RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 2/8 pp. 4-6
  • Kuziva Zvinodikanwa Zvavabereki Vako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuziva Zvinodikanwa Zvavabereki Vako
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vanodei Chaizvoizvo?
  • Iva Anotapurwa
  • Kukudza Vabereki Vedu Vakwegura
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Kuchengeta Vakwegura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Ndinofanira Kuitei Kana Vabereki Vangu Vachipopotedzana?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 2/8 pp. 4-6

Kuziva Zvinodikanwa Zvavabereki Vako

KUTI uve webetsero yechokwadi kuvabereki vako vanokwegura, unofanira kuziva zviri zvinodikanwa zvavo nezvavanofarira. Ukasadaro—nevavariro dzakanaka—ungapa zvinhu namabasa izvo vabereki vako vasingashaiwi uye vasingadi, kunyange zvazvo vangave vasingadi kukuudza izvozvo. Ipapo ukama hwenyu, hwakavakirwa pakusanzwisisana, hunova hunodzvinyirira nenzira isiri madikanwa kwete bedzi nokuda kwako asi nokuda kwavabereki vakowo.

Vanodei Chaizvoizvo?

Achidavira kuti rimwe zuva kuchava kuri madikanwa kuita kuti vabereki vake vauye kuzogara naye, mumwe mukadzi anoronga kutama ikoko pakarepo. Gare gare anowana kuti vabereki vake vanokwanisa chaizvo kugara mumusha mavo vamene—uye vangava vanofara zvikuru nenzira iyoyo!

Aita kuti vabereki vake vauye kuzogara naye, mumwe mwanakomana anoti: “Hamusati muchizobhadhara mari kuti mugare mumba mangu! Kwete pashure pezvose zvamakandiitira!” Zvisinei, ikoku kunoita kuti vabereki vake vanzwe vachinyanyotsamira pane vamwe. Pakupedzisira vanomuudza kuti vangada havo chiremera chokubetsera munzira yakati.

Mhuri inogovera basa duku riri rose nokuda kwavabereki vayo vanokwegura kuti ive nechokwadi chokuti vakasununguka uye havaremerwi nokushandiswa kwomuviri. Gare gare vanowana kuti vabereki vavo vanoda kuzviitira vamene zvakawanda.

Mumumwe nomumwe wemienzaniso iri pamusoro apa, mabasa aiitwa akanga ari zvose zviri zviviri asingashaikwi neasingadikanwi navabereki. Ikoku kunogona kuitika nenzira iri nyore kana mwanakomana kana kuti mwanasikana ane vavariro dzakanaka achisundwa nepfungwa huru yebasa kana kuti kana kune kushaikwa kwenzwisiso pamusoro pezvinodikanwa chaizvoizvo zvavabereki. Funga nezvefunganyo isiri madikanwa iyo ikoku kunoparira nokuda kwavose vanobatanidzwa. Chigadzikiso chacho, chokwadika, ndiko kuziva zvinoshaikwa nezvinodikanwa chaizvoizvo zvavabereki vako.

Vabereki vako vanoda chaizvoizvo kutamira mumusha mako panguva ino here? Vanotomboda kudaro here? Kungakushamisa kuziva kuti vamwe vanhu vakura vanoshuva kugara nomutoo wokuzvimirira sezvinobvira. Nokuda kwokutyira kunzwika kuva vasingaongi, vangazengurira kutaura kuvana vavo kuti vaizoda havo kugara vari voga mumusha wavo vamene, pasinei zvapo nezvinetso zvakati. Vangada vana vavo ndokuda kupedza nguva navo. Asi kutsamira pavana vavo here? Aiwa, vangada havo kuzviitira vamene zvinhu.

Zvichida rimwe zuva kuchava kuri madikanwa kutamisira vabereki vako mumusha mako. Zvisinei, kana nguva iyoyo ichigere kusvika, uye kana vachida havo nenzira yokutendeseka kugara vari voga, kuvanyimirei aya makore okuzvimirira? Kugadziridzwa kwakati kwomusha kana kuti kuridza runhare kwenguva dzose kwakarongwa parudungwe kana kuti shanyo zvingavagonesa kupfuurira kugara mumusha mavo vamene here? Vanganzwa vachifara zvikuru mumusha mavo vamene, vachiita zvisarudzo zvavo vamene zvezuva nezuva.

Mumwe mutarisiri akatsanangura kukurumidza kwake amene mukuita kuti amai vake vatamire mumusha make: “Apo baba vangu vakafa, takaita kuti amai vangu vatamire mumusha medu, tichivanzwira urombo. Sezvakazoitika, vakagara kwamamwe makore 22. Panzvimbo pokutengesa imba yavo, vaigona kuve vakapfuurira kugara mairi. Usatongokurumidza mukusarudza kuti inhanoi dzinofanira kutorwa. Chisarudzo chakadaro, kana changoitwa bedzi, chakaoma kuchinja.”—Enzanisa naMateo 6:34.

‘Asi,’ ungataura kudaro, ‘zvakadiniko kana chimwe chinhu chikaitika kumumwe wavabereki vangu apo vanenge vari kugara mumusha mavo vamene? Kana Amai kana kuti Baba vakadonha ndokukuvara, ndinganzwa ndine mhaka zvikuru!’ Iyi iitiro hanya yakanaka, zvikurukuru kana simba ravabereki vako kana kuti utano hwaderera kusvikira papfundo rokuti kune ngozi chaiyoiyo yetsaona. Kana kusina kudaro, kunyanguvezvo, zvibvunze umene kana itiro hanya yako iri nokuda kwavabereki vako kana kuti nokuda kwako umene, ndiko kuti, kuti uzvidzivirire umene pakuva nemhaka kusina kufanira.

Rangarirawo bviro yokuti vabereki vako vaizova vari nani zvikuru mumusha wavo vamene. Mubhuku rinonzi You and Your Aging Parents, Edith M. Stern naDr. Mabel Ross vanoti: “Fundo dzakaratidza kuti vabereki vakura vanoramba vari vaduku zvikuru uye vakachangamuka zvirokwazvo zvikuru mumisha yavo vamene kupfuura kune imwe nzvimbowo zvayo. Mukupfupikisa, kuedza kusina kururama kwakawanda kuita kuti makore okuchembera ave nyore kunobudirira bedzi mukuita kuti kuchembera kukurumidze zvikuru.” Naizvozvo, betsera vabereki vako kugara nomutoo wokuzvimirira sezvinobvira, apo unenge uchigovera tarisiro namabasa zvavanoshaiwa zvomenemene. Unofanirawo kuzivazve panhambo nenhambo ndokugadziridza sezvo zvinodikanwa zvavabereki vako zvinowedzera kana kuti kunyange kuderera.

Iva Anotapurwa

Uchirangarira utano nemigariro zvavabereki vako, kungava kuti kuvaita kuti vauye kuzogara mumusha mako ndicho chisarudzo chakanakisisa pashure pokurangarira zvose. Kana zvakadaro, iva anotapurwa nebviro yokuti vanoda havo kuzviitira vamene zvakawanda sezvinobvira. Kufanana navanhu vezera ripi neripi, sezvingabvira vanoda kuva nezivikanwo yavo vamene, rudungwe rwavo vamene rwemibato, uye shamwari dzavo vamene. Ikoku kunogona kuva kwakanaka. Nepo kuchava kunofarikanyika kuitira zvimwe zvinhu pamwe chete semhuri inobatanidza dzimwe hama dzokunyama, kungava kwakanaka kuti uchengete mibato yakati nokuda kwemhuri yako yapedyo chete uye kubvumira vabereki vako mibato yavo vamenewo. Mumwe mutarisiri akaonesa nenzira yokuchenjera, kuti: “Iva nechokwadi chokuti vabereki vako vane fenicha yavakarovedzana nayo namapikicha zvinokosha kwavari.”

Mukuvavarira kunzwisisa zvinodikanwa chaizvoizvo zvavabereki vako, taura kwavari. Teerera zvinetso zvavo uye iva anotapurwa nezvavangave vari kuedza kukuudza. Vatsanangurire zvaunogona kuvaitira nezvausingagoni kuti vasakuvadzwe nekariro dzenhema. “Iva nenzwisiso yakajeka pamusoro pezvinofanira kukarirwa kubva kuna vose vari mumhuri,” akarumbidza kudaro mumwe mutarisiri. “Kurukurai kazhinji kazhinji kuti mudzivise shungu dzakashata nepfundepfunde dzakawedzerwa.” Kana ukaita zvipikirwa zvipi nezvipi zvenguva refu (“Ndichakushanyirai masikati ari ose oMuvhuro”; “Ndichafamba-famba nemi kupera kwevhiki kuri kwose”), ungada kukujekesa kuti ungada kukuedza kwenhambo yakati yenguva ndokuona kuti kunoshanda sei. Nenzira iyoyo, kana kukabvumikisa kuva kusingashandi, suo rakatozaruka nokuda kwokuzivazve.

Hapana nechimwe chezviri pamusoro apa chinofanira kurangarirwa sechikonzero chokunyima vabereki vako rukudzo norubatsiro zvakavafanira. Chimiro choMusiki pamusoro penhau yacho chakajeka. Vana vakura vane mungava kuvabereki vavo wokuremekedza, kutarisira, uye kutsigira. Jesu akashurikidza vaFarise vanozviruramisa nokuda kwokumonyanisa magwaro kuti vapembedze kuregeredzwa kwavabereki. Mashoko akajeka ari pana Zvirevo 30:17 anozivisa kunyangadzwa uko Mwari anonzwa kune avo vanozvidza vabereki vavo: “Ziso rinoseka baba, rinoshora kuteerera mai, makunguvu omupata acharinongora, vana vegondo vacharidya.”—Ona Marko 7:9-13; 1 Timotio 5:4, 8.

Sezvaunopa rubatsiro runodikanwa kuvabereki vako, ungananganawo nedzvinyiriro itsva. Unogona sei kugonana naidzodzi? Nyaya inotevera ichapa zvikarakadzo zvakati.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Mubereki angafarikanya mibato yokuzvimirira neshamwari pamwe chete nemhuri

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe