Unofinhwa Nebasa Rako Here?
SEZVINGABVIRA unoshanda maawa anenge masere pazuva. Iyoyi inguva yakawandisa uye upenyu hwakawandisa kuti zvipedzerwe pakufinhwa! Bva, basa rakawanda muzana remakore rechi20 harifadzi uye rinopa mushandi zvishomanene zvokudada nazvo.
Nokudaro unogona kubatsirwa zvikuru nokuita kuti basa rako rifadze. Unowana mufaro mukuru zvikuru mukushanda, uye unodzidza chakavanzika chokuita kuti basa rako ripi neripi romunguva yemberi rauchaita rifadze zvikuru. Ngationgororei, zvino, dzimwe nzira dzokuzviita nadzo.
Ita Nembavarira
Zvimwe zviremera zvinorumbidza kuti ushande sokunge kuti unorifarikanya. Kana ukaita kudaro, murangariro iwoyo uchavapo zvikuru.
‘Asi handizombofa ndakashanda basa rangu nembavarira!’ ungadavidza kudaro. Basa rako ringabatanidza muitiro wakaoma, wakadai sebasa rokubatanidza zvinhu. Kana kuti kungava kuti washanda pabasa rako kwemakore akawanda kwazvo zvokuti unorangarira kuti hazvibviri kumutsidzira kurifarira. Zvisinei, unyanzvi hwakapfava sokunyemwerera nokumira wakati twi-i hungakubatsira kuti unzwe une mbavarira pamusoro pebasa rako.
Zvingabatsirawo kana ukaisa ngwariro yako yose pane zvauri kuita. Usashanda uchiita sokunge uri kuti, chero ndaita, uye usaite basa rako uchifunga zvokudya zvamasikati, kupera kwevhiki, kana kuti kunyange rimwe basa rinofanira kuitwa. Kuchenjera kazhinji kazhinji kuisa ngwariro yako zvizere pabasa rauri kuita. Mugumisiro wacho? Ungasvika pakufarikanya basa racho, uye ipapo nguva ichaita seiri kumhanya zvikuru.
Izvi ndizvo zvinoitika nenzira yomuzvarirwo apo unozviwana umene wanyura mubasa raunoda chaizvoizvo. Ungakwanisa kunzwa zvakafanana kupfurikidza nokuzvimanikidza kuisa ngwariro yako yakazara pabasa iro kazhinji kazhinji usingafarikanyi kuita.
Ita Unani Hwako
Ita unani hwako. Kuita kudaro kunogona kukubatsira kuwana kugutswa nebasa rako. Chokwadika, zano rakadaro rinopesana nepfungwa yakakurumbira yokuti apo unowana basa risingafadzi, unofanira kuedza kupfuurira uchiisa nhamburiko dukusa inobvira. Asi kuregeredza, kusundira zvinhu mberi, uye kuisa nhamburiko duku kungangokupedza simba ndokuwedzera funganyo nokuneta. Mune zvimwe zvinoitika munhu anouya kumba achibva kubasa achinetseka, achifunganya, uye akaneta angangove ari kutambura nemhaka yokukundikana kushanda nembavarira.
Maererano neBhaibheri, kushanda nesimba pane chimwe chinhu kunotoita kuti maawa asiri ebasa anakidze zvikuru. “Hakune chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu adye, anwe, afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake.” (Muparidzi 2:24) Kuna vamwe, izvi zvinganzwika sokutaura kwechinyakare, asi vamwe vari kushandisa iyi nheyo isingachinjwi nenguva. Vanobvuma kuti, zvirokwazvo, hakuna, “chinhu chinopfuura ichi” kuti vanofanira kufarikanya zvibereko zvokushanda kwavo kwakaoma. Bhuku rinonzi The Joy of Working rinobvuma kuti: “Basa raitwa zvakanaka rinosiya kunzwa kwomukati kwekugutsikana.”
Naizvozvo, ita basa rakanakisisa raunogona, uye zvimwe uchanzwa wava nesimba. Ita zvinopfuura zvinongova zvishomanene uye uchanzwa uchifara zvikuru. Ita mabasa anokosha pakutanga, uye uchafarikanya kudya kwamasikati nekupera kwevhiki kupfuura munhu anozvinetesa nekusundira zvinhu mberi.—Enzanisa naEstere 10:2; VaRoma 12:11; 2 Timotio 2:15.
Panzvimbo pokukwikwidzana nevamwe, edza kuzvivandudza. (VaGaratia 6:4) Isa mipimo mitsva, nevavariro itsva. Vavarira kuita zviri nani. Mumwe mukadzi, ane basa rinobatanidza kusona asonazve iro vamwe vaizorangarira serisinganakidzi zvisina tariro, akaita mutambo wokuzviyera nenguva. Akacherechedza zvaaigona kupedza paawa neawa, uye ipapo akaedza kuzviwedzera. Anofarikanya zvirokwazvo basa rake nemhaka yokuti anoedza kushanda kuti asvike paanogonesesa.—Zvirevo 31:31.
“Shongedza” Basa Rako
Nyanzvi dzezvedzidzo Dennis T. Jaffe naCynthia D. Scott dzakarumbidza kuti: “Funga nezvebasa rako semba isina chinhu. Unopindamo ndokutarisa chimiro nemavakirwo ayo. Ipapo chishuvo chako umene chokugadzira sezvaunoda chinonyanduka. Unoronga nzvimbo yako isina chinhu, woshongedza, uye woita kuti imba yacho ive musha wako. Unoita kuti ive yako kupfurikidza nokuita kuti ive sezvaunoda.”
Mabasa mazhinji unoapiwa ane tsananguro yemitemo nenhungamiro. Kungoita zvinokarirwa kwakafanana nokugara mumba musina chinhu. Hapana kuita kuti ive yako. Asi kana ukawedzera maitiro ako umene, basa rako rinogona kuva rinofadza zvikuru kwazvo. Hapana vanhu vaviri vacha“shongedza” basa zvakafanana. Mumwe hweta achadzidza nomusoro zvinodiwa nevatengi venguva dzose. Mumwe achava ane mutsa neane tsika zvikuru. Vose vari vaviri vanofarikanya basa ravo nemhaka yokuti vanozviisa mubasa ravo.
Ramba Uchidzidza
Imwe nzira yokuwana nayo mufaro pabasa kudzidza. Bhuku rinonzi Tension Turnaround rinotsanangura kuti sezvatinokura, uropi hwedu hunowedzera simba rahwo rokuongorora mashoko. Izvi zvinotsanangura chikonzero nei zvinhu zvaitinakidza munguva yakapfuura zvingava zvava kutifinha zvino. Mhinduro kugutsa kuda kwouropi mashoko matsva kupfurikidza nokudzidza zvinhu zvitsva.
Kudzidza zvakawanda pamusoro pebasa rako pashure penguva yakati kungatungamirira pakupiwa kwako basa rinonakidza zvikuru. Asi kunyange izvozvo zvikasaitika, muitiro wokudzidza pachawo uchaita kuti basa rako rive rinofadza nerinogutsa zvikuru. Vanyori Charles Cameron naSuzanne Elusorr vanoonesa kuti: “Kudzidza hakuwedzeri chivimbo chako bedzi kupfurikidza nokuwedzera mano ako, kunotapurawo murangariro wako wenguva dzose kuupenyu: kuti zvinetso zvinogona kupedzwa, zvakaoma zvinogona kukurirwa, rutyo rwunogona kuderedzwa, uye kuti zvinhu zvakawanda zvinobvira kupfuura zvawaifungidzira.”
‘Asi,’ ungaramba uchiti, ‘Ndakadzidza zvose zviriko zvinofanira kuzivikanwa pamusoro pebasa rangu kare kare!’ Kana zvakadaro, ungagona kudzidza zvinhu zvisina chokuita zvakananga nebasa rako here? Somuenzaniso, ungasarudza kudzidza zvakawanda pamusoro poukama hwevanhu kana kuti pamusoro pezvinhu zvaunoshandisa. Zvimwe unogona kudzidza manyorerwe egwaro remuhofisi riri nani kana kuti kuitisa musangano uri nani. Unogona kudzidza nzira dzinobudirira zvikurusa dzokubata nadzo nevanotarisira.
Uchadzidza sei zvinhu izvi? Kungava kuti kambani yako inogovera kosi idzo unogona kuita. Kana kuti raibhurari ine mabhuku chaiwo aunoda. Asi usafuratira panobva mashoko pasingawanzocherechedzwi. Kuona vanhu vari pabasa nokucherechedza zvavanogona uye zvavasingagoni kungava dzidzo. Unogona kudzidza kubva muzvikanganiso zvako, uye unogona kudzidza kubva mune zvawakabudirirawo, kupfurikidza nekunzvera zvawakagona. Zvaunodzidza muruzivo rwako rwokuzviwanira uye mukucherechedza vamwe zvinogona kukudzidzisa zvausingambofa wakarava mumabhuku kana kuti kunzwa mukirasi.
Zvikarakadzo Zvokupedzisira
Pane mumwe muitiro waunogona kuita nawo basa rako. Ungagona kusarudza kuti unofanira kubatwa zviri nani—kuti vamwe vanowana mikana yose uye kuti iwe hauna kumbopiwa mukana wokuita basa raunoda chaizvoizvo kuita. Ungagona kutaura kasingaperi nevamwe vanobvumirana newe, uye ungapwiswa kuti zvose izvi ndezvechokwadi.
Asi zvingasava zvechokwadi. Vanhu vakawanda vanofarikanya basa ravo vakadzidza kuita kudaro. Munhu anofarikanya kushongedza dzimba angafarikanyawo kutyaira bhazi. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti maitire ake okunakidzwa nebasa racho anomupa mufaro negutsikano.
Naizvozvo zvisunungure pamafungire asina kunaka anoita kuti vhiki rokushanda rive risingafadzi kana roenzaniswa nokupera kwevhiki. Usapedze nguva uchidzokororazve kukundikana kwako kwomunguva yakapfuura, uchifungidzira chichatevera kukanganisika, uye uchinetseka pamusoro pokuti vamwe vanofungei pamusoro pako. Tarisa basa riri pamberi pako. Ripe ngwariro yako yakazara. Edza kunyura mariri sezvawaizoita mumutambo waunofarira zvikuru. Ita nhamburiko yako yakanakisisa, uye wana mufaro mubasa raunoita zvakanakisisa.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 11]
Usaregeredze Basa Rako
Bhaibheri rinoti, pana Zvirevo 27:23, 24: “Shingaira uzive kuti makwai ako akadini; uchengete zvakanaka mapoka ako. Nokuti pfuma haigari nokusingaperi; ko korona inogara kusvikira kumarudzi ose here?” Zvinorevei izvozvo?
Zvinoreva kuti upfumi (pfuma) nenzvimbo dzine mukurumbira (korona), kana zvikatombowanwa, kazhinji kazhinji zvinobvumikisa kuva zvechinguvana. Nokudaro, mufudzi munguva dzeBhaibheri airatidza uchenjeri kana aipa ngwariro yokushingaira pakutarisira makwai ake, ndiko, ‘kuisa mwoyo wake pamapoka ake.’ Sezvinoratidza ndima nhatu dzinotevera, mugumisiro wacho waizova kuva nepfuma kwomushandi nemhuri yake.—Zvirevo 27:25-27.
Zvakadini nanhasi? Vanhu vanowanzoisa mwoyo yavo pakuwana upfumi kana kuti nzvimbo yakakwirira, izvo, vanovimba kuti, zvichavagonesa kusiya mabasa avo azvino. Vamwe vaava vane zvirongwa chaizvoizvo; vamwe vari kungorota. Muchinoitika chimwe nechimwe hakusi kuchenjera kuvenga kana kuti kuregeredza basa rako riripo. Ndiro, uye ringapfuurira kuva, pakavimbika zvikurusa panobva mari. Kuchenjera zvikurusa kuti munhu aise mwoyo wake pa“mapoka” ake, achipa ngwariro yakazara kunzvimbo yake yebasa yakavimbika. Kuita kwake kudaro kungangoguma nekuva nepfuma yazvino neyomunguva yemberi.