RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 1/8 pp. 24-26
  • Kunwa Kunogona Kundiita Zvomenemene Anopindwa Muropa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunwa Kunogona Kundiita Zvomenemene Anopindwa Muropa Here?
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinwiwa Chinoraradzisa Nokunyanyodisa Kunwa Zvinoraradzisa
  • Chikonzero Nei Dzichinwa
  • Chinwiwa Chinoraradzisa—Chine Ngozi Kupwere!
  • Hutangirei?
  • MuKristu Anofanira Kuona Sei Nyaya Yekunwa?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Tungamirirwa Nemaonero aMwari Panyaya Yedoro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Kunwa—Huregerereiko?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ivai Nemaonero Akanaka Pakunwa Doro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 1/8 pp. 24-26

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Kunwa Kunogona Kundiita Zvomenemene Anopindwa Muropa Here?

KOSE ikoku kwakatanga apo Jerome akanga ane makore mapfumbamwe bedzi okukura. “Ndakaravidza zvinwiwa zvasara papati yakaitirwa pamba, ndakararadza, uye ndakada manzwire andakaita,” iye anotsanangura kudaro. Kutenga, kuvanza, uye kunwa zvinwiwa zvinoraradzisa kwakakurumidza kuva muitiro wezuva nezuva waJerome. Bva, iye anobvuma, kuti: “Handina kuziva kuti ndakanga ndine chinetso kutozosvikira ndava namakore 17. Apo vamwe vakanga vachidya chisvusvuro, ini ndakanga ndichinwa [marira 0,25] evodka!”

Kushandiswa uye kunwiwa zvisina kufanira kwechinwiwa chinoraradzisa kuri kuwedzera pamwero unokatyamadza pakati pavanhu vaduku munyika yose. MuUnited States moga, vanopfuura mamirioni ane gumi—hafu imwe—yavadzidzi veAmerica vamakore 13 kusvikira ku 18 okukura vakambonwa kanenge kamwe chinwiwa chinoraradzisa mugore rakapfuura. Anenge mamirioni masere anonwa pavhiki nevhiki. Kutaura idi, vachiri kuyaruka veUnited States vanonwa anopfuura magaba ane bhirioni rimwe ehwahwa uye anopfuura mamirioni 300 amabhodhoro ezvinwiwa zvine waini, chinwiwa chine waini inotutuma, pagore!

Bhaibheri rinoti pamusoro pechinwiwa chinoraradzisa: “Munhu ari wose anotsauswa nayo haana kuchenjera.” (Zvirevo 20:1) Bva, mamirioni epwere, kufanana naJerome, ari kutsauswa nechinwiwa chinoraradzisa. Ndedzipi dziri ngozi dzokunwiwa zvisina kufanira kwechinwiwa chinoraradzisa? Unogona sei kuziva kana uri kupindwa muropa?

Chinwiwa Chinoraradzisa Nokunyanyodisa Kunwa Zvinoraradzisa

Pachinogadzirwa sechinwiwa chine waini inonyiminyira kana kuti doro rinopupuma, chinwiwa chinoraradzisa chinoratidzika kuva chisingakuvadzi zvikuru. Kunaka uye zvitarisiko zvinogona kuva zvinonyengera, zvisinei. Chinwiwa chinoraradzisa murimo—mumwe une simba.

Vanachiremba vanotaura kuti chinwiwa chinoraradzisa chideredzeso chokushanda kwomuviri chinotapura uropi, chinoshanda pagadziriro huru yetsinga. Chikanwiwa muzvitsama zvine mwero nomukuru, chingaparira muuyo usingakuvadzi, unofadza. “Waini . . . inoita kuti mwoyo womunhu anofa ufare,” rinodaro Pisarema 104:15, (NW). Zvisinei, mwero wakanyanyisa wechinwiwa chinoraradzisa unogona kuparira kuraradza—mugariro umo kudzora kwomuviri nendangariro kunoratidzika kuva kwakuvadzwa. Kufanana naJerome, munhu angapindwa muropa, achiita kubva kwakakomba pakuda chinwiwa kusvikira pakushuva kana kuti kururira. Neiko ikoku kuchiitika? Muviri unogona kuita shiviriro nokuda kwechinwiwa chinoraradzisa kana chikanyanyoshandiswa. Munwi ipapo anofanira kunwa zvitsama zvikuru kwazvo nomutoo unowedzera kuti awane miuyo yayo. Asati akuziva, kunyange zvakadaro, apindwa muropa. Kana munhu angopindwa muropa bedzi, upenyu hwake hunoshandurwa nomutoo unosuruvarisa. Dzinenge pwere dzeUnited States dzina mamirioni mashanu dzine chinetso chokunwa.

Chikonzero Nei Dzichinwa

Muma 1930 pwerewo zvayo yeUnited States yakaravidza kunwa kwayo chinwiwa chinoraradzisa kokutanga pazera ramakore 18. Nhasi, inoita kudaro isati yasvika zera ramakore 13. Dzimwe dzinototanga kunyange dziri duku zvikuru. “Ndakanga ndava nezera ramakore matanhatu, . . . uye ndakadzvuta doro shoma mugirazi rasekuru vangu. . . . Ndakabatwa nedzungu zvikuru!” Anoyeuka kudaro Carlotta—chiradza chiri kunaya. Kana ukatanga uri muduku zvikuru, une bviro huru yokuva anopindwa muropa.

Chokwadika, vezera rako vanowanzoshandisa dzvinyiriro yakati kuti muna ikoku. Asi padzimwe nguva vabereki vanovawo nemhaka. Vamwe vanonyanyonwisa, vanoshandisa chinwiwa chinoraradzisa setsigiro yemirangariro, kana kuti kunyange kudada pamusoro pokuti vanogona kunwa hwahwa hwakawanda sei. Bhukwana rinoreva pamusoro pokunyanyodisa kunwa zvinoraradzisa rinoti: “Vana vanova vanwi vakura vanozvidavirira vanowanzobva mumhuri umo chinwiwa chinoraradzisa chinobatwa mukusavanza uye mukusavhunduka . . . , umo kunwa kune nzvimbo yako yakafanira.”a

Terevhizheni ndiimwe pesvedzero huru pavana. Pakuzosvika zera ramakore 18 pwerewo zvayo yeAmerica yaona zvinoitika zvokunwa 75 000 paTV—11 pazuva. Zviziviso zvounyanzvi, zvinoitwa nomutoo wokungwarira kuita kuti kunwa kuve kunoratidzika somukova womufaro norudo rwenyengano, zvinoratidzira mienzaniso youtere vachinwa mumigariro yepati yoruzha. Zvinwiwa zvinoraradzisa zvinopiwa zvinakiso zvemichero namazita ezvibereko anoyevedza. Zviziviso zvinopedza donzo razvo. Kupera kwevhiki kuri kose, pwere dzine 454 000 muUnited States dzinoenda kumapati okunwa, dzichisimudzira chiremba wokuvhiya mukuru weUnited States kutaura kuti dzakawanda dzadzo “dzinotova zviradza, uye dzimwe dzasara dzingava dziri kudarowo.”

Pwere dzakati, kunyange zvakadaro, dzinogombedzerwa kunwa nenhamo iri madziri. Kim akazivisa chikonzero nei akanwa doro: “Ndaishandisa [chinwiwa chinoraradzisa] kuti ndichinje chimiro changu chendangariro uye kundiita ndinzwe zviri nani pamusoro pangu ndimene.” Kana pwere ichinyara kana kuti kutambura nokuzviremekedza kwakaderera, kunwa kungaratidzika kuva chigadzikiso chinokwezva. Bva dzimwe dzinonwa kuti dzidzivise zvinhu chaizvo zvinorwadza zvoupenyu, zvakadai sokubatwa zvisina kufanira navabereki kana kuti kuregeredzwa. Neiko Ana akavamba kunwa? “Handina kutongowana chidakadaka chandaida.”

Chipi kana chipi chingava chikonzero chokutanga kunwa, mukufambira mberi kwenguva pwere ingakuwana kwakaoma nomutoo unowedzera kuti idzore kunwa kwayo. Panhambo iyeyo angazviwana amene anangana nokunyanyodisa kunwa. Wati wavamba kunwa here? Ipapo rangarira bvunzo inoti “Sezvo Wakavamba Kunwa.” Ungawana miuyo kuva inozivisa zvikuru.

Chinwiwa Chinoraradzisa—Chine Ngozi Kupwere!

“Avo vanogara nguva refu newaini” vanonyeverwa neBhaibheri kuti “pakupera kwayo iyo . . . inogupa uturu kufanana nemvumbi.” (Zvirevo 23:29-32, NW) Uturu hunopinzwa nenyoka ine uturu hunogona pashoma napashoma uye nomutoo unorwadza kukuvadza kana kuti kuuraya munhu. (Enzanisa naMabasa 28:3, 6.) Nenzira yakafanana, kushandiswa zvisina kufanira kwenguva refu uye kwokunyanyisa kwechinwiwa chinoraradzisa pashoma napashoma kunogona kukuuraya. Kunogona kukuvadza kana kuti kuparadza mitezo yako inokosha, zvakadai sechiropa chako, rwatata, uropi, uye mwoyo. Miviri yepwere ichiri kukura uye ndangariro zvinotapurika zvikurukuru nekuvadziko yakadaro, iyo padzimwe nguva isingarapiki.

Chinwiwa chinoraradzisa chinogona kuva kunyange chinokuvadza mirangariro yako kupinda muviri wako. Chinwiwa chingawedzera kwechinguvana chivimbo chako. Asi chivimbo chachinokupa ndechenhema—uye miuyo nguva dzose inopera. Munguva ino unodzivisa kukura kwako kwemurangariro nendangariro. Panzvimbo pokuva akaterama ndokugamuchira idi, unosvasvavirira chimwe chinwiwa. Asi pashure pokuva akaterama kwemwedzi 11, Peter wamakore 18 okukura anoti: “Ndiri kutofanira kudzidza kubvuma kunzwa kwangu ndokuwana nzira itsva dzokugonana nemigariro iyo chinwiwa chinoraradzisa chakandibetsera kugonana nayo kare. Ndinoona kuti mundangariro nomunzanga ndoda kuva namakore gumi namatatu okukura.”

Ipapo kune ngozi dzokunwa nokuchaira. Rufu rwomumugwagwa rune chokuita nechinwiwa chinoraradzisa ndirwo muurayi mukuru wavanhu vaduku muUnited States. Kunwa kunobatanidzwawo nokuuraya vanhu, kuzviuraya, uye kubitirira—zvimwe zvisakiso zvikuru zvorufu zvepwere.

Kupfuurirazve, kushandiswa zvisina kufanira kwechinwiwa chinoraradzisa kunogona kuva nemiuyo inoparadzanya paupenyu hwemhuri yako, ushamwari, basa rokuchikoro, uye umudzimu. Heino nzira inotaura nayo Bhaibheri: “Ndiratidze mumwe munhu anonyanyonwa zvikurusa, . . . uye ini ndichakuratidza mumwe munhu une nhamo nounozvinzwira amene urombo, nguva dzose anoparira nhamo uye nguva dzose anonyunyuta. Meso ake akatsvuka ropa, uye una mavanga angadai akadziviswa. . . . Uchanzwa sokunge uri mugungwa, uchisvotwa, uchikwira mumatanda echikepe chinofamba-famba.” (Zvirevo 23:29-34, Today’s English Version) Uru rutivi rwokunwa rusingatongoratidzirwi muzviziviso zveTV zvinokwezva.

Hutangirei?

Nyika dzakawanda naizvozvo dzinodzivisa pwere kunwa chinwiwa chinoraradzisa. Kana uri muKristu, une chikonzero chinogombedzera chokuteerera iyi mitemo, sezvo Mwari anokuraira kuva ano“zviisa pasi pezviremera zvikuru.” (VaRoma 13:1, 2) Kunyange kana kushandiswa kwechinwiwa chinoraradzisa pakati pepwere kuchibvumirwa nokuda kwetsika yomunzvimbomo, zvomenemene kuri mufariro dzako dzakanakisisa kuti utange kunwa panguva ino muupenyu hwako here? Sokutaura kunoita 1 VaKorinte 6:12 (NW), kuti, “zvinhu zvose zvinobvumirwa nomutemo . . . ; asi handi zvinhu zvose zvinobetsera.” Wagadzirira zvomenemene here kugamuchira mutoro wezvinwiwa zvinoraradzisa?

Chokwadi, apo vezera rako vanokupa chinwiwa chine waini chinonyiminyira, kungava kunoedza kuona manakire achinoita. Ziva, kunyange zvakadaro, kuti uri kupiwa murimo wokupindwa muropa kunobvira. Pwere dzoumwari munguva dzeBhaibheri, dzakadai saDhanieri, Shadreki, Meshaki, uye Abhednego, dzakanga dzine ushingi hwokudzivisa zviremera zveBhabhironi ndokuramba zvokudya zvinosvibisa newaini zvakapiwa kwavari namambo wechihedheni weBhabhironi. Iwewo unogona kuva noushingi hwokuti kwete!—Dhanieri 1:3-17.

Mukufambira mberi kwenguva uchava akura zvikuru—anobvumirwa pamutemo, mundangariro, mumurangariro, uye mumuviri—kuti unwe chinwiwa chinoraradzisa kana ichecho chiri chisarudzo chako. Kunyange zvakadaro, uchava akachenjera kushandisa kuva nemwero ndokudzivisa kupindwa muropa. Pwere dzakawanda dzakatopindwa muropa, uye nyaya yomunguva yemberi ichakurukura zvadzinogona kuita kuti dzinaye.

[Mashoko Omuzasi]

a Mune tsika dzakati pwere dzinowanzobvumirwa kunwa zvinwiwa zvinoraradzisa nezvokudya. Kunyange zvakadaro, vabereki vanova vakachenjera kuti vafungisise pamusoro pokuti chii chiri chakanakisisa nokuda kwavana vavo uye kusabvumira tsika dzavose kuti dzitungamirire zvisarudzo zvavo.

[Bhokisi riri papeji 26]

SEZVO WAKAVAMBA KUNWA:

◻ Une shamwari dzakasiana-siana here kana kuti shomanene zvikuru?

◻ Upenyu pamusha hwakaoma zvikuru here?

◻ Une chinetso chokurara here, kana kuti unonzwa wakapera mwoyo uye uchifunganya?

◻ Unoda chinwiwa kuti unzwe wakasununguka pana vamwe here?

◻ Haufari kana kuti unoodzwa mwoyo mauri umene pashure pokunwa here?

◻ Unoreva nhema kana kuti kuvanza idi rokuti unonwa here?

◻ Unokwenudzwa kana kuti kushatirwa apo mumwe munhu anobudisa miitiro yako yokunwa here?

◻ Munhu upi noupi akambokupa zano kana kuti kuita musere pamusoro pokushandisa kwako chinwiwa chinoraradzisa here?

◻ Unodavira here kuti zvinwiwa zvine waini nedoro zvakakunakira kuti unwe nemhaka yokuti izvo hazvisiri chinwiwa chinoraradzisa zvikuru, zvakadai sewhiskey, gin, rum, brandy, zvichingodaro?

◻ Wakarasikirwa nefariro kana kuti kurega mabasa okuzvifadza nawo nemitambo yawaichimbofarikanya here?

Kana wapindura kuti hungu kuinopfuura mibvunzo miviri, kungaratidza kuti une chinetso chakakomba chokunwa. Kana zvakadaro, ungava akachenjera kuti utsvake betsero nokukurumidza.

Manyuko: THE REGENT HOSPITAL, New York, NY.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Zviradza zvakawanda zvakava nezvinetso zvokunwa pazera rouduku

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe