Murangariro weBhaibheri
Muapostora Pauro Akanga Achirwisana Navakadzi Here?
“DZIDZISO [dzomuapostora] Pauro dzave dzichishandiswa sohwaro hworusaruro rwakawanda runorwisana navanhukadzi mukati mechechi . . . yechiKristu.” Akadaro Judge Cecilie Rushton weAuckland, New Zealand, mupepa rakapiwa mukuvamba muna 1993 kuCommonwealth Law Conference paCyprus. “N’wadhi yake kuna Timotio,” akawedzera kudaro, “inozivisa kufunga kwake: Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume, asi ngaanyarare.”—1 Timotio 2:12.
Apo Pauro akanyora pamusoro pebasa kana kuti nzvimbo yavakadzi, wakanga uchingova mufungo wake womunhu oga here uyo wakanga uchitaurwa, kana kuti akafuridzirwa nomutoo woumwari? Dzichirangarirwa mukukwana kwadzo, idzi n’wadhi, kana kuti tsamba, dzaPauro dzinoratidzira zvomenemene rusaruro runorwisana navanhukadzi here? Mumashokoi akapoteredza umo mashoko aPauro kuna Timotio anokorwa pamusoro apa anoshanda?
Zvipupuriro zvaPauro
Pamabhuku 27 aMagwaro echiKristu echiGiriki, 14 anonzi akanyorwa naPauro. Chinoratidza kushanda kwomudzimu mutsvene paari kwakanga kuri kukwanisa kwake kunoshamisa kutaura nendimi zhinji. Mukuwedzera, akapupurira zviono zvesimba rinopfuura rohunhu. (1 VaKorinte 14:18; 2 VaKorinte 12:1-5) Muenzaniso wake wokuzvibayira, womweya wose, uye worudo wakaparira chisungo chapedyo chechidakadaka chouhama hwoushamwari pakati pake navararami vapanguva imwe chete vake vechiKristu. (Mabasa 20:37, 38) Manyoro ake, kubatanidza izvo akataura pamusoro pavakadzi, anoumba rutivi rwo“Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa.”—2 Timotio 3:16.
Vakadzi Vomutsamba dzaPauro
Kuziva nokurangarira vakadzi kwaPauro ufakazi hwakakwana mumanyoro ake ose. Mukudzokorora adzokororazve, anoita nongedzero kwavari mumabasa avo akasiyana-siyana eungano neemhuri. Muimwe yetsamba dzake, akafananidza mavara anoshuviwa omufudzi wechiKristu naayo anoratidzirwa naamai vanoyamwisa.—1 VaTesaronika 2:7.
Zhinji dzehanzvadzi dzechiKristu dzomuapostora, dzinodudzwa namazita mutsamba dzake, ndidzo dzinorumbidzwa nerumbidzo yake youshamwari. Vaibatanidzwa mukwaziso dzake kumitezo yeungano muRoma dzaiva idzo dzakatumirwa zvakananga kuvakadzi vakati “vanobata munaShe.” (VaRoma 16:12) Nenongedzero kuna Yuodhia naSintike, akakurudzira hama dzomuFiripi ku“batsira vanhukadzi ava, nokuti vakabatirana neni paEvhangeri.” (VaFiripi 4:3) Mutsamba yake kuna Timotio, Pauro akabvuma kutenda kwomuenzaniso kwaambuya vomurume muduku iyeyo Roisi naamai vake, Juniki.—2 Timotio 1:5.
Uyewo, pane ratidziro ipi neipi here pamusoro penzira iyo hanzvadzi dzechiKristu dzaPauro dzakanzwa nayo pamusoro pake? Nomutoo wokuonga, akapupurira pamusoro paAkwira naPriska, vaviri vakaroorana avo iye akanga aine songaniro yapedyo yomunhu oga navo, kuti kwete bedzi Akwira asiwo mukadzi wake, Priska, “vakaisa mitsipa yavo kurwira upenyu” hwake.—VaRoma 16:3, 4.
Rusaruro RunorwisanaNavanhukadzi Here?
“Usatuka mukuru, asi umuraire sababa, navaduku savanun’una, navakadzi vakuru samadzimai, navaduku sehanzvadzi nokuchena kwomwoyo kwose.” (1 Timotio 5:1, 2) Aya mashoko aPauro kuna Timotio haaratidziri here ruremekedzo rwakaisvonaka nokuda kworudzi rwechikadzi? Pauro akagovera kuvarume navakadzi muungano yechiKristu mwero wakaenzana worukudzo. “Hakuchina-muJudha kana muGiriki,” akanyora kudaro, “hakuchina-wakasungwa kana wakasununguka, hakuchina-munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu.”—VaGaratia 3:28.
Pamusoro pamabasa akagoverwa naMwari muroorano, Pauro akanyora kuti: “Imi vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu chaivo, sezvamunoita kunaShe. Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuwo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuviri.” (VaEfeso 5:22, 23; enzanisa na 1 VaKorinte 11:3.) Hungu, mabasa akasiyana-siyana avarume navadzimai anosiyana, asi ikoku hakurevi kuti mukwanyina mumwe chete akaderera. Mabasa acho anokwanisa, uye kuitwa kwerimwe nerimwe kunopa denho iyo inosimudzira garikano yemhuri kana ikapedzwa. Kupfuurirazve, kushandisa kwomurume umusoro kwaisafanira kuva kunodzvinyirira kana kuti kusiri kworudo. Pauro akapfuurira, kuti: “Varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo,” vachidisa kuita kuzvibayira kukuru nokuda kwavo. (VaEfeso 5:28, 29) Vana vaifanira kuteerera vose vari vaviri baba naamai.—VaEfeso 6:1, 2.
Anofanira kucherekedzwawo, ndiwo mashoko aPauro pamusoro poukama hwapedyo hweroorano. Kwakanga kuri nokusasarura kuti Pauro akanyora, kuti: “Murume ngaape mukadzi zvakafanira; nomukadzi ngaadarowo kumurume. Mukadzi haane simba pamusoro pomuviri wake, asi murume; saizvozvowo murume haane simba pamusoro pomuviri wake, asi mukadzi.”—1 VaKorinte 7:3, 4.
“Mukadzi . . . Ngaanyarare”
Nenongedzero kumashoko aPauro ari pana 1 Timotio 2:12, anokorwa mashoko mundima yokuzarura, kutsigira kwake “kunyarara” kwomukadzi kwaibva murusaruro runorwisana navakadzi here? Aiwa! “Kunyarara” kwaidiwa kwakanga kuine chokuita nokudzidzisa nokushandisa chiremera chomudzimu muungano, uku kusingabatanidzi ukama huri pakati pomurume nomukadzi hwakanyorwa nomutoo woumwari hwadudzwa pakuvamba.a
Ikoku hakurevi kuti vakadzi havagoni kuva vadzidzisi vezvokwadi youmwari. Pauro akakurudzira vakadzi vakura kuva “vadzidzisi vezvakanaka” kuvakadzi vaduku. Mukutevera muenzaniso waJuniki naRoisi, avo vakarairidza Timotio, vanamai vechiKristu vanofanira kurovedza vana vavo munzira dzoumwari. (Tito 2:3-5; 2 Timotio 1:5) Nhasi, muungano dzeZvapupu zvaJehovha, mazana ezviuru avakadzi vechiKristu anowana zadziko yomudzimu mukutevera mienzaniso yaYuodhia naSintike mukuparidzira mashoko akanaka pachena nomukuita vadzidzi vavarume navakadzi.—Pisarema 68:11; Mateo 28:19; VaFiripi 4:2, 3.
Nokudaro, chii chiri chisarudzo chako? Manyoro aPauro, achirangarirwa mukukwana kwawo kwose, anoruramisa here pomero yorusaruro runorwisana navanhukadzi?
[Mashoko Omuzasi]
a Pamusoro pokutaura kwokuti “kuzviisa pasi kwose” kuri pana 1 Timotio 2:11 (New International Version), nyanzvi yeBhaibheri W. E. Vine inodudza, kuti: “Rairo haina kunangidzirwa kukusashandiswa kwendangariro nehana, kana kuti kusiyiwa kwebasa rechisarudzo chapachivande; kutaura kwokuti ‘nokuzviisa pasi kwose’ inyevero mukurwisana nokubvutwa kwechiremera, somuenzaniso, mundima inotevera.”