Murangariro Wakadzikama Wevaraidzo
“UPENYU hwokushanda pasina nhandaro ipi neipi upenyu hunonetsa hunoita kuti Jack ave mukomana anofinhwa.” Kutaura ikoko kwakarovedzeka zvikuru nhasi zvokuti kuri nyore kukanganwa kuti ndokwechokwadi chaizvoizvo sei. Chokwadika, “upenyu hwokushanda pasina nhandaro ipi neipi upenyu hunonetsa” hungaita zvinhu zvakaipisisa kuna Jack pane kumuita kuti ave anofinhwa. Hunogona kumuita kuti ave mupindwi muropa nebasa, mudi webasa mukuvengwa kwezvimwe zvose.
Somuenzaniso, rangarira chinetso chakamuka muJapan, nyika inozivikanwa nokuda kwetsika dzayo dzebasa dzorumano. Kazhinji kazhinji vashandi vanokarirwa kushanda nguva yomuraudzo usiku huri hwose uye pakupera kwevhiki. Maclean’s, magazini yenhau yeCanada, yakati mushandiwo zvake weJapan anopedza maawa 2 088 pabasa pagore, mukuenzanisirwa ne 1 654 nokuda kwomushandiwo zvake weCanada. Bva, magazini yacho yakati: “Mafemu eJapan aitofanira kurwisana nechinetso chakasiana: vashandi vakatambura nekaroshi, kana kuti rufu rwakaparirwa nokunyanyoshanda. Mapepanhau akashuma nhau dzavarume vari mumakore avo omuma 40 vakatambura hosha dzemwoyo kana kuti sitoroko pashure pokushanda mazuva 100 vasina zuva rokusava pabasa.” Bato rebasa reJapan raitofanira kunyange kutanga nhimbe yokuzivisa, kuzerwe namashoko anodzokororwa adzokororwazve, kukuchidzira vanhu kuti vatore nguva yokusava pabasa pakupera kwevhiki ndokuzorora. Haiwa musiano wakadini kunyika dzokuMadokero, uko vanhu vanotofanira kunyengetedzwa kuti vashande vhiki rakazara!
Betsero Dzokutamba
Kunyange zvakadaro, nomutoo wakakodzera, nyanzvi dzinowanzoona kupindwa muropa nebasa sechirwere, kwete runako. Jack anoda kutamba—uye kwete bedzi apo anenge ari mukomana; vakuru pamwe chete navana vane ichi chinodikanwa chimwe chetecho. Neiko? Vanhu vanowaneiko pazororo, kana kuti pakutamba? Rimwe bhuku rinoshandiswa pamusoro pomusoro wacho wakaitwa rakaronga ndaza: “Kutaura umene, ushamwaridzani, kuperera kwendangariro nomuviri kana kuti kukwana, utano hwokunyama, musiano unodikanwa kana kuti tsinhirano murudungwe rwakamanikidzika rwebasa, zororo nokusasana, banza rokuedza chimwe chinhu chitsva uye kusangana navanhu vatsva, kuvaka ushamwari, kusimbisa mhuri, kuziva zvinhu zvomusikirwo, . . . uye kungonzwa zvakanaka chete pasina kunzvera kuti nei. Izvozvi zvose zviri pakati pebetsero dzinowanwa navanhu muzororo ravo.”
Nyanzvi dzamagariro avanhu dzakapira mabhuku akawanda kumusoro wezororo nokutamba, uye dzinobvuma kuti zororo rinokosha kuvose vari vaviri munhu mumwe nomumwe nenzanga. Zvirokwazvo, kunyange zvakadaro, hakuna munhu anonzwisisa musikirwo womunhu zviri nani kupfuura Musiki worudzi rwomunhu. Anonzwa sei pamusoro pouyu musoro?
Mukusiana neizvo vamwe vanoratidzika kuva vanofunga, Bhaibheri harirwisani nenhandaro. Rinotiudza kuti Jehovha ndiMwari anofara uye kuti anokarira vabatiri vake kuti vave vanofarawo. (Pisarema 144:15b; 1 Timotio 1:11) Pana Muparidzi 3:1-4 (NW), tinodzidza kuti kune “nguva yakagadzwa . . . yokuseka” uye “nguva yokupembera.” Shoko rechiHebheru ro“kuseka” pano rinowirirana namashoko anoratidzira “kutamba.” Bhuku rimwe chetero reBhaibheri rinotiudza kuti “kumunhu hakuna chinhu chiri nani chinopfuura kuti iye anofanira kudya uye kunwa zvamazvirokwazvo ndokuita kuti mweya wake uone zvakanaka nokuda kwebasa rake resimba.”—Muparidzi 2:24, NW.
Nhasi, imwe yenzira dzakakurumbira zvikuru dzokufarikanya nguva yezororo ndiko kuvaraidzwa, kugara kuti dedede ndokufarikanya ratidzirwo yamano avamwe. Ikoko hakusatiwo kuri kutsva chose chose. Bhaibheri rinoratidzira kuti kwamakore ane zviuru vanhu vakawana mufarwa mukuona vamwe vachidzana, vachiimba, vachiridza marimba enziyo, kana kuti vachikwikwidzana mumitambo.
Sechimiro chenhandaro, varaidzo inogona kutibetsera zvikuru. Ndiani hake asingawani mufaro mumabasa owezvemitambo ane unyanzvi, kariro yezvakanaka, bhaisikopo rechinoitika chinovaka, kana kuti nziyo dzine mutinhimira dzinorambira mundangariro kwenguva refu pashure pokunge nziyo yapera? Uye pasina panikiro vazhinjisa vedu vakafarikanya kuzorora vaine bhuku rakanaka, vachipetenura mapeji nokukurumidza zvikuru nguva dzose sezvatinova vanonyura munhau inosanoziviswa.
Varaidzo yakadaro ingatizorodza, uye ingaita zvakawanda. Ingatikuchidzira, ingativandudza, ingatapura mwoyo wedu, ingatisetsa—uye kunyange kutimutsidzira. Somuenzaniso, mabhuku anogona kutidzidzisa zvikuru kwazvo pamusoro pomuzvarirwo wohunhu. Mabasa aShakespeare mienzaniso yakajeka yaikoko.
Ngozi Dzevaraidzo
Kunyange zvakadaro, kuti tive nomurangariro wakadzikama wevaraidzo yanhasi, tinofanira kubvuma ngozi dzayo pamwe chete nebetsero. Zvakawanda zvinotaurwa pamusoro pepesvedzero inoshatsa yevaraidzo, asi zvikurukuru ngozi dzinogona kukamuranisirwa mumapoka maviri akafara: huwandu nevara, uwandu hukurusa hwevaraidzo hunowanikwa nezvainazvo zvayo. Ngatitangei kurangarira vara.
Tinorarama munguva dzerima, idzo Bhaibheri rinoidza kuti “nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timotio 3:1, NW) Nomutoo usingakatyamadzi, varaidzo yanhasi inoratidzira zera redu, kazhinji kazhinji mumativi aro akaipisisa. Masimba masimba outsinye, utere hwakajeka, nemirangariro yakadereresa yenhandaro—yakadai sourudzi—zvose zvinopinzwa muvaraidzo yakakurumbira, zvichiishatisa mumwero yakasiana-siana. Kumugume-gume wenhevedzano, inofanira kuva varaidzo inotipfuurei zvikuru mabhuku outere uye tsvina. Rangarira mimwe mienzaniso.
Mabhaisikopo: Parukudzo rukurusa rweHollywood, vaOscar, vatatu vavarume vakadudzwa muboka ra“vatambi vakanakisisa” gore rino vakanga vatamba savaurai vane ndangariro dzakavhiringidzika, avo vose vanouraya chaizvoizvo pafirimu. Sezvinoshumwa mumwe mutambi anoruma nhindi pachiso chomukadzi zvaanomubata chibharo. Mune zvemari, imwe yebudiriro hurusa dzegore yakanga iri bhaisikopo rinonzi Basic Instinct. Uchisarudzwa kupfurikidza nehwirudzuro, uyu musoro unoridukupisa. Iri firimu rinotanga nechinoitika choutere chaihwoihwo, munguva apo mukadzi anobaya abayazve mudiwa wake akasungwa nepiki yokuchera aizi, achizvipfachaidzira amene ropa pose pose.
Nziyo: Dzose dziri mbiri nziyo dzerock dzine mutinhimira uye nziyo dzine mutinhimira unonyaudza pamisi ichangobva kupfuura iyi dzakatsoropodzwa zvikurusa nokuda kwezvinetso zvadzinazvo. Nziyo dzinokudza ushati hwevatano uye kubatwa zvisina kufanira kwavakadzi, masimba masimba noruvengo kumadzinza akasiana-siana uye mapurisa, uye kunyange huSatani dzose dzakawanwa pamarekodhi enziyo dzerock nedzine mutinhimira unonyaudza. Mune dzimwe nharaunda, marekodhi ane nziyo dzakadaro chaidzoidzo anofanira kuva nezviratidzo zvenyevero. Asi sokubvuma kwakaita munyori wenziyo dzerock anonzi Ice-T, anoisa mashoko munziyo dzake kuti bedzi awane chiratidzo chakadaro; chinovimbisa kukwezva chiringa. Nyanzvi yenziyo dzerock Prince akaimba rumbidzo dzevatano yehama yehanzvadzikomana nehanzvadzisikana. Kazhinji kazhinji, mavhidhiyo enziyo anongopa bedzi utere hwakashata kudaro ukuru hwokuona hwakawedzerwa. Vhidhiyo yenyanzvi yenziyo dzinodiwa Madonna inonzi Justify My Love yakawana mukurumbira wakashata nokuda kwokuratidzira utsinye hwokurwadzisa nevatano yavane mitezo yakafanana yokubereka. Kunyange MTV, mukoto weTV yeU.S. unozivikanwa padzimwe nguva nokutepfenyura mavhidhiyo outere husitongorina nyadzi, wakaramba kutepfenyura iyoyi.
Mabhuku: Rangarira mienzaniso mishomanene yakatorwa muhwirudzuro dzemisi ichangobva kupfuura iyi yebhuku. American Psycho inopa udzame hwose hwezviito zvakashata zvomunhu anopfuurira kuponda anojaidza kuita zvinhu zvinotyisa zvisingatauriki, zvinobatanidza kudya nyama yavanhu, nemiviri yavanyajambwa vake. Vox anogara pakurukurirano imwe refu yorunhare munguva apo murume nomukadzi vasati vatongoonana vanonyandurana muvatano nokutaura kworudo. Raptor anotevedzera zvinoitika zvakashata zvevatano zvavahermaphrodite vaviri vomuzana ramakore rechitanhatu, vanhu vane mativi evatano eyose iri miviri mitezo yokubereka nayo. Manovhero orudo anowanzosimbisa uye anokudza upombwe noufeve. Mabhuku amakomiki, aichimbova asingakuvadzi nokuda kwavana, zvino kazhinji kazhinji anoratidzira vatano yakashata, masimba masimba, uye misoro yamashiripiti.
Mitambo: Mikumbiro yokurambidza kurwa kwetsiva inopfuurira. Pasinei hapo nohumwe ufakazi hwokuti kubhagura kuri kwose kunoparira kuvadziko isingarapiki yendangariro, mhindu yemari uye mamirioni avaoni zvinopfuurira kukuchidzira varwi kupinda mudariro. Mazana chaiwoiwo avarwi vetsiva vakarohwa kusvikira vafa neiyi nzira.
Kunyange zvakadaro, mimwe mitambo inotova nemwero yenzufu yakakwirira zvikuru. Hakusi kwechienzi kurava nezvamasimba masimba anomuka munhandare kana kuti pakati pavaoni. Zvimurenga zvinomutswa nourudzi kana kuti “mudzimu weboka” wakashata zvakauraya mazana munhandare munyika yose. Kurwa kwomukono nomunhu, uko Die Zeit yevhiki nevhiki yeGermany inoidza kuti “zvimwe chinoitika chomutambo chemhuka chikurusa chinove chagara kusvikira kunguva dzazvino uno,” pamisi ichangobva kupfuura iyi chakapinda mumukurumbira muSpain nomumaodzanyemba eFrance. Pashure pokunge mukono wabaya matador José Cubero wamakore 21 okukura pamwoyo, mhare yawa gare gare yakatakurwa mubhokisi rayo romufi ichipoterera dariro remikono reMadrid mukuridza maoko kwavatsigiri vanorumbidza vane 15 000. Vhidhiyo yorufu rwake yakaratidzwa yaratidzwazve paTV yeSpain.
Sezvinobvumwa, izvi ndizvinoitika zvokunyanyisa, uye hazvisati zvichireva kuti varaidzo yose muna mamwe aaya mapoka akasiana-siana yakashata. Asi murangariro wakadzikama wevaraidzo unofanira kubvuma kuti uku kunyanyisa kuripo uye kunodiwa. Neiko? Eya, wati wambocherekedza here kuti icho chairatidzika kuva chokunyanyisa makore akati akapfuura zvino chinoratidzika kuva chisinganyanduri uye chakagomara kuvanhu? Kunyanyisa kunokombamira mukugamuchirwa pashoma napashoma navanhu vazhinjisa; vanhu vanorovedzana nakwo. Iwe ucharovedzana nechiiko?
Nhau Yohuwandu
Kunyange kudai varaidzo yose yakanga yakachena chose chose, kunyange zvakadaro, pachine nhau yohuwandu hukuru. Makambani ezvevaraidzo anoita huwandu hukurusa hwezvinovaraidza. Somuenzaniso, muUnited States, mabhuku akasiana anopfuura 110 000 akabudiswa muna 1991 bedzi. Kudai waigona kurava bhuku rimwe kubvira kubutiro kusvikira kubutiro zuva rimwe riri rose, kwaizoda anopfuura makore 300 kuti urave mabhuku egore rimwe bedzi! Makambani anogadzira mafirimu eU.S. anoita mabhaisikopo anosanopfuura 400 pagore, uye nyika zhinji dzinohodhesa iwaya ndokuitawo mabhaisikopo adzo dzimene. Makambani anogadzira zvinhu eIndia anoita mazana amafirimu aHindi gore rimwe nerimwe. Uye ndiani anogona kuverenga marekodhi enziyo, marekodhi maduku, namatepi anobudiswa gore rimwe nerimwe? Panewo TV.
Mune dzimwe nyika dzakabudirira, kune makumi emikoto inowanikwa paTV—nhepfutepfu dzecable, nhepfutepfu dzemhiri kwamakungwa dzinotumira kupfurikidza nesatellite, uye nhepfenyuro dzenguva dzose. Ikoko kunoreva kuti yerero yakatsiga yevaraidzo inogona kuyererera mumba maawa 24 pazuva. Mitambo, nziyo, chinoitika, varaidzo yechinoitika chinosetsa, fungidziro yesayenzi, mapurogiramu ebvunzurudzo eterevhizheni, mabhaisikopo, zvose zvinowanikwa nyore nyore pakungodzvanya bhatani bedzi. NeVCR zviuru zvamabhaisikopo zvinowanikawo, pamwe chete namavhidhiyo anotsanangura maitirwe ezvinhu, mavhidhiyo enziyo, uye kunyange matepi edzidzo pamusoro pomusikirwo, nhau, uye sayenzi.
Asi iripiko nguva nokuda kweiyi varaidzo yose? Ruzivo rwamabasa rungakwanisa kutivigira chishamiso chevaraidzo yapakarepo—fungidzira kuti Mozart angakatyamadzwa sei kunzwa imwe yenziyo dzake dzemimhanzi pasturio inotakurika! Zvisinei, ruzivo rwamabasa harugoni kuita nguva yarunoda kuti rupinde mifarwa yose yakadaro. Kutaura idi, mune dzimwe nyika umo ruzivo rwamabasa runovandudzwa zvikuru kwazvo, mave mune kombamiro yenguva shoma yezororo inowanika, panzvimbo peyakawanda.
Nokudaro kana tikaibvumira, varaidzo ingadya nyore nyore nguva yedu yose yezororo. Uye tinofanira kuyeuka kuti varaidzo inongova bedzi chimiro chimwe chenhandaro, kazhinji kazhinji chorudzi rwakaterama. Vazhinjisa vedu vanodawo kubuda kunze kwomusha ndokuita chimwe chinhu chokushingaira zvikuru, kutora rutivi pane kungogara bedzi ndokuvaraidzwa. Pane kufefeterwa nemhepo kwokuita, vazivikanwi vakanaka vokufarikanya, mitambo yokutamba.
Kana chiri chikanganiso chokubvumira varaidzo kudya nguva yedu yose yezororo, kwakaipisisa sei kuirega ichidya nguva inofanira kupirwa kumisengwa mikuru zvikuru, zvakadai sokuMusiki wedu, mhuri dzedu, basa redu, shamwari dzedu! Kunokosha chose chose, ipapoka, kuva nomurangariro wakadzikama wevaraidzo! Tinosarudza sei kuti ndeipi iri varaidzo yakashata nokuda kwedu, uye ndeipi yayo yakanyanyisa zvikuru?
[Mifananidzo iri papeji 7]
Imwe varaidzo inogona kutapura mwoyo wedu ndokutirairidza