Nyika Inokwezva Yevaraidzo
HOLLYWOOD! Pasinei hapo nokwaunogara munyika, zvimwe zita irero rinoyeuchidza mifungo yamabhaisikopo nevaraidzo. Ichitumidzwa nomutoo wakasiana-siana kunzi dzimbahwe revaraidzo renyika uye taundi rezvinon’aima zvebata kumeso, hakuna imwe nzvimbo inenge yakafanana zvikuru nebhizimisi rokuratidzira sezvakaita iri sabhabhu yeLos Angeles, California. Zvirokwazvo inoratidzika kuva nzvimbo huru yenyika yeyevedzo nekwezvo. Sokutaura kwakaita mumwe munyori, “kuorora kweHollywood somuiti wenhau wefungidziro dzinoitwa namabhaisikopo kwazova kwenyika yose.”
Varaidzo—Bhizimisi Guru
Asi hakusati kuchingova bedzi kuorora kweHollywood kwakapararira munyika yose; “Hollywood” ibhizimisi guru, rinoendesa zvinhu zvinotengeswa kudzimwe nyika rinopoteredza nyika yose. Kutaura idi, mukuwirirana nemagazini yeTime, midziyo yomuchadenga ndiyo chiitwa chinoendeswa kune dzimwe nyika chokutanga, uye varaidzo ndiyo yechipiri yeUnited States. Makambani ezvinhu zvevaraidzo anounganidza mazana amabhirioni amadhora gore rimwe nerimwe, uye rutivi rwune mwero wakati kuti—20 muzana—inobva kune dzimwe nyika.
United States inowana mari inobva mu 35 muzana yomusika wokutengeswa kwamabhuku, 50 muzana yemhindu dzokutapa mashoko, 55 muzana yedzose dziri mbiri mhindu dzamabhaisikopo ayo uye mavhidhiyo anogona kutengwa kana kuti kurendwa, uye 75 muzana kusvikira ku 85 muzana yemhindu dzayo dzeTV.
Mukutsinhana nokuda kweiyi pfuma zhinjisa, Hollywood inovaraidza nyika. Handi kuti nyika inofara nguva dzose pamusoro pakwo—inopfuura nyika imwe yakapopota pamusoro pokudzora kwetsika dzeAmerica, sezvo pwere dzavo dzinosiya tsika dzomunzvimbomo nokuda kwepfungwa netsika dzinon’animira zvakapinzwa zvichibva America. Kunyange zvakadaro, ikoko handi kutaura kuti varaidzo inobva bedzi kuUnited States. Nyika zhinji dzine nzvimbo yadzo dzimene yokugadzirwa kwezvinhu zvevaraidzo—mabhaisikopo, TV, nziyo dzemadapanzwi, mabhuku, mitambo, zvichingodaro.
Varaidzo—Iri Nyore Sei Nhasi
Pasinei hapo nokuti ndiani anoita kana kuti ndiani anofanira kuvaraidza nyika, chiri chakatanhamaa ndechokuti varaidzo iyo imene inosvikika, yakawanda zvikuru nhasi zvokuti tine chinjo yamarudzi iripo. Kuenzanisira: Kudai wakanga wararama zana ramakore rakapfuura, kazhinji kakadini kawaizodai wakave uchivaraidzwa navatambi vakarovedzwa, vane mano? Kunyange kudai wakanga wararama munyika dzakapfuma zvikurusa, sezvinobvira waizodai wakave uchitambura nokuda kwokushaikwa kwevaraidzo mukuwirirana nomufungo wechizvarwa chanhasi. Somuenzaniso, waizodai wakava nomutoro wokuenda kuhoro yokuimba kana konzati yamarimba. Nhasi tinongoteerera hedu bedzi masiterio anotakurika anoridza rudzi rupi norupi rwenziyo dziriko, kana kuti tinogara hedu kuti tendekeshe pasofa remhuri uye, pakudzvanya bhatani, tinovaraidzwa norunenge rudzi rwuri rwose rwechinoitika chinofungidzirwa.
Munyika ipi neipi yakabudirira, unogona kuona mumisha mizhinji inenge TV imwe, VCR, uye CD kana kuti muchina wokuridza makaseti, pamwe chete nemimwe midziyo yamagetsi. Vamwe vana vanokura vaina maTV pamusha akarovedzeka sokunge zviringiriro. Munyika dzichiri kubudirira, misha yakawanda nenharaunda zvinova nenzvimbo yazvo yomunzvimbomo yeTV apo vanhu vanoungana mumadekwana kuti vavaraidzwe. Rudzi rwomunhu rwazova runodzorwa neTV. Maawa okuzorora anozadzwa nezvimiro zvizhinji zvevaraidzo.
Pane chinhu chipi nechipi chakaipa naikoko here? Pane ngozi dzipi nedzipi dziripo muvaraidzo yazvino uno here? Kana kuti huwandu hwanhasi hwevaraidzo hunongoreva bedzi kwenudzwo yepfuma here? Ngatirangarirei zvakadzikama nyika inokwezva yevaraidzo.