Murangariro weBhaibheri
Kudya Nyama Hakuna Kururama Here?
“TARIRAI, NDAKAKUPAI MIRIWO YOSE INOBEREKA MBEU, IRI PANYIKA YOSE, NEMITI YOSE INE MICHERO YEMITI INOBEREKA MBEU, KUTI ZVIVE ZVOKUDYA ZVENYU.”—Genesi 1:29.
SUJATA ane makore 18 okukura, anobva mumhuri yechiHindu inodya miriwo chete, akabvumirana nokudisa nomurayiridzo wezvokudya waMwari kumurume wokutanga, Adhama. Asi akakurumidza kubvunza kuti: “Nei, ipapo, vanhu vachiuraya mhuka nokuda kwezvokudya apo kunenge kune zvimwe zvinhu zvakawanda kwazvo zvokudya?”
Vanhu vakawanda kupota nyika vanodzokorora iyi mirangariro. Mazana amamiriyoni muMabvazuva anodya zvokudya zvisina nyama. Mukuwedzera, vanodya miriwo chete kuMavirira vari kuwedzera. MuUnited States moga, vanhu vanenge mamiriyoni 12,4 vanoti vanodya miriwo chete, anenge mamiriyoni matatu kupfuura makore gumi akapfuura.
Nei vakawanda kwazvo vachisarudza zvokudya zvisina nyama? Ndokupi kuri kurangarirwa kwakarurama pamusoro poupenyu hwemhuka? Kudya nyama kunoratidza kusaremekedza upenyu here? Nemhaka yezvinotaurwa pana Genesi 1:29, kudya nyama hakuna kururama here? Kutanga, rangarira chikonzero nei vamwe vasingadyi nyama.
Nei Vamwe Vasingadyi Nyama?
Nokuda kwaSujata, zvokudya zvake zvinobatanidza zvitendero zvake zvorudzidziso. “Ndakakura somuHindu, ndichidavira dzidziso yokuberekwazve,” anotsanangura kudaro. “Sezvo mweya womunhu uchigona kudzoka semhuka, ndinorangarira mhuka sedzakaenzana neni. Naizvozvo kunoratidzika kuva kusina kururama kudziuraya nokuda kwezvokudya.” Mamwe marudzidziso anotsigirawo zvokudya zvemiriwo chete.
Zvimwe zvinhu kunze kwezvitendero zvorudzidziso zvinotapurawo zvisarudzo zvavanhu zvokudya. Dr. Neal Barnard, somuenzaniso, anotaura zvakajeka kuti: “Zvikonzero bedzi zvokudya nyama ndezvetsika kana kuti kusaziva.” Murangariro wake wakasimba wakavakirwa pamifungo yake pamusoro pengozi kuutano dzokudya nyama, dzakadai sehosha yomwoyo negomarara.a
MuUnited States, vechiduku vanonzi ndiro boka rinokura zvikurusa ravanodya miriwo chete. Uye kuitira hanya mhuka ndechimwe chikonzero. “Vanhu vaduku vanoda mhuka,” anodaro Tracy Reiman wePeople for the Ethical Treatment of Animals. “Apo vanotanga kudzidza pamusoro pechinoitika kumhuka dzisati dzaurawa nokuda kwezvokudya kunongowedzera bedzi tsitsi dzavanonzwa.”
Vanhu vakawanda vanoziva nezvemhoteredzo vanobatanidzawo zvokudya zvavo nokuparadzwa kukurusa kunoitwa pfuma yomusikirwo nemhaka yokupfuya mhuka dzokudya. Kunoda, somuenzaniso, marita anenge 3 300 emvura kuita kirogiramu imwe yenyama yemombe uye marita 3 100 pakirogiramu imwe yenyama yehuku. Nokuda kwavamwe, ichi ipapo chinova chikonzero chokudzivisa nyama.
Zvakadini newe? Unofanira kurega kudya nyama here? Usati wapindura mubvunzo iwoyo, rangarira mumwe murangariro. Sezvinowanika paPisarema 50:10, 11, Jehovha Mwari, Muiti wezvinhu zvose, anoti: “Nokuti mhuka dzose, dziri kudondo, ndedzangu, nemombe pamakomo ane churu chamazana. Ndinoziva shiri dzose dzomumakomo; mhuka dzose, dziri musango, ndedzangu.” Sezvo mhuka dzose chaizvoizvo dziri dzaMwari, kunokosha kunzwisisa kuti Musiki anorangaira sei pamusoro poupenyu hwemhuka uye kuhushandisa kwomunhu nokuda kwezvokudya.
Kuuraya Mhuka Hakuna Kururama Here?
Vamwe avo, kufanana naSujata, vanorangarira mhuka kuva dzakaenzana navanhu vanorangarira zvakasimba kuti kuuraya mhuka nokuda kwedonzo ripi neripi hakuna kururama—zvinotova zvikuru saizvozvo kudziurayira zvokudya. Kunyange zvakadaro, Magwaro anoratidza kuti Mwari anosiyanisa upenyu hwemhuka noupenyu hwomunhu uye anobvumidza kuurawa kwemhuka nokuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana. Muna Israeri mhuka yaigona kuurawa, somuenzaniso, apo yaityisidzira upenyu hwomunhu kana kuti zvipfuwo zvomunhu.—Eksodho 21:28, 29; 1 Samueri 17:34-36.
Kubva panguva dzapakuvamba-vamba, Mwari akatendera kupa mhuka sezvibayiro mukunamata. (Genesi 4:2-5; 8:20, 21) Akarayirawo vaIsraeri kurangarira Kubuda kwavo muEgipita kupfurikidza nokuchengeta Paseka gore negore, uko kwaibatanidza kubayira gwayana kana kuti mbudzi uye kudya nyama yayo. (Eksodho 12:3-9) Uye muMutemo waMosesi, kwaiva nedzimwe nhambo dzezvipiriso zvemhuka.
Achirava Bhaibheri kokutanga, mumwe mukadzi wechiHindu ane makore 70 okukura akawana mufungo wezvibayiro zvemhuka usingafadzi. Asi sezvaakafambira mberi muzivo yake yaMagwaro, aigona kuona kuti zvibayiro zvakarayirwa naMwari zvaiva nedonzo. Zvainongedzera mberi kuchibayiro chaJesu Kristu, icho chaizozadzika chinodikanwa chomutemo chokukanganirwa kwezvivi. (VaHebheru 8:3-5; 10:1-10; 1 Johane 2:1, 2) Muzvinoitika zvakawanda zvipiriso zvakabatirawo sezvokudya zvavaprista uye padzimwe nguva zvavanamati. (Revhitiko 7:11-21; 19:5-8) Mwari, muridzi wechinhu chipenyu chiri chose, aigona kutanga nenzira yakarurama gadziriro yakadaro nokuda kwedonzo. Chokwadika, apo Jesu akafa bedzi, zvibayiro zvemhuka zvakanga zvisisadikanwizve mukunamata.—VaKorose 2:13-17; VaHebheru 10:1-12.
Kushandisa Mhuka Nokuda Kwezvokudya
Zvakadini, kunyange zvakadaro, nokuuraya mhuka nokuda kwezvokudya? Ichokwadi kuti zvokudya zvapamavambo zvomunhu zvaiva miriwo. Asi Jehovha gare gare akazviwedzera kuti zvibatanidze nyama yemhuka. Anenge makore 4 000 apfuura—mumazuva aNoa akarurama—Jehovha akaparira mafashamo enyika yose ndokugumisa uipi hwaivapo pasi pano panguvayo. Noa, mhuri yake, uye zvisikwa zvipenyu zvaakapinza muareka zvakapukunyuka Mafashamo. Pashure pokunge vabuda muareka, kokutanga Jehovha akati: “Zvose zvinofamba zvipenyu zvichava zvokudya zvenyu; ndinokupai zvose, sezvandakakupai miriwo mitema.” (Genesi 9:3) Panguva imwe cheteyo, zvisinei, Mwari akapa mutemo unoti: “Aninani unoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti Mwari wakaita munhu nomufananidzo wake.” (Genesi 9:6) Nenzira yakajeka, Mwari haana kuisa mhuka pamwero wakafanana navanhu.
Chaizvoizvo, murangariro waSujata pamusoro pemhuka wakanga wakavakirwa pakudavira kwake dzidziso yokuberekwazve. Munhau iyi Bhaibheri rinotsanangura kuti kunyange zvazvo vanhu nemhuka zviri mweya, mweya unofa. (Genesi 2:7; Ezekieri 18:4, 20; Mabasa 3:23; Zvakazarurwa 16:3, NW) Semweya, zvose zviri zviviri vanhu nemhuka zvinofa uye zvinoguma kuvapo. (Muparidzi 3:19, 20) Vanhu, kunyange zvakadaro, vane tariro inoshamisa yorumuko munyika itsva yaMwari.b (Ruka 23:43; Mabasa 24:15) Ikokuwo kunoratidza kuti mhuka hadzina kuenzana navanhu.
“Zvisinei, nei pakava nechinjo muzvokudya?” Sujata aida kuziva. Mamiriro okunze apasi nenzira yakajeka akanga achinja zvikuru nemhaka yaMafashamo. Kana Jehovha akavamba kuwedzera nyama kuzvokudya zvomunhu nemhaka yokuti aikarira zvinodikanwa zvezvizvarwa zvomunguva yemberi zvaizogara munzvimbo umo mirivo yaizova mishoma, Bhaibheri haritauri. Asi Sujata aigona kubvuma kuti Muridzi wezvinhu zvipenyu zvose aiva namaruramiro okutanga kuchinja.
Kuratidza Kuremekedza Upenyu Hwemhuka
Bva, Sujata akafunga kuti, ‘Hatifaniri kuratidzira kuremekedza kwakati kwoupenyu hwemhuka here?’ Hongu, tinofanira. Uye Muiti wezvinhu zvose akatiudza kuti tingaita sei ikoku. “Asi nyama, kana ine upenyu hwayo, iro ropa rayo, musaidya iyo,” unodaro murayiro wake uri pana Genesi 9:4. Nei pane ganhuriro pakudya ropa? “Nokuti upenyu [mweya] hwenyama huri muropa,” rinodaro Bhaibheri. (Revhitiko 17:10, 11) Jehovha akarayira kuti: ‘Unofanira kudurura ropa remhuka yaurawa pasi semvura.’—Dheuteronomio 12:16, 24.
Ikoku hakusi kuti gadziriro yokudya nyama imvumo yokudeurwa kusiri madikanwa kweropa remhuka nokuda kwokunakidzwa bedzi nokuvhima kana kuti kuratidzira unyanzvi hwomunhu oga. Nimirodhi sezviri pachena akaita izvozvi. Bhaibheri rinomuzivisa so“mudzimba mukuru [mukurwisana naJehovha, NW].” (Genesi 10:9) Kunyange nhasi, kunakidzwa nokuvhima nokuuraya mhuka kunogona kutanga nyore nyore muna vamwe. Asi murangariro wakadaro unowirirana nokusakoshesa kwoutsinye upenyu hwemhuka, uye Mwari haakutenderi.c
Kunzwira Mhuka Tsitsi
Vanodya miriwo chete nhasi vanoitirawo hanya zvapachokwadi kubatwa kwemhuka namaindasitiri enyama azvino uno. “Bhizimisi rokurima rinofarira zvishoma kunzwa kwomuzvarirwo kwemhuka,” rinotsinhira kudaro The Vegetarian Handbook. “Dzichipfuyirwa mumakamuri akamanikana zvikuru uye mumhoteredzo dzisiri dzomuzvarirwo,” bhuku racho rinoti, “mhuka dzomuzuva razvino uno dzinoshandiswa chose chose zvikuru kupfuura izvo mhuka dzakamboitwa nakare kose.”
Nepo kushandiswa kwemhuka nokuda kwezvokudya kusingarwisani nokuda kwaMwari, kubatwa kwadzo kwoutsinye kunorwisana. “Wakarurama une hanya noupenyu hwechipfuwo chake,” rinodaro Bhaibheri pana Zvirevo 12:10. Uye Mutemo waMosesi wakarayira kutarisirwa kwakafanira kwezvipfuwo.—Eksodho 23:4, 5; Dheuteronomio 22:10; 25:4.
MuKristu Anofanira Kuva Anodya Miriwo Chete Here?
Sezvatoratidzwa, nhau yokuva anodya miriwo chete—kana kuti kuramba wakadaro—inhau chaizvoizvo yechisarudzo chomunhu. Nemhaka youtano, mugariro wezvemari, mhoteredzo yezvinhu, kana kuti kunzwira mhuka tsitsi, munhu angasarudza kutevera chirongwa cheanodya miriwo chete. Asi anofanira kukuziva seimwe nzira bedzi yokudya. Haafaniri kutsoropodza avo vanosarudza kudya nyama, seizvo munhu anodya nyama asingafaniri kushora anodya miriwo chete. Kudya nyama kana kuti kuirega hakuiti kuti mumwe ave munhu ari nani. (VaRoma 14:1-17) Uyewo zvokudya zvomunhu hazvifaniri kuva chokuitira hanya zvikurusa muupenyu hwake. “Munhu haangararami,” akadaro Jesu, “nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo waMwari.”—Mateo 4:4.
Pamusoro poutsinye kumhuka nokushandiswa zvisina kufanira kwoupfumi hwapasi, Jehovha akapikira kugumisa tsika ino yakaipa neineudyire uye kuitsiva nenyika itsva yaanoita. (Pisarema 37:10, 11; Mateo 6:9, 10; 2 Petro 3:13) Munyika itsva iyoyo, munhu nemhuka zvichava norugare nechimwe nechimwe nokusingaperi, uye Jehovha ‘achagutsa chishuvo chechinhu chipenyu chiri chose.’—Pisarema 145:16; Isaya 65:25.
[Mashoko Omuzasi]
b Ona Nharireyomurindi yaMay 15, 1997, mapeji 3-8, yakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 30]
Punch
Kana ungada mamwe mashoko kana kuti ungada kuti mumwe munhu akushanyire kuti akuitise fundo yeBhaibheri yapachena, tapota nyorera Watch Tower, Private Bag A-6113, Avondale, Zimbabwe, kana kuti kero yakakodzera yakarongwa papeji 5.