RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 11/8 pp. 3-4
  • Nyika Inokwezva Yevaraidzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Inokwezva Yevaraidzo
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Varaidzo—Bhizimisi Guru
  • Varaidzo—Iri Nyore Sei Nhasi
  • Kusarudza Kwaungaita Varaidzo Yakanaka
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Zvivaraidze Nezvinhu Zvinofadza Jehovha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Tingasarudza Sei Zvinotivaraidza?
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Sarudza Nekuchenjera Zvinhu Zvekuzvivaraidza Nazvo
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 11/8 pp. 3-4

Nyika Inokwezva Yevaraidzo

HOLLYWOOD! Pasinei hapo nokwaunogara munyika, zvimwe zita irero rinoyeuchidza mifungo yamabhaisikopo nevaraidzo. Ichitumidzwa nomutoo wakasiana-siana kunzi dzimbahwe revaraidzo renyika uye taundi rezvinon’aima zvebata kumeso, hakuna imwe nzvimbo inenge yakafanana zvikuru nebhizimisi rokuratidzira sezvakaita iri sabhabhu yeLos Angeles, California. Zvirokwazvo inoratidzika kuva nzvimbo huru yenyika yeyevedzo nekwezvo. Sokutaura kwakaita mumwe munyori, “kuorora kweHollywood somuiti wenhau wefungidziro dzinoitwa namabhaisikopo kwazova kwenyika yose.”

Varaidzo—Bhizimisi Guru

Asi hakusati kuchingova bedzi kuorora kweHollywood kwakapararira munyika yose; “Hollywood” ibhizimisi guru, rinoendesa zvinhu zvinotengeswa kudzimwe nyika rinopoteredza nyika yose. Kutaura idi, mukuwirirana nemagazini yeTime, midziyo yomuchadenga ndiyo chiitwa chinoendeswa kune dzimwe nyika chokutanga, uye varaidzo ndiyo yechipiri yeUnited States. Makambani ezvinhu zvevaraidzo anounganidza mazana amabhirioni amadhora gore rimwe nerimwe, uye rutivi rwune mwero wakati kuti—20 muzana—inobva kune dzimwe nyika.

United States inowana mari inobva mu 35 muzana yomusika wokutengeswa kwamabhuku, 50 muzana yemhindu dzokutapa mashoko, 55 muzana yedzose dziri mbiri mhindu dzamabhaisikopo ayo uye mavhidhiyo anogona kutengwa kana kuti kurendwa, uye 75 muzana kusvikira ku 85 muzana yemhindu dzayo dzeTV.

Mukutsinhana nokuda kweiyi pfuma zhinjisa, Hollywood inovaraidza nyika. Handi kuti nyika inofara nguva dzose pamusoro pakwo—inopfuura nyika imwe yakapopota pamusoro pokudzora kwetsika dzeAmerica, sezvo pwere dzavo dzinosiya tsika dzomunzvimbomo nokuda kwepfungwa netsika dzinon’animira zvakapinzwa zvichibva America. Kunyange zvakadaro, ikoko handi kutaura kuti varaidzo inobva bedzi kuUnited States. Nyika zhinji dzine nzvimbo yadzo dzimene yokugadzirwa kwezvinhu zvevaraidzo—mabhaisikopo, TV, nziyo dzemadapanzwi, mabhuku, mitambo, zvichingodaro.

Varaidzo—Iri Nyore Sei Nhasi

Pasinei hapo nokuti ndiani anoita kana kuti ndiani anofanira kuvaraidza nyika, chiri chakatanhamaa ndechokuti varaidzo iyo imene inosvikika, yakawanda zvikuru nhasi zvokuti tine chinjo yamarudzi iripo. Kuenzanisira: Kudai wakanga wararama zana ramakore rakapfuura, kazhinji kakadini kawaizodai wakave uchivaraidzwa navatambi vakarovedzwa, vane mano? Kunyange kudai wakanga wararama munyika dzakapfuma zvikurusa, sezvinobvira waizodai wakave uchitambura nokuda kwokushaikwa kwevaraidzo mukuwirirana nomufungo wechizvarwa chanhasi. Somuenzaniso, waizodai wakava nomutoro wokuenda kuhoro yokuimba kana konzati yamarimba. Nhasi tinongoteerera hedu bedzi masiterio anotakurika anoridza rudzi rupi norupi rwenziyo dziriko, kana kuti tinogara hedu kuti tendekeshe pasofa remhuri uye, pakudzvanya bhatani, tinovaraidzwa norunenge rudzi rwuri rwose rwechinoitika chinofungidzirwa.

Munyika ipi neipi yakabudirira, unogona kuona mumisha mizhinji inenge TV imwe, VCR, uye CD kana kuti muchina wokuridza makaseti, pamwe chete nemimwe midziyo yamagetsi. Vamwe vana vanokura vaina maTV pamusha akarovedzeka sokunge zviringiriro. Munyika dzichiri kubudirira, misha yakawanda nenharaunda zvinova nenzvimbo yazvo yomunzvimbomo yeTV apo vanhu vanoungana mumadekwana kuti vavaraidzwe. Rudzi rwomunhu rwazova runodzorwa neTV. Maawa okuzorora anozadzwa nezvimiro zvizhinji zvevaraidzo.

Pane chinhu chipi nechipi chakaipa naikoko here? Pane ngozi dzipi nedzipi dziripo muvaraidzo yazvino uno here? Kana kuti huwandu hwanhasi hwevaraidzo hunongoreva bedzi kwenudzwo yepfuma here? Ngatirangarirei zvakadzikama nyika inokwezva yevaraidzo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe