RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 11/8 pp. 10-11
  • Nguva Yemberi Yakajeka Yevana Vedu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nguva Yemberi Yakajeka Yevana Vedu
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Avo Vanoitira Hanya
  • Chipikirwa chaMwari Chenguva Yemberi Yakajeka
  • Hondo
    Mukai!—2017
  • Nyika Isina Hondo Nokukurumidza
    Mukai!—1996
  • Kupera Kwehondo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Mwari Anoona Sei Hondo Mazuva Ano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 11/8 pp. 10-11

Nguva Yemberi Yakajeka Yevana Vedu

KUBVA pakapera Hondo Yenyika II, hurumende dzenyika dzakaronga ndokusaina mudungwe wezvibvumirano zvokudzivirira vasiri varwi muhondo. Pakati pazvo pane zvibvumirano zvinobvumira kuti zvipfeko pamwe chete nemigove yemishonga nezvokudya zvisvike kuvana. Zvibvumirano zvamarudzi akawanda zvinovimbisa kudzivirira vana pakubatwa zvisina kufanira muvatano, kutambudzwa, uye masimba masimba. Zvibvumirano zvinorambidzawo kunyoreswa mumauto kwoupi noupi ane makore ari pasi pe15 ezera.

The State of the World’s Children 1996, mushumo wakaitwa neUnited Nations Children’s Fund, unodaidza mitemo iyi kuti “zviratidzo zvechokwadi zvokuchinja” uye unowedzera kuti: “Vezvematongerwe enyika vanoziva kuti pane mipimo inogona kuita kuti vatongwe kana vakaiputsa sezvinobvira zvikuru vacharangarira mipimo iyoyo muzvirongwa zvavo.”

Chokwadika, vezvematongerwe enyika vanozivawo kuti nzanga yemarudzi akawanda inowanzoshayiwa zvose zviri zviviri mano nechido chokuita kuti mitemo iyoyo iteererwe. Nokudaro mushumo wacho unobvuma kuti “nemhaka yekufuratirwa kunoitwa nheyo idzi, zviri nyore kushora bumbiro romutemo ramarudzi akawanda riripo.”

Panewo nhau yemari. Muna 1993, kurwa kwakapararira zvisingadzoreki munyika 79. Nyika 65 dzadzo dzaiva marudzi ane urombo. Marudzi aya ane urombo akawana kupi zvombo zvokurwa nazvo? Zvikurukuru kunyika dzakapfuma. Uye ndavapi vashanu vokutanga vanotengesa zvombo kunyika dzichiri kubudirira? Mitezo mishanu yechigarire yeUnited Nations Security Council!

Avo Vanoitira Hanya

Chokwadika, kune avo vanoitira hanya zvikuru kutambura kwavana muhondo. Zvose zviri zviviri vanhu vamwe navamwe nemasangano vanobatsira norudo vanyajambwa vaduku vehondo. Somuenzaniso, Zvapupu zvaJehovha, izvo zvisingabatanidzwi muhondo, zvakaita kudaro. Asi kubvisa kuitwa nyajambwa kwavana muhondo chaizvoizvo kunoreva kubvisa hondo pachayo, kariro ingaratidzika kuva isingabviri. Nemhaka yechinyorwa chavanhu chakareba chokunetsana nokurwa, vakawanda vanogumisa kuti vanhu havazombofa vakaunza rugare rwapasi rose. Mukurangarira nenzira iyi, vakarurama.

Vanhu vanogumisawo kuti Mwari haazombofa akapindira munhau dzamarudzi kana kuti kuunza rugare runogarisa kupasi. Mukurangarira nenzira iyi, havana kururama.

Musiki wedu, Jehovha Mwari, anoitira hanya zvikuru zvinhu zviri kuitika mupasi. MuShoko rake, Bhaibheri, Jehovha anobvunza kuti: “Ko ini ndingatongofarira rufu rwowakaipa here? . . . handizinofarira kudzoka kwake panzira yake, ararame here?” Mwari anopindura zvakasimba kuti: “Nokuti handifariri rufu rwounofa.”—Ezekieri 18:23, 32.

Funga nezvazvo: Kana Musiki wedu ane tsitsi achishuva kuti kunyange vakuru vakaipa vapfidze ndokufarikanya upenyu, chokwadi anoda kuti vana vararame ndokufarikanyawo upenyu! Bva, Mwari wedu ane rudo haazoshiviriri vakaipa kusvika kunguva isingazivikanwi. “Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa,” Shoko raMwari rinopikira kudaro. “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo.”—Pisarema 37:9, 10.

Jesu Kristu, uyo akaratidzira zvakakwana unhu hwaBaba vake vokudenga, aida vana uye akati “ushe hwokudenga ndohwavakadai.” (Mateo 19:14) Kubayirwa kwavana kuvamwari vehondo kunonyangadza vose vari vaviri Jehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu.—Enzanisa naDheuteronomio 18:10, 12.

Chipikirwa chaMwari Chenguva Yemberi Yakajeka

Mwari akabvumidza hondo nokutambura mumazana amakore apfuura kuitira kuti chokwadi chakataurwa nomuporofita Jeremia chigosimbiswa kusvika kunguva isingagumi inouya: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Nokukurumidza, Bhaibheri rinopikira kuti, Jehovha achatsigira uchangamire hwake kupfurikidza noku“gumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika.” (Pisarema 46:9) Uyewo yakafanotaurwa muBhaibheri inguva apo “[vanhu] vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.”—Isaya 2:4.

Chii chichaitika kuavo vakaurawa nehondo? Kune tariro ipi neipi nokuda kwavo here? Jesu akapikira rumuko rwavakafa kupasi risina hondo, achiti: “Nokuti nguva inouya, nayo vose vari mumabwiro . . .vachabuda.” (Johane 5:28, 29) Nenzira yakafanana, muapostora Pauro akataura nechivimbo kuti: “Kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.”—Mabasa 24:15.

Zvipikirwa zvaMwari zvichazadzikwa zvechokwadi. Ane zvose zviri zviviri simba nechido chokuita zvose zvaakaronga. (Isaya 55:11) Apo Jehovha anoti achagumisa hondo, anorevesa. Apo anopikira kumutsira vakafa kuupenyu, achazviita. Ngirozi Gabrieri yakati, “Nokuti hakuna shoko raMwari richashayiwa simba.”—Ruka 1:37.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Apo hondo inenge isisipo, vana vose vachafarikanya upenyu hwakanaka

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe