RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 10/8 pp. 28-30
  • Chii Chisina Kururama Nokuita Mari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chisina Kururama Nokuita Mari?
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Kudisa Zvinhu Kukuru”
  • “Vanotsvaka Kupfuma”
  • ‘Kunyura Mukuparadzwa’
  • Kuwana Dzikamo
  • Mari Ndiyo Mudzi Wezvinhu Zvese Zvakaipa Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kuona Mari Neziso Rakanaka
    Mukai!—2015
  • Mari
    Mukai!—2014
  • Tinofanira Kuona Sei Mari Zvinoratidza Kuti Takachenjera?
    Mukai!—2007
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 10/8 pp. 28-30

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Chii Chisina Kururama Nokuita Mari?

“ZVIROKWAZVO mari ndicho chinhu chinokosha zvikurusa munyika.” Akataura kudaro munyori wemitambo weBritain George Bernard Shaw. Unobvumirana naye here? Zvichida unorangarira zvikuru sezvinoita Tanya ane makore 17 okukura, uyo anoti: “Handidi kupfuma, ndinongoda kuva akachengeteka.” Avian muduku anorangarira mari nenzira yakafanana, kwete sechinhu chinokosha zvikurusa munyika, asi sechinobetsera kusvika vavariro dzakati. Anoti: “Mari inodikanwa nokuda kwezvinodikanwa zvangu, zvakadai sezvokupfeka uye kuripira chokufambisa.”

Waiziva here kuti Bhaibheri rine murangariro wakafanana? Pana Muparidzi 7:12, rinoti “mariwo chitaviridzo.” Urombo hwakarondedzerwa so“muvengi mukuru womufaro womunhu.” Uye kuva nemari yakakwana kunogona kukudzivirira—kusvika kutambanuko yakati—pazvinetso zvinounzwa kazhinji kazhinji nourombo. Mari inogona kukubatsirawo pangwavaira dzisingakarirwi. “Bhaibheri rinotaura kuti ‘asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika,’” anodaro Phyllis muduku. “Hatimbozivi apo zvinetso zvingauya patiri, nokudaro tinofanira kuva nemari yakachengetwa.” (Muparidzi 9:11) Uye nepo mari ingaratidzika kuva inokosha kwauri zvino, ingaita basa rinotokosha zvikuru munguva yako yemberi.

“Kudisa Zvinhu Kukuru”

Asi nepo kuitira hanya kwakati pamusoro pokuva nemari yakakwana kuri kwomuzvarirwo uye kwakanaka, nokuda kwedzimwe pwere mari yazova chinhu chavanofunga nezvacho inenge nguva yose. Apo pwere dzinopfuura 160 000 dzakabvunzwa kuti, “Chii chaunoda zvikurusa muupenyu?,” 22 muzana yakati, “Kupfuma.”

Hakuna mubvunzo kuti uku kudisa mari kunotsigirwa neicho magazini yeNewsweek yakadaidza kuti “kudisa zvinhu kukuru” kwakapararira munyika. “Ndiri munhu anodisa zvinhu zvikuru uye ndinongwarira kuti ndiani akagadzira chinhu,” anadaro Martin ane makore  18 okukura. “Ndinodavira zvakasimba kuti unowana chinowirirana nemari yaunobhadhara. Nokudaro, ndinoshandisa mari yakawanda pazvinhu zvandinoda.” Martin haisi pwere yoga ‘inoshandisa mari yakawanda.’ U.S.News and World Report inoshuma kuti: “Gore rapfuura, vane makore 12 kusvika ku19 [muUnited States] vakashandisa mari yakawanda zvikuru yati yamboshandiswa vachitenga, vachishandisa pamwe chete mari inosvika madhora ane mabhiriyoni 1 090 mukutenga, wedzero ye38 muzana kupfuura 1990.”

Kunyange zvakadaro, pwere dzinowana kupi mari yezvokupfeka izvozvo zvose zvitsva, macompact disc, uye makombiyuta? Maererano neU.S.News and World Report: “Inenge hafu yevane makore 16 kusvika ku19 okukura vose vane mabasa enguva isina kuzara.” Kana pane dzikamo, basa rinoitwa pashure pechikoro rinogona kuva nezvarinobetsera, zvakadai sokudzidzisa pwere mutoro. Zvisinei, dzimwe pwere nenzira yakajeka dzinonyanyisa munhau iyi. Magazini inonzi Newsweek inoti: “Vanonzvera kushanda kwendangariro uye vadzidzisi vanoona dzvinyiriro pavadzidzi [vanoshanda]. Vane nguva shoma yebasa rechikoro rinoitirwa kumba, uye vadzidzisi vanocherechedza vadzidzi vakaneta vachitamburira kuramba vakamuka kazhinji kazhinji zvikuru vanoderedza magiredhi.”

Kunyange zvakadaro, pwere shoma dzinoshanda dzinodisa kurega zvinodzipa mari. “Chikoro chinokosha,” anodaro Vanessa muduku, “asi nemariwo. Basa rechikoro rinoitirwa kumba haribhadhare.” Kuita mari kunokosha sei kwauri? Kuita yakawanda ndiyo vavariro yako huru muupenyu here?

“Vanotsvaka Kupfuma”

Bhaibheri rinobata nemibvunzo iyoyi chaiyo. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Asi vanotsvaka kufuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokurashwa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.”—1 Timotio 6:9, 10.

Pauro zvirokwazvo aiziva zvaaitaura pamusoro pazvo. Asati ava muKristu, akanga ambova mumwe wevatungamiriri vorudzidziso vaizivikanwa se“vaFarise,” avo Bhaibheri rinorondedzera seva“ida mari.” (Ruka 16:14) Kunyange zvakadaro, muapostora haana kushora kuita mari pachako. Panzvimbo pezvo, akanyevera avo “vanotsvaka kupfuma” kana kuti, seizvo imwe shanduro inotaura, vanhu va“noisa mwoyo yavo pakupfuma.” (Phillips) Asi chii chakanyanyoipa nokuita kudaro?

Sokutsanangura kwakaita Pauro, vakadaro “vanowira mukuidzwa nomumusungo.” Zvirevo 28:20 inosimbisa murangariro wakafanana painoti: “Asi unoda kupfuma nokukurumidza, haangakoni kurohwa.” Dzichifunga kuti hadzina yakakwana, dzimwe pwere dzakaba.

Chokwadi, pwere zhinjisa hadzingafungi nezvekuba. Asi dzimwe dzingapinda mumuitiro une ngozi yakafanana. Christianity Today inoshuma kuti: “Dzimwe nyanzvi dzinodavira kuti kunyanyisa kubhejera kwazova kupindwa muropa kunokurumidza kukura zvikurusa kune vechiduku.” Mune imwe nharaunda yeUnited States, “inoda kusvika 90 muzana yavechiduku yakanga yatenga matikiti erotari zvisiri pamutemo pavakasvika mugore ravo rokupedzisa rechikoro.” Dzimwe pwere dzinoita zvinhu zvakatoipa zvikuru. “Mabasa anogutsa akaoma kuwana,” anodaro Matthew ane makore 16 okukura. “Nokudaro ndinowana mari yangu zhinjisa nokutsinhana nokutengesa zvinhu. . . . Panhambo nenhambo [ndai]tengesa [mirimo].”

‘Kunyura Mukuparadzwa’

Chokwadi, kuva nemari kungapa munhu murangariro worusununguko. Asi sezvinotsanangura Pauro, pakupedzisira, kutsvaka mari kunogona chaizvoizvo kuita kuti munhu ave muranda wo“kuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokurashwa.” Hongu, kana kuda mari kwadzika midzi chete, kuchiva, godo rinouraya, nokumwe kuchiva kunokuvadza kunogona kudzora. (Enzanisa naVaKorose 3:5.) Imwe nyaya iri mumagazini yeTeen yakati vamwe vechiduku vanogona kuchiva kwazvo motokari nezvipfeko izvo dzimwe pwere dzinazvo “zvokuti vanoshaya zvokuita.” Ruchiva rwakadaro dzimwe nguva “rwunokura kusvika pakuzvisema,” inowedzera kudaro nyaya yacho, “uye wechiduku haakwanisi kufunga pamusoro pechinhu chipi nechipi kunze kwezvaasina.”

Cherechedza ipapo kuti, kuchiva upfumi hakugoni kuparira munhu “kuwira mukuidzwa” bedzi asi kunogonawo kuparira munhu ‘kunyura mukuparadzwa nokuparara.’ Mutsinhiri weBhaibheri Albert Barnes anoti: “Mufananidzo wacho ndouya wokuputsika, apo ngarava nezvose zviri mairi, zvinonyura pasi pamwe chete. Kuparadza kwacho kwakakwana. Pane kuparadzwa kwakakwana kwomufaro, kweunhu, kwomukurumbira, uye kwomweya.”—Enzanisa na1 Timotio 1:19.

Nenzira yakarurama ipapoka, Pauro anotaura kuti “kuda mari [kunoparadza zvikuru] ndiwo mudzi wezvakaipa zvose.” Somugumisiro wako, vazhinji vaka“tsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.” Rangarira somuenzaniso, pwere yatichadaidza kuti Rory. Pazera remakore 12 akatanga kubhejera. “Yaiva nzira yokuwana nayo mari pasina kuita chinhu chipi kana chipi,” anoyeuka kudaro. Nokukurumidza, akanga ava nechikwereti chemazana amadhora uye achifuratira shamwari, mhuri, uye basa rechikoro. “Ndakaedza kurega,” anobvuma kudaro, asi akaramba achikundikana. Akaramba ‘achizvibaya pose pose nemarwadzo mazhinji’ kutozosvikira atsvaka kubatsirwa pamakore 19 ezera. Munyori Douglas Kennedy nokudaro haasi kuwedzera apo, mubhuku rake rinonzi Chasing Mammon, anodaidza kutsvaka mari kuti “chiitiko chinokuvadza ndangariro.”

Kuwana Dzikamo

Zano raSoromoni nokudaro rakakodzera zvino sezvarakanga rakaita mazana amakore apfuura: “Usazvinetsa kuwana pfuma; rega uchenjeri hwako. Unoda kuzvitarira nameso ako? Zvaenda! Nokuti zvirokwazvo pfuma inozviitira mapapiro, segondo rinobhururukira kudenga.” (Zvirevo 23:4, 5) Pfuma yezvinhu zvokunyama ndeyenguva pfupi, naizvozvo upenzi kuita kutsvaka pfuma vavariro yako huru muupenyu. “Handidi kubatwa munharidzano dzokudisa zvinhu chose chose,” inodaro imwe pwere yechiKristu inonzi Maureen. “Ndinoziva,” inodaro, “kuti umudzimu hwangu ndihwo hucharasika kana ndikabatwa mukuita mari bedzi.”

Chokwadi, mari inodikanwa. Uye kuva nemari yakakwana kuchakubvumira kutarisira zvinodikanwa zvako umene—uye sezvinobvira kunyange kubatsira vamwe nezvinhu zvokunyama panguva nenguva. (VaEfeso 4:28) Dzidza kushanda nesimba kuti ugokwanisa kuwana mari nenzira yakatendeseka. Uyewo, dzidza kuchengeta, kuronga, uye kushandisa mari yako nokuchenjera. Asi usatongoita kuti kuita mari chive chinhu chikurusa muupenyu hwako. Edza kuva nomurangariro wakadzikama wakataurwa nomunyori waZvirevo 30:8, uyo akanyengetera kuti: “Regai kundipa urombo kana pfuma.” Kupfurikidza nokuchengeta fariro dzomudzimu dziri pamberi, uchakwanisa kuwana rudzi rwepfuma yakanakisisa. Seizvo Zvirevo 10:22 inotaura, “kuropafadza kwaJehovha ndiko kunopfumisa; [uye haawedzeri marwadzo pamwe chete nako, NW].”

[Mufananidzo uri papeji 29]

Pwere zhinji dzinoda mari kuitira kuti dzigogona kuenzana navaenzani vadzo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe