Mvura—Ropa Roupenyu Rapasi
HAINA ruvara, hainhuwi, hainaki, uye haifutisi, mvura inokosha kuupenyu hwose hwapasi. Hakuna munhu, mhuka, kana kuti muti unogona kurarama isipo. Kubva kunzou kuenda kukanhu kaduku kanoonwa bedzi nemaikorosikopo, mvura inokosha; uye hakuna chinoitsiva. Mumwe nomumwe wavanhu vanopfuura mabhiriyoni mashanu ari pasi pano anofanira kushandisa, muzvokunwa nezvokudya, marita anenge 2,5 emvura zuva rimwe nerimwe kuti arambe akagwinya. Pasina mvura, hapana upenyu.
Pasina mvura, hazvibviri kurima zvirimwa kana kuti kupfuya zvipfuwo. Pasina mvura, hapana zvokudya—pasina zvokudya, hapana upenyu.
Sezvineiwo, kune mvura yakawanda. Apo rinotorwa mufananidzo kubva muchadenga, pasi redu rebhuruu rakaisvonaka rinoratidzika sokunge rinofanira kunzi Mvura, kwete Pasi. Zvirokwazvo, kudai mvura yenyika yaifukidza pasi zvakaenzana, yaizoita gungwa rapasi rakadzama makiromita 2,5. Nyika yose ingagona kukwana muPacific Ocean, pachisara imwe nzvimbo.
Chokwadika, mvura zhinjisa yapasi iri mumakungwa, uye mvura yomugungwa ine munyu. Kana munhu akanwa mvura yomugungwa bedzi, iye angafa nenyota uye nokupera mvura mumuviri apo muviri unoedza kubvisa munyu wakawandisa. Mvura yomugungwa haina kunakira kurima kana kuti zvimwe indasitiri—inouraya zvirimwa zvizhinjisa uye inokurumidza kuitisa ngura michina mizhinjisa. Naizvozvo, zvikurukuru, vanhu vanogona kushandisa mvura yomugungwa bedzi kana vakabvisa munyu, uye iwoyo muitiro unodhura zvikuru.
Zvikamu zvitatu muzana bedzi zvemvura yenyika zvakanaka, hazvina munyu. Inenge mvura iyoyo yose yakanaka—inenge 99 muzana yayo—yakaumbana mumazaya echando kana kuti iri pakadzika pasi pevhu. Chikamu chimwe bedzi muzana ndicho chinowanika nyore kurudzi rwomunhu.
Chikamu chimwe muzana hachiratidziki kuva chakakura. Tingangopererwa nemvura yakanaka here? Zvichida kwete. Magazini inonzi People & the Planet inoti: “Kunyange ichi [chikamu chimwe muzana], kana chikaparadzirwa zvakaenzana kupote nyika uye chikashandiswa nokungwarira, chingakwana kutsigira nhamba yavagari vapasi iripo yakapetwa ruviri kana kuti rutatu.”
Chaizvoizvo, uwandu hwemvura yose pasi pano hauwedzeri kana kuderera. Science World inoti: “Mvura yaunoshandisa nhasi ingava paimwe nguva yakambopedza nyota yedinosaur. Zvinodaro nemhaka yokuti mvura yose yatinayo Pasi pano zvino ndiyo yose yatakambova nayo—kana kuti yatichazombova nayo.”
Zvakadaro nemhaka yokuti mvura iri munyika neyakapoteredza inotenderera nokusingaperi—kubva mugungwa kuenda mumhepo, kuenda kunyika, kupinda munzizi, uye yodzokera kugungwa zvakare. Zvakaita seizvo murume akachenjera akanyora kare kare kuti: “Nzizi dzose dzinodira mugungwa, bva gungwa harimbozarisi; nzizi dzinodzokera kwadzakabva kuti dziyererezve.”—Muparidzi 1:7, New English Bible.
Pasinei zvapo nokuwanda kwemvura yakanaka iri pasi pano, zvisinei, nzvimbo zhinji dzine nhamo. Nyaya dzinotevera dzinoongorora zvinetso nekariro dzokuzvipedza.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 23]
NASA photo