Murangariro weBhaibheri
Tinoda Chaizvoizvo Vaprista Here?
“ONGAI chipo choUprista,” akadaro John Paul II mutsamba yake yegore negore kuvaprista pa“China Chitsvene,” 1992. Havasati vari vaKaturike bedzi asi vamwewo vazova vanoziva nenzira inorwadza zvikanganiso zvavo. Vakanzwa kudikanwa kwokuti mumwe munhu anogamuchirika kuna Mwari avaudze kuda kwaMwari, kuti ape Iye chibairo, uye kuti avareverere pamberi paMwari. Munhu akadaro anonzi muprista. Tinoda chaizvoizvo muprista kuti atibetsere kuwana kanganwiro kuna Mwari here?
Pfungwa yavaprista nezvibairo haina kutangwa navanhu asi yakatangwa naMwari. Kudai kwakanga kusina kutadzira Mwari, kwaisazova nokudikanwa kwavaprista. MuEdheni, munhu akakwana Adhama akanga asingadi muprista. Akasikwa asina chivi.—Genesi 2:7, 8; Muparidzi 7:29.
Ndivanaani Vakanga Vari Vaprista Vokutanga?
Tose zvedu nhasi takagara nhaka kutadza nemhaka yokuti Adhama akatadza namaune uye tiri vana vake. (VaRoma 3:23) Abheri, mwanakomana womunhu wokutanga, Adhama, akaziva ikoku. Bhaibheri rinoti nezvake: “Nokutenda Abheri wakabaira Mwari chibairo.” (VaHebheru 11:4) Kunyange zvazvo Abheri navamwe varume vakare vokutenda—vakadai saNoa, Abrahama, uye Jobho—vakanga vasingadanwi kuti vaprista, vakapa zvibairo kuna Mwari nokuda kwavo vamene kana kuti mhuri dzavo. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti nezvaJobho navanakomana vake: “[Jobho] ndokupisa zvipiriso zvinopiswa zvaivaringanira vose; nokuti Jobho wakati: ‘Zvimwe vanakomana vangu vakatadza.’” (Jobho 1:5) Kunyanguvezvo, vaprista nezvibairo zvakava sei zvinozivikanwa navose kutsika dzakawanda kwazvo?
Rangarira zvinoitika zvakapoteredza tateguru wakare Noa. Noa nemhuri yake vakanga vari vanhu bedzi vaifanira kupukunyuka Boporodzi renyika yose. Sezvo vakatsika papasi rakacheneswa, Noa akavaka artari ndokupa zvibairo mukuonga ngoni dzaJehovha noruoko runodzivirira. Sezvo marudzi ose ari vazukuru vaNoa, pasina panikiro akatevera muenzaniso wake uye mukufamba kwenguva akatanga mhatsa yemagamuchidzanwa ane chokuita navarevereri nezvibairo nokuda kwezvivi.—Genesi 10:32.
Rinopfuura zana ramakore gare gare, kupandukira Mwari kwakatanga muguta reBhabheri. Mwari akanyonganisa mutauro wavanhu uye vakapararira. (Genesi 11:1-9) Vamwe vaprista, zvino vari kusimudzira zvitendero zvakamonyana nezvakashata, vakatanga miitiro yakashata munyika dzavakapararira vachienda kwadziri. Kunyanguvezvo, Mwari akaona kudikanwa kwokudzidzisa vanamati vake pamusoro pokuda kwavo uprista hwechokwadi hune muprista mukuru, vaprista vaduku, uye zvibairo zvinogamuchirika kwaari.
Chikonzero Nei Mwari Akagadza Vaprista
Pashure penguva yakati Jehovha akapa rudzi rwaIsraeri vaprista avo vaiita mabasa makuru maviri. Kutanga, vaimirira Mwari pamberi pavanhu savatongi navarairidzi voMutemo waMwari. (Dheuteronomio 17:8, 9; Maraki 2:7) Rechipiri, vaimirira vanhu pamberi paMwari kupfurikidza nokupa zvibairo kwaari nokuda kwavanhu. Tsamba yaPauro kumaKristu echiHebheru inotsanangura, kuti: “Muprista mukuru mumwe nomumwe, wakatorwa kuvanhu, unogadzwa nokuda kwavanhu pazvinhu zvaMwari, kuti abaire zvipo nezvibairo pamusoro pezvivi; . . . Hakuna munhu ungazvitorera basa iri rinokudzwa, asi kana achidanwa naMwari.”—VaHebheru 5:1, 4.
Pauro anopfuurira kutsanangura kuti uprista hwaIsraeri hwakanga husiri nzira yokupedzisira yaMwari yokuyananisa vanhu Naye. Mabasa avaprista akanga ari zviratidzo zvainongedzera kuzvinhu zviri nani, “zvinhu zvokudenga.” (VaHebheru 8:5, NW) Apo zvinhu zvokudenga izvozvo zvakasvika bedzi, zviratidzo zvakanga zvichisiri kudikanwa. Kuenzanisira: Ungachengeta chiziviso chechinhu chaunoda zvikuru, asi waisazochirasa here kana wangowana chinhu ichocho bedzi?
Kare kare rudzi rwaIsrarei rusati rwavako, Mwari akaronga uprista hwaizobatira nokuda kwokukomborerwa, kwete kwaIsraeri bedzi, asi rudzi rwose rwomunhu. Pakutanga, Israeri akaropafadzwa nebanza rokugovera mitezo youprista ihwohwo. Apo rudzi rwacho rwakaumbwa, Jehovha akaudza Israeri, kuti: “Kana mukateerera inzwi rangu nomwoyo wose . . . ; muchava kwandiri ushe hwavaprista, norudzi rutsvene.” (Eksodho 19:5, 6; enzanisa naGenesi 22:18.) Nenzira inosuruvarisa, rudzi rwacho rwaisawanzoteerera inzwi raMwari. Nokudaro, Jesu akaudza vaprista navaFarise, kuti: “Muchatorerwa imi ushe hwaMwari, hukapiwa vanhu vanobereka zvibereko zvahwo.” Ndivanaani zvino vanofanira kubatira savaprista nokuda kwokukomborerwa kworudzi rwomunhu?—Mateo 21:43.
MaKristu Anoda Uprista Hwakadini?
Nemhaka yokuti takagara nhaka chivi kubva kuna Adhama, ruponeso kuupenyu husingaperi runobvira bedzi kupfurikidza nechibairo chakakwana chakagoverwa naJesu. (1 Johane 2:2) Jesu amene anotireverera soMuprista Mukuru, kungofanana nezvakafananidzirwa muuprista hwaIsraeri. VaHebheru 9:24 inoti: “Kristu haana kupinda panzvimbo tsvene yakaitwa namaoko, inofananidza iyo iri chaiyo, asi wakapinda kudenga kumene, kuti zvino azviise pamberi paMwari nokuda kwedu.” Nokudaro, kuisvonaka kukuru kwouprista hukuru hwaKristu kunobvisa kudikanwa kwavaprista vohunhu savarevereri. Bva, mabasa avaprista vaduku achiri madikanwa. Munzirai?
Vaprista vanofanira ku“bair[a] zvibairo zvo[mudzimu, NW], zvinofadza Mwari nokuda kwaJesu Kristu.” (1 Petro 2:5) Pamusoro pokuti izvozvi zvipiriso zvorudzii, Pauro akanyora, kuti: “Ngatirambe tichibaira Mwari naye chibairo chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake.” (VaHebheru 13:15) Naizvozvo, avo vachaumba uprista hwoumambo, apo vanenge vachiri pasi pano, vanomirira Mwari pamberi pavanhu seZvapupu zvake, kwete savarevereri. Gare gare, mudenga naJesu Kristu, vanomirira vanhu pamberi paMwari, vachishandisa betsero dzechibairo chaKristu uye vachiparira kuporeswa kwourema hwose.—Enzanisa naMarko 2:9-12.
Nepo vatendi vose vachifanira kupupurira, vashomanene zvikuru bedzi vachabatira mu“umambo hwavaprista” hwokudenga. Jesu akati: “Musatya henyu, imi kapoka kaduku, nokuti baba venyu vanofara nokukupai ushe.” (Ruka 12:32; Zvakazarurwa 14:1) Ivava vachamutsirwa kuenda kudenga uye “vachava vaprista vaMwari navaKristu, uye vachatonga samadzimambo naye kwechiuru chamakore.”—Zvakazarurwa 20:6.
Mwari akaronga kuti ava vaprista vakudenga vaite zvinhu mudzose dziri mbiri pfungwa yomudzimu neyokunyama izvo zvisina uprista hwati hwakwanisa kuita. Nokukurumidza, sezvo vanoshandisa betsero dzechibairo chorudzikinuro chaJesu, vachakwanisa kugoverana mukudzorera rudzi rwose rwomunhu runotenda kukukwana kwohunhu. Ipapo, Isaya 33:24 ichava nezadziko inoshamisa. Inoti: “Hakuna ugeremo, uchati: Ndinorwara; vanhu vageremo vachakanganwirwa zvakaipa zvavo.”
[Mufananidzo uri papeji 22]
“Benediction of the Wheat at Artois” 1857, wakaitwa naJules Breton: France / Giraudon/Art Resource, N.Y.