Mazuva Okunamata Satani Ava Mashomanene
JEHOVHA MWARI akasika Adhama naEvha, akavaisa mubindu reparadhiso, uye akavaudza kuti vawande ndokuzadza pasi navana vakarurama. Vaifanira kutarisira bindu racho, kuririma nokurichengeta, uye kurarama nokusingaperi, zvose pamugariro mumwe chete uri nyore, wokuti: ‘Haufaniri kudya muti wakati uri pakati pebindu. Kana ukaudya uchafa.’—Genesi 1:27, 28; 2:8, 9, 15-17; Isaya 45:18.
Ngirozi ine simba yakapandukira Mwari ndokuva Satani, kureva “Mudzivisi,” nemhaka yokuti yakanga ichida kubvuta kudzora. Yakanga ichida kuva nokunamata kworudzi rwomunhu nokuda kwayo. Yakapesvedzera Evha kudya muchero wakarambidzwa, ichitaura kuti wakanga wakanaka nokuda kwezvokudya asi aizova akafanana naMwari, achikwanisa kuzvisarudzira amene chiri chakanaka nechakashata. Chisarudzo chake chokutanga chakanga chakashata; akasarudza kuti kudya muchero wakarambidzwa kwaizova kwakanaka. Evha akadya, akapawo mumwe womuchero wacho Adhama uye akadya, uye vose pakupedzisira vakafa. Nokudaro Adhama akaunza chivi norufu pavana vavo, avo vave vachifa chibviro chenguva iyoyo. (Genesi 3:1-6; VaRoma 5:12) Vaviri vokutanga vohunhu vakasarudza kutevera Satani ndokuva vatendeuki vokutanga kukunamata Satani. Kuburukira kuzuva rino, mamiriyoni akasarudza kuti rudzidziso rwavabereki ivavo vapakuvamba rwakanga uye ruchiri rwakanaka zvakakwana nokuda kwavo. “Uyo wamunozvipa kwaari kuti muve varanda vake kumuteerera, . . . muri varanda vaiye wamunoteerera.”—VaRoma 6:16; Johane 17:15, 16; 1 Johane 5:19.
Jehovha akasarudza rutongeso rwokupedzisira rwaSatani, asi akamubvumira kupfuurira kwechinguvana. Ikoku kwaizopa Satani mukana wokubvumikisa denho yaakaita, yokuti Mwari aisagona kuisa vanhu papasi avo vaizobvumikisa kuva vechokwadi kwaAri mumuedzo—denho yakaratidzirwa nomutoo wakasimba ndokupindurwa kurutivi rwaJehovha rwenhau yacho mumaganhuro maviri okutanga ebhuku reBhaibheri raJobho. Mudenho dzoutsinye nedzinorura dzinobva kuna Satani, Jobho amene akasarudza kuchengeta perero yake kuna Mwari, kupfurikidza nakwo achibvumikisa Satani kuva murevi wenhema. (Genesi 3:15; Eksodho 9:16; Jobho 42:7) VaHebheru ganhuro 11 inonyorawo ndaza refu yeZvapupu zvakatora rutivi rwaJehovha rwenhau youchangamire hwechisiko chose.
Kristu Jesu ndiye akatanhamara uyo kwenguva dzose akagovera mhinduro yakakwana nokuda kworutivi rwaJehovha rwenhau huru youchangamire hwechisiko chose neperero yomunhu kuna Mwari. Ikoku kwakanga kuri kukunda kunokurira kuna Satani. Jesu akaramba zvakajeka kugovera kwaSatani kwokumupa utongi panyika yose nokuda kwechiito chimwe bedzi chokunamata Satani. Jesu akatsungirirawo mukusabvumirana pane zvisina kufanira nomuedzo wakakomba unotyisa sezvaakafa padanda rokutambudzira. Akakurira zvose zviri zviviri Satani nenyika yaSatani, achitigovera muenzaniso wakakwana wokutevera.—Mateo 4:8-10; 27-50; Johane 16:33; VaHebheru 5:7-10; 1 Petro 2:21.
Nokuda kwenguva dzine ngwavaira umo tiri kurarama, kungaratidzika kuti Satani ari kuva akasimba kupfuura nakare kose uye kuti Kunamata Satani kumene kuri kuwedzera. Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa, zvisinei, rinoratidzira chiono chakasiyana chose chose Zvakazarurwa paganhuro 12, ndima 7-9, 12:
“Zvino kurwa kwakavapo kudenga; Mikaeri [Kristu Jesu] navatumwa vake vakarwa neshato, shato ikarwa ina vatumwa vayo; vakasakunda, nenzvimbo yavo haina kuzowanikwa kudenga. Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiabhorosi, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwe chete nayo. Saka farai kudenga nemi munogarako. Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.”
Mazuva eParadhisoYapasi Achave Asingaperi!
Achi“ziva kuti uchine nguva duku,” Satani anosimudzira mubato wake woudhemoni muano “mazuva okupedzisira.” (Jakobho 5:1-3) Bva kune tariro kunhambo yakaoma yamazuva edu. Zvakazarurwa 21:1, 3-5 inowadzanyura chairi: “Zvino ndakaona denga idzva nenyika itsva, nokuti denga rokutanga nenyika yokutanga zvakanga zvapfuura; negungwa rakanga risisipo. Ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: Tarirai, tabhenakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura. Wakanga agere pachigaro choushe akati: Tarirai, ndinovandudza zvose. Akati: Nyora, nokuti mashoko awa angatendwa, ndaazvokwadi.”
Nokudaro, Kristu Jesu achatonga kwamakore ane chiuru, mukati menguva iyo Jehovha achaita chinangwa chake chapakuvamba mukusika pasi nokuisa rudzi rwomunhu pariri. (Zvakazarurwa 20:1, 2, 6) Uchayeuka kuti rudzi rwomunhu rwaifanira pakuvamba kuzadza pasi navana vakarurama, kutarisira pasi, kutarisira miti yaro nemhuka, kurarama murugare, uye kudanana. Zadziko yechinangwa ichecho yakamiswa kubvumira Satani kuedza kubvumikisa denho yake yokuti aigona kutsausa vanhu vose kubva kuna Jehovha Mwari. Akaisa muuranda mabhiriyoni avanhu, asi akakundikana muchinoitika chamamiriyoni akati avachengeti veperero.—VaRoma 6:16.
Mukati menguva yokudzorerwa, ngoni dzaJehovha kupfurikidza naKristu Jesu dzichasvika kunyange kuavo vari muguva kupa mukana woupenyu husingaperi muparadhiso yapasi kumabhiriyoni ayo akafa mukati mezviuru zvamakore zvakapfuura: “Musashamiswa naizvozvo; nokuti nguva inouya, nayo vose vari mumahwiro vachanzwa inzwi rake, vachabuda; avo vakaita zvakanaka, kukumuka kwoupenyu, avo vakaita zvakaipa, kukumuka kwokutongwa.”—Johane 5:28, 29.
Ani naani anoramba ipapo kukodzera mumhoteredzo yakarurama yepasi idzva iroro haasati achizogara kuti arishatise kana kuriparadza, miti yaro nemhuka, rugare rworudzi rwomunhu, kana kunamatwa kwechokwadi kwaJehovha Mwari. Pisarema 37:10, 11, 29 rinosimbisa ikoku: “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo; zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru. Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”
Mika 4:2-4 inopikira rugare rwechokwadi nechengeteko: “Marudzi mazhinji achaenda, achiti: Uyai, hendei kugomo raJehovha nokuimba yaMwari waJakobho; iye uchatidzidzisa nzira dzake, uye isu tichafamba namakwara ake. Nokuti paZioni ndipo pachabuda murayiro, napaJerusarema shoko raJehovha. Iye uchatonga pakati pamarudzi mazhinji, ucharuramisira marudzi ane simba ari kure; vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rudzi rumwe harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa. Asi mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.”
Uku kuva norugare kuchapararirawo kuti kubatanidze mhuka, seizvo Hosea 2:18 inotaura, kuti: “Nezuva iro [ini Jehovha] ndichavaitira sungano nemhuka dzokusango, neshiri dzokudenga, nezvinokambaira zvapasi; ndichavhuna uta nomunondo nehondo panyika, ndivavatise pasi vakachengetwa.” Ezekieri 34:25 inotaurawo pamusoro pesungano iyo inobatanidza kuvapo kwe“zvikara” zvipi nezvipi.
Kupfuurirazve, Isaya 11:6-9 inopikira rugare pakati pemhuka muParadhiso: “Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwe chete; uye mwana muduku uchadzitungamirira. Mhou nebere zvichachera; vana vadzo vachavata pamwe chete; shumba ichadya uswa senzombe. Mwana unomwa, uchatamba pamwena wenyoka, uye mwana wakarumurwa uchapinza ruoko rake mubako remvumbi. Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”
Vanyoro vachagara nhaka yenyika. Vachatarisira mhepo, mvura, uye ivhu racho. Zvisipiti nehova dzemvura zvichanyakatisa nyika dzakaoma. Matondo achapfekedza makomo ayo akacheneswa nemhaka yemhindu youdyire. Masango achatungira uye aichimbova makwenga achatumbuka seruva. Mapofu achaona, matsi dzichanzwa, zvirema zvichafamba, uye mbeveve dzichataura. (Isaya 35:1-7) Kuonga makomo namapani zvine mbiri zvaJehovha nemhenderekedzo dzegungwa dzinoparadzanisa nyanza dzinokwira nokudzika namakungwa hakusati kuchizombobvumidza makaro omunhu kumukazve kuti aparadze pasi. Kuchava nyore, kwomuzvarirwo, nokuda kworudzi rwomunhu rwakakwana, rwakazadzwa nezvibereko zvomudzimu waJehovha, kufarira, mumwe nomumwe, mukuda muvakidzane wake saiye amene, uye kupfuura zvose kuda Jehovha nomwoyo wake wose, mweya, ndangariro, uye simba. Hungu, rudzi rwose rwomunhu ruchava nechibereko chomudzimu che“rudo, nomufaro, norugare, nomwoyo murefu, nomwoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka, nounyoro, nokuzvidzora.”—VaGaratia 5:22, 23.
Zvakanyanyonaka Zvokusagona Kuva Chokwadi Here?
Kusvikira pari zvino vamwe varavi vangava vava kutaura kuti, ‘Zvose izvozvo zvinonzwika kuva zvakanyanyonaka zvokusagona kuva chokwadi.’ Asi, hapana, migariro iripo zvino yakashata zvikuru zvokusagona kupfuurira. Tiri muicho Bhaibheri rinodana kuti “mazuva okupedzisira.” Tarira-tarira, uye unogona kuona kuti ikoku kwakadaro. Mu“mazuva okupedzisira,” rinodaro Shoko raMwari, “nguva dzokutambudzika dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari; vane mufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasha simba rako; ufuratire vanhu ivavawo. Asi vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo.”—2 Timotio 3:1-5, 13.
Kunyange neichi chiono chakajeka chenguva dzedu, vazhinji vachanyombazve. Ikokowo kunofanira kukarirwa. Kunyomba kwavo kuri kumene rutivi runopinda mumutoo wechibvumikiso chokuti tiri mumazuva okupedzisira: “Pamazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachifamba nokuchiva kwavo, vachiti: Chipikirwa chokuuya kwake chiripiko zvino? Nokuti kubva pakuparara kwamadzibaba, zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwokusikwa. . . . Asi denga, riripo zvino, nenyika, zvakavigirwa mwoto neshoko ireri, zvinochengetererwa zuva rokutonga, nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari. . . . Asi sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.”—2 Petro 3:3, 4, 7, 13.
Jehovha anopikira kuti, munyika yake itsva yokururama, tsika ino yakashata yekare yenyika yaSatani haisati ichizotongoyeukwa: “Ndinosika denga idzva nenyika itsva; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo. Asi imi farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika.” (Isaya 65:17, 18) Mazuva oKunamata Satani ava mashomanene, uye munguva chaiyo yaMwari, Satani amene achaparadzwa nokusingaperi.—Zvakazarurwa 20:1-3, 7-10.
Zvamazvirokwazvo, migariro yakakomborerwa inouya muParadhiso yapasi haisati yakanyanyonaka zvokusagona kuva chokwadi; Jehovha anorangarira migariro iripoyi yetsika yakare inodzorwa naSatani kuva yakanyanyoipa zvokusagona kuramba iripo.
[Mufananidzo uri papeji 10]
Migariro yakakomborerwa inouya muParadhiso yapasi haisati iriyakanyanyonaka zvokusagona kuva yechokwadi