RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 11/8 pp. 27-29
  • Zvakadiniko Kana Mubereki Wangu Akatinyadzisa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakadiniko Kana Mubereki Wangu Akatinyadzisa?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Haisati Iri Mhaka Yako!
  • Kuzvibvumikisa Umene Kuva Akasiana
  • Kubata Nemirangariro
  • Ko Kana Mubereki Wangu Akapindwa Muropa Nezvinodhaka Kana Kuti Nedoro?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndinogona Sei Kukurira Rufu Rwababa?
    Mukai!—1994
  • Neiko Amai Vari Kurwara Zvikuru?
    Mukai!—1999
  • Nei Mubereki Wangu Asingandidi?
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 11/8 pp. 27-29

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Zvakadiniko Kana Mubereki Wangu Akatinyadzisa?

BABA vaJacob vaichimbova mutariri wechiKristu anoremekedzwa mune imwe nyika yeAfrica. Asi apo vakasiya amai vaJacob kuti vandogara nomumwe mukadzi, baba vaJacob vakadzingwa muungano yechiKristu. Zvinhu zvakanyanya kushata apo ivo vakavamba kunwa zvakasimba. “Mune uyu mugariro,” anoyeuka kudaro Jacob, “vaiuya kuchikoro ndokundikwenudza pamberi pavadzidzisi vangu nevomuchikoro biyangu.”a

Imwe pwere yeAfrica, iyo tichadana kuti David, nenzira yakafanana yakaona baba vayo vachidzingwa muungano yechiKristu somuiti wechakaipa asingapfidzi. “Ndaisagona kukudavira,” anodaro David. “Nguva dzose ndaitarira kwavari somuenzaniso wangu. Rutyo rwangu rukurusa rwaiva rwokuti hapana munhu aizosonganirana nemhuri yomunhu wakadzingwa.”

Apo mubereki anozvidzisa zita remhuri kupfurikidza nokuva anobatanidzwa mumufambiro unonyadzisa, kana kuti kunyange kupfurikidza nokuva anosungwa, hakusi kwechienzi kunzwa uchinyadziswa, wadukupiswa, uye uchitya nguva yemberi. Dzimwe nguva unganzwa sowezvamapisarema uyo akanyora, kuti: “Zuva rose kuzvidzwa kwangu kuri pamberi pangu, kunyara kwechiso changu kwakandifukidza.”—Pisarema 44:15.

Somuuyo womufambiro womubereki wako, unganzwa usina maturo uye wakwenudzwa paunova neshamwari navazivikanwi. Vamwe vavo nenzira yakafanana vangaratidzika kuva vasingafari kana uripo. Pwere dzakati dzine utsinye dzingatofarira kukuseka pamusoro pomugariro womubereki wako, kana kuti vakura vangakunyevera zvakakomba kuti ungasanoguma nenzira imwe cheteyo.

Haisati Iri Mhaka Yako!

Kutaura kwakakurumbira munguva dzakare kwakazivisa, kuti: “Vabereki vakadya mazambiringa anovava, asi vana vakawana kuvava kwacho.” (Ezekieri 18:2, Today’s English Version) Pwere nhasi dzinganzwa nenzira yakafanana kuti dziri kuitwa kuti dziwane miuyo yokusazvibata kwomubereki wadzo. Pashure pokunge baba vake vadzingwa muungano, David muduku akanzwa akuvadzwa zvikuru mundangariro uye akashamisika kana Mwari akanga ari kumuranga.

Asi akanga ari kudaro here? Chokwadi, Mwari akanyevera rudzi rwaIsraeri kuti akanga achi“rova vana nokuda kwezvivi zvamadzibaba avo.” (Eksodho 20:5) Pane imwe nguva, somuenzaniso, Jehovha akatumira rudzi rwose muutapwa muBhabhironi riri kure. Nepo ikoku kwakanga kuri zvikurukuru nemhaka yokusazvibata kwavakura, utapwa pasina panikiro hwakaunza zvakaoma pavana vechiIsraeri. Zvisinei, Mwari akapfuurira kuda pwere dzechiIsraeri, dzakadai saDhanieri uye shamwari dzake, avo vakapfuurira kumunamata nokutendeka.—Dhanieri 3:28, 30.

Naizvozvo nepo kukanganisa kwomubereki wako kungakuparira kusuruvara kukuru namarwadzo, haufaniri kutya kuti warasikirwa nenyasha dzaMwari kana kuti chikomborero. Rangarira mashoko aJehovha ari pana Ezekieri 18:14, 17 ayo akatevera mashoko anokorwa pakuvamba anotaura pamusoro pamazambiringa anovava: “Tarira, kana akabereka mwanakomana, unoona zvivi zvose zvababa vake, zvavakaita, akazviona hake, akasaita zvakadai; . . . iye haangafi nokuda kwezvakaipa zvababa vake, zvirokwazvo uchararama.”

Cherekedza, kunyanguvezvo, kuti kuitira kuti urambe uchirarama, unofanira kutevera nzira yakasiana neiyo yakateverwa nomubereki wako akatsauka. “Munhu mumwe nomumwe ngaaidze basa rake amene,” rinokurudzira kudaro Bhaibheri, “ipapo ungazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe.”—VaGaratia 6:4.

Kuzvibvumikisa Umene Kuva Akasiana

Rangarira, somuenzaniso, mambo muduku waJudha wakare ainzi Josia. Vose vari vaviri baba vake nasekuru vake vaiva vanamati vezvidhori vakakurumbira. Bva, Josia amene “akaita zvakarurama pamberi paJehovha.” (2 Madzimambo 21:19, 20; 22:1, 2) Baba vamambo Hezekia, Ahazi, vakanga vari mumwe mambo akagadza muenzaniso wakashata zvikuru. Ahazi akapfiga masuo etembere yaJehovha ndokupa vanakomana vake amene muchibairo kuna mwari wechihedheni! (2 Makoronike 28:1-3, 24, 25) Hezekia, kunyange zvakadaro, akabvumikisa kuva akasiana nababa vake. Pazera ramakore 25 akavamba kutonga uye nokukurumidza akavamba kudzorera kunamata kwechokwadi muna Judha.—2 Madzimambo 18:1-5.

Vanakomana vaKora vakagadza muenzaniso wakafanana. Pamberi pokupinda muNyika Yakapikirwa kworudzi rwaIsraeri, Kora, muRevhi akakurumbira, akatungamirira kupandukira Mosesi naAroni. Chimurenga chacho, zvisinei, chakakurumidza kuparadzwa apo Kora navateveri vake vakaurawa nokudengenyeka kwapasi uye nemwoto wakabva kudenga. Nenzira inofadza, kunyanguvezvo, vanakomana vaKora vakapukunyuka. (Numeri 26:9-11) Kunoratidzika kuti havana kutsigira baba vavo mune uku kupandukira. Pasina panikiro ava vanakomana vaKora vakanzwa vanyadziswa nenzira yakaipa yababa vavo. Asi Jehovha akakomborera vazukuru vaKora nemhaka yokuti vakaomerera kuMutemo wake. Pakati pokutaura kwakanaka zvikurusa kunowanwa muBhaibheri pane mashoko akanyorwa navanakomana vaKora.—Ona Pisarema 45, 48, 84, 85, 87, uye 88.

Kufanana naJosia, Hezekia, uye vanakomana vaKora, pwere dzechiKristu dzakawanda nhasi dzakabvumikisa kuva dzakasiana navabereki vadzo vakatsauka. Rangarira mumwe achiri kuyaruka watichadana kuti Maxwell. Vabereki vake vaichimbova Zvapupu zvakatendeka zvaJehovha asi vakava vawi pakutenda vanoshora chiKristu. Pane imwe nhambo vabereki vake vakatakura zvikwangwani uye ndokuratidzira vari kunze kwenzvimbo yekokorodzano yechiKristu iyo Maxwell akanga ari kupinda. “Kwakanga kuchikwenudza zvikuru,” iye anotsanangura kudaro. “Vamwe vakanga vasingazivi kuti vakanga vari vabereki vangu vakati kwandiri, ‘Waona here mafuza avawi pakutenda ari kunze’” Zvisinei, Maxwell haana kutevera nzira yokupandukira yavabereki vake. Uye netsigiro yemimwe mitezo yemhuri yakatendeka uye vamwe vasonganiri vechiKristu, ave achikwanisa kugonana nokunzwa kwokukwenudzwa nenyadzi.

Maxwell, Jacob pamwe chete naDavid (vadudzwa pakuvamba) vose vakakurira zvamazvirokwazvo mugariro wavo wemhuri. Vose pari zvino vanobatira savashumiri pahofisi yebazu yeWatch Tower Society muAfrica. “Ndinoziva kuti ndingafanirazve kunangana nokukwenudza kunobva kuvabereki vangu munguva yemberi,” anodaro Maxwell, “asi ndinozivawo kuti kana ndikatsamira pana Jehovha, iye achandipa simba rokutsungirira.”

Kubata Nemirangariro

Betsero ingadikanwa zvikurukuru kuti ugonane nokunzwa kwenhamo kwakaparirwa nomufambiro unonyadzisa womubereki wako. “Apo ndinoona amai vangu [vakadhakwa],” anonyora kudaro Charmaine wamakore 15 okukura, “Kunoita sokunge kuti chimwe chinhu mukati mangu chiri kufa . . . Ndinotsamwa zvikuru . . . Shamwari dzangu hadzitongofaniri kuziva pamusoro pechinetso chaamai vangu, nemhaka yokuti ndichiri kuzviremekedza.” (Alcohol Abuse—The Incredible Lie! rakanyorwa naHenri Naudé) Chirevo chokuEngland chinotiyeuchidza, zvisinei, kuti “kutaura pamusoro pechinetso kunokuita kuve nyore kutsungirira.” Kutanga, chinetso chomubereki wako chingava chavazhinji. Naizvozvo kuchibatirei sechakavanzika chisingatauriki? Uye kunyange uko nzwisiso yakapararira, kune mufungo here kubvumira kunzwa kwako kwakashata kuchikura? Hakungabetseri here kuwana muKristu akakura mumudzimu waunogona kutaurira? Nenzira iyoyi ungagona kugamuchira mashoko akanaka ekurudziro.—Zvirevo 12:25; 16:24.

Kurangarira nheyo dzeBhaibheri ndeimwe nzira inobudirira yokubata nayo nemifungo yakashata. Jacob anobvuma, kuti: “Zvinhu izvo baba vangu vakaita zvakatanga ruvengo mumwoyo mangu nokuda kwavo.” Zvisinei, ruvengo harusati ruchivandudza mugariro wacho, uye harusati ruri mutsinhirano nomurairo weBhaibheri wokukudza baba vako namai. (VaEfeso 6:1-3) Panzvimbo pokuvenga mubereki wako pachako, unofanira kuva noruvengo rwakanaka rwechakaipa chomubereki wako. (Enzanisa naZvirevo 8:13; Judhasi 23.) Kwakatofanira kuteerera uye kuratidza ruremekedzo nokuda kwomubereki akatsauka. Kuratidzira nokuratidza rudo rwako runopfuurira kungabetsera kuita kuti mubereki aite chinjo dzinodikanwa.

Jacob muduku akanga ane chimwe chinetso chenguva dzose—kombamiro yokuzvienzanisa amene nedzimwe pwere dzine mugariro waiva nani. Zvisinei, iye akasvika pakuziva kuti kufunga kwakadaro kwakanga kusingabatsiri zvakadini. “Panzvimbo pokufungisisa mirangariro yakadaro,” anodaro Jacob, “kunobetsera zvikuru kupa ngwariro pamusoro penzira dzokugonana nadzo nomugariro wacho.” Jacob akawana kuti kurava mabhuku eBhaibheri uye kufungisisa panzira youpenyu hwamaKristu akatendeka kwakanga kuri betsero huru.

Songaniro yapedyo neungano yechiKristu inogonawo kubvumikisa kuva betsero. Ikoko unogona kuwana “hama nehanzvadzi uye vanamai” vomudzimu. (Marko 10:30) David muduku aitya kuti mitezo yeungano ingamudzivisa nemhaka yokudzingwa kwababa vake. Asi akawana kuti kutya kwake kwakanga kusina kururamiswa zvikuru kwazvo. “Muungano,” iye anotsanangura kudaro, “hatina kuitwa kuti tinzwe savasina vokwavo, sezvandaifunga kuti ndozvazvaizoita. Shamwari dzichiri kutishanyira. Kwose ikoku kwakandipwisa kuti ungano inoitira hanya zvomenemene.”

Hapana panikiro kuti kuva nomubereki akatsauka kunogona kuva kunorwadzwa nokunoparadza. Asi haufaniri kuora mwoyo. Funga pamusoro pezvinoitika zvaavo vadudzwa muno. Tsvaka betsero yeshamwari dzine rudo. Usaratidza kusaremekedza vabereki vako; nzira yako yokutendeka pakupedzisira ingavaparira kuchinja. (Enzanisa na 1 Petro 3:1, 2.) Uye pasinei zvapo nechinoitika, yeuka kuti kumira kwako pamberi paMwari hakutsamiri pamufambiro wavabereki vako. Kunotsamira pauri!

[Mashoko Omuzasi]

a Mazita ari munyaya ino akachinjwa.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Haufaniri kutevera nzira yokutsauka yomubereki wako

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe