Betsera Vana Vako Kuti Vabudirire
KANA toreva nezvekurera vana, vabereki vazhinji vanotsvaka mhinduro kwose kwose, kutauri idi, dzinotovapo pavari mumusha mavo vamene. Mhuri dzisingaverengeki dzine Bhaibheri, asi rinoita huruva riri pasherufu yemabhuku panzvimbo pokushandiswa pakurera vana.
Chokwadi, vazhinji nhasi havana chokwadi nokushandisa Bhaibheri senhungamiro muupenyu hwemhuri. Vanoriramba serisingawirirani nomusi, rechinyakare, kana kuti rinonyanya kugumbura. Asi kunzvera kwokutendeseka kucharatidzira kuti Bhaibheri ibhuku rinoshanda nokuda kwemhuri. Ngationei kuti munzirai.
Mhoteredzo Yakarurama
Bhaibheri rinoudza baba kurangarira vana vavo se“miti yemiorivhi vakakomberedza tafura [yake].” (Pisarema 128:3, 4) Tumiti tuduku tusina kusimba hatungakuri kuva miti inobereka michero pasina kusakurirwa kwokungwarira, tusingaiswe mufudze wakakodzera, ivhu, uye unyoro. Nenzira yakafanana, kurera vana kunobudirira kunoda basa nekuitira hanya. Vana vanoda mhoteredzo yakanaka kuti vakure kuva vanhu vakuru.
Chinhu chokutanga chemhoteredzo yakadaro rudo—pakati pevakaroorana uye pakati pevabereki nevana. (VaEfeso 5:33; Tito 2:4) Mitezo yemhuri mizhinji inodanana asi haioni kudikanwa kwokuratidza rudo rwakadaro. Rangarira, zvisinei kuti: Ungagona kutaura zvakarurama here kuti wakakurukura neshamwari kana wakamunyorera tsamba dzausina kunyange kutongoisa kero, chitambi, kana kuti kutumira? Nenzira yakafanana, Bhaibheri rinoratidza kuti rudo chairwo runopfuura kunzwa kwokungofadza mwoyo; runozviratidza kupfurikidza nemashoko nezviito. (Enzanisa naJohane 14:15 uye 1 Johane 5:3.) Mwari akagadza muenzaniso, achiisa rudo rwake nokuda kweMwanakomana wake mumashoko: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira.”—Mateo 3:17.
Kurumbidza
Vabereki vanogona sei kuratidzira rudo rwakadaro kuvana vavo? Sepokutangira, tsvaka zvakanaka. Zviri nyore kuwanira vana mhaka. Upwere, kusava noruzivo rwokuzviwanira, uye udyire zvichazviratidza munzira dzisingaverengeki zuva nezuva. (Zvirevo 22:15) Asi vachaita zvinhu zvakanaka zvakawanda zuva rimwe nerimwe. Uchapa ngwariro pane zvipi? Mwari haasimbiriri pazvikanganiso zvedu asi anoyeuka zvakanaka zvatinoita. (Pisarema 130:3; VaHebheru 6:10) Tinofanira kubata nevana vedu nenzira imwe cheteyo.
Mumwe murume wechiduku anoti: “Muupenyu hwangu hwose kumba, handigoni kutongoyeuka rudzi rupi norupi rwerumbidzo—zvichida yezvakaitwa pamusha kana kuti pachikoro.” Vabereki, musafuratira ichi chinodikanwa chinokosha chiri muvana venyu! Vana vose vanofanira kurumbidzwa nguva dzose nokuda kwezvinhu zvakanaka zvavanoita. Izvozvo zvichaderedza ngozi yokukura kwavo vaka“ora mwoyo,” vachipwiswa kuti hapana chavanoita chichazombova chakanaka zvakakwana.—VaKorose 3:21.
Kurukurirano
Imwe nzira yakanaka yokuratidza nayo rudo kuvana vako ndeyokutevedzera zano raJakobho 1:19 rokuti: “Ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoka kutsamwa.” Unoita kuti vana vako vataure vakasununguka ndokunyatsoteerera zvavanoda kutaura here? Kana vana vako vachiziva kuti uchavatsiura vasati vatombopedza kutaura kana kuti uchatsamwa kana ukaziva manzwire avari kuita chaiwoiwo, ipapo vangazvinyararira nemirangariro yavo. Asi kana vachiziva kuti uchateerera chaizvoizvo, sezvingabvira zvikuru vachakuvhurira mwoyo yavo.—Enzanisa naZvirevo 20:5.
Zvakadini, zvisinei, kana vakaratidza mirangariro yaunoziva kuva isina kururama? Inguva yemhinduro yokushatirwa, tsiuro, kana kuti chirango chakati here? Sezvinobvumwa, kumwe kutaura kwokusafunga kwouhwana kunogona kukuita kuti kuve kwakaoma “[ku]nonoka kutaura, [ku]nonoka kutsamwa.” Asi rangarirazve muenzaniso waMwari navana vake. Anoita mhoteredzo yokutya kukuvadzwa here, zvokuti vana vake vanotya kumuudza manzwire avanoita chaizvoizvo here? Aiwa! Pisarema 62:8 rinoti: “Vimbai na[Mwari] nguva dzose imi vanhu, dururai mwoyo yenyu pamberi pake; Mwari ndiye utiziro hwedu.”
Naizvozvo apo Abhrahama akanga achishushikana pamusoro pechisarudzo chaMwari chokuparadza Maguta eSodhoma neGomora, haana kuzengurira kutaura kuna Baba vake vokudenga kuti: “Ngazvive kure nemi kuita kudaro, . . . Mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?” Jehovha haana kutuka Abhrahama; Akamuteerera ndokunyevenutsa rutyo rwake. (Genesi 18:20-33) Mwari anoshivirira nomunyoro zvinoshamisa, kunyange apo vana vake vanobudisa mirangariro yavo isingaruramiswi kana napaduku pose uye isina mufungo.—Jona 3:10–4:11.
Vabereki nenzira yakafanana vanofanira kuita mhoteredzo umo vana vanonzwa vakakotsekana kubudisa mirangariro yavo yomukatikati, pasinei zvapo nokuti iyoyi ingava inovhiringidza zvakadini. Naizvozvo kana mwana wako akangotaura nokusarangarira, teerera. Panzvimbo pokutuka, gamuchira mirangariro yemwana ndokuwana zvikonzero. Somuenzaniso, ungati: ‘Unenge wakatsamwira nhingi. Unoda kundiudza here kuti chii chakaitika?’
Kugona Kudzora Kutsamwa
Chokwadika hakuna mubereki anoshivirira sezvinoita Jehovha. Uye vana vanogona kuedza shiviriro yevabereki vavo kusvika pakadzama. Kana uchitsamwira vana vako panhambo nenhambo, usashushikana nokuti ikoku kunokuita mubereki akaipa. Padzimwe nguva, unenge uchiruramiswa kuti utsamwe. Mwari amene nenzira yakarurama anotsamwira vana vake, kunyange vamwe vaanoda zvikuru. (Eksodho 4:14; Dheuteronomio 34:10) Shoko Rake, zvisinei, rinotidzidzisa kudzora kutsamwa kwedu.—VaEfeso 4:26.
Sei? Padzimwe nguva zvinobetsera kumbomira kwenhambo yakati kuitira kuti hasha dzako dzive nemukana wokuserera. (Zvirevo 17:14) Uye yeuka, Uyu mwana! Usakarira mufambiro womunhu mukuru kana kuti kufunga kwomunhu mukuru. (1 VaKorinte 13:11) Kunzwisisa chikonzero nei mwana wako achiita nenzira yakati kunganyevenutsa hasha dzako. (Zvirevo 19:11) Usatongokanganwa musiyano mukuru uri pakati pokuita chimwe chinhu chakaipa nokuva akaipa. Kupopotera mwana uchiti akaipa kungaparira mwana wacho kushushikana, ‘Kuedzerei kunyange kuva akanaka?’ Asi kururamisa mwana nenzira yorudo kuchabetsera mwana kuita zviri nani nguva inotevera.
Kuchengeta Nhevedzano Norukudzo
Kudzidzisa vana pfungwa yokuva nenhevedzano nokuremekedza ndeimwe yedenho huru idzo vabereki vanotarisana nadzo. Munyika yanhasi yamadiro, vazhinji vanoshamisika kana zvakatorurama kuganhurira vana vavo zvako. Asi Bhaibheri rinopindura kuti: “Shamhu nokurayira zvinouyisa uchenjeri; asi mwana wakangoregwa hake unonyadzisa mai vake.” (Zvirevo 29:15) Vamwe havadi kunzwa nezveshoko rokuti “shamhu,” vachifunga kuti rinoreva rudzi rwakati rwokubata mwana zvisina kufanira. Asi haridaro. Shoko rechiHebheru re“shamhu” raireva tsvimbo, seiyo mufudzi aishandisa kutungamirira—kwete kurova—makwai ake.a Naizvozvo shamhu inomirira chirango.
MuBhaibheri, kuranga zvikurukuru kunoreva kudzidzisa. Ndokusaka bhuku raZvirevo richitaura kanokwana kana kuti, ‘teerera chirango.’ (Zvirevo 1:8; 4:1; 8:33; 19:27) Vana vanofanira kudzidza kuti kuita zvakarurama kunounza tuso uye kuti kuita zvisina kururama kunounza migumisiro yakaipa. Chirango chingabetsera kururamisa pamufambiro wakaipa, kungofanana netuso—zvakadai serumbidzo—inogona kusimbisa mufambiro wakanaka. (Enzanisa naDheuterenomio 11:26-28.) Vabereki vanoita zvakanaka kutevedzera muenzaniso waMwari kana toreva nezvechirango, nokuti akaudza vanhu vake kuti aizovaranga “kusvika kumwero wakafanira.” (Jeremia 46:28, NW) Vamwe vana vanongoda mashoko akasimba mashomanene okuvatsiura kuti vaite zvakanaka. Vamwe vanoda matanho akati omei. Asi kuranga “kusvika kumwero wakafanira” kwaisazobatanidza chinhu chipi nechipi chingakuvadza mwana chaizvoizvo mumurangariro kana kuti pamuviri.
Chirango chakadzikama chinofanira kubatanidza kudzidzisa vana pamusoro pemiganhu neganhuriro. Zhinji dzaidzodzi dzakarondedzerwa zvakajeka muShoko raMwari. Bhaibheri rinodzidzisa kuremekedza ganhuriro pazvinhu zvomunhu oga. (Dheuteronomio 19:14) Rinoisa miganhu chaiyo, richikuita kuti kuve kusina kururama kuda masimba masimba kana kuti kukuvadza mumwe nemaune. (Pisarema 11:5; Mateo 7:12) Rinogadza miganhu yevatano, richishurikidza makunakuna. (Revhitiko 18:6-18) Rinotobvuma miganhu yomunhu oga neyendangariro, richitirambidza kudana mumwe munhu zita rakaipa kana kuti kushandisa zvimwe zvimiro zvokutuka. (Mateo 5:22) Kudzidzisa vana pamusoro peganhuriro nemiganhu iyi—zvose zviri zviviri neshoko uye nomuenzaniso—zvinokosha kukuita mhoteredzo yemhuri yakanaka.
Chimwe chinhu chinokosha pakuchengeta nhevedzano noruremekedzo mumhuri ndechokunzwisisa mabasa emhuri. Mumhuri zhinji nhasi, mabasa iwaya haana kujeka kana kuti anovhiringidzwa. Mune dzimwe, mubereki achataurira mwana zvinetso zvinorema, zvinetso izvo mwana asina kushongedzerwa kubata nazvo. Mune dzimwe, vana vanobvumirwa kuva vanachandareva ndichocho, vachiitira zvisarudzo mhuri yose. Kudaro hakuna kururama uye kunokuvadza. Vabereki vane musengwa wokugovera zvinodikanwa zvevana vavo vaduku—zvingava zvomuviri, zvendangariro kana kuti zvimwe zvomudzimu—kwete kupesanisa. (2 VaKorinte 12:14; 1 Timotio 5:8) Rangarira muenzaniso waJakobho, uyo akadzora nhano dzokufamba kwemhuri yake yose nevabatiri kuitira kuti zvisava zvakanyanya kuomera vaduku. Akanzwisisa ganhuriro dzavo ndokuita nenzira inowirirana.—Genesi 33:13, 14.
Kutarisira Zvinodikanwa Zvomudzimu
Hapana chinhu chinokosha zvikuru kumhoteredzo yemhuri yakanaka kupfuura umudzimu. (Mateo 5:3) Vana vanogona kupinza zvakawanda zvomudzimu. Vazere nemibvunzo: Nei tichirarama? Ndiani akaita pasi nemhuka dzaro, miti, makungwa? Nei vanhu vachifa? Chii chinoitika pashure pacho? Nei zvinhu zvakaipa zvichiitika kuvanhu vakanaka? Ndaza yacho inoratidzika seisina mugumo. Kazhinji kazhinji, vabereki vanosarudza kusafunga nezvezvinhu zvakadaro.b
Bhaibheri rinokurudzira vabereki kupedza nguva vachipa vana vavo rovedzo yomudzimu. Rinorondedzera rovedzo yakadaro mune zvakanaka sekurukurirano inopfuurira pakati pevabereki nevana. Vabereki vangadzidzisa vana vavo nezvaMwari neShoko rake apo vanofamba pamwe chete, vanogara mumba pamwe chete, panguva yokurara—papi nepapi pazvinobvira.—Dheuteronomio 6:6, 7; VaEfeso 6:4.
Bhaibheri rinoita zvinopfuura kungorumbidza chirongwa chomudzimu chakadaro. Rinogoverawo zvinhu zvauchada. Kunyange zvazvo zvakadaro, waizopindura sei mibvunzo yevana yadudzwa pamusoro apa? Bhaibheri rine mhinduro. Dzakajeka, dzinofadza, uye dzinopa tariro huru zvikuru munyika ino isina tariro. Chiri nani kupfuura, kunzwisisa uchenjeri hweBhaibheri kunogona kupa vana vako kutsiga kwakasimba zvikurusa, nhungamiro yakavimbika zvikurusa munguva dzanhasi dzinovhiringidza. Vape izvozvo, uye vachabudirira chaizvoizvo—zvino uye munguva yemberi.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Mukai! yechiNgezi, yaSeptember 8, 1992, mapeji 26-7.
b Bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri rakagadzirirwa fundo yemhuri uye rine nhungamiro inoshanda yakawanda inobva muBhaibheri paroorano nokurera vana. Rinobudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]
Tsvaka nzira yokupa nayo mwana wako rumbidzo yakananga nguva dzose
[Bhokisi riri papeji 9]
Nzira Yokubetsera Nayo Vana Kuti Vabudirire
• Govera mhoteredzo yakakotsekana umo vanonzwa vachidiwa uye vachikosha
• Varumbidze nguva dzose. Iva akananga
• Iva muteereri akanaka
• Imbofema kana hasha dzakwira
• Gadza miganhu neganhuriro zvakajeka, uye zvinowirirana
• Ipa chirango maererano nezvinodikanwa zvomwana mumwe nomumwe
• Usakarira zvakawanda kumwana wako kupfuura zvine mufungo
• Tarisira zvinodikanwa zvomudzimu kupfurikidza nefundo yenguva dzose yeShoko raMwari
[Bhokisi riri papeji 10]
Nguva Ichipo
MIRAYIRO yeBhaibheri yakabetsera vanhu vaIsraeri wekare kufarikanya mupimo weupenyu hwemhuri wakanga wakakwirira zvikuru kupfuura wemarudzi akapoteredza. Wezvenhau Alfred Edersheim anotsinhira kuti: “Kunze kwemiganhu yavaIsraeri, kwaizova kusingabviri zvachose kutaura nezveupenyu hwemhuri, kana kuti kunyange nezvemhuri, sezvatinonzwisisa mashoko iwaya.” Somuenzaniso, pakati pevaRoma vekare mutemo waipa baba simba rakakwana mumhuri. Vaigona kutengesa vana vavo kuti vave varanda, kuvaita kuti vashande semabhanditi kana kuti kunyange kuvauraya—pasina zvavanoitwa.
Vamwe vaRoma vaifunga kuti vaJudha vaishamisa nokubata vana vavo nounyoro. Kutaura idi, wezvenhau wezana rokutanga ramakore Tacitus akanyora nyaya yokuvenga vaJudha, achitaura kuti tsika dzavo “dzakanga dzakaipa nokunyangadza.” Zvisinei, akabvuma kuti: “Imhaka pakati pavo kuuraya rusvava ruchangobva kuberekwa.”
Bhaibheri rakagovera mupimo wakakwirira. Rakadzidzisa vaJudha kuti vana vaikosha—zvirokwazvo vaifanira kurangarirwa senhaka inobva kuna Jehovha amene—uye vaifanira kubatwa nenzira inowirirana. (Pisarema 127:3) Sezviri pachena vazhinji vairarama mukuwirirana nezano iroro. Kunyange mutauro wavo wairatidzira munhau iyi. Edersheim anotaura kuti kunze kwemashoko emwanakomana nemwanasikana, chiHebheru chekare chaiva nemashoko mapfumbamwe nokuda kwevana, rimwe nerimwe richishanda padanho rakasiyana roupenyu. Somuenzaniso, kwakanga kune shoko nokuda kwemwana akanga achiri kuyamwa uye rimwe nokuda kweakanga arumurwa. Nokuda kwevana vati kurei zvishoma, kwakanga kune shoko rairatidza kuti ava vakanga vava kuva vakasimba. Uye nokuda kwepwere huru, kwakanga kune shoko rakanga richireva chaizvoizvo ‘kuzvisunungura.’ Edersheim anotsinhira kuti: “Zvirokwazvo, avo vaitarira upenyu hwevana nokudisa kuti vape zita rinorondedzera padanho rimwe nerimwe rokufambira mberi mukurarama kwake, vanofanira kuva vaida vana vavo zvikuru.”