RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 1/8 pp. 28-29
  • Mabatanidzirwe Achaitwa Nyika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabatanidzirwe Achaitwa Nyika
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rugare rweNyika Yose Rwakadeya Kutaurwa
  • Icho Mwari Achaita
  • Zvichafamba Sei Kuti Pasi Rose Pave Nerugare?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Rugare—Zvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Imba yaJehovha Inokwidziridzwa
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
  • Rugare Rwenyika—Sei Uye Rini?
    Mukai!—1988
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 1/8 pp. 28-29

Mabatanidzirwe Achaitwa Nyika

NHAMBURIKO dzavanhu dzokuzvitonga vamene nomutoo unobudirira dzakakundikana nomutoo wakasiana. Pasina panikiro uchabvumirana nokutaura kwakafuridzirwa, kwokuti: “Munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.” (Muparidzi 8:9) Neiko vanhu vakundikana nomutoo unosuruvarisa pakuzvitonga vamene?

Bhaibheri rinopa chikonzero chacho, richitsanangura, kuti: “Nzira yomunhu haisi yake amene; munhu, anofamba haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Kwete, haisati iri ropafadzo yomunhu, kana kuti maruramiro, kuzvitonga iye amene kana kuti zvimwe vanhu biyake. Maruramiro chaiwo aJehovha Mwari, Musiki wedu, nezvake tinoudzwa, kuti: “Jehovha ndiye mutongi wedu, Jehovha ndiye mutemi wemirairo yedu, Jehovha ndiye mambo wedu.”—Isaya 33:22.

Apo bedzi vanhu vose vanogamuchira Jehovha Mwari soMutongi nyika ichabatana. Asi ikoko kuchazomboitika here? Kare kare muporofita waMwari akataura nezvo“rutivi rwokupedzisira rwamazuva,” apo vanhu vazhinji vachavamba kutarira kuna Jehovha nokuda kwomurairidzo.

Rugare rweNyika Yose Rwakadeya Kutaurwa

“Pamazuva okupedzisira zvichaitika,” muporofita Isaya akanyora kudaro, kuti “gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo . . . marudzi ose achamhanyira kwariri. Vanhu vazhinji vachaendako vachiti: ‘Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye uchatidzidzisa nzira dzake.’” Apo tinopfuurirazve kurava, tinoona muuyo wokutarira kuna Jehovha nokuda kwomurairidzo. “Vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti,” uporofita hunopfuurira. “Rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.”—Isaya 2:2-4.

Hungu, muuyo wokuteerera iyi dzidziso youmwari waizova kusavapozve kwokurwa, kusavapozve kwamasimba masimba amadzinza, kusavapozve kwehondo. Vatongi vohunhu vakafungidzira kuti vaigona kuzadzika uhu uporofita hweBhaibheri uye kunyange kunyora rutivi rwokupedzisira rwahwo pamadziro eUnited Nations Plaza muNew York City. Bva, hondo noruvengo pakati pamapoka amarudzi naamadzinza zvakawedzera bedzi kusvika kumugumo wa 1993. Nokudaro ungati uporofita hwaMwari hwakundikana here?

Kwete, hahuna—nokuti vanhu vanobva pakati pamarudzi ose vari pari zvino kudirana kuimba yaJehovha kuti vagamuchire dzidziso youmwari. Zvamazvirokwazvo, iyi yo“Kudzidzisa Kwoumwari” Kokorodzano yamadziya apfuura yeZvapupu zvaJehovha yave iri chipupuriro chakaisvonaka sei muzadziko youhu uporofita! Uhama hwenyika yose hweZvapupu zvaJehovha hahubvumiri chipi nechipi—ringava dzinza, rudzi, kana kuti mugariro wedzinza—kuzvikonzera kuvengana kana kuti kuurayana. Vakapfura nenzira yokufananidzira minondo yavo kuva mapadza uye mapfumo avo kuva zvisanzauriso.

‘Asi,’ mumwe munhu angaramba achiti, ‘haugoni kukarira munhu ari wose kuteerera murairo waMwari wokudana.’ Kunyange zvazvo ikoku kuri chokwadi, Mwari ane simba rokubvisa vashori vose vokuda kwake kwoumwari.

Icho Mwari Achaita

Unonyengetera seizvo Jesu akadzidzisa vateveri vake here, kuti: “Baba vedu vari kudenga, Zita renyu ngarikudzwe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe munyika, sezvakunoitwa mudenga”? (Mateo 6:9, 10, King James Version) Kana uchidaro, unogona kuva nechivimbo chokuti Baba vedu vokudenga vane rudo vachapindura munyengetero iwoyo. Vachaita sei ikoko?

Mwari akatogadza Mwanakomana wake, “Muchinda Worugare,” somutongi akasarudzwa we“hurumende” yake, Umambo uhwo takadzidziswa kunyengeterera. (Isaya 9:6, KJ) Tinoda mutongi akadaro womudzimu anopfuura wohunhu, nokuti iye bedzi anogona kubvisira rudzi rwomunhu pesvedzero yakashata yaSatani namadhemoni ake. Vatongi vohunhu, pasinei hapo nokuva nenharidzano dzakanaka, havagoni kuita kudaro.—1 Johane 3:8; Zvakazarurwa 12:7-12.

Asi, chii chichaitika kuhurumende dzomuzuva razvino dziripo idzo dzinokundikana kuzviisa pasi poutongi hwoumwari? Humwe uporofita hweBhaibheri hunotsanangura Umambo uhwo Jesu akatidzidzisa kunyengeterera hunoti: “Mwari wokudenga uchagadza umambo husati huchizotongoparadzwa. . . . [Umambo hwokudenga hwaMwari] huchaputsanya ndokuparadza maumambo iwayo ose, uye ihwo humene huchagara kusvikira kunguva dzisingazivikanwi.” Nokudaro, kunyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye kunoreva kuti tiri kunyengeterera hurumende imwe yenyika yose pasi pokutonga kwo“Muchinda Worugare.”—Dhanieri 2:44, NW; Isaya 9:6.

Ipapo, apo mhuri yavanhu inenge yabatanidzwa murugare pasi poUmambo hwaMwari, vose vachadana pasinei zvapo norudzi kana kuti mugariro wedzinza. Inguva ine mbiri yakadini yaichava! (Zvakazarurwa 21:3, 4) Tinokukoka kufarikanya kudeya kuonwa kwomugariro iwoyo une rugare kunyange zvino pakati peZvapupu zvaJehovha uye ipapo kutarira mberi navo kunguva apo nyika yose ichave yabatanidzwa murugare.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe