanaka. Sezvinobvumwa, kungada nzwisiso kusarudza chiri kuda kwaMwari nokuda kwako. Zvinhu zvinowanzogadzikiswa mukufamba kwenguva.
Hungu, nguva! Usakarira Mwari kugovera mhinduro apo unonzwa kuti anofanira kudaro. “Zvakanaka kuti munhu avimbe naJehovha, amirire ruponeso rwaJehovha anyerere,” akanyora kudaro Jeremia. (Mariro 3:26) Uyezve, hausimbisirwi kugamuchira mhinduro yaunoda. Muapostora Pauro akakumbira Mwari katatu kubvisa chinetso chaakadana kuti “munzwa munyama.” Mhinduro Mwari yaiva aiwa. (2 VaKorinte 12:7-9) Pauro haana, zvisinei, kurasikirwa nokuonga kwake chipo chomunyengetero asi akapfuurira mubasa raJehovha. Ndiye akanyora, kuti: “Tsungirirai pakunyengetera.” (VaKorose 4:2) Naizvozvo “rambai muchikumbira, . . . rambai muchitsvaka, uye . . . rambai muchigogodza.” (Mateo 7:7, NW) Uchaswedera pedyo naMwari kupfurikidza nokuita kudaro, uye ungagamuchira zvakanaka mhinduro dzeminyengetero yako.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Munyengetero haufaniri kuva zvikumbiro zvisingakoshi nokuda kwezvinodikanwa zvokunyama