Zvinoitika Zvokuberekwazve Zvinorondedzerwa
KUMWE kwokurambwa kwerondedzero yokuberekwazve ndekwokuti voruzhinji zvikurusa vavanhu pasi pano havatongoyeuki kuve vakamborarama. Kupfuurirazve, havatombofungi kuti ivo vangave vakararama upenyu hwapakuvamba-vamba.
Ichokwadi kuti pane dzimwe nguva tinova nokunzwa kwechienzi kwokuziva mumwe munhu watinosangana naye kwenguva yokutanga. Imba yakati, taundi, kana kuti nharaunda inoonwa ingaratidzika kuva yakarovedzeka kwatiri, kunyange zvazvo tichiziva kuti inguva yokutanga yatavako. Zvisinei, izvi zvinhu zvinogona kutsanangurwa pasina kutendeukira kurondedzero yokuberekwazve.
Somuenzaniso, nzvimbo dzakati munharaunda dzakaparadzana zvakafara dzingava dzakati fananei, zvikuru zvokuti apo tinoshanyira nzvimbo itsva, tinganzwa kuti takavako kare, kunyange zvazvo tisati. Dzimba zhinji, hofisi, mashopu, mataundi, uye nharaunda dzokuona mumativi akati enyika dzine fanano nedzimwe dzadzo dziri mune dzimwe nzvimbo. Kuti dzinoratidzika kuva dzakafanana neicho takamboona hakuziri chibvumikiso chokuti takava munzvimbo idzodzo muupenyu hwekare. Dzinongofananidzwa chete nenzvimbo dzatakarovedzana nadzo.
Ndozvazvinoitawo pamusoro pavanhu. Vamwe vakafanana zvikuru navamwe muchitarisiko, kunyange kuva neicho chinonzi munhu mupenyu akasanotodzana nomunhu mupenyu. Munhu angava netsika dzinotiyeuchidza nezvemumwe munhuwo zvake achiri kurarama kana kuti kunyange nezvemumwe akafa. Asika takaziva vanhu ivavo muupenyu hwavo hwazvino uno, kwete mukuvapo kwakati kwekare. Fanano muzvitarisiko kana kuti hunhu haizati ichireva kuti ava vanhu vaizivikanwa kwatiri muupenyu hwekare. Pasina panikiro isu tose padzimwe nguva takarangarira mumwe munhu kuva mumwe. Asika vose vari vaviri vanhu vamwe navamwe ivavo vakanga vari vapenyu panguva imwe cheteyo sewe uye kwete muupenyu hwakati hwekare. Hakuna chinhu chokuita nokuberekwazve.
Simba reHope Dzisiri Dzomuzvarirwo
Kunyange zvinoitika mukubatwa nehope dzisiri dzomuzvarirwo zvinogona kutsanangurwa pasina kutendeukira kurondedzero yokuberekwazve. Ndangariro yedu inonzwa zvishoma inoumba dura ramashoko anonzwika zvikuru kupfuura atingafungidzira. Mashoko anosvika iri dura kupfurikidza namabhuku, magazini, TV, nhepfenyuro, uye kupfurikidza nezvimwe zvinoitika necherekedzo.
Mazhinjisa aaya mashoko anokotswa murutivi rwakati rwakavanzika rwendangariro yedu inonzwa zvishoma nemhaka yokuti hatina shandiswo yakananga kana kuti yapakarepo nokuda kwao. Ndangariro yedu inonzwa zvishoma yakatifananei namabhuku eraibhurari ayo ane kuraira kushoma kuripo nokuda kwao uye nokudaro ayo anochengetwa pasherefu riri roga.
Zvisinei, mukubatwa nehope dzisiri dzomuzvarirwo kuziva kwomunhu kunoshandurwa zvikuru zvokuti yeuko dzakanganwika dzinogona kubuda. Vamwe vanhu vanodudzira idzodzi sokuva dzoupenyu hwekare, asi hadzisati dziri chimwe chinhu kunze kwezvinoitika zvoupenyu hwazvino zvatinenge takanganwa kwechinguvana.
Kunyange zvakadaro, kune nhau shomanene idzo dzingava dzakaoma zvikuru kutsanangura nenzira yomuzvarirwo. Muenzaniso uri apo munhu anotanga kutaura “mumwe mutauro” mukubatwa nehope dzisiri dzomuzvarirwo. Pane dzimwe nguva mutauro unonzwisisika, asi kazhinji kazhinji haunzwisisiki. Avo vanodavira mukuberekwazve vangataura kuti uyu mutauro munhu akataura muupenyu hwekare.
Bva, kunosanozivikanwa kuti kutaura nedzinonzi ndimi kunoitikawo apo vanhu vanenge vari mumugariro womufaro wamashiripiti kana kuti worudzidziso. Avo vanova nezvinoitika zvakadaro vanopwiswa kuti hakune chinhu chokuita noupenyu hwekare asi kuti vari kusundwa nesimba rakati risingaoneki muupenyu hwazvino.
Mifungo inosiyana pamusoro pokuti iri isimbai. Mukuzivisa kwomubatira pamwe kwakaitwa neFountain Trust neChurch of England Evangelical Council, kwakataurwa pamusoro pokutaura nendimi, kuti: “Tinozivawo kuti zvinoitika zvakafanana zvinogona kuitika mukupesvedzerwa namashiripiti/namadhemoni.” Naizvozvo, kufungidzira kuti zvinoitika zvakadaro chibvumikiso chokuti takararama upenyu hwekare kwaizova kuita chisarudzo chisina kukwana chenhema.
Zvinoitika Zvokudokufa
Zvakadiniko, ipapoka, nezvezvinoitika zvokudokufa izvo vanhu vanotaura kuti vakava nazvo? Izvozvi zvakadudzirwa navamwe sechibvumikiso chokuti munhu ane mweya unopfuurira kurarama pashure porufu rwomuviri. Asi zvinoitika zvakadaro zvinotsanangurwa zviri nani zvikuru munzira dzomuzvarirwo dzinoverengeka.
Muchinyorwa chaMarch 1991 chemagazini yesayenzi yeFrance inonzi Science & Vie, nhano dzakasiyana-siyana dzezvinoitika zvokudokufa dzinonzi “mufananidzo unogamuchirwa wechiyeverwa” uyo wave uchizivikanwa kwenguva refu. Zvinoitika zvakafanana hazvina kuganhurirwa kuna avo vari mumigariro yokudokufa. Zvinogonawo kuitika pamusoro pe“runeto, fivhiri, denho dzepfavi, kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo.”
Mumwe muchinji wokuvhiiwa kwetsinga dzokunzwa, Wilder Penfild, uyo akavhiya vane pfavi vakanga vakabatwa nemutindivadzo womunzvimbomo, akaita kuwana kunofadza. Akawana kuti kupfurikidza nokunyandura mativi akasiyana-siyana ouropi neelectrode, aigona kuparira murwere kuva nokunzwa kwokuva ari kunze kwomuviri wake amene, achifamba nomumukoto, uye achisangana nehama dzokunyama dzakafa.
Udzame hunofadza muna ikoku ndehwokuti vana vakava nezvinoitika zvokudokufa vanosangana, navasati vari hama dzavo dzokunyama dzakafa, asi vafundi biyavo kana kuti vadzidzisi—avo vachiri vapenyu. Ikoku kunoratidza kuti zvinoitika zvakadaro zvine batano yakati yetsika. Chinowanwa chakabatana noupenyu hwazvino uno, kwete nechimwe chinhu chiri seri kworufu.
Dr. Richard Blacher anonyora mumagazini inonzi The Journal of the American Medical Association, kuti: “Kufa, kana kuti kutambura mumwe mugariro wokunyama unotambudza, muitiro; rufu mugariro.” Somuenzaniso, Blacher anotaura nezvomunhu uyo kwenguva yokutanga ari kubhururuka kubva kuUnited States achienda kuEurope. “Kubhururuka kwendege hakusi [kuva mu]Europe,” anonyora kudaro. Mushanyi anoenda Europe, asi ndege yake inotenderuka ndokudzokera maminiti akati pashure pokutanga, haangagoni kuudza vanhu zvakawanda pamusoro peEurope kungofanana nomunhu upi noupi anomuka mumugariro wokusaziva asingagoni kuudza munhu upi noupi nezvorufu.
Avo vakadokufa, namamwe mashoko, havana kutongofa chaizvoizvo. Vakava nechimwe chinhu apo vakanga vachiri vapenyu. Uye munhu achiri mupenyu kunyange masekondi pamberi porufu rwake. Vakanga vadokufa asi vakanga vachigere kufa.
Kunyange avo vane mwoyo wakamira kwechinguvana uye avo ipapo vakamutsidzirwa havagoni chaizvoizvo kuyeuka chinhu chipi nechipi chinobva munhambo idzodzo dzomugariro wokusaziva apo ivo vaigona kunzi va“kafa.” Icho vanoyeuka, kana chichitongovapo, chingava icho chakaitika panguva yokusvika vhiringidziko pfupi iyeyo, kwete mukati mayo.
Zvinoitika zvokudokufa zvinobudiswa zvinodokuva nguva dzose zvinoratidzirwa sezviri zvechokwadi, kunyange zvazvo kuchizivikanwa kuti zvinoitika zvenhema zvinoitikawo. Nyanzvi yokunzvera ndangariro yeFrance Catherine Lemaire inokutsanangura neiyi nzira, kuti: “Avo vasati vawana [kudokufa] vanokodzera muenzaniso wakaiswa neIANDS [International Association for Near-Death Studies] havafariri kuudza chinoitika chavo.”
Havana Yeuko
Idi nderokuti hatina ruzivo rwokuzviwanira rwoupenyu kunze kwouhwo hwatinorarama zvino, handi upenyu hwekare kana kuti upenyu huri seri kworufu. Nokudaro, hatina yeuko dzakafanira dzechinhu chipi nechipi asi upenyu hwatakararama chaizvoizvo.
Avo vanodavira mukuberekwazve vanotaura kuti revo chaiyo yokuberekwa patsva ndeyokuwana banza idzva rokunatsa mugariro wedu. Kana chaizvoizvo takamborarama upenyu hwapakuvamba, bva takahukanganwa, kurasikirwa kwakadaro neyeuko kwaizoumba mhinganidzo huru. Kuri kupfurikidza nokuyeuka mhosho dzedu kuti tinogona kuwana mhindu madziri.
Uyewo, avo vanotsigira kunonzi kurapwa kwokuberekwazve vanonzwa kuti unogona kugonana zviri nani nezvinetso zvazvino uno kana, kupfurikidza nokubatwa nehope dzisiri dzomuzvarirwo, unogona kuyeuka upenyu hwapakuvamba-vamba. Rondedzero yacho inotaura kuti tinoberekwazve kuti tinatse chimwe chinhu, bva takakanganwa icho chimwe chinhu ichecho chiri.
Kurasikirwa neyeuko muupenyu hwazvino kunorangarirwa kuva mhinganidzo. Kunofanira kuva kwakafanana mune chinoitika chino. Kuramba kupfurikidza nokutaura kuti kukanganwa kwakadaro hakuna mhaka, sezvo vanhu vakanaka bedzi vachiberekwa patsva savanhu, hakusi chibvumikiso chakanaka munguva dzino dzazvino uno apo uipi hunodzora chiono chenyika kupfuura nakare kose. Kana vanhu vakanaka bedzi vari kuberekwa patsva savanhu, vanhu vose vakaipa vakabva kupiko? Hapasati pachifanira kuva navanhu vakaipa vashomanene zvikuru here? Zvokwadi ndeiyi: Hakuna munhu, akanaka kana kuti akaipa, anomboberekwazve kuti avambe humwe upenyu somunhu kana kuti chinhu chipi nechipiwo zvacho nokuda kwenhauyo.
Zvisinei, ungati, ‘Kuberekwazve hakusiri dzidziso yeBhaibheri here?’ Ngatirangarirei uyu mubvunzo munyaya inotevera.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]
Ndangariro yedu inonzwa zvishoma yakafanana neraibhurari ramashoko anochengetwa asi angayeukwa gare gare
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]
“Rufu mugariro,”kwete muitiro.—Dr. Richard Blacher muThe Journal of the American Medical Association