RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 10/8 pp. 12-14
  • Ndiani Anofanira Kusarudza Ukuru Hwemhuri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiani Anofanira Kusarudza Ukuru Hwemhuri?
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzivisa Kunamba Pamuviri—Nei Kuchimutsa Kakavadzano?
  • Izvo Bhaibheri Rinotaura
  • Ita Zvisarudzo Zvaunogona Kurarama Nazvo
  • Kuva Navana—Kunobetsera Here kana kuti Hakubetseri?
    Mukai!—1993
  • Zvakaipa Here Kudzivirira Kubata Pamuviri?
    Mukai!—2007
  • Kuronga Mhuri Murangariro wechiKristu
    Mukai!—1993
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 10/8 pp. 12-14

Ndiani Anofanira Kusarudza Ukuru Hwemhuri?

YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUBRAZIL

ACHINGOVA nemazuva matatu bedzi okukura, mukomana wacho akasiyiwa ari muhomwe yepurasitiki pachiteshi chechitima chinofamba nepasi pevhu. Asi rimwe pepanhau reBrazil rakatsinhira kuti mhuri dzinoverengeka dzakakarakadza kurera mucheche wacho.

Kunyange zvazvo rudzi rwakati irworwo rwechiitiko chacho rusiri rwenguva dzose, nhamba yevana vasingadiwi nevanosiyiwa munyika yose iri kuwedzera. Ubereki hwakavimbika huri kuwanzoshayikwa zvikuru. Kudzivisa kunamba pamuviri ndiko mhinduro here? Kwaizova kusina kururama kuronga ukuru hwemhuri yomunhu here?

Maererano neWorld Health Organization, inenge 50 muzana yepamuviri munyika yose hapana kurongwa. Kazhinji kazhinji kuva nepamuviri hakusati kuri bedzi kusina kurongwa asi kusingadiwiwo.

Vazhinji vanotsvaka kudzivisa kuva nepamuviri, zvichida nemhaka yezvinetso zvoutano, zvedzimba, kana kuti zvebasa. Nokudaro, mitoo yokudzivisa kunamba pamuviri, yakadai semapiritsi kana kuti makodhomu, inozivikanwa navose. Kubvisa pamuviri nokuitwa vasingabereki zvinoshandiswawo semitoo yokudzivisa kunamba pamuviri. Pamusoro pokubvisa pamuviri muBrazil, pepanhau rinonzi O Estado de S. Paulo rinoshuma, kuti: “World Health Organization inofungidzira kuti gore negore mamiriyoni 5 evakadzi vane mamiriyoni 13 avo vanova napamuviri muBrazil vanobvisa pamuviri pacho nenzira yepachivande.” Uyewo, magazini inonzi Time yakashuma kuti 71 muzana yevakadzi vokuBrazil vezera rokubereka vana avo vanogara nomukwanyina vanoshandisa kudzivisa kunamba pamuviri. Vaivava, 41 muzana vanoshandisa mapiritsi uye 44 muzana vakaitwa vasingabereki.

Imwe nzvero inoratidza kuti 75 muzana yevokuBrazil inofunga kuti kuri madikanwa kuronga nhamba yevana. Vamwe vanoramba kuronga mhuri nemhaka yokudavira kutemerwa mugumo kana kuti nemhaka yokufunga kuti kuda kwaMwari kuti mhuri ive ‘nevana vazhinji saavo Mwari anotumira.’ Ndiani anofanira kusarudza ukuru hwemhuri—varoorani vacho kana kuti fariro dzenyika kana kuti dzorudzidziso here?

Kudzivisa Kunamba Pamuviri—Nei Kuchimutsa Kakavadzano?

Kunyange zvazvo ichibvumira kudzivisa kunamba pamuviri kupfurikidza nokusavatana panguva inobuda mazai muchibereko, Chechi yeRoma Katurike, rudzidziso rukurusa rweBrazil, inoramba mitoo yokudzivisa kunamba pamuviri, kunyange kana ichibvisa pamuviri kana kuti kwete. Pope Paul VI, akati: “Kuvatana kuri kwose [kunofanira] kuva kwakazarukira kupfuudzwa kwoupenyu.” Pope John Paul II akati: “Kudzivisa kunamba pamuviri, kuchirangarirwa zvakarurama, hakutenderwi zvikuru zvokuti hakungatongogoni, nokuda kwechikonzero chipi nechipi, kururamiswa.” Somugumisiro, vaKaturike vazhinji vanozengurira kudzora ukuru hwemhuri yavo, vachirangarira kudzivisa kunamba pamuviri sechivi.

Kune rumwe rutivi, magazini yezvokurapa inonzi Lancet inozivisa, kuti: “Mamiriyoni achapedza upenyu hwao asina kudzidza, asingashandi, asina dzimba dzakanaka, uye asingagoni kuwana utano hunokosha zvikurusa, mabasa ewerofeya noutsanana, uye kuwedzera kwevagari vomunyika kusingaganhurirwi chinhu chikuru chinoparira.” Nokudaro, dzichityira kuwandisa kwavagari vomunyika nourombo, hurumende dzakati dzinokurudzira kuronga mhuri, pasinei zvapo nezvirambidzo zvechechi. Somuenzaniso, “Costa Rica yakaderedza nhamba yeavhareji yevana kubva pa[mhuri yoga yoga] kubva pa7 kusvika ku3,” anodaro Paul Ehrlich wezvefundo yezvinhu zvipenyu.

Chinyorwa cheUN chinonzi Facts for Life—A Communication Challenge chinoti: “Pashure pokunge mukadzi ava navana vana, kumwe kuva napamuviri kunounza ngozi huru zvikuru kuupenyu noutano hwavose vari vaviri amai nomwana. Zvikurukuru kana kubereka kwakapfuura kwakanga kusina kusiyaniswa neanopfuura makore maviri, muviri womukadzi unogona kuva wakaneta nyore nyore kupfurikidza nokuva napamuviri kunodzokororwa, kubereka mwana, kuyamwisa, uye kutarisira vana vaduku.”

Mhuri hombe dzichiri dzakarovedzeka uko mwero wokufa kwavacheche uri mukuru, zvikurukuru mumaruwa eAfrica, Asia, uye Latin America. Neiko? Vazhinji havana kurovedzana nemitoo yokudzivisa kunamba pamuviri. Chimwe chisakiso mune dzimwe nharaunda chingava chokuti, sokutaura kwakaita mumwe muiti wemitemo, “murume achiri anozvirangarira amene kuva murume chaiyeiye kana bedzi mudzimai wake akava nepamuviri gore riri rose.” Jornal da Tarde inodudza chimwe chisakiso chinobvira, zvikurukuru mukurangarira kwomukadzi, kuti: “Vana ndemamwe amanyuko avo asingawanzowanikwa omufarwa uye vanounza pfungwa yokuwanwa kwechimwe chinhu chomunhu oga.” Uyewo, Paulo Nogueira Neto, aichimbova mukuru mukuru wezvemhoteredzo muBrazil, akati: “Mwana ndiye anozova muchengeti wevagari vemo vane urombo.”

Izvo Bhaibheri Rinotaura

Waiziva here kuti Shoko raMwari, Bhaibheri, rinokusiyira kumurume nomudzimai kusarudza ukuru hwemhuri? Rinoratidzawo kuti roorano yakarurama, zvichida nokuda kwokubereka vana kana kuti nokuda kwokuratidza chidakadaka kupfurikidza nevatano inokudzwa.—1 VaKorinte 7:3-5; VaHebheru 13:4.

Asi Mwari haana kuudza Adhama naEvha muParadhiso kuti “berekai, muwande, muzadze nyika” here? (Genesi 1:28) Hungu, bva hapana chinhu chiri muBhaibheri chinoratidza kuti tiri pasi pomurayiro mumwe chetewo nhasi. Munyori Ricardo Lezcano akaonesa, kuti: “Kunoratidzika kuva kunoti pokanidzanei kushandisira ku[mabhiriyoni] avanhu kutaura kumwe cheteko uko kwakashandisirwa kuvagari vaviri bedzi vepasi.” Kunyange kana chisarudzo chiri chokusava navana zvachose, ichi chisarudzo chomunhu oga chinofanira kuremekedzwa.

Nenzira inofadza, New Catholic Encyclopedia inotsinhira kuti murangariro weZvapupu zvaJehovha wakavakirwa paBhaibheri. Inoti: “Kunze kwokudzivisa kunamba pamuviri, uko vanosiyira kuchisarudzo chevaroorani vacho vamene, tsika yavo youkama hweroorano nevatano yakaoma zvikuru.” Inowedzera, kuti: “Vanorangarira Bhaibheri semanyuko avo bedzi echitendero nomutemo womufambiro.”

Mitoo yose yokuganhurira ukuru hwemhuri inoshanda here? Aiwa. Sezvo upenyu huchiyera, Mutemo waMwari kuna Israeri wakarayira kuti munhu aiparira kubva kwepamuviri abatwe semhondi. (Eksodho 20:13; 21:22, 23) Muchiitiko chokuitwa asingabereki, zvakadai sevasectomy, chisarudzo chacho ndeicho chehana yomunhu oga, sezvo ikoku kusingadudzwi nenzira yakananga muBhaibheri. “Munhu mumwe nomumwe uchafanira kutakura mutoro wake.” (VaGaratia 6:5)a Uye sezvo kune mitoo yakasiyana-siyana yokudzora nayo kunamba pamuviri, nhungamiro yezvokurapa inogona kubetsera varoorani kusarudza kana vachida kushandisa mumwe wakati kana kuti kwete.

Ita Zvisarudzo Zvaunogona Kurarama Nazvo

Hachisati chiri chinhu chose muupenyu chinogona kurongwa. Asi waizotenga motokari kana kuti imba pasina kurangarira zvakakomba zvinobatanidzwa here? Motokari kana kuti imba inogona kutengeswazve, asi vana havagoni kudzoserwazve. Pakuronga kuva napamuviri, ipapoka, kukwanisa kwomurume nomudzimai kugovera zvinodikanwa zvoupenyu hakufaniri kurangarirwa here?

Zvirokwazvo, taisazoda kuti mhuri yedu idyiswe zvisina kukwana, uyewo hataizoda kuva mutoro kune vamwe. (1 Timotio 5:8) Panguva imwe cheteyo, kunze kwezvokudya nepokugara, vana vanoda dzidzo, mipimo yetsika, uye rudo.

Mukuwedzera kukurangarira zvinodikanwa kana toreva nezvebasa, mari, uye shiviriro, utano hwomudzimai hunofanira kurangarirwa. Kusarudza nguva yokuva nepamuviri kwokuchenjera kunoponesa upenyu uye kunosimudzira utano huri nani. Facts for Life rinoti: “Imwe yenzira dzinobudirira zvikurusa dzokuderedza nadzo ngozi yokuva napamuviri nokubereka mwana nokuda kwevose vari vaviri amai nomwana kuronga kusarudza nguva dzokubereka. Ngozi dzokubereka mwana ihuru zvikurusa apo vanokarirwa kuva amai vanenge vari pasi pemakore 18 kana kuti kupfuura 35, kana kuti kana vakava nepamuviri pomunguva yakapfuura pana kana kuti panopfuura, kana kuti apo panenge pane musiyano wemakore asingasviki maviri kubvira pakubereka kwakapfuura.”

Varoorani vari kufunga pamusoro pokuva nevana vanofanira kurangarira kuti, seizvo Bhaibheri rakafanotaura, takapoteredzwa nenyika yakazara noutsotsi, nzara, hondo, uye kusava nechokwadi kwoupfumi. (Mateo 24:3-12; 2 Timotio 3:1-5, 13; Zvakazarurwa 6:5, 6) Kuda vana kwechokwadi kuchabetsera varoorani kuva nechokwadi pamusoro penyika yatiri kurarama mairi, tichiziva kuti kurera vana idenho huru munguva yedu. Naizvozvo panzvimbo pokungorega zvinhu zvichiitika uye vachiva navana vazhinji sevanogona kuberekwa vachikarira kuti chinhu chiri chose chichafamba zvakanaka, vazhinji vanoda havo kusarudza kuti mhuri yavo ichava huru sei kuitira kuti vana vavo vagofarikanya mwero mukuru zvikuru womufaro nechengeteko.

Kunze kwokutibetsera kuita zvisarudzo zvokuchenjera panhau dzemhuri, Shoko raMwari rinotipa tariro yakasimba yenguva yemberi. Bhaibheri rinoratidza kuti idonzo roMusiki kuti vanhu vararame nokusingaperi murugare nomufaro muparadhiso yepasi. Kuti aite ikoku, Mwari achakurumidza kugumisa tsika ino yezvinhu yakaipa. Ipapo, munyika itsva yakarurama isina urombo nokuwandisa kwavagari venyika, vana havasati vachizotongoraswazve nemhaka yokusadiwa.—Isaya 45:18; 65:17, 20-25; Mateo 6:9, 10.

Nenzira yakajeka, kurangarira mumwe nomumwe uye vana, pamwe chete nomurangariro wakadzikama wokubereka vana, zvichabetsera varoorani kusarudza ukuru hwemhuri yavo. Panzvimbo pokungorega zvinhu kuti zvingozviitikira, vanofanira kutsvaka nhungamiro yaMwari nenzira yokunyengetera. “Kuropafadza kwaJehovha ndiko kunofumisa; kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu.”—Zvirevo 10:22.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Nharireyomurindi, yaOctober 1, 1985, peji 31.

[Mufananidzo uri papeji 12]

Mamiriyoni avana anosiyiwa

[Mufananidzo uri papeji 13]

Vana vanoda tarisiro yorudo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe