RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 3/8 pp. 12-14
  • Mitambo Yetimu Yakandinakira Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mitambo Yetimu Yakandinakira Here?
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mitambo—Betsero
  • Mbiri, Mhanza Yakanaka, Uye Mukurumbira
  • Varegi
  • Ndinofanira Kukumbanira Timu Yemitambo Here?
    Mukai!—1996
  • Kuzvipira Kuna Mwari, Kana Kuti Kusimbisa Muviri
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
  • Zvii Zvandinofanira Kuziva Panyaya Dzemitambo?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Mitambo Yevana—Kupararira Kwedambudziko Idzva Rokurwisana
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 3/8 pp. 12-14

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Mitambo Yetimu Yakandinakira Here?

“Ndinoda mitambo. Ndinowana kunzwa kwakanaka chaizvoizvo. Uye ndinofarikanya kuva neshamwari dzangu.”—Sandy ane makore 14 okukura.”

“VARAIDZO!” “Mufaro!” “Kuhwina!” Izvi ndizvo zviri zvimwe zvezvikonzero izvo pwere dzeU.S. uye Canada dzakapa apo dzakanzverwa pamusoro pechikonzero nei dzaitora rutivi mumitambo yakarongwa. Sezviri pachena, pwere zhinji dzinogoverana mbavarira yadzo.

Rangarira United States, somuenzaniso. Maererano nebhuku Your Child in Sports, rakanyorwa naLawrence Galton, “gore rimwe nerimwe, vana vane mamiriyoni 20 veAmerica zera rinovambira pamakore matanhatu zvichikwira vanotamba, kana kuti kuedza kutamba, mutimu dzemitambo dzakarongwa.” Uye nepowo makore mashomanene chete apfuura timu dzemitambo dzaidokuva dzavanhu vechirume voga, vasikana munhamba huru vari kutamba baseball, basketball, uye kunyange kukwikwidzana munhandare yenhabvu.

Zvichida uri rudzi rwemumhanyi uye unonzwa kuti kukumbanira timu kwaizova kunovaraidza. Kana kuti kungave kuti uri kuwana kurudziro yakawanda—zvichida kunyange dzvinyiriro—kubva kuvabereki, vadzidzisi, kana kuti vadzidzisi vemitambo kuita saizvozvo. Chipi kana chipi chiri chinoitika chacho, kubatanidzwa mumitambo yetimu kunoda kupa kwakati nguva yakati nesimba. Kunongova kune mufungo bedzi, ipapo, kuva anoziva nezvebetsero nedzisiri betsero. Kutanga, ngatitarirei dzimwe dzebetsero dzacho.

Mitambo—Betsero

“Kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hazvo,” rinodaro Bhaibheri. (1 Timotio 4:8) Uye vaduku vanogona kubetserwa zvirokwazvo nemibato yokurovedza muviri. MuUnited States, nhamba dzinotyisa dzevaduku dzinotambura kufutisa, BP yakakwira, uye cholesterol yakawandisa. Kurovedza muviri kwenguva dzose kunogona kuita zvakawanda kukudzora zvinetso zvakadaro. Maererano neimwe nyaya iri mumagazini yeAmerican Health, vaduku vanorovedza muviri nguva dzose “vanova nokufema kwakanaka nokutenderera kweropa kwakanaka kupfuura avo vana vanonyanyogara [vasingashandi]. Varovedzi vomuviri venguva dzose vanoitawo zvirinani mumitambo uye vanodzora uremu zviri nani.” Vanzveri vanotaurawo kuti kurovedza muviri kunoderedza dzvinyiriro, kunoderedza kuneta, uye kunyange kuvandudza kurara kwako.

Nenzira inofadza, bhuku raYour Child in Sports rinoti: “Kwazova pachena kuti zvinetso zvoutano zvevakura vazhinji zvine mavambo azvo mune zvavaiita muupenyu hwapakuvamba.” Vanachiremba vazhinji nokudaro vanorangarira kuti betsero dzokurovedza muviri nguva dzose dzinopinda muukuru. Munyori Mary C. Hickey anoshuma kuti: “Nzvero yakawana kuti vana vanotamba mitambo vanova sezvingabvira vanoshingairira zvikuru mumuviri.”

Vazhinji vanorangarira kuti kune dzimwe betsero dzinokosha kumitambo yetimu. Vamwe baba vakati pamusoro pokutamba nhabvu kwemwanakomana wavo: ‘Kunomudzivisa kufamba-famba mumigwagwa. Kunomudzidzisa chirango.’ Vamwe vanorangarira kuti kutamba mutimu kunodzidzisa pwere kushandira pamwe navamwe—unyanzvi hungagona kuva nebetsero dzoupenyu hwose. Mitambo yetimu inodzidzisawo pwere kutevera mitemo, kuva inozviranga, kushandisa hutungamiriri, uye kubata nenyasha nezvose zviri zviviri budiriro nekundikano. “Mitambo kudzidza kukuru nokuda kwevana vaduku,” anodaro Dr. George Sheehan. “Inopa vadzidzi ruzivo rwokuzviwanira rwakananga muzvinhu zvavanowanzonzwa pamusoro pazvo kuvadzidzisi: ushingi, unyanzvi, kuzvitsaurira.”—Current Health, September 1985.

Kana pasina chimwe chinhu, kuva mutimu inokunda kunogona kunyandura kuzvirumbidza kwomumwe. “Kana ndikagowesa kana kuti kushuta,” anodaro Eddie muduku, “Ndinonzwa ndichidada zvikuru ndimene.”

Mbiri, Mhanza Yakanaka, Uye Mukurumbira

Nokuda kwedzimwe pwere, kunyange zvazvo zvakadaro, kufadza chaikoiko kwemitambo yetimu kuwana tendero nekuzivikanwa nevaenzani vadzo. “Nguva iri yose yaunoita chimwe chinhu chakanaka,” anotsanangura kudaro Gordon ane makore 13 okukura, “munhu ari wose anokubhabhadzira pamusana.”

Bhuku raTeenage Stress, rakanyorwa naSusan naDaniel Cohen, rinobvuma, kuti: “Kana kuchiratidzika kuva kune imwe nzira ipi neipi yechokwadi yokuwana nayo mukurumbira, zvikurukuru nokuda kwevakomana, mitambo yokumhanya. . . . Hausati uchizowanzowana nyanzvi yetimu yenhabvu kana kuti basketball ichishayiwa kuzivikanwa.” Imwe nzvero yakazivisa kuti vamhanyi vanorumbidzwa zvikuru chaizvo sei. Vadzidzi vakabvunzwa kana vaida kuyeukwa senyanzvi yokumhanya, mudzidzi anogona, kana kuti zvimwe munhu ane mukurumbira zvikurusa. Pakati pevakomana, kuva “nyanzvi yemitambo” kwanga kuri chisarudzo chokutanga.

Kuti mutambi wenhabvu kana kuti webasketball anogamuchira rukudzo rukuru kupfuura mudzidzi hakushamisi kwazvo apo unorangarira ngwariro yokunamata iyo zvokubudisa nhau zvinotutira panyanzvi dzemitambo. Uzhinji hweziviso hunonangidzira ngwariro pamiripo yavo mikuru uye miraramiro yeumbozha. Hakushamisi kuti pwere zhinji, idzo dziri pakati peguta, dzingaona mitambo yekuchikoro sedanho rinotungamirira kurubudiriro—senzira yokubuda nayo muurombo!

Nenzira inonzwisa urombo, chokwadi chinokonesa zvinosiririsa kariro dzakadaro. Imwe nyaya mumagazini yeCurrent Health ine musoro unoti “Vatambi Vazhinji Sei Vanobudirira Kuva Nyanzvi?” yakapa nhamba dzakakomba. Yakashuma kuti: “Vakomana vanopfuura miriyoni imwe [muUnited States] vanotamba nhabvu yezvikoro zvapamusoro, vanodokuva 500 000 vanotamba basketball; uye vanenge 400 000 vanotora rutivi mubaseball. Kubva muzvikoro zvapamusoro kusvikira kukoreji, nhamba yavatori rutivi inoderera zvikuru kwazvo. Vatambi vemitambo vanenge 11 000 bedzi vanotora rutivi munhabvu yapakoreji, basketball, uye baseball.” Kubva ipapo, nhamba dzacho dzinotova dzinosuruvarisa zvikuru. “Inenge 8 muzana bedzi [yevatambi vemitambo vepakoreji] inosarudzwa nguva dzose netimu dzine unyanzvi, uye inenge 2 muzana bedzi inosaina chibvumirano cheunyanzvi.” Nyaya yacho ipapo inopa chiyeuchidzo: “Kunyange kusaina chibvumirano hakusati kuchireva kuti mutambi wemitambo achawana nzvimbo mutimu.”

Pamwe chete, ipapoka, “mumwe bedzi muvatambi vemitambo yapachikoro chapamusoro 12 000 vari vose achava nyanzvi.” Ikoko kungasavawo kuri nani zvikuru kupfuura bviro dzokuhwina mubayiro wokutanga murotari! Asika kashoma zvikuru, ungashamiswa, ko mutambi wemitambo haagoni kugamuchira here dzidzo yepakoreji yapachena nokuda kwenhamburiko dzake dzose? Zvakare, bviro dzacho hadzina kunaka chaizvo. Maererano nebhuku raOn the Mark, rakanyorwa naRichard E. Lapchick naRobert Malekoff, “pamamiriyoni evatambi vomutambo vepachikoro chapamusoro . . . , mumwe bedzi mu50 achawana mari yokubetsera kutamba mukoreji.” Imwe nhamba inotyisa ndeiyi: “Pavatambi vapamusoro vanogamuchira mari yokubetsera mumitambo ine mari yakawanda yakafanana nenhabvu nebasketball, vasingasviki 30 muzana vachapedza kufunda pakoreji mushure memakore mana.”

Nokuda kwevazhinjisa vevatambi, kurota kuva mutambi wemitambo akapfuma neane mukurumbira inongova zvayo fungidziro—kariro.

Varegi

Apo unorangarira kariro dzoutano hwakavandudzwa, kuvandudzwa kwounhu, uye mukurumbira wakawedzerwa, kukumbanira timu yemitambo yakarongwa kungave kuchiri kuratidzika sechinhu chokuchenjera chokuita. Asi usati wamhanyira kundoedza, rangarira chakataurwa muLadies Home Journal: “Vana vazhinji varikunyoresa nokuda kwemitambo yakarongwa nhasi kupfuura zvakamboita chizvarwa chipi nechipi chekare. Mashoko akaipa: Vari kurega izvi zvirongwa zvemitambo munhamba huru.” Dr. Vern Seefeldt, nyanzvi yezvenhau yacho, anonokorwa mashoko seanoti: “Panguva yavanosvika makore gumi namashanu, makumi manomwe navashanu muzana evaduku vakambotamba mitambo vakaurega.”

Rangarira Canada, umo mutambo hockey yomuchando wakakurumbira mukuru zvikuru. Mune rimwe boka ravasina unyanzvi vehockey, zvikamu 53 muzana zvavatambi vayo vanopfuura 600 000 vakanga vari pasi pemakore 12 okukura. Zvisinei, 11 muzana bedzi vakanga vane zera ramakore anopfuura 15. Chikonzero chacho? Vaduku vazhinjisa vakarega pazera iroro. Nemhaka yei vazhinji kwazvo vachirega?

Vanzveri vanotaura kuti varegi vakadaro kazhinji kazhinji vanopa chikonzero chokurega kwavo chakapfava chinoshamisa: Mitambo yacho haichafadzi. Zvirokwazvo, kutamba patimu kunogona kuva chinhu chinonetesa chinopedza nguva. Magazini yeSeventeen yakaudza varavi vayo kuti kungoedza timu kungabatanidza kushanda “maawa matatu pazuva, mazuva mashanu pavhiki . . . kwerinenge vhiki kana kuti anenge mavhiki maviri.” Kana ukapukunyuka muedzo iwowo ndokubvumirwa kukumbanira timu yacho, mamwe maawa akawanda ekuedzwa uye kurovedzwa zviri munguva yako yemberi. Muenzaniso wakanaka ndewemutezo webasketball yevasikana uyo anoshandisa anopfuura maawa matatu pazuva achirovedza nokuda kwemutambo wake. Nguva iyoyo inogona kupedzerwa mukuita chimwe chinhu chakafanira zvikuru.

Chokwadika, pwere zhinji hadzina basa nomuitiro iwoyo. Dzinofarikanya varaidzo yacho uye denho dzokukwanisa unyanzvi hwavo hwokutamba mitambo. Asi pane zvimwe zvikonzero nei nhamba huru yepwere ichirega mitambo yakarongwa. Unofanira kuzviziva kuitira kuti usarudze kukumbanira timu kana kuti kurega. Zvirevo 13:16 inoti, “mumwe nomumwe, wakangwara, unoita nokuziva.” Nyaya yemunguva yemberi naizvozvo ichapfuudzira kurukurirano iyoyi.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

‘Vatambi vepamusoro vazhinji vokuyunivhesiti vanogamuchira mari yokubetsera padzidzo vanokundikana kuwana magwaro okupedza kufunda’

[Mufananidzo uri papeji 13]

Mukurumbira wevatambi vemitambo unokwevera vechiduku vazhinji kumitambo yakarongwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe