RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 11/8 pp. 16-18
  • Nei Mwari Achirega Zvinhu Zvakashata Zvichiitika?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Mwari Achirega Zvinhu Zvakashata Zvichiitika?
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinhu Zvakashata Hazvibvi Kuna Mwari
  • Kubvumidza kwaMwari Uipi
  • Nhau Inobatanidza Iwe
  • Jehovha—Mwari Ane Rudo Anoitira Hanya
  • Nei Mwari Achibvumidza Kutambura?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Nei Zvakaipa Zvichiripo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Nei Panyika Pakazara Nhamo Nematambudziko?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Nei Mwari Achirega Tichitambura?
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 11/8 pp. 16-18

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Nei Mwari Achirega Zvinhu Zvakashata Zvichiitika?

LIDIJA akanga achingovawo zvake wechiduku apo hondo yakatanga munyika yokumusha kwake—nyika yaichimbozivikanwa seYugoslavia. “Ndakapedza mazuva mazhinji neusiku ndiri muuvando hune rima,” anoyeuka kudaro. “Kazhinji kazhinji ndakaedzwa kumhanyira kunze, kunyange kana kwaizoreva kuurawa! Hondo isati yavamba, wakanga une zvose zvawaida, asi zvino wakanga uchifara bedzi kungova mupenyu.”

Dzvinyiriro nenhamo zvehondo zvakakurumidza kutapura Lidija kumudzimu. Iye anoti: “Taisagona kuenda mubasa rokuparidza kana kumisangano kwevhiki dzakati. Ndakafunga chaizvoizvo kuti Jehovha akanga achitiregeredza. Ndaizvibvunza ndimene kuti, ‘Nei iye asiri kutibatsira zvino?’”

Hondo, utsotsi, masimba masimba, hosha, ngwavaira, tsaona—zvinhu zvakashata zvakafanana neizvi zvinogona kuitika kunyange kuvaduku. Uye apo nhamo inorova pedyo nomusha, ungashamisika nenzira yomuzvarirwo kuti, ‘Nei Mwari achirega izvi zvinhu zvakashata zvichiitika?’

Vanhu vaMwari munguva dzakapfuura vakabvunza mibvunzo yakafanana naiyoyo. Apo muporofita Habhakuki, somuenzaniso, akaona mumirire wezvinhu wakaipa uyo wakanga uripo pakati pevanhu vaMwari, akachema, kuti: “Haiwa, Jehovha, ndichadana kusvikira riniko, imi musinganzwi? Ndinodana kwamuri pamusoro pokuitirwa simba, asi hamundiponesi. Munondiratidzireiko zvakaipa, munotarireiko zvisakarurama?” (Habhakuki 1:2, 3) Dzimwe pwere dzechiKristu nhasi dzinowana nhamo yendangariro yakafanana.

Rangarira nzira iyo mumwe muKristu muduku akanzwa nayo pashure perufu rwaisakarirwa rwababa vake. Iye anoti: “Ndakavhiringidzika, ndichiridza mhere napawindo, ndichizhamba kuna Jehovha Mwari. . . . Ndakamushora nokuda kwechinhu chiri chose. Ikoku kwaigona kuitika sei? Baba vakanga vari baba vakanaka nomurume ane rudo, uye zvino ikoku kwaitika—Jehovha haaitiri hanya here?” Mumumiriro wezvinhu wakafanana nouyu, kunongova bedzi kwenguva dzose kunzwa vhiringidziko yakati, kuvadziko, kana kuti kunyange hasha. Yeuka, muporofita akatendeka Habhakuki akatambudzwawo kuti uipi hwakabvumirwa kuvapo. Kunyange zvakadaro, kana munhu akapfuurira kuchengeta mirangariro yakakasharara, pane ngozi. Iye angagona ku“tsamwira Jehovha.”—Zvirevo 19:3.

Ipapoka, unogona sei kudzivisa kutera kumirangariro yehasha nekukasharara? Kutanga, unofanira kunzwisisa uko uipi hunobva.

Zvinhu Zvakashata Hazvibvi Kuna Mwari

Bhaibheri rinojekesa kuti Mwari haana kutongoronga kuti titambure nenzira iyoyi. Iye akaisa vaviri vapakuvamba mumusha weparadhiso uyo wakanga usina marwadzo nokutambura. (Genesi 1:28) Pasina kupokana unosanoziva kuipa kwakaita zvinhu: Chimwe chisikwa chisingaoneki chomudzimu, chakasvika pakuzivikanwa saDhiyabhorosi naSatani, chakanyengera Adhama naEvha kusateerera Mwari. (Genesi, ganhuro 3; Zvakazarurwa 12:9) Kupfurikidza nokuita izvi, Adhama akaita kuti vana vake vose vave nechivi netapuro dzacho dzinoparadza.—VaRoma 5:12.

Nenzira yakajeka, akanga asiri Mwari akaunza uipi parudzi rwomunhu, asi munhu amene. (Dheuteronomio 32:5; Muparidzi 7:29) Zvirokwazvo, zvinhu zvose zvakashata izvo vanhu vanotambura nhasi—chirwere, rufu, hondo, kusaruramisira—zvakabva muchiito chamaune chaAdhama chokusateerera. Kupfuurirazve, isu tose tinotapurwa neicho Bhaibheri rinodana, kuti “nguva nezvinoitika.” (Muparidzi 9:11) Vose vari vaviri vakaipa nevakarurama vanova netsaona dzechienzi nengwavaira.

Kubvumidza kwaMwari Uipi

Nepo kuchinyaradza kuziva kuti Mwari haasiri manyuko euipi, ungashamisikazve kuti, ‘Nei Mwari achibvumidza uipi kupfuurira?’ Zvakare, ikoku kunodzokera shure kunhau dzakamutswa muEdheni. Mwari akaudza Adhama kuti kana iye akasateerera, aizofa. (Genesi 2:17) Dhiyabhorosi, kunyange zvakadaro, akaudza Evha kuti kana akadya mumuti wakarambidzwa, iye aisazofa! (Genesi 3:1-5) Chaizvoizvo, Satani akadana Mwari kuti murevi wenhema. Kupfuurirazve, Satani akareva kuti munhu aizova nani kana akaita zvisarudzo zvake amene uye asina Mwari anomuudza zvokuita!

Mwari haaigona kufuratira idzi pomero. Wati wamboona womukirasi biyako achidenha chiremera chomudzidzisi here? Kana mudzidzisi akarega kumuranga, vamwe vadzidzi vanotanga kuita zvimwe chetezvowo. Munzira yakafanana, nyongano yepasi pose yaigona kuva yakatanga kudai Jehovha akanga asina kunangana nedenho yaSatani nenzira yakananga. Jehovha akaita izvozvo kupfurikidza nokubvumira munhu kutevera nzira yaSatani yokuita nayo zvinhu. Munhu asvika pakufarikanya kuzvimirira kwakafanana nekwaMwari uko Satani akapikira here? Aiwa. Kutonga kwaSatani kwaunza kuvadziko nenhamo, kuchimubvumikisa kuva murevi wenhema akaipa!

Mwari achabvumira uipi kupfuurira nokusingaperi here? Aiwa. Kuti apedze nhau idzo Satani akamutsa, Mwari achakurumidza kugumisa uipi hwose. (Pisarema 37:10) Asi tinofanira kuita sei munguva ino?

Nhau Inobatanidza Iwe

Ziva, kutanga kwazvose, kuti iyi nhau iri pakati paMwari naSatani inobatanidza iwe! Kunodaro sei? Rangarira bhuku reBhaibheri rakapiwa zita romurume akarurama Jobho. Apo Mwari akanongedzera kuna Jobho somuenzaniso womunamati akatendeka, Satani akapindura kuti: “Jobho aizokunamatai kana iye aisazowana chinhu chinobva makuri here?” (Jobho 1:9, Today’s English Version) Zvirokwazvo, Satani akaita nharo kuti kana akabvumirwa kushandisa dzvinyiriro, iye aigona kubvisa munhu upi noupi pakubatira Mwari!—Jobho 2:4, 5.

Satani naizvozvo akachera vanhu vose vanotya Mwari. Akakuchera. Zvisinei, Zvirevo 27:11 inoti: “Mwanakomna wangu, iva akachenjera, ufadze mwoyo wangu, kuti ndigone kupindura vanondishora.” Hungu, apo unobatira Mwari pasinei zvapo nezvinetso zvinorwadza, unobetsera chaizvoizvo kubvumikisa Satani kuva murevi wenhema!

Sezvinobvumwa, apo unotarisana nezvinhu zvakashata, hakusi nyore kufunga nezvenhau dzinobatanidzwa. Diane, uyo akanga ane makore gumi bedzi okukura apo mai vake vakafa, anoti: “Ndakatya kuti ndaizova akaomeswa kana kuti akakasharara nemhaka yemiedzo muupenyu hwangu.” Zvisinei, kuziva chikonzero nei Mwari akabvumidza uipi kwakamubetsera kuva nemurangariro wakanaka wezvinetso zvake. Iye zvino anoti: “Kunyange zvazvo kune zvinhu zvakaoma kubata nazvo muupenyu hwangu, ruoko rwaJehovha rwave runeni nguva dzose.”

Diane anotiyeuchidza nezveidi rinokosha zvikuru: Jehovha haatikariri kugonana neidzi dzvinyiriro tiri toga. Pisarema 55:22 rinotivimbisa, kuti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.” Kotoyo muduku akawana ikoku kuva kwechokwadi. Akatarisana nenhamo apo vabereki vake vakaurawa mukudengenyeka kwepasi kwa1995 kwakarovanya Kobe, Japan. Achizvitaurira amene navanun’una vake, iye anoti: “Sezvo amai vangu vakatidzidzisa kuvimba naJehovha, tinogona kutsungirira.”

Zvakadiniko naLidija, musikana muduku adudzwa pakutanga? Pashure penguva yakati, akasvika pakuziva kuti Jehovha akanga asina kutongomusiya. Iye zvino anoti: “Jehovha akanga aripo nguva dzose nokuda kwedu. Akatitungamirira ndokururamisa nhanho dzedu.”

Jehovha—Mwari Ane Rudo Anoitira Hanya

Iwewo unogona kuwana betsero kubva kuna Mwari apo zvinhu zvakashata zvinoitika kwauri. Nei? Nemhaka yokuti Jehovha anokuitira hanya! Uye kunyange zvazvo iye achibvumira zvinhu zvakashata kuitika kuvanhu vakanaka, anogoverawo nyaradzo yorudo. (2 VaKorinte 1:3, 4) Imwe nzira yaanoita nayo saizvozvo iri kupfurikidza neungano yechiKristu. Ikoko unogona kuwana ‘shamwari dzinosanonamatira kupfuura hama,’ dzinogona kukusimbisa apo njodzi inorova. (Zvirevo 18:24) Kotoyo anoyeuka, kuti: “Kubvira pazuva rokutanga pashure pokudengenyeka, takaenda kunzvimbo uko hama dzakasangana, uye takagamuchira kurudziro uye zvinhu zviri madikanwa. Ikoko kwakandiita kuti ndinzwe ndakachengeteka. Chero bedzi tina Jehovha nehama, ndinonzwa kuti tinogona kutsungirira chinhu chipi nechipi.”

Nemhaka yokuti Jehovha anokuziva somunhu oga, anogonawo kutarisira zvinodikanwa zvako apo zvinhu zvakashata zvinoitika. Daniel anorangarira kuti akagonana sei nokurasikirwa naBaba vake, achiti: “Jehovha anova baba kwauri, uye sangano rake rinogovera varume vomudzimu semienzaniso yokutevedzera. Jehovha anogovera nguva dzose mhinduro kumibvunzo yandinayo yandaizodai ndakakurukura nenzira yomuzvarirwo nababa vangu.” Diane akawana nenzira yakafanana itiro hanya yorudo yaJehovha chibviro chorufu rwaamai vake. Iye anoti: “Kupfurikidza nevakura, vakakura mumudzimu avo vakagovera kurudziro, nhungamiro, uye zano, iye akanditungamira ndokundibetsera kugonana nekuodzwa mwoyo kupi nokupi.”

Chokwadika, kuva nezvinhu zvakashata hakusati kuchitongofadza. Asi wana nyaradzo mukuziva chikonzero nei Mwari achibvumidza zvinhu zvakadaro. Nguva dzose zviyeuchidze umene kuti Mwari achapedza chinetso chacho nokukurumidza zvikuru. Chokwadi, zvisaririra zvose zvezvinhu zvakashata zvatakatarisana nazvo zvichabviswa pakupedzisira! (Isaya 65:17; 1 Johane 3:8) Kupfurikidza nokushandisa gadziriro dzose idzo Mwari anoita kutibetsera kugonana, unogona kuita rutivi rwako mukubvumikisa Satani kuva murevi wenhema. Pashure penguva yakati, ‘Mwari achapukuta musodzi uri wose pameso ako.’—Zvakazarurwa 21:3, 4.

[Mifananidzo iri papeji 17]

Nokukurumidza Jehovha achagumisa zvinhu zvose zvakashata

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe