RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 7/8 pp. 16-17
  • Ko Sayenzi neBhaibheri Zvinobvumirana Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ko Sayenzi neBhaibheri Zvinobvumirana Here?
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ko Zvishamiso Hazviwirirani Nesayenzi Here?
  • Bhaibheri Rinopokanidza Sayenzi Here?
  • Zivo Inobva Kumanyuko Akakwirira
  • Sayenzi Inokubatsira Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Sayenzi—Kutsvaka Zvokwadi Kunopfuurira Kworudzi Rwomunhu
    Mukai!—1993
  • Zvinhu Zvose Zviripo Noupenyu Zvakavapo Sei?
    Mukai!—2002
  • Sayenzi—Kutsvaka Zvokwadi Kunopfuurira Kworudzi Rwomunhu
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 7/8 pp. 16-17

Murangariro weBhaibheri

Ko Sayenzi neBhaibheri Zvinobvumirana Here?

KUBVA kundege namabhomba eatomu kuenda kumasero anodzorwa namavara anogarwa nhaka uye kuberekeswa kwehwai, zana redu ramakore rechi20 rave riri zera rinodzorwa nesayenzi. Masayendisiti akamharisa vanhu pamwedzi, akapedza nhomba, akachinja kurima, uye akaunza kufambiswa kwamashoko kwakamwe kamwe, munyika yose kumabhiriyoni. Naizvozvo, hakushamisi kuti apo masayendisiti anotaura, vanhu vanoteerera. Asi chii, chipi kana chipi, icho vezvesayenzi vanacho chokutaura pamusoro peBhaibheri? Uyewo, chii icho Bhaibheri rinotiudza pamusoro pesayenzi?

Ko Zvishamiso Hazviwirirani Nesayenzi Here?

“Vanhu vanofunga zvesayenzi vanodavira kuti ‘chisakiso chinoparira migumisiro.’ Vanodavira kuti kune kutsanangurwa kwakakwana kwomusikirwo kwechinhu chiri chose,” inodaro enisaikoropidhiya yapanguva imwe cheteyo. Vadzidzi veBhaibheri vanogamuchirawo nheyo dzakabvumikiswa dzesayenzi. Vanoziva, zvisinei, kuti Bhaibheri kazhinji kazhinji rinotsanangura zviitiko zvinoshamisa zvisingagoni kutsanangurwa mune zvesayenzi maererano nezivo yazvino. Mienzaniso ndeyekumira kwezuva muzuva raJoshua uye kufamba kwaJesu pamusoro pemvura. (Joshua 10:12, 13; Mateo 14:23-34) Zvisinei, izvi zvishamiso zvinoratidzirwa sezvinoparirwa nesimba raMwari rinoshanda nenzira isiri yomuzvarirwo.

Uyu mufungo unokosha. Kana Bhaibheri rakataura kuti vanhu vanogona kufamba pamusoro pemvura pasina rubatsiro rwaMwari kana kuti kunoratidzika sokufamba kwezuva mudenga kunogona kudzongonyedzwa pasina chikonzero, kungaratidzika kuva kunopokanidza maidi esayenzi. Zvisinei, apo rinoti zviitiko zvakadaro zvinoparirwa naMwari, harisati richipokanidza sayenzi zvikuru kwazvo asi panzvimbo pezvo rinoisa kurukurirano yacho munzvimbo umo sayenzi ichigere kugona kupinda.

Bhaibheri Rinopokanidza Sayenzi Here?

Kune rumwe rutivi, zvakadini nezviitiko zviya umo Bhaibheri rinokurukura zviitiko zvenguva dzose muupenyu hwavanhu kana kuti rinotaurawo zvaro pamusoro pemiti, mhuka, kana kuti zvinhu zvomusikirwo? Nenzira inofadza, hakuna muenzaniso wakabvumikiswa weBhaibheri richipokanidza maidi anozivikanwa esayenzi muzviitiko zvakadaro apo mashoko akapoteredza etsinhiro dzacho anorangarirwa.

Somuenzaniso, Bhaibheri kazhinji kazhinji rinoshandisa mutauro wokudetemba unoratidzira nzwisiso yavanhu vairarama zviuru zvamakore zvapfuura. Apo bhuku raJobho rinotaura nezvaJehovha achitatamura kana kuti kupfura matenga “akasimba sechionioni chakaumbwa,” rinorondedzera zvakanaka matenga sechionioni chesimbi chinopa kubwinya kwakajeka. (Jobho 37:18) Hapana kudikanwa kwokurangarira muenzaniso wacho sezvauri chaizvoizvo, sezvaungasanzwisiswa muenzaniso wenyika ine “nheyo” kana kuti ine “ibwe rekona.”—Jobho 38:4-7.

Ikoku kunokosha nemhaka yokuti vatsinhiri vazhinji vakarangarira mienzaniso yakadaro sezvairi. (Ona 2 Samueri 22:8; Pisarema 78:23, 24.) Vakagumisa kuti Bhaibheri rinodzidzisa chimwe chinhu chakafanana nechinotevera, chakanokorwa mashoko muThe Anchor Bible Dictionary.

“Pasi apo vanhu vanogara panofungwa kuva chinhu chakaurungana, chakaomarara, zvichida dhisiki, rinoyangarara pamusoro pemvura zhinji isina muganhu. Rakatarisana neiri dziva riri pasi idziva rechipiri risinawo muganhu, riri pamusoro, munobva mvura ichinaya nomumaburi nomumigero ichiboora tangi rokudenga. Mwedzi, zuva, uye zvimwe zviedza zvakamira zvakakombama pamusoro pepasi. Ichi chakakombama ndiro ‘denga’ rakarovedzeka (rāqîa‛) renhoroondo yavaprista.”

Nenzira yakajeka, iyi rondedzero haibvumirani nesayenzi yazvino uno. Asi uku kurangarirwa kwakarurama kwedzidziso yeBhaibheri pamusoro pamatenga here? Nyangwe napaduku pose. The International Standard Bible Encyclopaedia inotaura kuti kurondedzerwa kwakadaro kwechisiko chose chechiHebheru “chaizvoizvo kwakavakirwa zvikurukuru papfungwa dzakapararira muEurope mukati meDark Ages kupfuura kutaura chaikoiko kupi nokupi kuri muT[estamende] Y[ekare].” Pfungwa idzodzo dzeMiddle Ages dzakabva kupi? Sezvinotsanangura David C. Lindberg muThe beginnings of Western Science, dzakanga dzakavakirwa zvikurukuru pakunzverwa kwechisiko chose nomuzivi wechiGiriki wakare Aristotle, ane mabhuku aiva hwaro hwedzidzo yakawanda yeMiddle Ages.

Kungadai kwakava kusina mufungo uye kunotsausa kuti Mwari aite kuti Bhaibheri rinyorwe mumutauro waizofadza musayendisiti wezana ramakore rechi20. Panzvimbo pemiitiro yesayenzi, Bhaibheri rine mienzaniso yakajeka yakatorwa muupenyu hwezuva riri rose hwavanhu vakatanga kuinyora—mienzaniso ine tapuro isingaperi kunyange nhasi.—Jobho 38:8-38; Isaya 40:12-23.

Zivo Inobva Kumanyuko Akakwirira

Nenzira inofadza, zvisinei, nongedzero dzakati dzeBhaibheri dzinoratidzika kuva dzinoratidzira izvo zivo yesayenzi yakanga isingawaniki kuvanhu vairarama panguva iyoyo. Jobho anorondedzera Mwari saa“notatamura rutivi rwokumusoro pasine chiro, unoturika nyika pasina chinhu.” (Jobho 26:7) Pfungwa yapasi rakaturikwa “pasina chinhu” yakanga yakasiyana zvikuru nengano dzavanhu vazhinjisa vakare, vairiisa pamusoro penzou kana kuti kamba dzomumvura. Mutemo waMosesi une zvinodikanwa zvoutsanana zvakakwirira zvikuru kupfuura zivo yezvokurapa yapanguva yacho. Mirayiro yokuparadzaniswa kwavanhu vaifungidzirwa kuva vane maperembudzi uye kurambidza kubata vanhu vakafa pasina mubvunzo kwakaponesa upenyu hwavaIsraeri vakawanda. (Revhitiko 13; Numeri 19:11-16) Mukusiyana kukuru, miitiro yokurapa yavaAsiria inorondedzerwa so“musanganiswa worudzidziso, kuuka, uye kudavira midzimu” uye yaibatanidza kurapa netsvina yembwa neweti yomunhu.

Seizvo munhu angakarira kubva mubhuku rakafuridzirwa noMusiki, Bhaibheri rine mashoko akarurama mune zvesayenzi akanga akakwirira zvakajeka panguva yawo, kunyange zvazvo risinganyuri mutsananguro dzesayenzi dzingadai dzakava dzisina revo kana kuti dzinovhiringidza kuvanhu vakare. Bhaibheri harina chinhu chinopokanidza maidi anozivikanwa esayenzi. Kune rumwe rutivi, Bhaibheri rine zvakawanda zvisingawirirani nerondedzero dzisina kubvumikiswa, zvakadai serondedzero yemhindumupindu.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 17]

Tsinhiro yaJobho yokuti pasi ‘rakaturikwa pasina chinhu’ inoratidzira zivo yaisawanika kuvagari vapanguva imwe cheteyo vake

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]

NASA

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe