RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 11/8 pp. 30-32
  • Neiko Vabereki Vangu Vasingaratidzi Fariro Huru Mandiri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Vabereki Vangu Vasingaratidzi Fariro Huru Mandiri?
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Vachiratidzika Kuva Vanokufuratira
  • Ngozi Dzokudzivisa
  • Kudziridza Fariro Yavo Mauri
  • Kupedza Chinetso
  • Neiko Vabereki Vangu Vasingandinzwisisi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndinofanira Kuitei Kana Vabereki Vangu Vachipopotedzana?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Kukudza Vabereki Vedu Vakwegura
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 11/8 pp. 30-32

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Neiko Vabereki Vangu Vasingaratidzi Fariro Huru Mandiri?

“Pari pose pandinokumbira amai vangu maminiti mashanu enguva yavo,” anochema kudaro mumwe musikana achiri kuyaruka, “nguva dzose vakanyanyobatikana.”

CHRISTINA akanga ane makore 16 okukura—asina kuroorwa uye ane pamuviri. Kunyange zvazvo aidemba pamusoro pomugariro wake, iye akanga akashatirwawo. “Amai vangu havana kutongoitira hanya kutsanangura izvi zvinhu kwandiri,” akapfikura achidaro. “Havana zvavo kutongova nenguva yokufarira zvandaiita.”

Ndiyo nzira yaunonzwa nayo padzimwe nguva here—kuti vabereki vako havangokufariri zvavo? Ungasakombamira kuratidzira kangaidziko dzako nenzira iyo Christina akaita. Uye unoziva kuti kuva navabereki vanoregeredza hakusi pembedzo yokusazvibata. Kunyange zvakadaro, unganzwa wakuvadzwa zvikuru kana vakakuregeredza. Kunyange zvazvo uri kuswedera pedyo nokuva mukuru, unganzwazve dikanwo yakasimba yorudo rwoubereki netsigiro. Kufuratirwa navabereki vako kungaita kuti unzwe wasiiwa. “Pari pose pandinokumbira amai vangu maminiti mashanu enguva yavo,” anochema kudaro mumwe musikana achiri kuyaruka, “nguva dzose vakanyanyobatikana.”

Hakushamisi, ipapoka, kuti mukuwirirana nokumwe kunzvera, 25 muzana yepwere “dzinonzwa dzisina nguva yakakwana navabereki vadzo.” Imwe pwere yakati: “Ndinoshuva kuti kudai ndaigona kuva pedyo zvikuru navabereki vangu uye kuva akasununguka kutaura navo.” Kunyange apo pwere navabereki vari pamwe chete munyama, vangava vakaparadzana mumurangariro. Pangasava nekurukurirano inokosha.

Chikonzero Nei Vachiratidzika Kuva Vanokufuratira

Fungidzira: Wamirira zuva rose kuti utaure chinetso chakati naamai vako. Asi nokukurumidza pavanosvika pamusha vachibva kubasa, vanozvikanda pachigaro ndokupa ngwariro yavo yose kunhau dzamadekwana dzeTV. Paunoedza kuvabatanidza mukurukurirano, vanopindura nokushatirwa, kuti, “Hauoni here kuti ndiri kuedza kuzorora?”

Mubereki asina ushamwari, asina rudo here? Aiwa, vabereki havawanzoregeredza vana vavo nedonzo. Asi tiri kurarama mu“nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timotio 3:1-3) Uye vabereki vako vangazviwana vamene vari mudzvinyiriro kupfuura nakare kose. Vangave varukutika, vavhiringidzika, kana kuti vaneta zvikuru zvokuti vangasava zvavo nesimba rokupedzera nguva yakanaka vainewe. Ikoku kungava kwechokwadi zvikurukuru kana uchirarama mumhuri ine mubereki mumwe. Naizvozvo kutoti vabereki vako vakanzwa shoko rokunyunyuta kubva kwauri, vangangofunga zvavo kuti chinhu chiri chose chakaisvonaka.

Vabereki vanogonawo kubatikana nezvimwe zvinhu. Kana baba vako vari muKristu anoshingaira, vangatakura mutwaro unorema womutoro weungano. (Enzanisa na 2 VaKorinte 11:28, 29.) Uye nepo vangasawanzotaura nezvako, amai vako vangasanovhiringidzwa nezvinetso zvinowedzera zvoutano. Une vakoma nehanzvadzi here? Ipapo vabereki vako vangabatikanawo nokutarisira zvinodikanwa zvavo.

Sezvinobvumwa, vamwe vabereki vari kurwisa zvinetso zvakakomba zvakadai soudhakwa uye havakwanisi kugamuchira zvinodikanwa zvavana vavo. Bva vamwe vangasangoziva zvavo nzira yokuratidza nayo fariro muvana vavo. Pashure pokurangarira zvose, vana vanodzidza rudo kubva kuvabereki vavo. (Enzanisa na 1 Johane 4:19.) Uye zvichida vabereki vako vakarerwa navabereki vakakundikana kuva nefariro mavari.

Ipapo pane idi rokuti dzimwe tsika dzinofuratira zvikuru zvinodikanwa zvavanhu vaduku. Mune mamwe mativi eAfrica, tsika inoraira kuti panguva dzezvokudya vanababa, vanamai, uye vana vadye vakaparadzana. Nomuuyoi? Collin, pwere yokuAfrica yamakore 14 okukura anoyeuka, kuti: “Kwakanga kwakaoma kunzwa ndiri pedyo mumurangariro navabereki vangu. Ndakanzwa kuti ndakanga ndichinetseka noupenyu ndimene.”

Ngozi Dzokudzivisa

Chipi kana chipi chiri chikonzero chokunoratidzika kuva kuregeredza kwavabereki vako, chinogonazve kukusiya uchinzwa wakuvadzwa uye washatirwa. Dzimwe pwere dzinopindura kupfurikidza nokuva dzisingabatiri pamwe kana kuti dzisingateereri. Dzimwe dzinosarudza kuti kupandukira ndiyo nzira bedzi yokukwevera ngwariro kumugariro wadzo wakaoma zvikuru. Asi kufanana naChristina, adudzwa pakuvamba, pwere dzinopandukira dzinowanzozvikuvadza dzimene mumuitiro wacho. “Kudzokera shure kwavasina mano kuchavauraya,” inonyevera kudaro Zvirevo 1:32.

Pane rumwe rutivi, hakupedzi chinhu kufuratira mugariro wacho—zvikurukuru kana kuri kukuparira kukuvara kukuru. “Wakazviratidza umene kuva akaodzwa mwoyo muzuva renhamo here?” inobvunza kudaro Zvirevo 24:10. (NW) Kana zvakadaro, “simba rako richava shoma.” Kuvadziko dzendangariro dzingatova chaidzoidzo zvikuru kupfuura uye sokurwadza kunoita maronda omuviri. (Zvirevo 18:14) Uye kana akabvumirwa kukura, anogona kupfuurira kuparira marwadzo muhukuru. Rangarira murume muduku anonzi Johan. “Apo ndakanga ndichikura,” anoyeuka kudaro Johan, “baba vangu chidhakwa vakanga vasingatongowaniki apo ndaivada zvikurusa.” Iye anowedzera, kuti: “Vakanga vakanyura zvikuru muzvinetso zvavo vamene zvokusagona kupa ngwariro kwandiri.” Somukuru, Johan akatambura nhambo refu dzokuora mwoyo nokunzwa kwokuva nemhaka.

Nebetsero yeshamwari dzakanaka, Johan akakwanisa kutanga kuvamba kuvakazve rukudzo rwake amene. Kunyanguvezvo, chinoitika chake chinosimbisa ukoshi hwokuedza kuwana nzira dzakanaka dzokugonana nadzo nomugariro wauri kutarisana nawo pamusha.

Kudziridza Fariro Yavo Mauri

Zvimwe Baba naAmai havawanzotanga kurukurirano newe. Unogona kutanga kugumisa kunyarara kusina kunaka kupfurikidza nokuratidza fariro mavari! (Mateo 7:12; VaFiripi 2:4) Zvipire kuvakumbanira kana vari kuenda kumwe kunotsvaga chimwe chinhu. Bvunza kana uchigona kuvabetsera neimwe nzira, zvimwe kupfurikidza nokugadzira zvokudya kana kuti kupfurikidza nokuchenesa. Mukufambira mberi kwenguva unogona kutanga kugoverana zvinhu zvaunoitira hanya, zvakadai sechiri kuitika kuchikoro.

Pane dzimwe nguva, kunyanguvezvo, ungava nezvinetso zvakakomba zvokukurukura. Kungasakubetsera kusvika Baba apo vanenge vakarara pasofa, vachizorora pashure pezuva rakaoma pabasa. Edza kuwana “nguva yakanaka”—apo vanenge vakazorora nenzira ine mufungo uye vachifara—kuti ukurukure nhau. (Zvirevo 15:23) Zvimwe sezvingabvira vangafarira zvikuru zvinetso zvako.

Zvisinei, zvakadiniko kana vabereki vako vakakundikana kugamuchira nhamburiko dzako dzakanakisisa?a Zvirevo 15:22 inotiyeuchidza kuti “pasingaranganwi mano anokona.” Hungu, ungada kuudza vabereki vako (nenzira younyoro uye yokungwarira pakutaura, chokwadika) kuti unonzwa kuti havasi kuratidza fariro yakakwana mauri uye kuti ikoku kunokuita kuti unzwe wakuvadzwa uye usingadiwi. Zvichida waizoda bedzi rumbidzo kamwe chete munguva yakati, kana kuti waizoonga betsero yakati yebasa rako rinoitirwa kumba.

Vabereki vako zvimwe vachashamiswa kuziva kuti unonzwa neiyi nzira. Vangakurumidza kukusimbisira rudo rwavo uye zvichida kunyange kukumbira ruregerero nokuda kwokukupa murangariro wakashata. Nguva zhinji vabereki vachaita nhamburiko chaiyo yokuchinja kana vangoziviswa bedzi chinetso chacho.

Pane rumwe rutivi, zvichida kurukurirano yenyu ichabudisa kuti kwave kune kusanzwisisana kwauri. Zvimwe hauna bedzi kucherechedza dzimwe dzenzira dzakasiana-siana dzavakaratidza fariro mauri. Chipi kana chipi chiri mugariro wacho, kutaura nhau inhano inokosha kukuvandudza zvinhu pamusha.

Kupedza Chinetso

Zvakadiniko kana usati uchiwana mhinduro yakanaka kuvabereki vako? Nenzira inonzwisisika, ikoku kwaizova kunorwadza zvikuru. Kunyanguvezvo, kune zvimwe zvisarudzo zvakazaruka kwauri.

Somuenzaniso, edza kuwana mumwe munhu—zvikurukuru munhu mukuru kwauri—anogona kubetsera kupedza chinetso chakasiiwa navabereki vako vasina kungwarira. Sokukutaura kunoita Zvirevo, kune shamwari “inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.” (Zvirevo 17:17) Tsvaka rudzi irworwo rweshamwari. Asi iva anosarudza pamusoro periri zano raunogamuchira, uchiva nechokwadi chokuti riri mufariro dzako dzakanakisisa uye mutsinhirano neShoko raMwari.

Mamwe manyuko ebetsero netsigiro iungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha. Ikoko unogona kuwana hama dzomudzimu nehanzvadzi, vanababa navanamai vachakufarira zvomenemene uye kukubetsera kukura mumudzimu nomundangariro. (Marko 10:30) Collin, pwere yeAfrica yadudzwa pakuvamba, akawana shamwari dzakadaro. Achinzwa kudikanwa kwenhungamiro, iye akavamba kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Nokukurumidza akaitwa shamwari nemitezo yeungano idzo dzakamuita kuti anzwe achidiwa uye achidikanwa. Mukufambira mberi kwenguva vabereki vake navakoma navanun’una vakavambawo kupinda misangano yechiKristu.

Sezvinobvira zvikuru, vabereki vako vanokuitira hanya zvomenemene asi vanongoda bedzi kusvinurira zvinodikanwa zvako. Tanga, uye ita kuti vazive zviri chaizvo zvinodikanwa izvozvo! Ndiani anoziva? Zvimwe uchawana kuti vanokufarira zvikuru kupfuura zvawakatongofungidzira.

[Mashoko Omuzasi]

a Vabereki varikurwisa zvinetso zvakakomba zvakadai sokupindwa muropa nemirimo kana kuti nezvinwiwa zvinodhakisa vangada betsero yenyanzvi vasati vakwanisa kugamuchira zvinodikanwa zvavana vavo.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Vabereki nhasi kazhinji kazhinji vanowanzonzwa vakarukutika uye vakaneta kuti vabate nezvinetso zvavana vavo

Kana pashure pokurava iyi magazini, une mibvunzo ipi neipi yeBhaibheri, tapota inzwa wakasununguka kuonana neZvapupu zvaJehovha paHoro yoUmambo munharaunda yenyu, kana kuti kunyorera vabudisi vamagazini ino. (Ona peji 5.)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe