Kubva Kumashoko Anokuvadza Kuenda Kumashoko Anoporesa
“Rurimi rune simba pamusoro porufu noupenyu.”—ZVIREVO 18:21.
KUTUKA—muitiro wemaune wokushandisa kunyomba, kutuka—kunoshorwa zvakajeka muBhaibheri. MuMutemo waMosesi, munhu aituka vabereki vake aigona kuwana chirango chorufu. (Eksodho 21:17) Nokudaro, Jehovha Mwari haarerutsi nhau yacho. Shoko Rake, Bhaibheri, haritsigiri pfungwa yokuti zvipi nezvipi zvinoitika ‘mumba’ hazvikoshi chero bedzi munhu achiti anobatira Mwari. Bhaibheri rinoti: “Kana munhu achiti ndinonamata Mwari, asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera mwoyo wake, kutenda kwaiyeyo munhu hakuna maturo.” (Jakobho 1:26; Pisarema 15:1, 3) Naizvozvo kana murume achituka mudzimai wake, mamwe amabasa ake ose echiKristu angagona kuitwa asina basa mumeso aMwari.a—1 VaKorinte 13:1-3.
Kupfuurirazve, muKristu anotuka angagona kudzingwa muungano. Angagonawo kutorasikirwa nezvikomborero zvoUmambo hwaMwari. (1 VaKorinte 5:11; 6:9, 10) Nenzira yakajeka, munhu anokuvadza nemashoko ake anofanira kuchinja zvikuru. Asi ikoku kunogona kuitwa sei?
Kuratidza Chinetso Chacho
Sezvinooneka, mutadzi haasati achizochinja kutoti akanzwisisa zvakajeka kuti ane chinetso chakakomba. Nenzira inonzwisa urombo, seizvo mumwe mupi wezano akataura, varume vazhinji vanotuka “havarangariri mufambiro wavo sewakatongoipa nyangwe napaduku pose. Kuvarume ava, zviito zvakadaro ndezvenguva dzose chose chose uye ndiwo mugariro ‘womuzvarirwo’ wavarume nevadzimai.” Nokudaro, vazhinji havasati vachizoona kudikanwa kwokuchinja kutozosvikira mamiriro ezvinhu acho aunzwa kungwariro yavo zvakananga.
Kazhinji kazhinji, pashure pokurangarira nenzira yokunyengetera chinetso chake, mudzimai achanzwa achimanikidzwa kutaura—nokuda kwegarikano yake amene neiyo yevana vake uye nemhaka yekuitira hanya chimiro chomurume wake naMwari. Chokwadi, kune mukana nguva dzose wokuti kutaura kungaita kuti zvinhu zvive zvakaipa zvikuru uye kuti mashoko ake angasangana nefararira remashoko okuramba. Zvichida mudzimai anogona kudzivisa ikoku kupfurikidza nokufanofunga nokungwarira matangire aachaita nhau yacho. “Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, rakafanana nematamba endarama mumidziyo yesirivha,” rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 25:11) Kusvika kwounyoro bva kwakajeka panhambo yakadzikama kungasvika mwoyo wake.—Zvirevo 15:1.
Panzvimbo pokupomera, mudzimai anofanira kuedza kutaura zvaanofunga achirangarira matapurirwe aanoitwa nokutaura kunokuvadza. Kutaura kwokuti “ini” kazhinji kazhinji kunoshanda zvakanakisisa. Somuenzaniso, ‘ini ndinonzwa kurwadzwa nemhaka yokuti . . . ’ kana kuti ndinonzwa kuremerwa apo unoti kwandiri . . . ’ Kutaura kwakadaro sezvingabvira kunosvika mwoyo, nokuti kunodenha chinetso chacho panzvimbo pomunhu.—Enzanisa naGenesi 27:46–28:1.
Kupindira kwomudzimai kwakatsiga asi kwokungwarira pakutaura kunogona kuva nemigumisiro yakanaka. (Enzanisa naPisarema 141:5.) Mumwe murume watichati Steven akawana ikoku kuva kwakadaro. “Mudzimai wangu akaziva kutuka kwaiva mandiri kwandaisagona kuona, uye akanga ane ushingi hwokukubudisa pachena,” anodaro.
Kuwana Betsero
Asi chii icho mudzimai anogona kuita kana murume wake achiramba kubvuma chinetso chacho? Panguva ino mamwe madzimai anotsvaka rubatsiro rwokunze. Munguva dzokurwadziwa kwakadaro, Zvapupu zvaJehovha zvinogona kusvika vakuru vazvo veungano. Bhaibheri rinokurudzira varume ava kuti vave vane rudo nevane mutsa pakufudza boka raMwari romudzimu uye, panguva imwe cheteyo, ku“kunda vanokakavara” kudzidzisa kwakanaka kweshoko raMwari. (Tito 1:9; 1 Petro 5:1-3) Nepo isiri nzvimbo yavo kupindira muzvinhu zvomunhu oga zvevaroorani, vakuru vanoitira hanya nenzira yakarurama apo mukwanyina mumwe anotambudzwa nokutaura kwehasha kwomumwe wacho. (Zvirevo 21:13) Vachisanoomerera kumipimo yeBhaibheri varume ava havapembedzi kana kuti kurerutsa kutuka.b
Vakuru vangakwanisa kuyamura kurukurirano yapakati pomurume nomudzimai wacho. Somuenzaniso, mumwe mukuru akasvikwa nomumwe mukadzi uyo akataura nezvemakore okurovanywa nemashoko nemurume wake, munamati biyake. Mukuru wacho akaronga kusangana navo vari vaviri. Sezvo mumwe nomumwe akataura, akakumbira mumwe wacho kuteerera asingadzongonyedzi. Apo rakanga rava jana romudzimai, akataura kuti akanga asisagonizve kushivirira kupenga kwemurume wake. Kwemakore, akatsanangura kudaro, aitya pakupera kwezuva rimwe nerimwe, asingatongozivi kana aizova akatsamwa apo aipinda pasuo. Apo aipopota, aitaura zvinhu zvinozvidza pamusoro pemhuri yake, shamwari dzake, uye iye amene.
Mukuru wacho akakumbira mudzimai wacho kutsanangura kuti mashoko omurume wake aimuita kuti anzwe sei. “Ndakanzwa sokuti ndakanga ndiri munhu wakaipa kwazvo uyo asina munhu angagona kuda,” akapindura kudaro. “Pane dzimwe nguva ndaizobvunza amai vangu kuti, ‘Amai ndiri munhu akaoma kugara naye here? Handidiki here?’” Sezvo akarondedzera nzira iyo mashoko ake akamuita kuti anzwe nayo, murume wake akavamba kuchema. Kekutanga, akagona kuona kuti aive ari kurwadzisa mudzimai wake zvikuru sei nemashoko ake.
Unogona Kuchinja
Vamwe vaKristu muzana rokutanga ramakore vaive nechinetso chokutuka. Muapostora wechiKristu Pauro akavarayira kubvisa “hasha, nokutsamwa, nokuvenga, nokutuka, nokutaura zvinonyadzisa.” (VaKorose 3:8) Zvisinei, kutaura kwehasha chinetso zvikuru chemwoyo kupfuura cherurimi. (Ruka 6:45) Ndicho chikonzero nei Pauro akawedzera, kuti: “Bvisa munhu wekare namabasa ake, mukafuka munhu mutsva.” (VaKorose 3:9, 10) Naizvozvo kuchinja kunobatanidza kwete bedzi kutaura nenzira yakasiyana asiwo kunzwa nenzira yakasiyana.
Murume anoshandisa kutaura kunokuvadza angada betsero yokuziva chinosunda chaizvo muitiro wake.c Angada kuva nechimiro chendangariro chewezvaMapisarema, chokuti: “Ndinzverei, Mwari, muzive mwoyo wangu; ndiidzei, muzive ndangariro dzangu; mutarire kana pane nzira yakaipa mandiri.” (Pisarema 139:23, 24) Somuenzaniso: Nei achinzwa kudikanwa kwokutonga, kana kuti kudzora, mukwanyina wake? Chii chinoparira kutuka? Ko kudenha kwake chiratidzo chepfundepfunde huru zvikuru here? (Zvirevo 15:18) Ko anotambura here nokunzwa kwekusava nematuro, zvichida kwabva mukurerwa kwairatidzirwa nokutaura kwokutsoropodza? Mibvunzo yakadaro inogona kubetsera murume kuwana mavambo emuitiro wake.
Kutuka kwakaoma kubvisa, kunyange zvazvo, zvikurukuru kana kwakarovererwa nevabereki avo ivo vamene vaitaura zvinokuvadza kana kuti netsika inotsigira muitiro wokutonga. Asi chinhu chipi nechipi chinodzidzwa chinogona—nenguva nenhamburiko—kuchinjwa. Bhaibheri ndiro betsero hurusa muna ikoku. Rinogona kubatsira munhu kurega kunyange mufambiro wakasimba zvikuru. (Enzanisa na2 VaKorinte 10:4, 5.) Sei?
Murangariro Wakafanira Wemabasa Akagoverwa naMwari
Kazhinji kazhinji, varume vanokuvadza nemashoko vane murangariro wakaipa wemabasa akagoverwa murume nomudzimai naMwari. Somuenzaniso, munyori weBhaibheri Pauro anotaura kuti vadzimai vanofanira ku“zviisa pasi pevarume vavo” uye kuti “murume ndiye musoro wemudzimai wake.” (VaEfeso 5:22, 23) Murume anganzwa kuti umusoro hunoita kuti ave nemaruramiro okudzora zvakakwana. Asi ikoku hakuna kudaro. Mudzimai wake, kunyange zvazvo achizviisa pasi, haasiri muranda wake. Iye ndiye “Mubetseri” wake uye “akamukwanira.” (Genesi 2:18) Nokudaro, Pauro anowedzera, kuti: “Saizvozvowo varume vanofanira kudawo vakadzi vavo semiviri yavo. Unoda mukadzi wake, unozvida; nokuti hakuna munhu wakatongovenga nyama yake; asi unoipa zvokudya nokuichengeta, Kristu sezvaanoitira kereke.”—VaEfeso 5:28, 29.
Somusoro weungano yechiKristu, Jesu haana kutongotuka vadzidzi vake, achivaparira kushushikana norutyo apo kupopota kwokutsoropodza kunotevera kwaizoitika. Panzvimbo pezvo, aiva munyoro, nenzira iyoyo achichengeta chiremera chavo. “Ndichakuzorodzai,” akavavimbisa kudaro. “Ndiri munyoro, ndine mwoyo unozvininipisa.” (Mateo 11:28, 29) Kufungisisa kwokunyengetera pamusoro penzira iyo Jesu akashandisa nayo umusoro hwake kunogona kubetsera murume kurangarira umusoro hwake nomurangariro wakadzikama zvikuru.
Apo Kukakavadzana Kunomuka
Kuziva nheyo dzeBhaibheri hakuna kuoma kwazvo; kudzishandisa wakadzvinyirirwa kwakaoma zvikuru. Apo kukakavadzana kunomuka, murume anogona sei kudzivisa kudzokerazve kumuitiro wokutaura kwehasha?
Hachisi chiratidzo chokuva murume kuti murume apopote apo anenge atsamwa. Bhaibheri rinoti: “Une mwoyo murefu unopfuura une simba; unodzora mweya wake, unopfuura unotapa musha.” (Zvirevo 16:32) Murume chaiyeiye anodzora mudzimu wake. Anoratidza kunzwira tsitsi nokurangarira, kuti: ‘Ko mashoko angu anotapura sei mudzimai wangu? Ndaizonzwa sei kudai ndaiva munzvimbo yake?’—Enzanisa naMateo 7:12.
Bhaibheri rinobvuma, kunyange zvakadaro, kuti mamwe mamiriro ezvinhu anogona kumutsa hasha. Pamusoro pemamiriro ezvinhu akadaro wezveMapisarema akanyora, kuti: “Ityai, murege kutadza tauriranai nemwoyo yenyu panhovo dzenyu, muti mwii.” (Pisarema 4:4) Kwakataurwawo neiyi nzira: “Hapana chinhu chakaipa nokutsamwa, asi zvakaipa kutuka nokutaura zvinokuvadza, zvinonyadzisa, kana kuti zvinozvidza.”
Kana murume achinzwa kuti ari kutadza kudzora kutaura kwake, anogona kudzidza kumbofurwa nemhepo. Zvichida kwaizova kuchenjera kubuda mukamuri, ndokufamba famba, kana kuti kuwana imwe nzvimbo yakavanda kuti aterame. Zvirevo 17:14 inoti: “Kuvamba kwokukakavara kwakafanana nokudzivurira mvura; saka rega rukave, kurwa kusati kwasvika.” Tangaizve kurukurirano apo hasha dzinenge dzaserera.
Chokwadika, hapana munhu akakwana. Murume akambove nechinetso chokutaura nehasha angakuitazve. Apo ikoku kunoitika, anofanira kukumbira ruregerero. Ku“pfeka munhu mutsva” muitiro unopfuurira, asi unowana tuso huru.—VaKorose 3:10.
Mashoko Anopodza
Hungu, “rurimi rune simba pamusoro porufu noupenyu.” (Zvirevo 18:21) Kutaura kunokuvadza kunofanira kutsiviwa nemashoko anovaka ndokusimbisa roorano. Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Mashoko anofadza akaita somusvi wouchi, zvinotapira kumweya zvichiporesa mafupa.”—Zvirevo 16:24.
Makore akati kuti apfuura, imwe nzvero yakaitwa yokuwana kuti zvii zvaiparira mhuri dzakasimba kushanda zvakanaka. “Nzvero yacho yakawana kuti mitezo yemhuri idzi yaidana, uye yaigara ichiudzana kuti yaidana,” inoshuma kudaro nyanzvi yeroorano David R. Mace. “Vaitaurirana kuti vaidana, vaipana pfungwa yokukosha kwomunhu oga, uye vakashandisa mukana une mufungo uri wose kutaura nokuita nechidakadaka. Mugumisiro wacho, nenzira yomuzvarirwo zvikuru, wakanga uri wokuti vaifarikanya kuva pamwe chete uye vaisimbisana munzira dzaiita kuti ukama hwavo hugutse zvikuru.”
Hapana murume anotya Mwari anogona kutaura zvechokwadi kuti anoda mudzimai wake kana achimurwadzisa nemashoko ake nenzira yemaune. (VaKorose 3:19) Chokwadika, zvimwe chetezvo zvaizova zvechokwadi nezvemudzimai anorovanya murume wake nemashoko. Chaizvoizvo, mutoro wevakwanyina vose vari vaviri kutevera zano raPauro kuvaEfeso, rokuti: “Mumuromo menyu murege kubuda shoko rakaora, asi rakanaka ringasimbisa pakaneta rivigire nyasha avo vanonzwa.”—VaEfeso 4:29.
[Mashoko Omuzasi]
a Kunyange zvazvo tichinongedzera kumutadzi somunhurume, nheyo iri muno inoshanda zvakaenzana kuvanhukadzi.
b Kuti akwanirise kubatira kana kuti kupfuurira kubatira somukuru, murume haafaniri kuva anorova. Haangagoni kuva munhu anorova vanhu kana kuti anovanetsa nokutaura pfocho. Vakuru nevabatiri vanoshumira vanofanira kutungamirira dzimba dzavo vamene nomutoo wakaisvonaka. Hazvinei hazvo nokuti angaita nomutsa sei kune imwe nzvimbo, murume haakwanirisi kana ari mudzvinyiriri pamusha.—1 Timotio 3:2-4, 12.
c Kuti muKristu anotsvaka kurapwa chisarudzo chomunhu oga. Anofanira kuva nechokwadi, zvisinei, kuti kurapwa kupi nokupi kwaanogamuchira hakupesani nenheyo dzeBhaibheri.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Mukuru wechiKristu angakwanisa kubetsera varoorani kukurukurirana
[Mufananidzo uri papeji 26]
Varume nevadzimai vanofanira kuita nhamburiko chaiyoiyo yokunzwisisana