Murangariro weBhaibheri
“Mudziyo Une Simba Duku” Kunyomba Vakadzi Here?
“NEIKO VAKADZI VACHIDANWA NORUDZI RWAVO PANZVIMBO PORUZIVO RWAVO RWOKUZVIWANIRA, MANO, UYE UNGWARU?”—BETTY A.
“VAKADZI VANOITWA KUTI VAFUNGE KUTI ZVISIKWA ZVAKADERERA.”—LYNN H.
KUTAURA kweBhaibheri kwokuti “mudziyo une simba duku” kunoderedza vakadzi here? Ndima yeBhaibheri iri kurangarirwa ndi1 Petro 3:7, iyo inodudza, kuti: “Imi varume, garai navakadzi venyu nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo une simba duku kwamuri, zvavari vadyi venhaka dzenyasha dzoupenyu pamwe chete nemi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.”
Apo Petro akanyora aya mashoko kuvaKristu biyake, vakadzi vakanga vane kodzero shomanene, kwete bedzi munyika yechihedheni yekare asiwo pakati penzanga yechiJudha yakawa pakutenda. Petro navamwe vaKristu vapakuvamba vakanga vachitsigira murangariro wakanga wakapararira panguva iyoyo wavakadzi here?
Midziyo Yakaderera Here?
Varavi vamashoko aPetro vomuzana rokutanga ramakore vaizonzwisisa sei kutaura kwokuti “mudziyo une simba duku”? Shoko rechiGiriki nokuda kwamudziyo (skeuʹos) rakashandiswa kanoverengeka muMagwaro echiGiriki uye rinonongedzera kumigomo, zvishandiso, midziyo, uye zvokutakurira. Mukudana vakadzi kuti “midziyo ine simba duku,” Petro akanga asingaderedzi vakadzi, nokuti kutaura kwacho kwaireva kuti murume akangawo ari mudziyo unoputsika kana usina kusimba. Mamwe magwaro eBhaibheri anoshandisa kufananidzira kwakafanana mukunongedzera kuvose vari vaviri vakadzi navarume, kwakadai se“midziyo yevhu” (2 VaKorinte 4:7) uye “midziyo yengoni” (VaRoma 9:23). Chokwadika, Petro anorondedzera vakadzi seva“ne simba duku” pamusoro pemitezo yokubereka nayo. Asi VaRoma 5:6 inoshandisa “kushaiwa simba,” kushanda kuvanhu vose—varume navakadzi. Naizvozvo, vaKristu vapakuvamba vangadai vasina kurangarira kutaura kwokuti “mudziyo une simba duku” kuva kunotuka vakadzi.
Panzvimbo pezvo, mashoko aPetro aizodai akarangarirwa seanokwidziridza nzvimbo yavakadzi. Muzuva raPetro ruremekedzo nokuda kwavakadzi rwakanga ruchiwanika zvishoma. Seizvo Mwari akanga adeya kuona kare kare, varume vaiwanzodzora nokubata zvisina kufanira vadzimai vavo mumuviri, muvatano, uye mumurangariro. (Genesi 3:16) Nokudaro, zano raPetro kuvarume vechiKristu raireva, kutaura idi, kuti: Musashandisa simba iro chaunga chenyika chakapa varume.
Ngatisanonzverei kutaura kwokuti “une simba duku.” Petro mundima iyi ainongedzera, kwete kumurangariro, asi kumavara omuviri. Varume midziyo isina kusimba; mupfungwa yokuenzanisira, vakadzi midziyo ine simba duku. Kunodaro sei? Maumbirwe amapfupa netsandanyama ndeokuti varume vanowanzopiwa simba romuviri rakawanda. Zvisinei, hapana ratidziro yokuti Petro akanga achienzanisa simba retsika, romudzimu, kana romurangariro. Chaizvoizvo, kana kuri kuita kwomurangariro kuzvinoitika, vakadzi vangasanorondedzerwa savakasiyana navarume, kwete hako kuva vane simba duku kana vakasimba. Bhaibheri rinorondedzera vara rakasimba retsika, tsungiriro, uye nzwisiso zvavakadzi avo vakatevera nzira yaMwari—vakadai saSara, Dhebhora, Rute, uye Estere, kungodudza hedu vashomanene bedzi. Varume vanozvininipisa havana chinetso mukubvuma kuti vakadzi vanogona kuva vakangwara zvikuru kupfuura zvavari.
Kunyanguvezvo, vamwe vanodavira kuti nongedzero kuvakadzi seva“ne simba duku” inoreva kuti vanhu vakaderera. Asi rangarira uyu muenzaniso. Munhu ane migomo miviri inoshanda. Mumwe wakasimba, mumwe wacho zvishoma. Mudziyo wechipiri unonzi kosheswei zvishoma nemhaka yokuti hauna kusimba here? Zvomenemene, wakasimba zvishoma unowanzobatwa nengwariro huru norukudzo kupfuura wakasimba zvikuru. Naizvozvo, mukadzi ndewoukoshi hwakaderera here nemhaka yokuti ane simba romuviri shoma kupfuura murume? Kwete zvamazvirokwazvo! Petro anoshandisa kutaura kwokuti “mudziyo une simba duku,” kwete kurerutsa vakadzi, asi kusimudzira ruremekedzo.
“Nomutoo Wakafanana . . .Maererano Nezivo”
Petro akapa zano varume ku“pfuurira kugara navo [vadzimai vavo] maererano nezivo.” “Nomutoo wakafanana” kunaani? Mundima dzapfuura Petro akanga achikurukura tarisiro yorudo yaKristu nokuda kwavateveri vake, uye akarayiridza varume kutarisira vadzimai vavo “nomutoo wakafanana.” (1 Petro 2:21-25; 3:7, NW) Kristu nguva dzose aiisa garikano nefariro zvavadzidzi vake pamberi pezvishuvo zvake zvomunhu oga nezvisarudzo. Akanga ane fariro mugarikano yavo yomudzimu neyomuviri, uye akarangarira ganhuriro dzavo. Varume vanofanira kutevedzera muenzaniso worudo waKristu, kuita “nomutoo wakafanana” kuvadzimai vavo.
Muchato unoshanda zvakanaka hauwaniki netsaona. Vose vari vaviri murume nomudzimai vanofanira kuziva kuti vangabetsera sei budiriro yomuchato wavo. Naizvozvo, zano raPetro nderavarume kuti varambe vachigara navadzimai vavo “maererano nezivo.” Varume vanofanira kufunda kuti Jehovha noMwanakomana wake, Jesu Kristu, vakabata sei navakadzi. Vanofanira kuziva kuti Mwari anoda kuti vabate sei vadzimai vavo.
Mukuwedzera, varume vanofanira kusanoziva vadzimai vavo—mirangariro yavo, simba, ganhuriro, zvavanoda, uye zvavasingadi. Vanofanira kuziva nzira yokuremekedza nayo ungwaru, noruzivo rwokuzviwanira, uye chiremera zvavadzimai vavo. Bhaibheri rinoti: “Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadawo kereke akazvipa nokuda kwayo. Saizvozvowo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Unoda mukadzi wake, unozvida; nokuti hakuna munhu wakatongovenga nyama yake; asi unoipa zvokudya nokuichengeta.”—VaEfeso 5:25, 28, 29.
Vapei Rukudzo
Apo Petro akanongedzera kuvakadzi se“midziyo ine simba duku,” akadudzawo kuti varume vanofanira kuva “[va]chi[va]kudza.” MuchiGiriki, zita rokuti ti·meʹ rinopa pfungwa yorukudzo, ruremekedzo, ukoshi, kudhura. Mumamwe mashoko, kupa rukudzo hakusati kuchingova chiito chenyasha asi kuziva chavakafanirwa nacho. Pauro akarayiridza vaKristu, vose vari vaviri varume navakadzi, sezvinotevera, kuti: “Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai.”—VaRoma 12:10.
Jehovha Mwari zvamazvirokwazvo haarangarire vakadzi sezviratidzwa zvazvo. Muna Israeri, mitemo yaMwari yaishanda nesimba rakaenzana kuvose vari vaviri varume navakadzi avo vakanga vane mhaka youpombwe, makunakuna, vatano nemhuka, uye dzimwe mhaka. (Revhitiko 18:6-17, 23, 29; 20:10-12) Vakadzi vaigona kuwana betsero dzemaSabata, mitemo yaidzora vaNaziri, mitambo, uye dzimwe gadziriro zhinji dzeMutemo. (Eksodho 20:10; Numeri 6:2; Dheuteronomio 12:18; 16:11, 14) Amai, pamwe chete nababa, vaifanira kukudzwa nokuteererwa.—Revhitiko 19:3; 20:9; Dheuteronomio 5:16; 27:16; Zvirevo 1:8.
Zvirevo 31 Ndima 10 kusvikira ku 31 dzaZvirevo ganhuro 31 dzinokudza “mukadzi anoita zvakanaka” nemhaka yokutendeka kwake, kushanda, uye uchenjeri mukutarisira mitoro yake mizhinji. Aizivikanwa zvakafanira nemhaka yorutivi rwake mukubata basa remhuri, zvimwe chetezvo nedzimwe nhau dzezvemari. Kwakasiyana sei nomurangariro wavamwe varume avo vanofunga nezvavakadzi sezvishongowo zvazvo! Gare gare, muungano yechiKristu yapakuvamba, vakadzi vakapiwa simba nomudzimu mutsvene sezvapupu zvaKristu. (Mabasa 1:14, 15; 2:3, 4; enzanisa naJoere 2:28, 29.) Nokudaro, vamwe vakadzi vakagoverwa kuva vatongi vokudenga vavarume, vakadzi, uye kunyange ngirozi. (1 VaKorinte 6:2, 3) Chokwadika, vakadzi vaisafanira kudzidzisa mukuungana kweungano; kunyanguvezvo, pakanga pane migariro apo vakadzi vechiKristu vaigona kunyengetera kana kuporofita. Vakagoverwa kuva vadzidzisi vavakadzi vaduku, vana, uye avo vari kunze kweungano.—Mateo 24:14; 1 VaKorinte 11:3-6; Tito 2:3-5; enzanisa nePisarema 68:11.
Chimwe chiratidzo chakanaka cheizvo Petro akanga anazvo mundangariro apo akataura kuvapa rukudzo chinowanwa pana 2 Petro 1:17. Ipapo tinorava kuti Jehovha akakudza Jesu kupfurikidza nokutaura kumutendera kwake mukuvapo kwavamwe kupfurikidza nokududza, kuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa.” Nenzira yakafanana, murume anofanira kuratidza kupfurikidza nezviito zvake, pose pari paviri pana voruzhinji napakavanda, kuti anopa mukadzi wake rukudzo.
Vadyi Nhaka voUpenyu
Munhau yose, varume vanguve vachirangarira vakadzi sevakafanirwa norukudzo ruduku kana ruremekedzo—somuranda, kana sechishandiswawo zvacho chokufadza varume. Muitiro wechiKristu wokupa vakadzi rukudzo unovasimudzira zvamazvirokwazvo kumwero wakakwirira woruremekedzo. Barnes’ Notes on the New Testament rinotsinhira kuti pangiro yaPetro “ine zvokwadi inokosha zvikuru mukuremekedza mukadzi. Muimwe tsika iri yose yorudzidziso kunze kwetsika yechiKristu, mukadzi ave achirangarirwa saakaderera munzira iri yose kumurume. ChiKristu chinodzidzisa kuti . . . anopiwa tariro dzose nezvipikirwa izvo rudzidziso runopa. . . . Iyi zvokwadi imwe chete yaizosimudza mukadzi munzvimbo iri yose kubva mukuderedzwa, ndokugumisa pakarepo hafu yezvakaipa zvechaunga chorudzi rwomunhu.”
Sezvo Kristu ari muridzi wavose vari vaviri varume navakadzi, pane chikonzero chakakomba chokuti varume vakoshese vadzimai vavo semidziyo yaKristu. Nokukurumidza pashure pokunongedzera kuvakadzi se“midziyo ine simba duku,” mashoko aPetro anopfuurira, kuti: “Zvavari vadyi venhaka dzenyasha dzoupenyu pamwe chete nemi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.” (1 Petro 3:7b) Petro akaratidzira kuti kubata kwomurume mudzimai wake zvisina kufanira kwaizokuvadza ukama hwake naMwari, kuchidzivisa minyengetero yake.
Kutaura kwokuti “mudziyo une simba duku” hakutongorevi kunyomba vakadzi. Nepo Jehovha akagadza varume somusoro wemhuri, haatenderi varume kubata zvisina kufanira vakadzi. Panzvimbo pezvo, anorayira kuti murume, nezivo yomukadzi, anofanira kutambanudzira tarisiro norukudzo kwaari.
Bhaibheri rinorayira vose vari vaviri varume vakachata navasina kupa rukudzo kuvakadzi, kwete kuvabata savanhu vakaderera. Varume navakadzi avo vanonamata Mwari zvapachokwadi uye avo vanopanana chiremera vachagamuchira zvikomborero zvakapfuma muruoko rwaMwari.—Enzanisa na 1 VaKorinte 7:16.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 27]
Miss G. E. K. / Artist: Alice D. Kellogg 1862-1900
Courtesy of Joanne W. Bowie