RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 12/8 pp. 16-17
  • “Hatisi Kunyimwa!”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Hatisi Kunyimwa!”
  • Mukai!—1993
  • Mashoko Akafanana
  • Sarudza Kunamata Mwari
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Tsigira Kunamata Kwechokwadi
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Tinofanira Kupemberera Mazororo Here?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Nei Zvapupu zvaJehovha Zvisingapembereri Mamwe Mazororo?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 12/8 pp. 16-17

“Hatisi Kunyimwa!”

Tsinhiro dzakaitwa navadzidzisi vechikoro navamwe kuti vana veZvapupu zvaJehovha vanonyimwa kupfurikidza nokusabvumirwa kukumbanira mumufaro wezvinoitika zvechikoro zveKrisimisi, Isita, uye Halloween. Unotevera muenzaniso muduku wetsinhiro dzavana vari Zvapupu zvaJehovha, dzinotaura mutsamba chikonzero nei ivo vamene vachiramba kuva norutivi rwupi norwupi mukuchengeta aya mazororo.

“KUNYANGE zvazvo ndakatsanangurira vokuchikoro biyangu vangu chikonzero nei ndakanga ndisingachengeti izvi zvinhu, vakanga vachiri vanorangarira kuti ndakanga ndiri kunyimwa. Asi ndakanga ndisiri! Onai, nguva dzose vanotofanira kumirira kutozosvikira Krisimisi yavo kana kuti rimwe zororo rakati kuti vawane zvipo, nepo ini ndanga ndichipiwa zvinhu uye ndichienda kumapati mugore rose. Ndinoziva kuti ndinodiwa kwete bedzi nemhuri yangu asi neungano uye pamwe chete naJehovha, uye izvozvo zvinokosha zvikuru kwandiri kupfuura zororo ripi neripi.”—Becky, zera ramakore 13.

“Ndinoziva kuti mazororo ose ane migariro yekare yakashata. Jesu haana kuberekwa paKrisimisi. Mhuri yangu haifaniri kuita chinhu chipi nechipi chokutsiva mazororo akadaro. Mhuri yangu nguva dzose inowanika kuti indibetsere pari pose pandinovada. Ikoko kunokosha zvikuru kwandiri kupfuura chipo chipi nechipi icho vangambondipa.”—Josh, zera ramakore 15.

“Krisimisi. Handisi kunyimwa nemhaka yokuti haisati iri hayo chaizvoizvo yechiKristu. Ndingasva hangu ndaziva kuti vabereki vangu vakandipa chipo kupfuura munhu akati akavanzika weSanta. Isita. NeIsita kwakaoma chaizvoizvo nemhaka yokuti vanhu vachataura kuti ndeya‘Jesu norumuko’ kana kuti kunongova bedzi kundo‘tsvaka mazai.’ Asi zvisinei hazvo mazai anei chokuita naJesu? Kunyange zita rokuti Isita rinobva muna mwarikadzi wekare. Halloween. Pfungwa huru yeHalloween haitongofadzi kwandiri. Zvipoko navaroyi, NDINOZVIVENGA SEI!”—Katie, zera ramakore gumi.

“Sepwere handina kutongonzwa shungu pamusoro pokupotsa kuchengetwa kwamazororo enyika. Handina kuudzwa navabereki vangu kuti ‘haungagoni kuita ichi kana icho nemhaka yokuti uri mumwe weZvapupu zvaJehovha,’ asi ndakarovedzaniswa neBhaibheri nemirangariro yaJehovha pamusoro paaya mazororo. Kana zviri zvipo, mumba medu, kupa zvipo ndokwegore rose.”—Ryan, zera ramakore 17.

“Zororo riri rose rinochengeta chimwe chinhu chenhema uye rinonangidzirwa pazvinhu zvenhema. Vazhinjisa vavana vandinoziva vanochengeta mazororo nokuda kwamasiwiti kana kuti zvipiwa. Chimwe chinhu chandinacho chiri nani kupfuura mazororo isangano rinoshamisa reZvapupu zvaJehovha. Panzvimbo pokugara zuva rimwe chete, sezororo, Shoko raJehovha Mwari rine shoko rinofadza rinogara nokusingaperi.”—Brooke, zera ramakore 14.

“Zvikonzero nei ndisingashaiwi mazororo: 1. Bhaibheri rinotaura kuti akashata. 2. Handina hanya nawo. 3. Amai vangu nababa vanondipa zvipiwa.”—Brandi, zera ramakore matanhatu.

“Handinzwi ndichinyimwa. Handina hanya. Ndinowana zvipiwa, uye tinotamba mitambo uye kuva namapati. Ndinowana zvinhu zvizhinji pasina kufanira kuchengeta mazororo. Ndinoda kuramba ndiri Chapupu chipi kana chipi chandinoita uye hapana chinhu chinogona kundidzosera kumashure.”—Brianne, zera ramakore mapfumbamwe.

“Ndava kuenda mugiredhi rechishanu uye handisuruvariswi nokubvuma kuti ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Imwe nguva mumwe mukomana akataura kwandiri kuti ndinofanira kunzwa zvakashata nemhaka yokuti handina kuwana zvipo zvipi nezvipi zveKrisimisi, asi ini ndakataura kuti ndinowana zvipo gore rose. Ipapo akati ndakanga ndine mhanza yakanaka. Ndinofunga kuti hapafaniri kuva neChapupu chaJehovha chinonzwa urombo pamusoro pokuva Chapupu chaJehovha.”—Jeff, zera ramakore gumi.

“Mukoma wangu neni takaita kuchengeta kwegore negore kwavabereki vedu zororo redu timene remhuri. Ndakawana mufaro mukurusa mukurongedzera zvipiwa namakadhi nezvinhu uye kubetsera vabereki vangu kurongedzera zvinhu kushamisa mumwe nomumwe kupfuura zvandakamboita mukuwana zvipo kubva kune munhu upi noupi. Kupa kuri nani kupfuura kugamuchira.”—Rachel, zera ramakore 16.

“Apo ndakanga ndiri muduku, mamwe mazororo akanga akandiomera. Asi gare gare ndakaziva kuti mazoro anogona kusakisa makaro, nharo, uye rusuruvaro. Apo kunenge kune nguva dzakagadzwa dzokupa, hausati uchitongoshamiswa nechipo. Ndingasva hangu ndawana zvipo chaizvo panguva ipi neipi yegore. Kuchengeta kana kuti kusachengeta kunongova hako rutivi ruduku rwechisarudzo chikuru zvikurusa: kuzvitsaurira umene kubatira Jehovha kana kuti kwete. Apo ndinofunga nezvako nenzira iyoyo, chisarudzo chakarurama chinojeka.”—Ben, zera ramakore 13.

“Kwaiva nenguva apo ndakanga ndiri muduku zvokuti ndakanzwa kuti ndakanga ndichirasikirwa, asi ndakaseka gare gare apo ndakafunga kuti mazai, Jesu, uye bhanzi reIsita zvose zvakava pamwe chete sei. Apo ndakanga ndakura uye vabereki vangu vakanditsanangurira kuti zviratidzo zvose zvakavamba sei, ndakakuwana kuchinyangadza. Kwakandirwadza kufunga kuti Jehovha naJesu vanofanira kuva vanonzwa sei kuva vanobatanidzwa nepfungwa dzakadaro dzechihedheni.”—Alexa, zera ramakore 18.

“Munguva yeKrisimisi, kuva muchikoro kunogona kuva kunoodza mwoyo zvikuru uye kunogona kukuita unzwe usingabatanidzwi. Ipapo ndakaziva kuti kuchengeta Krisimisi hakungagoni kupedza zvinetso zvako, hakugoni kuswededza mhuri yako pamwe chete, uye hakugoni kukufadza. Kunongova bedzi kupfurikidza nokurarama mukuwirirana nemipimo yeBhaibheri kunogona kuita ikoku.”—Joe, zera ramakore 15.

“Panzvimbo pokuva neKrisimisi kana kuti rimwe zororo ripi neripi, tine Zuva Rezvidhori Zvikuru. Tinowana chipo chemari yokupedzera pachinhu chipi nechipi chatinoda. Rimwe gore ndakapa hurukuro kukirasi yangu pamusoro porudzidziso rwangu. Panzvimbo pokutevera nzira yenyika, ndinoronga nzira yangu ndimene yokupinda misangano, kupinda mubasa romumunda, uye kuita munyengetero rutivi rwoupenyu hwangu. Ndiri kubhapatidzwa pagungano rinotevera.”—George, zera ramakore 11.

“Ndinoda kuwana zvipiwa, uye ndinozvigamuchira mugore rose. Handisiri kushaiwa zvakawanda pakureva nezvamapati. Ndiri kufadza Jehovha apo ndinotsigira zvokwadi. Kunofadza kuona vamwe vomukirasi biyangu vangu vasiri vechiKristu, vari vechiHindu, vechiJudha, uye zvichingodaro, vachichengeta Krisimisi uye vachiwana zvipo bva vasingazivi icho zororo riri pamusoro paro.”—Julia, zera ramakore 12.

“Apo ndaishaiwa mazororo kuchikoro ndakanga ndisingazvidembi. Vana vanoita zvakawanda zvezvinhu zvechienzi, zvakafanana nokupfeka zvakakodzera paHalloween. Handitongoishaiwi. Ndinovaudza kuti vabereki vangu vanonditengera sei zvinhu mukati megore rose. Vanondiudza pamusoro pechechi yavo uye mafinhire ainoita, uye ndinovaudza pamusoro pemisangano yatinova nayo inoitirwa mumunhanga, uye pane dzimwe nguva vanoita shanje. Asi ini handina shanje navo. Mukupeta, ndinotaura kuti ingoitai bedzi shamwari dzinoremekedza zvitendero zvenyu uye musatongorega mudzidzi kana kuti mudzidzisi achikugombedzerai kuita chinhu chipi nechipi chinorwisana nokuda kwaJehovha.”—Justin, zera ramakore 12.

“Ndinonzwa ndichinyimwa here? Aiwa, nemhaka yokuti tine mamwe mapati, uye apo vanhu vanochengeta Krisimisi, vana vanofunga zvikurukuru pamusoro paSanta Claus, kana kuti paIsita vanofunga pamusoro pebhanzi reIsita, asi ndinoziva kuti vanobva mumarudzidziso echihedheni. Ndinoda basa romumunda nemhaka yokuti rinondibetsera kunangidzira ngwariro pazvokwadi.”—Sharon, zera ramakore masere.

“Ndinogona kutaura nenzira yokutendeseka kuti handina kutongonzwa ndisingagutsikani pamusoro pokuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Mhuri yangu neni tine zvakawanda zvokufara nazvo. Apo kunenge kuna mapati kuchikoro amai vangu vanoenda neni kuzvokudya zvamasikati. Vabereki vangu vanounza zvipo kuchikoro pasina chikonzero chaicho uye vana vose ipapo vanoziva kuti tine mufaro. Ndiri pedyo zvikuru navabereki vangu uye apo vana vanobvunza chikonzero nei ndisingachengeti mazororo ndinovaudza kuti ndinochengeta zuva riri rose. Chapupu chipi kana chipi chinogona sei kunzwa chisingabatanidzwi?”—Megan, zera ramakore 13.

“Halloween. Vana vanopfeka savanadhiabhorosi, vanhu vakatanhamara vomumabhuku amakomiki—nokuda kweiko? Vana vanodzungaira mumigwagwa vachienda paimba imwe neimwe vachiita kuti homwe dzizare namasiwiti. Kana kuti kukandira mazai padzimba, vachisungirira mapepa omuzvimbudzi pamiti, uye rutivi rwakaipisisa vabereki vazhinjisa vanobatira pamwe nako.”—Zachary, zera ramakore gumi.

“Handifaniri kumirira zuva chairo kuti ndiwane zvipo. Amai vangu nababa vanondiwanira zvimudhori zvakawanda nguva dzose. Halloween kunamatwa kwemidzimu yakafa. Hakuna kururama. Mwari bedzi watinofanira kunamata ndiJehovha.”—Nicholas, zera ramakore matanhatu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe