Kutarisira Kugonana Nedzvinyiriro Dzezuva Nezuva
KANA kutarisira kuchikuparira dzvinyiriro, zvikurukuru idzo wakanga usina kukarira, ungakombamira kukunzwa une mhaka. Ungabvunza, kuti: ‘Pane chimwe chinhu chisina kururama muukama hwangu navabereki vangu here? Ko vakura mutsika dzakawanda havagari navabereki vavo nomufaro upenyu hwavo hwose here?’
Eya, mugariro wako ungava wakasiana. Vabereki vako vangave vakatamira mumusha wako pashure pamakore 20, 30, 40, kana kuti anopfuura okugara kwavo vakaparadzana newe. Ikoku kunoreva kuti iwe navabereki vako makaumba nzira dzoupenyu netsika makazvimirira kune mumwe nomumwe kworutivi rukuru zvikuru rwoupenyu hwenyu. Munhambo yamakumi amakore anoverengeka, nzira idzodzo dzoupenyu netsika zvingave zvakava zvakasiana zvikuru. Asi zvino, somutarisiri, wanangana nedikanwo yokubatanidza upenyu hwako nenzira ine tsinhirano naavo vari mutarisiro yako. Ikoku kunogona kuva kwakaoma zvikuru kupfuura kudai makanga muchigara pamwe chete kwenhambo refu yenguva.
Uyewo, vamwe vabereki vangave vachirwara zvikuru kana kuti mune dzimwe nzira vachida tarisiro huru chaiyo. Kunyange zvazvo, nenzira inorumbidzwa, ungave uchigovera zvinodikanwa uye usingaoni dikanwo yazvino kuti uise vabereki vako mumusha wokurera, uyu mugariro sezvinonzwisisika unoisa dzvinyiriro dzezuva nezuva pamuri mose. Kutarisira vabereki vako ndokwomuzvarirwo. Kukwegura ndokurwara hazvisi. Musiki haana kutongoronga kuti vanhu varasikirwe nesimba ravo noutano nokukura. Naizvozvo, usafunga kuti pane chimwe chinhu chisina kururama kwauri nemhaka yokuti mugariro wacho unoda zvakawanda, mumurangariro nomumuviri, kupfuura zvawakanga wadeya kuona.—Genesi 1:26-31; Pisarema 90:10.
Dzvinyiriro dzine chokuita nokutarisira hadziratidziri hadzo ukama husina kutsarukana pakati pako navabereki vako. Zvikurukuru kana wakafarikanya ukama hwakanaka navo vasati vada betsero yako, pane bviro yokuti zvitambudzo zvipi nezvipi zvaunowana miuyo yedenho idzo kutarisira kunogona kupa. Unogona sei kubata nomutoo unobudirira nedzvinyiriro dzezuva nezuva?
Kubata Nokunzwa Kwokuva Nemhaka
Kunyange vanhu vari kuita zvose zvavanogona nezvavanofanira nokuda kwavabereki vavo padzimwe nguva vanonzwa vane mhaka pamusoro pokusaita zvakawanda. Mhaka isina kufanira, zvisinei, inogona kuva chinetso. Unogona kuzviwana umene uchiita zvisarudzo zvinorongerwa kuderedza mhaka yako asi zvisati zviri hazvo mufariro yakanakisisa yako kana kuti vabereki vako. Somuenzaniso, chii chaizoitika kudai, kupedza kunzwa kwake kwokuva nemhaka kusina kufanira, mumwe mukadzi akava akanyura mukutarisira kukuregeredza murume wake amene navana? Iye, murume wake, uye vana vake vangatambura miuyo yacho. Naizvozvo usarega kunzwa kwokuva nemhaka kusina kufanira kuchidzora upenyu hwako.
Pane dzimwe nguva unonzwa kuva nemhaka nemhaka yokuti kunoratidzika kuti hautongogoni kuitira vabereki vako zvakakwana here? Kunobvira, ipapo, kuti zvinodikanwa zvavabereki vako zvinopfuura zvaunogona kugovera. Mugariro ungava wakadaro kuti, pasinei zvapo nezvaunoita, nguva dzose pane zvakawanda zvingagona kuitwa. Kupfuurirazve, kana uchirangarira kutarisira somutoo wokubhadhara vabereki vako nokuda kwezvose izvo vakakuitira apo wakanga uchikura mutarisiro yavo, uchanzwa kuva nemhaka nguva dzose, nemhaka yokuti hautongogoni kuvaripira zvizere.
Bhuku rinonzi You and Your Aging Parents rinonongedzera dikanwo yokusarudza kuti zvakawanda sei zvauchaitira vabereki vako. Rinoti: “Uchazvidzivirira umene kuneta kwendangariro kukuru kana ukavakira [zvisarudzo zvako] zvikurukuru kwete pane zvaungada kuita kana kuti kunyange zvaunofanira kuita, asi zvaunogona kuita.”
Hungu, sarudza nenzira yapachokwadi zvaunogona kukarira kwauri umene. Kungabetsera kana ukawana yamuro yeshamwari inovimbwa nayo inoziva mano ako, ganhuriro dzako, uye mugariro wemhuri yako. Unogona kupinza vabereki vako mumusha wako here? Une nzvimbo yakaringana here? Vachabvuma kutamiramo here? Kana vabereki vako vasingagari newe, unogona kuvashanyira kazhinji kakadini, uye rini? Kana ukaita zvaunogona, hapana dikanwo yokunzwa une mhaka. Kana ukanzwa une mhaka zvisinei, bvuma kunzwa kwacho sokusina kufanira uye ramba kukurega kuchidzora zvisarudzo zvako.
Goveranai Mutoro
Bhuku reBhaibheri raMuparidzi rinonongedzera kuti hakuna kunaka sei kuva “wakaisvoipa” kana kuti “wakaisvorurama” uye kuti kuva wakaisvorurama kunogona kuti “uzviparadze.” (Muparidzi 7:16-18) Izvi zvinogona kuitika kana uri kuedza kuita zvakawanda kupfuura zvaunoda kuita, zvaunogona kuita, uye kunyange zvaunofanira kuita.
Kana wakanga uchitova norudungwe rwakazara usati watanga kutarisira vabereki vako, unofanira kubvisa mimwe mibato kana kuti wana betsero. Bva, vakawanda vanoda betsero vanozengurira kukumbira. Vanganzwa vachinyanyotya kana kuti kutaura kuti vamwe havadi kubatsira. Zvisinei, unozvikuvadza umene navamwe vose vakakupoteredza kana ukazvinetesa umene. Mubhuku rake pamusoro pokutarisira, munyori E. Jane Mall anodana kunyanyoshanda kwakadaro “chirwere chokufira kutendeka.” Iye anopa zano, kuti: “Unofanira kuva nekarenda rezvinotanga, uye zvitatu zvezvinotanga zvako zvinofanira kuva nguva yokuva no[mukwanyina] wako, nguva yokuva navana vako neshamwari, uye nguva yako umene.”
Hungu, ungadikanirwa kugoverana mutoro. Naizvozvo ndokupi kwaunogona kuenda nokuda kwebetsero? Mhuri, shamwari, vavakidzani, uye vanhu vakarovedzwa kutarisira vakwegura vanogona kuva vebetsero. Asi unotofanira kukumbira nokuda kwebetsero. Uye unofanira kukumbira zvakananga. Zvikarakadzo hazvishandi nguva dzose. Ungakatyamadzwa kuti ndiani uye vangani vari kudisa kubatsira kana ukaita kuti zvinodikanwa zvako zvizivikanwe nenzira yakajeka, mikumbiro yako ive chaiyo. Somuenzaniso, ungakumbira mumwe munhu kukubetsera kuchenesa imba. Kana ikoko kungakupa ruyamuro runodikanwa, ipapo iyi haisati iri nguva yokuomerera pakuchenesa imba umene nemhaka yokuti ‘hapana mumwe achakuita zvakanaka.’
Kana une vakoma kana kuti hanzvadzi, izowo dzinogoverana mutoro wokutarisira vabereki vadzo. Zvichida wakaita zvose kana kuti zvizhinjisa zvokutarisira kusvikira iye zvino, uchidavira kuti vakoma vako nehanzvadzi havakwanisi kana kuti havadisi. Zvisinei, wakakumbira zvakananga rubatsiro rwavo here? Vamwe vanhu vachaita nenzira yakanaka—kana kukajekeswa kwavari kuti betsero inodikanwa.
Vamwe vanoita umbimbindoga kutarisira mubereki mukuedza kuwana kuchengeta kana kuti tendero yomubereki. Kana kuti vangawana kunzwa kwokunzwira tsitsi kupfurikidza nokuita basa rose vamene. Vanganyunyuta kuti vamwe havasati vachizobatsira nokutarisira, asi vangaratidzirawo kupfurikidza namashoko nezviito kuti vanokuda nenzira iyoyo. Ichi chingava chimiro chokuva akaisvorurama. Asi kuunzirei nhamo dzisiri madikanwa pauri umene? Kana betsero ichiwanika, ikumbire, uye ishandise.
Shoko renyevero: Usakarira kuti vakoma nehanzvadzi dzako vachagoverana mitoro zvakaenzana newe. Nepo pane dzimwe nguva kungava kunobvira kuti ivo vaite kudaro, kazhinji kazhinji migariro yavo vamene inoomesa ikoko, kana kusingabviri. Muzvinoitika zvizhinji kunoshanda zvikuru kuti mutezo mumwe wemhuri uve mutarisiri akatanhamara, nepo mimwe mitezo yemhuri, zvikurukuru vakoma nehanzvadzi, vabetsere mune zvemari uye nokuridza runhare, kushanyira, kana kuti panhambo nenhambo vachienda navabereki vavo kumusha kana kuti nzendo dzokupera kwevhiki.
Kugara Pedyo
Kugara pedyo zvikuru kunogona kuparira kuti shatirwei kuduku. Tsika idzo ungaregerera zviri nyore kune shamwari dzingaratidzika sedzisingagoni kushivirirwa mumutezo wemhuri wapedyo.
Mukuwedzera, mubereki wako angataura chimwe chinhu chakadai, ‘Ndaishuva kudai waigona kupedza nguva yakawanda neni, asi ndinoziva kuti wakabatikana zvikuru nokuda kwaikoko.’ Tsinhiro yacho ingavanza murangariro wokuti hauitiri hanya chaizvoizvo zvakakwana pamusoro pomubereki wako. Ungapindura kutaura kwakadaro nokushatirwa. Panzvimbo pokuva anoshatirwa, hakusati kwaizova kuri nani kunangidzira itiro hanya huru chaiyo yomubereki wako, iyo yokupedza nguva yakawanda newe here? Kunyange kana usingagoni kubvumirana nechikumbiro, kutsanangura zvinhu nenzira yomutsa kuchabereka miuyo yakanaka kupfuura mhinduro inokuvadza.—Zvirevo 12:18.
Nhamburiko yapachokwadi pakusakurira mavara anokurudzirwa muBhaibheri ichakugonesa kuramba une mutsa asi wakatsiga pakunova madikanwa. Bhuku reBhaibheri raVaKorose rinobvuma zvapachokwadi kuti pane dzimwe nguva tinova ne“mhosva nomumwe.” Rinotiraidza kuti mu“itirane mwoyo murefu, muchikanganwirana.” Rinotirairawo kuzvipfekedza timene ne“mwoyo une tsitsi, mwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu.” (VaKorose 3:12-14) Zvamazvirokwazvo mavara akadaro achava anobetsera zvikuru kudukupisa shatiriso dzokugara pedyo.
Kunyange ipapo kana ukakanganisa panhambo nenhambo, kurasikirwa nokushivirira, uye kutaura chimwe chinhu chaunoshuva kuti dai wakanga usina, “zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa.” Kumbira ruregerero nokukurumidza, uye kanganwa nhau yacho. Usaibvumira kuva mamwe manyuko okunzwa une mhaka.—VaEfeso 4:26, 27.
Kuchengeta Kuvanzika
Kana iwe navabereki vako muchigara mumusha mumwe chete, ungawana kuvanzika kwakaoma. Bva, iwe navabereki vako munoda kuvanzika kune mwero wakati. Ungataura ichi chinetso navo ndokusvika pakunzwisisana kuti nguva dzakati nenzvimbo ndezvapachivande kwauri nemhuri yako yapedyo. Somuenzaniso, nokuda kwedzimwe mhuri, asi kwete dzose, suo rakapfigwa nechiratidzo chokuti usadzongonyedza ringanzwisiswa navose serinoratidzira nzvimbo yapachivande kana kuti nguva kumunhu ari mukati.
Kana kamuri racho risina suo, chivhariso chinotakurika kana kuti chikamuraniso chinogona kubatira donzo rimwe chetero. Chiyeuchidzo chokuchenjera pakutaura chingava chakafanira kana kuvanzika kunodikanwa kukadzongonyedzwa nenzira isingakarirwi. Pfundo ndeiri, chinodikanwa chomumwe nomumwe nokuda kwokuvanzika chinofanira kuremekedzwa navose vari mumhuri.
Ropafadzo
Yeuka kuti kunyange zvazvo kuderera kupi nokupi muutano hwavabereki vako kuchikurwadza, Musiki wedu, Jehovha, anoda kuti tiwane mwero wakati womufaro kunyange apo tinopinda mumigariro inotambudza. Iri basa rinogonawo kukubetsera kuswedera pedyo zvikuru naJehovha sezvaunotsamira paari mumunyengetero. Mumwe mutarisiri akakutaura neiyi nzira: “Ndakanga ndiri pedyo naJehovha nguva dzose, asi kutarisira kwakandidzidzisa kutsamira chose chose paari. Kwakanga kwakafanana nomusiano werunhare runobva kure zvikuru nokuva nomunhu wacho ipapo newe. Jehovha akanga ari ipapo chaipo neni.”
Kutarisira iropafadzo pamwe chete nebasa. Ramba uchikurukurirana navabereki vako kuti ugoziva zvinodikanwa zvavo. Vagovere, uye chengeta mufaro mukuita kudaro.—VaFiripi 4:4-7; 1 Petro 5:7.
[Bhokisi riri papeji 7]
Kuita Kuti Kutarisira Kufadze
1. Kazhinji kazhinji icho vabereki vanoda kuvana vavo vakura ionano yechiso nechiso. Ikoku kunoda kuswedera pedyo navabereki vako uye kuzivisa mativi anokosha ako umene. Ikoku kunogona kuva kwakaoma muukama hwomubereki nomwana akura. Zvimiro zvendangariro zvipi nezvipi zvokutonga kurutivi rupi norupi zvichava mhinganidzo. Zvimiro zvakadaro zvinofanira kubviswa kuti muwane kuva pedyo.
2. Kana mumwe wavabereki vako achikuudza nezvechinetso kana kuti itiro hanya, teerera nenzira yamanzwire ake. Mhinduro dzingadukupisa mirangariro yavo dzinogona kukudziridza mirangariro yakaipa yakadai se: ‘Haiwa, hazvina kutongoipa saizvozvo’ kana kuti, ‘Ndinoziva, zvinhu zvimwe chetezvo zvinoitika kwandiri.’ Uchava anobudirira zvikuru kana ukaedza kuziva mirangariro mikuru yavabereki vako, ipapo bvuma uye goverana iyoyi (‘Inonzwika senguva yakaoma kwamuri iye zvino, asi tichashanda pamwe chete’).—Zvirevo 20:5.
3. Kana uri mukwanyina womutarisiri wokutanga, iva anotsigira mumuviri nomundangariro. Kurukura nomukwanyina wako; zvikasadaro kusanzwana kungatanga. Tsigiro yomukwanyina inoita musiano mukuru. Mumwe mudzimai akachema kuti kushaika kwetsigiro mumhuri yake kwakanga “kwakaoma zvikuru kubata nako kupfuura kutarisira zvomenemene amai” vake. Pano rumwe rutivi, akaonga zvikuru betsero yeshamwari yakamuyamura panhambo nenhambo. Iye akati: “Zvakanditapura mwoyo wangu apo iyo yakagovera. Kwakanga kuri kuratidzira rudo kwazvo kwandiri, uye kwakandiswededza pedyo zvikuru nayo.”
[Bhokisi riri papeji 10]
Kana Uri Kutarisirwa
Kungave kuti ndiwe mutarisirwi. Chii chaunogona kuita kuti ubetsere kuchengeta ukama hwakadzikama nohune rugare navana vako?
Vamwe vabereki vanoita chikanganiso chokuedza kuwana udzori kupfurikidza nokuva vanonetsa, kuda kuziva zvose, kana kuti vanoparira kunzwa kuva nemhaka. Iwe sezvingabvira unoziva kuti ikoku kunoguma bedzi nokudzora kushomanene uye funganyo huru. Miuyo iri nani apo unoratidza vana vako vakura kuti unovaremekedza, zvakavanzika zvavo, uye mirangariro yavo, kunyange apo unenge usingabvumiri. Kurumbidza vana vako nenzira yenguva dzose kunoshanda. Mumwe mwana akura akataura kuti: “Mwana anoda tendero yavabereki vake pasinei hapo nokuti ane zera rakadini rokukura.”
Mumugariro wakadaro worudo noruremekedzo, kurukura zvinodikanwa zvako kuvana vako. Zvikarakadzo neratidziro kazhinji kazhinji zvinokuvadza zvikuru kupfuura zvakanaka, naizvozvo iva akananga, asi ane mutsa. Kunyange kana iwe navana vako musingabvumiri pamusoro pepfundo, kuchenjera kwenyu pakutaura kuchabetsera paukama hwapedyo nohwechokwadi husina kusanzwisisana.
[Mifananidzo iri papeji 8, 9]
Mukutarisira vabereki vako, wanawo nguva yomukwanyina wako, vana vako,uye yako umene