Unogona Kuvimba Mwari
UNOGONA kuvimba Mwari neShoko rake, Bhaibheri, chose chose. Pashure penduramo yokurarama yokuvimba Mwari, mumwe murume, apfuura makore 100 ezera, akapa ichi chikonzero nokuda kwechivimbo chake: “Tarirai,” akadaro, “nhasi ini ndoenda nenzira yenyika yose; zvino imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti [hakuna shoko rimwe mumashoko ose akanaka ayo Jehovha Mwari wenyu akataura kwamuri rakakundikana. Ose akazadzika nokuda kwenyu. Hakuna shoko rimwe rawo rakakundikana, NW].”—Joshua 23:14.
Uyu murume, Joshua, mutungamiriri waIsraeri wekare, akavimba zvizere naMwari neShoko rake. Chinhu chiri chose icho Mwari akapikira Israeri chakazadzika. Kana ukasvika pakuziva zvakawanda pamusoro poMusiki neShoko rake, unogona kukudziridza chivimbo chakafanana. Munamati waMwari wapashure, Mambo Dhavhidhi, akakutaura neiyi nzira: “Vanoziva zita renyu vachavimba nemi; nokuti imi Jehovha hamuna kurasha vanokutsvakai.”—Pisarema 9:10.
Mwari Haasati Achizombokuodza Mwoyo
Kana ukasvika paku‘ziva zita raMwari’ zvikuru uye izvo zita iroro rinoreva—zvinangwa zvake, mibato, uye mavara—uchamuvimba zvikuru. Ishamwari yakavimbika iyo isati ichizombokuodza mwoyo kana kuti kukundikana kuchengeta shoko rayo. Uye usaodzwa mwoyo nounyengeri hwaavo vanotaura kuva vamiririri vake uye avo ipapo vanobata navamwe nokunyengera. Vanhu vakadaro vanoziviswa neBhaibheri savasina kuvimbika. Vanyengeri vorudzidziso vanotaura chimwe chinhu asi vanoita chinopesana. Seizvo muapostora Petro akanyevera, vanoshandisa zvisina kufanira mapoka avo. Petro akanyora, kuti: “Nokuda kwavo nzira yezvokwadi ichazvidzwa. Pakukarira kwavo mari vachakunyengerai namashoko amanomano.”—2 Petro 2:2, 3.
Vanhu vakadaro havamiririre Mwari. Vanozvidza Shoko rake. Kuregererei kuzvinzverera umene chinyorwa chaMwari amene nechipupuriro sezvinoratidzirwa muBhaibheri? ‘Asi,’ ungabvunza kuti, ‘ndinotongofanireiko kuvimba neBhaibheri kupfuura rimwe bhuku ripi neripi?’ Ichokwadi kuti kwave kune unyengeri hworudzidziso husingaverengeki munhau yose, asi Bhaibheri rakasiyana. Rangarira zvikonzero zvinotevera zvokuvimba neBhaibheri.
Zvikonzero Zvokuvimba neBhaibheri
Unogona kuvimba neBhaibheri nemhaka yokuti zvipikirwa zvaro nouporofita zvinozadzika nguva dzose. Heuno muenzaniso mumwe bedzi. Kunyange zvazvo kungave kwakaratidzika sokusingadaviriki kuna Israeri akaiswa muusungwa, Jehovha Mwari, munyori weBhaibheri, akanga apikira kuti aizovasunungura muusungwa hweBhabhironi rine simba ndokuvadzorera kuJerusarema. Kwakaratidzika setariro isingabviri nemhaka yokuti Bhabhironi rakanga riri simba guru renyika rezuva racho uye rakanga raparadza Jerusarema chose chose. Asi anenge makore mazana maviri pachine nguva mberi, Jehovha akanga atodudza mutongi wePersia Koreshi souyo aizokurira Bhabhironi ndokusunungura vanhu Vake uye akafanotaura makundikanire aizoita zvinodzivirira zvorwizi zveBhabhironi. Unogona kurava nhoroondo yacho pana Isaya 44:24–45:4.
Bhuku rinonzi Kurangarira muMagwaro rinotsanangura mazadzikire akaita uporofita hwacho, kuti: “Koreshi akanga asati aberekwa apo chiporofita chakanyorwa. . . . Muudzame hwose chiporofitacho chakazadzika kutangira muna 539 B.C.E. Koreshi akatsausira mvura yoRwizi Yufratesi mudziva rakagadzirwa, masuo orwizi eBhabhironi akasiyiwa nomutoo wokusangwarira akazaruka mukati mokuita mutambo muguta, uye Bhabhironi rakawira kuvaMedhe navaPersia mukutungamirira kwaKoreshi. Pashure pacho, Koreshi akasunungura nhapwa dzechiJudha ndokudzidzosera kuJerusarema dziine mirayiridzo yokuvakazve tembere yaJehovha imomo.”a Chipikirwa chiri chose chakafanana neichi chakaitwa naMwari, uporofita huri hwose huri muBhaibheri, hwakazadzika pasina chikanganiso.
Mumwe muenzaniso wouporofita hwakazadzikwa ndiro idi chairo rokuti chivimbo chakaderera muzana redu ramakore. Bhaibheri rakafanotaura ikoku sechiratidzo chenguva yatiri kurarama mairi, nokuti rinodana nhambo yakavamba neHondo Yenyika I muna 1914 kuti “mazuva okupedzisira” uye rinoti aizounza “nguva dzokutambudzika.” Rakazivisa kuti muzuva redu vanhu vaizova “vanozvida, . . . vanozvirumbidza, vanozvikudza, . . . vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, . . . vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi.” Uye rakafanotaurawo, kuti: “Vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa.” (2 Timotio 3:1-4, 13) Izvozvo ndizvo chaizvo zvatakaona munguva yedu.
Unogona kuvimba neBhaibheri nemhaka yokuti rakavimbika chose chose. Hapana akambopokanidza nenzira inobudirira kuvimbika kweBhaibheri. Wezvesayenzi akakurumbira Sir Isaac Newton akati: “Ndinowana zviratidzo zvechokwadi zvikuru zvokuvimbika muBhaibheri kupfuura munhau yenyika ipi neipi zvayo.” Hamuna nyengedzo yakafanana ne“zvinyorwa” zvaHitler muno! Uye Bhaibheri rinosiyana sei namamwe manyoro ekare? The Bible From the Beginning rinoti: “Munhamba ye[manyoro] eMSS. ekare anopupurira manyoro, uye munhamba yamakore ayo akanga apfuura pakati peokutanga neMSS. inopupurira, Bhaibheri rine betsero huru pane manyoro ekare [ayo aHomer, Plato, uye vamwe]. . . . Pamwe chete maMSS. ekare mashomanene bedzi kana achienzaniswa neeBhaibheri. Hapana bhuku rekare rinosanopupurirwa zvikuru seBhaibheri.” Chinhu chiri chose pamusoro peBhaibheri chinonongedzera kukuva kwaro rechokwadi chose chose.
Unogona kuvimba neBhaibheri nemhaka yokuti rakarurama chose chose mukutaura kwaro kwose. Bhaibheri rinotaura kuti Mwari “unotatamura rutivi rwokumusoro pasina chiro, unoturika nyika pasina chinhu.” (Jobho 26:7) Panzvimbo pokudzokorora rondedzero dzokufungidzira dzezuva racho, zvakadai sepasi richiva rakatsigirwa nenzou, Bhaibheri rakadudza izvo zvanguve zviri zvakabvumikiswa sezvokwadi yesayenzi—kuti pasi raka“turik[w]a” mumhepo. Mukuwedzera kuna ikoko, anopfuura makore zviuru zviviri nguva yaColumbus isati yasvika, Bhaibheri rakataura nenzira yakajeka kuti pasi rakaurungana.—Isaya 40:22.
Unogona kuvimba neBhaibheri nemhaka yokutendeseka kwaro nouchokwadi. Vanyori veBhaibheri havana kuita kuti chinhu chipi nechipi chive chenhema. Kunyange apo zvavaitaura zvairatidzira nenzira yakashata pavari vamene, vagari biyavo vomunyika, uye vatongi vavo, vaishuma nokutendeseka maidi acho. Muevhangeri yake muapostora Mateo, somuenzaniso, akabvuma pachena kuti vaapostora vaJesu Kristu padzimwe nguva vakaratidza kusava nokutenda, vakarwira utanhamari pakati pavo vamene, uye kunyange kusiya Jesu apo akasungwa.—Mateo 17:18-20; 20:20-28; 26:56.
Chimwe chikonzero chakatanhamara chokuvimba neBhaibheri ndechokuti zano reBhaibheri rakabvumikisa nguva dzose kuva rinoshanda uye rinobetsera papi napapi apo vanhu vakarivimba zvakakwana zvokurishandisa. (Zvirevo 2:1-9) Zano reBhaibheri rinosiyana zvikuru nezano rinowanzova rinochinja-chinja re“nyanzvi” pakugonana nezvinetso zvoupenyu. Pamusoro pavanyori vezvikamu zvamapepanhau avo vanopa zano rakadaro mumapepanhau mazhinji enyika, The Sunday Times yeLondon inobvunza, kuti: “Zviuru zvavanhu gore riri rose vari kuratidzira here mirangariro yavo yomukatikati kuava vasina ruzivo rwokuzviwanira vane chipo avo vari kungokuita zvachero?” Vanyori veBhaibheri vakanga vasingangoiti zvachero. Vakanyora zano rakavimbika, rakafuridzirwa naMwari iro rakabvumikisa kuva rakavimbika munhau yose.—2 Timotio 3:16, 17.
“Zano reBhaibheri rakandidzivirira pamuitiro ungadai wakaparadza upenyu hwangu,” anodaro Ellen, zvino ari mumakore ake ama30 uye ari muroorano nenzira inofadza. “Vabereki vangu, avo vakanga vakachatanura, vakaratidza ruvimbiko ruduku mugadziriro yeroorano, uye vakandikurudzira chaizvoizvo kungogara bedzi nomumwe munhu panzvimbo pokuroorana naye. Apo ndinofunga pamusoro pokudzikama uko kutevera nheyo dzeBhaibheri kwakapa kuupenyu hwangu, ndinofara kuti ndakavimba neBhaibheri kunyange kupfuura zano ravabereki vangu ndimene.”—Ona VaEfeso 5:22-31; VaHebheru 13:4.
“Ndakanga ndichingova namakore 14 apo ndakavamba kudzidza izvo Bhaibheri raitaura pamusoro pezvinhu,” anodaro Florence. “Zvino apo ndinofunga zvakaitika shure kuma1960 nechinetso icho vaenzani vangu vakazviparira vamene kupfurikidza nokutevera mipimo netsika zvenguva iyeyo, ndinoonga zvikuru dziviriro iyo zano reBhaibheri rakandipa somukadzi muduku, asina ruzivo rwokuzviwanira.”—Ona 1 VaKorinte 6:9-11.
“Muchiitiko changu,” anodaro James, “ndakabatanidzwa mukubhejera, kusvuta, uye mumubato wokunwa.” Anopfuurira, kuti: “Ndinoziva kuvadziko idzo ikoku kwakaparira kuvanhu vazhinji zvikuru nokumhuri dzavo. Pakutanga ndaisagona kuona kushanda kweBhaibheri kuzvinetso zvangu. Asi zvino ndinoona zvakajeka mapesvedzere arakaita kufunga kwangu nokuda kwezvakanaka ndokundibetsera kuchengeta mararamire akanaka zvikuru kwazvo.”—Ona 2 VaKorinte 7:1.
Mary Anne airangarira kuzviuraya nemhaka yedzvinyiriro dzoupenyu nezvinetso zvemirangariro zvaibva mumamiriro ezvinhu ekare ane zvinetso. “Kuzviuraya kwakaratidzika kuva mhinduro bedzi panguva yacho,” anodaro. “Asi Bhaibheri rakagadziridza kufunga kwangu. Handina kuzviuraya nemhaka bedzi yezvandakarava muBhaibheri.”—Ona VaFiripi 4:4-8.
Chakanga chiri chii chakabetsera ava vanhu vose? Vakaumba chivimbo chakazara muna Mwari neShoko rake, Bhaibheri. Mwari akava seshamwari inovimbwa, inodiwa iyo yakazevezera zano munzeve dzavo munguva dzechinetso. (Enzanisa naIsaya 30:21.) Vakadzidza nheyo dzeBhaibheri idzo dzakavabetsera kugonana nedzvinyiriro dzoupenyu nezvinetso. Uye vakadzidza kuvimba nezvipikirwa zvinoshamisa zvinobva kuna Mwari uyo asingagoni kureva nhema—zvakadai sechipikirwa che“pasi idzva” rakaisvonaka risina unyengeri hwose, nhema, uye kushandisa zvisina kunaka nerisina rusuruvaro, chirwere, uye kunyange rufu!—2 Petro 3:13; Pisarema 37:11, 29; Zvakazarurwa 21:4, 5.
Unogona kukudziridza chivimbo chakafanana. Nyika nhasi ingatsausa chivimbo chako, asi unogona kuvimbiswa kuti chivimbo chako muna Mwari nomuShoko rake hachisati chichizotongoputswa. Vabudisi vemagazini ino vachafara kuronga kuti mumwe munhu akubetsere kusvika pakuziva Mwari neShoko rake, Bhaibheri, zviri nani.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 8]
Makore 200 pachine nguva mberi, muporofita waMwari akafanotaura makurirwe aizoitwa Bhabhironi
[Mufananidzo uri papeji 9]
Sir Isaac Newton akawana Bhaibheri kuva rakavimbika