RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 11/8 pp. 18-20
  • Ndakaita Chivi Chisingakanganwirwi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndakaita Chivi Chisingakanganwirwi Here?
  • Mukai!—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Hana Yedu Ichirwadza
  • Rusuruvaro Rwoumwari
  • Kuva NemhakaPamusoro Pezvivi Zviduku
  • Manyuko Ebetsero neNyaradzo
  • Jehovha Anokanganwira Zvikuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Chii Chinonzi Chivi Chisingaregererwi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Jehovha, Mwari “Akagadzirira Kukanganwira”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Pane Chivi Chisingakanganwirwi Here?
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 11/8 pp. 18-20

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndakaita Chivi Chisingakanganwirwi Here?

“HANDINA kutongonzwa kuora mwoyo kwakadai. Handichinazve kuzviremekedza kupi nokupi, uye ndakafunga kuti Mwari aisazotongondikanganwira.”—Marco.a

“Ndakaodzwa mwoyo zvikuru. Kuva nemhaka kwakakurira mwoyo wangu. Ndakafunga kuti ndakanga ndaita zvikanganiso zvisingakanganwirwi.”—Alberto.

“Hakuna munhu asingatadzi,” rinodaro Bhaibheri. (1 Madzimambo 8:46) Asi dzimwe nguva pwere inganzwa kuti yapfuura kuita chikanganisowo zvacho. Kufanana naMarco naAlberto, ingadzvinyirirwa nepfungwa yokuva nemhaka yenguva dzose. Inganzwa kuti chayakaita chakaipa zvikuru, chakashata zvikuru, zvokuti Mwari haagoni kuikanganwira.

Zvakadiniko kana kunzwa kwakadayi kukakutambudza? Eya, kurudzirwa. Mamirire ako ezvinhu ari kure nokuva asina tariro.

Chikonzero Nei Hana Yedu Ichirwadza

Kunongova kwomuzvarirwo kunzwa zvakashata apo unenge wakaita chikanganiso choupenzi. Tose tinozvarwa nesimba iro Bhaibheri rinodana kuti “hana.” Ipfungwa yomukati yechakanaka nechakaipa, nyevero yomukati iyo inowanzorira apo tinoita chimwe chinhu chakaipa. (VaRoma 2:14, 15) Rangarira Mambo Dhavhidhi, somuenzaniso. Akaita upombwe nomukadzi womumwe murume. Gare gare, akaita kuti murume wake, Uria, atumirwe kurufu rwakati. (2 Samueri 11:2-17) Chii chaiva tapuro pana Dhavhidhi?

“Ruoko rwenyu [Mwari] rwakanga ruchirema pamusoro pangu masikati nousiku,” akabvuma kudaro Dhavhidhi. Hungu, akanzwa mutoro wokusatendera kwoumwari. Dhavhidhi akatiwo: “Hapachina mufaro pamafupa angu nokuda kwechivi changu. Nokuti zvakaipa zvangu zvafukidza musoro wangu; zvinondiremera somutoro unorema. . . . Ndinofamba ndichichema zuva rose.” (Pisarema 32:4; 38:3-6) Hana yaDhavhidhi yakapfuurira kumutambudza kusvikira asundirwa kuita chiito chaichoicho ndokupfidza chikanganiso chake.

Munzira yakafanana, kana iwe wakadzidziswa navabereki vari Zvapupu uye unotsauka kubva pamipimo yeBhaibheri, uchanzwa zvakashata. Uku kunzwa kwourombo ndokwomuzvarirwo, kwakanaka. Kunogona kuparira munhu kuzviruramisa amene kana kuti kutsvaka betsero chakaipa chisati chava muitiro wakasimba. Kuno rumwe rutivi, munhu anopfuurira muchivi anokuvadza hana yake. Pashure penguva yakati inova isingatapuriki, kufanana neganda rakaoma. (1 Timotio 4:2) Kushata kwetsika kune chokwadi chokutevera.—VaGaratia 6:7, 8.

Rusuruvaro Rwoumwari

Nenzira isingashamisi, ipapo, Bhaibheri rinotaura nezve“chivi chorufu.” (1 Johane 5:16; enzanisa naMateo 12:31.) Chivi chakadaro hachisi uterawo zvahwo hwenyama. Chinoitwa namaune, nenharo, nechisimbwa. Hachisati chiri chivi chimene zvikuru asi mugariro womwoyo womutadzi uyo unoita chivi chakadaro chisingakanganwirwi.

Idi rokuti unonzwa wakuvadzwa nokuva nenhamo pamusoro pomufambiro wako usina kunaka, zvisinei, rinoratidza kuti hauna kuita chivi chisingakanganwirwi. Bhaibheri rinotaura kuti “kuchema sezvinoda Mwari kunouyisa kutendeuka, kunoisa kukuponeswa.” (2 VaKorinte 7:10) Zvamazvirokwazvo, cherekedza zano rinopiwa pana Jakobho 4:8-10: “Shambai maoko enyu, imi vatadzi; natsai mwoyo yenyu, imi mune mwoyo miviri. Shuwai, mucheme, murire; kuseka kwenyu ngakushandurwe kuve kuchema, nokufara kwenyu dzive shungu. Muzvininipise pamberi paShe, agokukudzai.”

Chokwadi, chakaipa chacho chingava chiri chakakomba zvikuru. Julie muduku, somuenzaniso, akabatanidzwa mukutsvodana nokubhabhadzirana nomukomana. “Ndakanzwa ndine mhaka zvikuru pakutanga,” anobvuma kudaro, “asi sezvo nguva yakapfuura, ndakarovedzana nazvo. Hazvina kutambudza hana yangu zvikuru.” Pashure penguva yakati, mabasa asina kuchena akakura kusvika kupfundo revatano. “Ndakanzwa ndichinetseka,” anodaro Julie. “Hana yangu yakava isina simba kusvika kupfundo rouko kwakaitika kanoverengeka.”

Mumirire wezvinhu wakadai hauna tariro here? Kwete chaizvoizvo. Zvakadiniko naManase, mumwe wamadzimambo aJudha? Akaita zvivi zvakakomba zvikurusa, kubatanidza kutaura nemidzimu nokubayira vana. Bva, Mwari akamuregerera pahwaro hworupfidzo rwake rwapachokwadi. (2 Makoronike 33:10-13) Zvakadiniko naMambo Dhavhidhi? Apfidza mabasa ake akashata, akawana Jehovha kuva Mwari uyo ari “akanaka, [a]nofarira kukanganwira.”—Pisarema 86:5.

VaKristu nhasi vane iyi vimbiso: “Kana tichizvireurura zvivi zvedu, iye wakatendeka wakarurama, nokudaro kuti unotikanganwira zvivi zvedu, nokutinatsa pakusakarurama kwose.” (1 Johane 1:9) Ndikuna ani uko munhu anofanira kuita uku kureurura? Zvikurukuru, kuna Jehovha Mwari. “Dururai mwoyo yenyu pamberi pake.” (Pisarema 32:5; 62:8) Ungakuwana kuchibetsera kurava kureurura kwokunzwa urombo kwaDhavhidhi muPisarema 51.

Mukuwedzera, Bhaibheri rinokurudzira vaKristu avo vakawira muchivi chakakomba kutaura navakuru veungano. (Jakobho 5:14, 15) Zano ravo rinokosha neminyengetero zvinogona kukubetsera kutangazve ukama hwako naMwari uye kuwanazve hana yakachena. Vanogona kunzwisisa musiyano uri pakati poutera nouipi. Vanofanirawo kuona kuti unowana betsero inodikanwa kuti ugodzivisa kudzokorora chikanganiso chako. Julie, achiva atora iri danho roushingi amene, anorumbidza, kuti: “Ndakaedza ‘kuzviranga ndimene’ uye ndakafunga kunyange kuti kwakashanda kusvika kutambanuko yakati. Asi pashure pegore ndakaziva kuti ndakanga ndisina kururama sei. Haugoni kupedza zvinetso zvakakomba pasina betsero inobva kuvakuru.”

Kuva NemhakaPamusoro Pezvivi Zviduku

Pane dzimwe nguva, kunyanguvezvo, pwere inga“batwa pane kumwe kudarika.” (VaGaratia 6:1) Ingabvumira manikidziro yenyama kukurira. Pwere iri muuyu mumirire wezvinhu ingatambura kunzwa kukuru kwokuva nemhaka—zvichida kuva nemhaka kukuru kupfuura uko chakashata chacho chakafanirwa nako. Nhamo isiri madikanwa inova mugumisiro. Kunzwa kwokuva nemhaka kukuru kwakadaro kunogona kuva mugumisiro wehana yakanaka asi inotapurika zvakapfuuridza. (VaRoma 14:1, 2) Yeuka, apo tinoita chivi “tine murevereri kuna Baba, iye Jesu Kristu wakarurama.”—1 Johane 2:1, 2.

Rangarirazve, chakaitika chaMarco muduku, anokorwa mashoko musumo yedu. Uyu muKristu muduku akapwiswa kuti akanga aita chivi chisingakanganwirwi. Aiwanzotaura kwaari amene, kuti: ‘Ndinosanoziva nheyo dzeBhaibheri, bva handigoni kurega kuita chivi!’ Chii chaiva chivi chake? Chinetso chebonhora. ‘Mwari anogona sei kundikanganwira kana ndisingaregi muitiro wacho?’ Marco airangarira kudaro. Alberto, uyo nenzira yakafanana aiva nenhambo dzokuzvibata zvisina kufanira, akati: “Ndainzwa kuva nemhaka kwacho mukatikati nemhaka yokuti ndaisagona kuzvisunungura ndimene muchivi chacho.”

Bonhora muitiro usina kuchena. (2 VaKorinte 7:1) Zvisinei, Bhaibheri haririisi pamwe chete nezvivi zvakakomba zvakadai soufeve. Kutaura idi, haritongoridudzi. Naizvozvo, kuwira mubonhora kwaisazova kusingakanganwirwi. Kurirangarira serisingakanganwirwi kwaizova zvomenemene kune ngozi; pwere ingarangarira kuti hapana chinangwa mukuedza kukurira chinetso chacho. Asi nheyo dzeBhaibheri dzinoratidza kuti muKristu anofanira kuita nhamburiko dzesimba kurwisa uyu muitiro.b (VaKorose 3:5) Jehovha anoziva kuti “tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji.” (Jakobho 3:2) Kana kuwirazve kukaitika, pwere haifaniri kunzwa yashurikidzwa.

Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nezvokumwe kudarika nezvikanganiso. Jehovha haadi kuti tizvirange timene nokuva nemhaka kwakanyanyisa. Panzvimbo pezvo, anofadzwa apo tinotora matanho kuti tiruramise chinetso chacho.—2 VaKorinte 7:11; 1 Johane 3:19, 20.

Manyuko Ebetsero neNyaradzo

Sezvinobvira, kunyanguvezvo, uchada yamuro yomunhu oga mukuita kudaro. Vabereki vanotya Mwari kazhinji kazhinji vanogona kuita zvakawanda kubetsera nokutsigira vana vavo. Uye ungano yechiKristu inogovera imwe nzira yetsigiro. Marco anoyeuka, kuti: “Chinhu chakandibetsera zvirokwazvo chakanga chiri kurukurirano nomukuru. Ndaifanira kuva noushingi hwokukurukura zvakajeka ndokumuudza mifungo yangu yapedyosa. Asi akanyandura chivimbo, naizvozvo ndakakumbira zano rake.” Albertowo, akatsvaka zano kubva kumukuru. “Handigoni kukanganwa zano rake rinokurudzira,” anodaro Alberto. “Akandiudza kuti apo akanga ari muduku, akanga anewo chinetso chimwe chetecho. Ndaisatongogona kuve ndakakudavira. Ndakamuteerera nokuonga kukuru nokuda kwokuvimbika kwake.” Nebetsero netsigiro zvakadaro, Marco naAlberto vakakurira zvinetso zvavo. Vose vari vaviri vanobatira munzvimbo dzamabasa muungano dzavo dzakasiyana-siyana.

Munyengetero wokushingaira ndiimwe yamuro. Kufanana naDhavhidhi, unogona kunyengeterera “mwoyo wakachena” no“mweya [mutsva, NW] wakarurama.” (Pisarema 51:10) Kurava Shoko raMwari mamwe manyuko enyaradzo. Somuenzaniso, ungakuwana kuchikurudzira kudzidza kuti muapostora Pauro akanga anewo rwisano dzomukati. Akabvuma, kuti: “Kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri.” (VaRoma 7:21) Pauro akabudirira mukuchengeta miitiro yake yakashata ichidzorwa. Naizvozvo unogonawo. Ungakuwana zvikurukuru kuva kunonyaradza kurava mapisarema, zvikurukuru ayo anobata nokukanganwira kwaMwari, akadai saMapisarema 25, 86, uye Mapisarema 103.

Muchinoitika chipi nechipi, dzivisa kuzviparadzanisa umene uye kuzvibvumira umene kudzorwa nepfungwa yokuti zvakashata zvinodzikamisa mufarwa. (Zvirevo 18:1) Zvishandisire umene zvizere nyasha dzaJehovha. Yeuka, ano‘kanganwira zvikuru’ pahwaro hwechibayiro chorudzikinuro chaJesu. (Isaya 55:7; Mateo 20:28) Usarerutsa zvikanganiso zvako, asi usagumisa kuti Mwari haagoni kukukanganwirawo. Simbisa kutenda kwako nokutsunga kwako kuti umubatire. (VaFiripi 4:13) Pakupedzisira uchasvika pakuva norugare rwendangariro nomufaro womukati mukuru wokuziva kuti wakakanganwirwa.—Enzanisa nePisarema 32:1.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe amazita akachinjwa.

b Zvikarakadzo zvinoshanda zvinopiwa mumaganhuro 25 ne 26 ebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kutaura zvinhu nomuKristu akakwaniriswa kunogona kukupa kariro itsva panhau

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe