RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 8/8 pp. 29-32
  • Sayenzi—Kutsvaka Zvokwadi Kunopfuurira Kworudzi Rwomunhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sayenzi—Kutsvaka Zvokwadi Kunopfuurira Kworudzi Rwomunhu
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ganhuriro Dzesayenzi
  • Chiito Chokukurumidzira Chinodikanwa
  • Ndiani Anogona Kupedza Chinetso?
  • Upenyu Munguva Yemberi Iri Pedyo
  • Sayenzi—Kutsvaka Zvokwadi Kunopfuurira Kworudzi Rwomunhu
    Mukai!—1993
  • Zvinhu Zvose Zviripo Noupenyu Zvakavapo Sei?
    Mukai!—2002
  • Sayenzi Inokubatsira Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Sayenzi—Kutsvaka Zvokwadi Kunopfuurira Kworudzi Rwomunhu
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 8/8 pp. 29-32

Rutivi 6

Sayenzi—Kutsvaka Zvokwadi Kunopfuurira Kworudzi Rwomunhu

Kugonana Nedenho Dzezana Ramakore rechi 21

PFUMBAMWE, sere, nomwe, uye kupfuurira kuverenga kwokudzika pasi! Kuverenga kwokudzika pasi nokuda kwokusimudza chitundumutseremutsere here? Aiwa, panzvimbo pezvo kuverenga kwokudzika pasi nokuda kwechiverengero chamakore achiripo rudzi rwomunhu rusati rwapinzwa mukusava nechokwadi kwezana ramakore rechi 21.a

Vachivakira pazviwanwa zvesayenzi zvezana ramakore rakapfuura, vazhinji vangadavira zvapachokwadi kuti sayenzi inogona kugonana nedenho dzipi nedzipi idzo zana ramakore rechi 21 ringaunza.b Vangarangarira sezvakaita munyori weFrance pakuvamba kwezana ramakore rechi 20. “Sayenzi nhasi yakatemerwa kubata ushe nyika,” iye akanyora kudaro. “Kubva zvino zvichienda mberi ubati ushe hwenyika, hahusi hwamwari, asi ndohwesayenzi, hwesayenzi somubetseri wavanhu nomusununguri worudzi rwomunhu.”

Kuti sayenzi izadzike idzi kariro, ingatofanira kupedza zvizhinji zvezvinetso zvayakabetsera kutanga.

Kuparadzanywa kwemhoteredzo uko sayenzi ine mutoro kukuru zvikuru. Bhuku rinonzi 5000 Days to Save the Planet rinotaura, kuti: “Kana tikachengeta nzira yedu yazvino uno yokuparadza mhoteredzo, mubvunzo hausati uri wokuti chaunga chazvino chichapukunyuka zana ramakore rinotevera here, asi kuti chichanyangarika nokuputika kana kuti chinyararire here?”

Ikoku hakutongoratidziki sechisarudzo chinogamuchirika.

Ganhuriro Dzesayenzi

“Masayendisiti mazhinji omuzana ramakore rechi 19 . . . kazhinji kazhinji akarangarira kuti rimwe zuva aizowana zvokwadi yakakwana nenzwisiso yokupedzisira,” rinodaro bhuku rinonzi The Scientist. “Vatsivi vavo,” rinopfuurira kudaro bhuku racho, “vanotaura bedzi nezvokusvika ‘nzwisiso yakaganhurirwa,’ yokupfuurira kusvika zvokwadi asi vasingatongoibati chose chose.” Uku kushaikwa kwezivo yakakwana kunoganhurira zvakakomba icho sayenzi inogona kuita.

Maidi esayenzi haana kutongochinja kwamakore ose apfuura, nepo rondedzero dzesayenzi dzakadaro—uye ikoku mukudzokorora. Kutaura idi, pane dzimwe nguva rondedzero dzakachinja kubva kune mumwe mugumo kuenda kune mumwe. Masayendisiti ezvokurapa akambofunga, somuenzaniso, kuti kubvisa ropa mumuviri womunhu ari kurwara zvakakomba kwakanga kuri chinhu chesayenzi chokuita. Gare gare vakafunga kuti kuisira ropa kwakanga kuri mhinduro. Zvino vamwe vari kutanga kuziva uchenjeri hwokusaita zvose zviri zviviri uye hwokutsvaka mishonga inotsiva ine ngozi shoma.

Sezviri pachena, icho masayendisiti anoziva chiduku zvikuru kupfuura chavasingazivi. The World Book Encyclopedia rinotaura, kuti: “Nyanzvi dzoruzivo rwezvirimwa dzichiri dzisingazivi chaizvoizvo kuti muitiro wephotosynthesis unoshanda sei. Nyanzvi dzoruzivo rwoupenyu nenyanzvi dzoruzivo rwokushanda kwezvinhu zvipenyu hadzisati dzawana mhinduro yomubvunzo wokuti upenyu hwakavamba sei. Vazivi venyeredzi havasati vaita tsananguro inogutsa yamavambo echisiko chose. Masayendisiti okurapa nenyanzvi dzoruzivo rwokushanda kwemiviri yezvinhu zvipenyu havazivi chisakiso kana kuti mushonga wekenza kana kuti nzira yokurapa nayo utachiona hwakasiana-siana hwezvirwere. . . . Nyanzvi dzendangariro hadzizivi zvisakiso zvose zvezvirwere zvendangariro.”

Sayenzi yakaganhurirwawo mupfungwa yokuti haigoni kuva iri nani kupfuura vanhu vanoironda. Namamwe mashoko, kushaiwa zivo kwomusayendisiti kunoparirwa nokusakwana kwake. Vanyori ve 5000 Days to Save the Planet vakawana kuti “kazhinji kazhinji . . . masangano edonzo chairo akatanga kunzvera, akashatisa kunzvera kwezvemari kunobetsera uye akadzvinyirira mashoko kuitira kuti atengese zvinhu zvinokuvadza kana kuti kupfuuridzira mibato inoparadza mhoteredzo.”

Kunyange kana voruzhinjisa vamasayendisiti vakatendeseka, ikoku kuchiri kusati kuri chikonzero chokupa ivo kana kuti mibato yavo ruremekedzo rusina kufanira. “Vakangofanana nomunhu ari wosewo zvake,” anotaura kudaro Edward Bowen akaberekerwa kuBritain, uyo ari musayendisiti. “Ivo vose vanokundikana. Vamwe vakazvitsaurira, vamwe havana kutendeseka, vamwe vane ungwaru zvikuru, vamwe vakagomara mundangariro. Ndakaziva mamwe amazita makuru esayenzi, vanhu vakaita zvakanaka zvikuru nokuda kwenyika. Uye nepo ndisina kuziva musayendisiti ave ari mutorongo, ndakaziva vamwe vakafanirwa zvikuru kuva vakadaro.”

Nenzira yakajeka, nemhaka yeganhuriro dzayo zhinji, sayenzi yomuzuva razvino uno haikwanisi kugonana nenzira inogutsa nedenho dzezana ramakore rechi 21. Zvikuru yakundikana kudzivirira mhoteredzo, uye panzvimbo pokubetsera kubvisa hondo papasi, yakabetsera kugadzira zvombo zvinoparadza zvikuru.

Chiito Chokukurumidzira Chinodikanwa

Munhu ari wose anobvuma kuti chimwe chinhu chinofanira kuitwa nokukurumidza. November akapfuura boka ramasayendisiti rine 1 575, kubatanidza vakundi 99 vomubairo weNobel, vakabudisa kutaura kune musoro unoti “World Scientists’ Warning to Humanity” umo vakanyora kuti: “Hakusisinazve gumi rimwe kana kuti makumi mashomanene amakore achiripo banza rokubvisa tyisidziro dzatatarisana nadzo zvino risati rarasika uye kariro dzorudzi rwomunhu dzaderedzwa zvikurusa.” Vakataura kuti: “Vanhu nenyika yomusikirwo zviri kubonderana.”

Nyevero dzakafanana dzakaziviswa kare. Kutaura idi, muna 1952, Bertrand Russell, muzivi weBritain wezana ramakore rechi 20 uye iye amene mutsigiri wesayenzi, akati: “Kana upenyu hwomunhu huchizopfuurira pasinei zvapo nesayenzi, rudzi rwomunhu ruchatofanira kudzidza kuranga mirangariro uko, munguva yakapfuura, kwave kusiri madikanwa. Vanhu vachatofanira kuzviisa pasi pomutemo, kunyange apo vanofunga kuti mutemo hauna ruramisiro uye kururama. . . . Kana kukasaitika rudzi rwomunhu ruchaparara, uye ruchaparara somuuyo wesayenzi. Chisarudzo chakajeka chinofanira kuitwa mukati mamakore makumi mashanu, chisarudzo pakati peChikonzero noRufu. Uye nokutaura kwokuti ‘Chikonzero’ ndinoreva kudisa kuzviisa pasi pomutemo sewakaziviswa nechiremera chamarudzi ose. Ndinotya kuti rudzi rwomunhu rungasarudza Rufu. Ndinokarira kuti ndakanganisa.”

Zvokwadi ndeyokuti, vanhu vanodisa kurarama mukuwirirana nemipimo yakarurama mazuva ano vashoma. Mushakabvu Mambo Martin Luther King mutungamiriri wokupa maruramiro akataura nenzira yakarurama, kuti: “Simba redu resayenzi rakurira simba redu romudzimu. Tine zvombo zvinotungamirirwa uye vanhu vasingatungamirirwi zvakanaka.” Bva, Russell nokusaziva akawana chaizvoizvo chigadzikiso chezvinetso zvenyika apo akataura kuti rudzi rwomunhu ruchatofanira “kuzviisa pasi pomutemo sowakaziviswa nechiremera chamarudzi ose.”

Ndiani Anogona Kupedza Chinetso?

Chokwadi, Bertrand Russell akanga asiri kunongedzera kuchiremera choumwari apo akataura nezvomutemo sowakaziviswa nechiremera chamarudzi ose. Bva, kuteerera mitemo yechiremera chakadaro ndiko chaiko kunodikanwa. Mitemo yavanhu nezviremera zvavanhu haisiri mhinduro chaizvoizvo. Haitongogoni kuchinja nyika uye nokudaro ndokudzivisa ngwavaira. Chinyorwa chinosuruvarisa chenhau chinobvumikisa kuti vanhu vanoda ubati ushe hwoumwari.c

Zvamazvirokwazvo, Mwari Wamasimba ose bedzi, ane zita rinonzi Jehovha, anogona kugovera chiremera chamarudzi ose nesimba namano zvokugonana nedenho dzezana ramakore rechi 21. (Pisarema 83:18) Chiremera icho vose vanofanira kuzviisa pasi pacho kana vachizogamuchira upenyu Umambo hwaMwari, uhwo huri hurumende yenyika yokudenga yakagadzwa noMusiki, Jehovha Mwari.

Kare kare Bhaibheri rakadeya kutaura pamusoro peiyi hurumende: “Nokuti takazvarirwa mwana, takapiwa mwanakomana: uye hurumende ichava papfudzi rake: uye zita rake richanzi . . . Muchinda Worugare. Nezvokukura kwehurumende yake norugare hakusati kuchizova nomugumo.” (Isaya 9:6, 7, King James Version) Uyu mwana akadeya kutaurwa, Jesu Kristu, akanambwa nenzira yenenji nemhandara Maria uye akaberekerwa muBetrehema reJudhea.—Ruka 1:30-33.

Ari pasi pano Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera pamusoro pehurumende yaMwari apo akataura, kuti: “Zvino imi nyengeterai kudai: . . . ‘Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.’” (Mateo 6:9, 10) Mudzimu mutsvene une simba waJehovha Mwari bedzi, kana kuti simba rinobata basa, unogona kubetsera vanhu vanodisa kuita chinjo dziri madikanwa muupenyu hwavo mutsinhirano nemitemo yakarurama yehurumende yake. Sayenzi haigoni. Zviuru zvamakore zvokusawirirana nenyongano chibvumikiso chokuti haigoni.

Jehovha Mwari, asina kuganhurirwa muzivo yakarurama yesayenzi, achava nechokwadi chokuti pasi rinofarikanya migariro yeParadhiso, sezvo yaivamo mubindu reEdheni, apo akasika vaviri vokutanga vohunhu. Panguva iyoyo akavaraidza, kuti: “Berekai muwande mugova vazhinji ndokuzadza pasi ndokurikurira.” (Genesi 1:28, NW) Kunyange zvazvo vakakundikana kuteerera uye vasina kuita mugove iwoyo, Jehovha Mwari achava nechokwadi chokuti donzo rake rapakuvamba rokuti pasi rino rive paradhiso rinozadzika. “Ndakataura, ndichazviuyisawo,” iye anodaro. (Isaya 46:11) Asi ndirini apo donzo rapakuvamba raMwari richazadzika?

Jesu Kristu navaapostora vake vakarondedzera migariro yaizovapo pasi pano mu“mazuva okupedzisira,” nokukurumidza Umambo hwaMwari husati hwatsiva hurumende dzavanhu. (2 Timotio 3:1-5; Mateo 24:3-14, 37-39; 2 Petro 3:3, 4) Apo mumwe anorava zviporofita zveBhaibheri zvakarongwa pano ndokuzvienzanisa nezvinoitika zvenyika, kunova pachena kuti tiri kurarama panguva apo Umambo hwaMwari huchaita chiito chinorondedzerwa muBhaibheri pana Dhanieri 2:44 (NW), chokuti: “Mumazuva amadzimambo iwayo [hurumende dzavanhu dzinotonga zvino] Mwari wokudenga achagadza umambo husati huchizotongoparadzwa. Uye umambo ihwo humene hausati huchizopfuuridzwa kuna vamwe vanhu vapi navapi. Huchaparadza ndokugumisa umambo hwose ihwohwu, uye ihwo humene huchamira kusvikira kunguva isingazivikanzwi.”

Upenyu Munguva Yemberi Iri Pedyo

Chimbofungidzira icho ikoku kuchareva nokuda kwenguva yemberi iri pedyo! Zvinhu zvinoshamisa zvakadini zvakachengeterwa rudzi rwomunhu mukati mezana ramakore riri kuuya, kana kusati kuri kunyange pamberi! Tapuro dzakashata dzezviuru zvamakore okubata ushe kwavanhu vasina kukwana, rudzidziso runonyengera, kutengeserana kwamakaro, uye sayenzi yenyika ino dzichatsiviwa noubati ushe hwoumwari, uhwo huchakomborera vanhu kupfuura kariro dzavo hurusa.

Iri ndiyo nzira iyo Bhaibheri rinorondedzera nayo zvinoitika zvine chokwadi chokuitika munyika itsva yakarurama yaMwari: “Tarirai, tabhernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Naizvozvo, chinokosha zvikurusa kwauri ndechokungwarira kuverenga kwokudzika pasi uko kuchaguma nokukurumidza pakuparadzwa kwetsika yenyika ino iri mukudzora kwomubati ushe ane simba, asingaoneki, Satani Dhiabhorosi. (Johane 12:31; 2 VaKorinte 4:3, 4) Kunokosha kuti udzidze kuda kwaMwari ndokukuita, nokuti Bhaibheri rinopikira, kuti: “Nyika iri kupfuura ndozviri kuitawo chishuvo chayo, asi anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Johane 2:17, NW.

Naizvozvo, ipapoka, chero bedzi nguva ichibvumira, shandisa nokuchenjera gadziriro dzaJehovha dzokupukunyuka. Ipapo ucharopafadzwa kufarikanya upenyu munguva yemberi, hungu, mukati mezana ramakore rechi 21 riri kuuya—pamwe chete nomuzana ramakore rechi 22, 23, uye mamwe mazana amakore asingaverengeki pashure pacho.

[Mashoko Omuzasi]

a Kutaura mukuwirirana noruzivo rwokuverenga, zana ramakore rechi 21 richavamba pana January 1, 2001. Kushandiswa kwakarovedzeka, zvisinei, kunorangarira zana ramakore rokutanga serinovamba mugore ra 1 kusvikira muna 99 (kwakanga kusina gore ra 0); zana ramakore rechi 2, kubvira muna 100 kusvikira muna 199; uye nenzira inowirirana, zana ramakore rechi 21, kubvira mugore ra 2000 kusvikira muna 2099.

b Iyi ndiyo yokupedzisira munhevedzano yamativi matanhatu emagazini yaMukai! pamusoro pesayenzi.

c Kusabudirira kwehurumende dzavanhu kwakasimudzirwa munhevedzano yamativi gumi yaMukai! wechiNgezi (August 8 kusvikira kuna December 22, 1990) ine musoro unoti “Human Rule Weighed in the Balances.”

[Bhokisi riri papeji 31]

Pakati Pamashoko Akashata, Mashoko Akanaka

Pasinei zvapo nefambiro mberi yesayenzi vazhinji vavana vanorumwa nenzara navanhu vakura vakaondoroka vachiri kuwanika. Asi nokukurumidza muUmambo hwouMesia hwaMwari, “kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.”—Pisarema 72:16.

Pasinei zvapo nefambiro mberi yesayenzi dzvinyiriro namasimba masimba zvichiri migariro yamamirioni. Asi nokukurumidza Mambo woUmambo hwouMesia “ucharwira mushaiwi kana achidanidzira; nomurombo usino mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushaiwi. . . . Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa.”—Pisarema 72:12-14.

Pasinei zvapo nefambiro mberi yesayenzi chiverengero chavanhu vasina misha, vanonetseka nedzimba nezvokudya zvakaringana, chinopfuurira kukura munyika yose. Asi nokukurumidza muUmambo hwouMesia hwaMwari, vanhu “zvamazvirokwazvo vachavaka dzimba ndokugara madziri . . . Havasati vachizovaka mumwewo munhu ndokugaramo; havasati vachizodyara mumwewo munhu ndokudya.”—Isaya 65:21, 22, NW.

Pasinei zvapo nefambiro mberi mune zvokurapa zvirwere zvinogona kudziviswa zvinopfuurira kuuraya mamirioni. Asi nokukurumidza muUmambo hwouMesia hwaMwari, “hakuna mugari wemo achataura kuti: ‘Ndinorwara.’”—Isaya 33:24, NW.

[Mufananidzo uri papeji 32]

Munhu ari wose pasi pano achafara

[Kwazvakatorwa]

Courtesy Hartebeespoortdam Snake and Animal Park

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe