RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 11/8 pp. 8-10
  • Ivaraidzoi Yauchasarudza?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ivaraidzoi Yauchasarudza?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndedzipi Dziri Nhungamiro dzeBhaibheri?
  • Nzira Yokusarudza Nayo
  • Yakanyanyowandisa Zvikuru Zvakadini?
  • Izvo Zvisarudzo Zvako Zvinozivisa Pamusoro Pako
  • Tingasarudza Sei Zvinotivaraidza?
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Kusarudza Kwaungaita Varaidzo Yakanaka
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Zvivaraidze Nezvinhu Zvinofadza Jehovha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Sarudza Nekuchenjera Zvinhu Zvekuzvivaraidza Nazvo
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 11/8 pp. 8-10

Ivaraidzoi Yauchasarudza?

KUVA nomurangariro wakadzikama wevaraidzo ndichimwe chinhu. Kuratidzira dzikamo mune iri varaidzo yatinosarudza ndichimwe chinhu zvikuru. Kuri nyore zvikuru kuona kuti varaidzo ine nzvimbo yayo chaiyo, asi huzhinji hwayo hahuna maturo uye kunongova bedzi kupambadza nguva. Zvakare, tine zvisarudzo zvezuva nezuva zvokuita—uye hazvisi nyore nguva dzose.

Sezvataona, makambani evaraidzo haaiti kuti kusarudza kuve nyore zvikuru. Pane ndaza inokatyamadza yezvisarudzo, asi kwezviuru zvamakore, Bhaibheri rakapa vanhu vane mwoyo yakatendeseka nhungamiro yavanoda. Ruzivo rwamabasa rwazvino uno haruna kuita kuti nheyo dzeBhaibheri dzive dzechinyakare; mukusiana, dzinobetsera zvikuru uye dzinodikanwa munguva dzino dzinotambudza kupfuura nakare kose. Naizvozvo ngationei kuti tinogona sei kushandisa nheyo dzakadaro pamusoro penharaunda mbiri dzengozi dzevaraidzo—zvainazvo uye nguva yainopedza.

Ndedzipi Dziri Nhungamiro dzeBhaibheri?

Pwere inozviuraya, uye kunowanwa kuti akanga akabatikana zvikurukuru munziyo dzerock dzine mutinhimira unonyaudza dzinokurudzira kuzviuraya. Musikana wezera ramakore 14 akarova amai vake nemhonda kusvikira vafa, uye kunoratidzika kuti iyewo akanga akabatwa nenziyo dzine mutinhimira unonyaudza. Mukomana wamakore 15 okukura anouraya mukadzi, uye gweta rake rinotaura kuti akapesvedzerwa namabhaisikopo anoratidzira masimba masimba okutambudza nevavariro yokutyisidzira. Bhaisikopo rinoreva pamusoro pamasimba masimba eboka rinovamba, uye panova nokurwa kweboka riri muhoro dzemitambo naavo vari kumirira bhaisikopo.

Nomutoo wakajeka, zvine varaidzo yatinosarudza zvine tapuro patiri. Dzimwe nyanzvi dzingaramba nhauro dziri pamusoro apa soufakazi hwakavakirwa pazvinoitika zviri zvoga zvisingagumisi chinhu. Kunyange zvakadaro, nomutoo wakananga nheyo dzeBhaibheri dzine chokuita nechinetsocho. Somuenzaniso, rangarira aya mashoko akadzama: “Iye unofamba navanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye une zvokuita namapenzi achaguma nomutoo wakashata.” (Zvirevo 13:20, NW) Ko varaidzo haigumi naikoko chaikoiko here—kufamba, kana kuti kusonganirana, navanhu vari mapenzi, kana kuti vasina pfungwa mutsika? Nomutoo wakafanana, 1 VaKorinte 15:33 (NW), inorava kuti: “Musanyengerwa. Songaniro dzakashata dzinoshatsa miitiro inobetsera.” Aya haasati ari mashoko asinganzwisisiki naanopanikirika, hapana nyanzvi ine mifungo inopesana zvikuru pamusoro pezviverengero. Unongova mutemo bedzi womuzvarirwo wavanhu. Kana nguva dzose tikasonganirana naavo vakashata mutsika, miitiro yedu timene ichatapurwa nomutoo wakashata.

Nheyo dzakadaro dzinobetsera zvikurukuru pakureva nezvekunamatwa kwezvidhori zvemitambo, bhaisikopo, TV, navaimbi vakatanhamara. Kunyange zvazvo vaimbi vakatanhamara vachiwanzokudza masimba masimba kana kuti utere, vose vari vaviri mukuita kwavo nomuupenyu hwavo somunhu mumwe nomumwe, vakuchidziri vavo—zvikurukuru vechiduku—vanovarangarira norukudzo runoenzana nerwokunamata kworudzidziso. Pepanhau rinonzi The European pamisi ichangobva kupfuura iyi rakati: “Nyanzvi dzamagariro avanhu dzinonongedzera kuti vaimbi vepop vomunzanga yokunyika inowedzera vangave vachiita basa rakamboitwa norudzidziso muupenyu hwepwere zhinji.” Asi cherekedza icho Pisarema 146:3 (NW), rinoreva: “Musavimba navanokudzwa, uyewo nomwanakomana womunhu wapasi, uyo asina ruponeso.” Uye Zvirevo 3:31 (NW), inoti: “Usava anochochora munhu wamasimba masimba, kana kuti kusarudza ipi neipi yenzira dzake.”

Imwe nheyo inokosha: Pakuita zvisarudzo, maKristu anofanira kuyeuka tapuro kwete bedzi paari amene asiwo pana vamwe vari muungano yechiKristu, kubatanidza naavo vane hana dzinotapurika zvikuru. (1 VaKorinte 10:23-33) Kurutivi rwakananga, nheyo dzechiKristu dzinobetserawo kugadza mipimo nokuda kwevaraidzo umo isu tingasarudza nomutoo wakakotsekana. Muapostora Pauro akapa zano, kuti: “Pakupedzisira, hama, zvinhu zvipi nezvipi zvechokwadi, zvinhu zvipi nezvipi zveitiro hanya yakakomba, zvinhu zvipi nezvipi zvakarurama, zvinhu zvipi nezvipi zvakachena, zvinhu zvipi nezvipi zvinodiwa, zvinhu zvipi nezvipi zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, runako rupi norupi ruripo uye chinhu chipi nechipi chinorumbidzwa chiripo, pfuurirai kurangarira izvi zvinhu.”—VaFiripi 4:8, NW.

Nheyo dzakatungamirira vanhu vaMwari kwamazana amakore. MaKristu muRoma yekare haana kuda mutemo chaiwo unoazivisa kuti mitambo yomunhandare, nokuuraya kwayo noutsinye, zvakanga zviri varaidzo isina kufanira. Akangoshandisa bedzi nheyo dzakadai sedziri pamusoro apa uye kupfurikidza nadzo akazvidzivirira amene, mhuri dzawo, neungano dzawo.

Nzira Yokusarudza Nayo

MaKristu chaiwoiwo anoita zvimwe chetezvo nhasi. Pakusarudza varaidzo, anotanga kunzvera zvainazvo mutsika. Seiko? Eya, asati atenga rekodhi, somuenzaniso, anotarira butiro raro. Nziyo inoziviswa sei? Inosimudzira mipimo yakashata here? Ruvengo? Rupanduko? Hasha? Vatano norukwezvo? Padzimwe nguva mashoko orwiyo anowanika kuti anzverwe. Nomutoo wakafanana, mabutiro amabhuku kazhinji kazhinji ane kupetwa kwezviri mukati, uye padzimwe nguva kurangarira kwokutsoropodza kunobudiswa kunowanika. Namabhaisikopowo kazhinji kazhinji kune kunzvera kwokutsoropodza kunobudiswa mumapepanhau namagazini omunzvimbomo. Dzimwe nyika dzinopa gadziriro dzinorangarira mabhaisikopo dzingabetsera kugovera nhungamiro. Sezvinooneka, kana nyika yanhasi yakashata ichiwana varaidzo yakati kuti kuva yakajeka muvatano, muutere, kana kuti masimba masimba, kwakaoma kufungidzira kuti muKristu angaderedza mipimo yake ndokudisa kurangarira mundangariro make nomumwoyo.

Kune rumwe rutivi, Mambo akachenjera Soromoni akambonyevera, kuti: “Usava akanyanyoisvorurama, kana kuti kuzviratidzira umene kuva akaisvonyanyisa kuchenjera. Neiko uchifanira kuzviparira umene ruparadziko?” (Muparidzi 7:16, NW) Kuzviruramisa musungo uri nyore zvikuru kupinda mauri pakureva nezvevaraidzo. Tinganzwa hedu zvakasimba pamusoro pechisarudzo chatinenge taita, tichinge tarangarira nheyo dzeBhaibheri nokungwarira uye mumunyengetero. Bva, tingawana kuti vamwe vanorarama mukuwirirana nenheyo dzimwe chetedzo vanosarudza nenzira yakatisianei. Usavarega vachikutorera mufaro. Mumwe nomumwe wedu anofanira kuva nomutoro nokuda kwezvisarudzo zvake amene.—VaGaratia 6:4.

Yakanyanyowandisa Zvikuru Zvakadini?

Gadziriro yomupimo wenyika nomutoo unotyisa yabuda mumwero pakureva nezvenzvimbo yokutanga yainopa kuzororo. Somuenzaniso, chikamu chamashoko chomupepeti wenhau chemisi ichangobva kupfuura iyi mumagazini inonzi Parks & Recreation yeshavo chakaidza nhandaro kuti “chinhu chinokosha choupenyu hune revo.” Nomutoo wakafanana, The New York Times Magazine pamisi ichangobva kupfuura iyi yakataura nezvousiku hweChitanhatu, nguva yakakurumbira nokuda kwenhandaro, kuti: “Kana ukakuwedzera, kune kupera kwamavhiki kwakawanda zvikuru muupenyu hwedu kupfuura usiku huripo hweZvitanhatu, asi usiku hweChitanhatu ndihwo humwe hwakakodzerwa noupenyu hune revo.” Dzimwe nyanzvi dzoruzivo rwamagariro avanhu dzinototaura kuti mumarudzi akapfuma zvikuru enyika, nzanga zvino yakavakirwa pazororo, norudzidziso irwo rwumene ruchiva mumwe wemibato weimwe nguva yezororo.

MaKristu haasati achishamiswa neizvi zvinhu zvinoiswa pakutanga zvakashata. Kare kare Bhaibheri rakadeya kutaura kuti mune ano “mazuva okupedzisira” anotambudza, vanhu vaizova “vanozvida vamene, . . . vadi vemifarwa kupfuura kuva vadi vaMwari.” (2 Timotio 3:1-4, NW) Asi nheyo dzeBhaibheri dzinotibetsera kuisa zvinhu zvedu timene zvokutanga munzvimbo yakakodzera. Sokutaura kwakaita Jesu, “unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose uye nendangariro yako yose uye nesimba rako rose.” (Marko 12:30, NW) Naizvozvo, kuvanhu vaMwari, kumuda kwavo kunotanga muupenyu hwavo. Panzvimbo pokupa ushumiri hwavo hwechiKristu kumubato wenguva yezororo, ndihwo chinhu chavo chokutanga chapamusoro. Kunyange basa ravo rokunyika rinongotsigira bedzi basa irero rinokosha.—Mateo 6:33.

Naizvozvo pakureva nezvevaraidzo, muKristu anofanira kurangarira ndyiko, kusarudza kuti inguva yakadini yakuchada mukuenzanisira nokuti inguva yakadini yainokodzerwa nayo. (Ruka 14:28) Kana kuronda varaidzo ipi neipi kuchireva kuregeredza zvinhu zvinokosha, zvakadai sefundo yeBhaibheri yomunhu oga kana kuti yemhuri, nguva yokuva navatendi biyedu, ushumiri hwechiKristu, kana kuti misengwa inokosha yemhuri, ipapoka haina kukodzera ndyiko.

Izvo Zvisarudzo Zvako Zvinozivisa Pamusoro Pako

Chitsama chenguva yatinotsaurira kuvaraidzo chichazivisa zvakawanda pamusoro pezvinhu zvedu zvinoiswa pakutanga, sezvo zvine varaidzo yatinosarudza zvichazivisa zvakawanda pamusoro petsika dzedu nouchokwadi hwetsauriro yedu. Zvisarudzo zvedu zvichazivisa vanhu vari munzanga kuti tiri vanhu vorudzii, iri mipimo yatinotsigira. Zvisarudzo zvedu zvichazivisa shamwari dzedu, mhuri dzedu, uye ungano yedu kana tiri vakadzikama kana kuti vane rumano, vanowirirana kana kuti vanonyengera, vakarurama kana kuti vanozviruramisa.

Zvisarudzo zvako ngazvimirire zvitendero zvako nemipimo neizvo zvemhuri yako, sezvo unomira pamberi poMusiki, uyo anonzvera mwoyo nevavariro dzedu tose. VaHebheru 4:13 (NW), inoti: “Hakuna chisiko chiri chisingaoneki mukuona kwake, asi zvinhu zvose zvakafukurwa uye zvakaratidzirwa pamhene kumeso ake uyo tinozvidavirira kwaari.” Mwari bedzi anogona kuona mhinduro kumubvunzo uri pachikonzero chouyu musoro: Tichatungamirirwa zvomenemene nenheyo dzake murutivi rwuri rwose rwoupenyu here?

[Mufananidzo uri papeji 8]

Varaidzo yaunosarudza inozivisa zvakawanda pamusoro pako nemhuri yako

[Mufananidzo uri papeji 9]

Unongwarira here pamusoro pezvaunotarira, zvaunoteerera, uye zvaunorava?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe