RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 2/8 pp. 20-24
  • Kudzidzira Kurega Vachienda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidzira Kurega Vachienda
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzidzisa Vana Kuva Vakavimbika
  • Kururamisa Kworudo
  • Dzidzo Youpenyu
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Dzidzisai Vana Venyu Kuda Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Kuvaka Mhuri Yakasimba Mumudzimu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 2/8 pp. 20-24

Kudzidzira Kurega Vachienda

“SEMISEVE muruoko rwemhare, ndizvo zvakaita vana voujaya,” akanyora kudaro wezvamapisarema weBhaibheri. (Pisarema 127:4) Museve hausviki pachipfuro chawo netsaona. Unofanira kunyatsonangwa. Nenzira yakafanana, vana vangasasvika pakuva vakuru vakavimbika pasina nhungamiro yevabereki. “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo,” rinorayira kudaro Bhaibheri, uye “ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.”—Zvirevo 22:6.

Kuchinja kubva pakuva anotsamira muuduku kuenda pakuzvimiririra muukuru hakugoni kuitwa muusiku humwe chete. Naizvozvo ndirini apo vabereki vanofanira kutanga kurovedza vana vavo kuti vazvimiririre? Muapostora Pauro akayeuchidza murume muduku ainzi Timotio kuti: “Kubvira paucheche hwako wakaziva Manyoro Matsvene anogona kukupa uchenjeri hunoisa kukuponeswa nokutenda kuri muna Kristu Jesu.” (2 Timotio 3:15) Fungidzira, amai vaTimotio vakatanga kumupa rovedzo yomudzimu apo akanga achiri mucheche!

Zvino, kana twucheche twuchigona kubatsirwa nerovedzo yomudzimu, hazvina mufungo here kuti vana vanofanira kupiwa rovedzo yokuva vakuru nokukurumidza sezvinobvira? Imwe nzira yokuita nayo kudaro ndeyokuvadzidzisa kuva vakavimbika, vanoita zvisarudzo zvavo vamene.

Kudzidzisa Vana Kuva Vakavimbika

Unogona sei kukurudzira vana vako kuva vakavimbika? Vaviri vakaroorana Jack naNora vakayeuka pamusoro pomwanasikana wavo kuti: “Apo akanga asati agona kunyatsofamba, akadzidzira kuendesa masokisi kana kuti zvinhu zviduku kukamuri rake rokurara ndokuzviisa mudhirowa rakakodzera. Akadzidzirawo kurongedza zvinhu zvokutambisa uye mabhuku munzvimbo mawo.” Aya mavambo maduku, asi nechekare mwana akanga achidzidzira kuita zvisarudzo zvine mufungo.

Sezvo mwana anokura, zvichida anogona kupiwa mitoro inoti remei. Abra naAnita nokudaro vakabvumira mwanasikana wavo kuva nembwa yokutamba nayo. Muduku akava nomutoro wokutarisira imbwa yacho uye kunyange kupa mari pane yaaiwana nokuda kwokuchengetwa kwayo. Kurovedza vana kuti vaite mitoro yavo kunoda kushivirira. Asi kunokosha uye kunobatsira pakukura kwemirangariro yavo.

Mabasa omumba anogovera mumwe mukana wokudzidzisa vana kuva vakavimbika. Vamwe vabereki vanotorega vana vavo vasingaiti mabasa emhuri, vachirangarira kubatanidzwa kwavo sokunonyangadza pane kubatsira. Vamwe vanorangarira kuti vana vavo ‘vanofanira kurarama zviri nani kupfuura zvavakaita vari vana.’ Uku kukanganisa kufunga. Magwaro anoti: “Kana munhu achitunhidza muranda wake kubva pauduku, muupenyu hwake hwapashure achatova asingaongi.” (Zvirevo 29:21, NW) Nheyo yorugwaro urwu inoshanda zvirokwazvo kuvana. Zvinosuruvarisa apo pwere inopinda muukuru kwete i“singaongi” bedzi asiwo isingakwanisi kuita kunyange mabasa akapfava zvikurusa omumba.

Pwere munguva dzeBhaibheri dzaiwanzopiwa mabasa omumba okuita. Somuenzaniso, pazera duku remakore 17, Josefa muduku akagoverana mukutarisira makwai emhuri. (Genesi 37:2) Iri rakanga risiri basa duku, sezvo makwai ababa vake akanga akawanda zvikurusa. (Genesi 32:13-15) Tichiziva kuti Josefa akakura kuva mutungamiriri ane simba, hazvina kuoma kudavira kuti rovedzo iyi yapakuvamba yakaita zvakawanda kuumba unhu hwake munzira yakanaka. Mambo wemunguva yemberi waIsraeri Dhavhidhi nenzira yakafanana sepwere akapiwa basa rokutarisira makwai emhuri yake.—1 Samueri 16:11.

Chidzidzoi nokuda kwevabereki nhasi? Ipai vana venyu mabasa omumba ane mufungo. Nenguva, nhamburiko, uye shiviriro, unogona kudzidzisa vaduku kugoverana mukuchenesa, kubika, kugadzira chivanze, uye kugadzira musha nemotokari. Chokwadi, zvakawanda zvinotsamira pazera nokukwanisa kwomwana. Asi kunyange vana vaduku vanogona kazhinji kazhinji kugoverana muku‘betsera Baba kugadzira motokari’ kana kuti muku‘batsira Mhamha kubika zvokudya.’

Kudzidzisa mabasa omumba kunodawo kuti vabereki vape vana vavo chipo chinokosha zvikurusa—nguva yavo. Vamwe varoorani vaviri, vabereki vevaviri, vakabvunzwa chakavanzika chokurovedza vana kunobudirira. Vakapindura kuti: “Nguva, nguva, nguva!”

Kururamisa Kworudo

Apo vana vanoita mabasa avo zvakanaka, kana kuti pavanongoitawo nhamburiko yokuita kudaro, vakurudzire nokukurumidza kakawanda uye zvepachokwadi! (Enzanisa naMateo 25:21.) Chokwadika, kashoma kuti vana vaite mabasa sevakuru. Uye apo vana vanobvumidzwa kuita zvisarudzo zvavo vamene, kazhinji kazhinji vachaita mhosho. Asi ngwarira kunyanyotsoropodza! Hauna kuitawo zvikanganiso zvako umene zvakakwana somukuru here? Naizvozvo wadii kuratidza kushivirira apo mwana wako anokanganisa? (Enzanisa nePisarema 103:13.) Bvumira zvikanganiso. Zvirangarire sorutivi rwomuitiro wokudzidza.

Vanyori Michael Schulman naEva Mekler vanoti: “Vana vanobatwa nenzira youshamwari havatyi kuti vacharangwa nokuda kwokuita chiito chokuzvifungira.” Zvisinei, “vana vevabereki vasina hanya kana kuti vane hasha vanotya kuita chinenge chiito chipi nechipi chokungozvifungira, kubatanidza zvinobatsira, nemhaka yokuti vanotya kuti vabereki vavo vachawana mhaka mune zvavaita ndokuvatsoropodza kana kuti kuvaranga.” Tsinhiro iyi inowirirana nenyevero yeBhaibheri kuvabereki: “Regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.” (VaKorose 3:21) Naizvozvo apo nhamburiko dzomwana dzinotadza kusvitsa zvinokarirwa, wadii kumurumbidza nokuda kwekungoedzawo? Mukurudzire kuita zviri nani nguva inotevera. Ita kuti azive kuti kufambira mberi kwake kunoparira mufaro kwauri. Muite kuti azive kuti unomuda.

Chokwadika, pane dzimwe nguva kururamisa kuri madikanwa. Izvi zvingaoneka zvikurukuru mukati memakore okuyaruka, apo vanhu vaduku vanobatwa mukurwira kuzivikanwa, kuti vagamuchirwe sevanhu vane kodzero dzavo. Vabereki nokudaro vanoita nokuchenjera kurangarira nenzwisiso kuedza kwakadaro kwokuwana kuzvimiririra panzvimbo pokukuona nguva dzose sokupandukira.

Chokwadi, vaduku vanowanzoita nechimbichimbi kana kuti kutera ku“kuchiva kwoujaya.” (2 Timotio 2:22) Naizvozvo kukundikana kuisa ganhuriro pamaitiro oupwere kunogona kukuvadza mwana mundangariro; achakundikana kudzidzira kuzvidzora nokuzviranga. Bhaibheri rinonyevera kuti: “Mwana wangoregwa hake unonyadzisa mai vake.” (Zvirevo 29:15) Asi kuranga kwakafanira, kunopiwa norudo, kunobatsira uye kunogadzirira pwere nokuda kwezvinodikanwa nedzvinyiriro dzoukuru. Bhaibheri rinorayira kuti: “Unorega shamhu unovenga mwanakomana wake; asi unomuda, unomuranga zvakanaka.” (Zvirevo 13:24) Yeuka, kunyange zvakadaro, kuti donzo rokuranga nderokudzidzisa nokurovedza—kwete kurwadzisa. “Shamhu” pano sezvingabvira inonongedzera kutsvimbo yaishandiswa nevafudzi kutungamirira makwai avo. (Pisarema 23:4) Chiratidzo chokutungamirira kworudo—kwete utsinye hwakakasharara.

Dzidzo Youpenyu

Kutungamirira kwevabereki zvikurukuru kunodikanwa apo tinouya kudzidzo yomwana. Itira hanya dzidzo yomwana wako. Mubatsire kusarudza makosi echikoro akakodzera uye kuita zvisarudzo zvine mufungo pamusoro pokuti dzidzo yokuwedzera ipi neipi ichadikanwa here.a

Chokwadika, dzidzo inokosha zvikurusa idzidzo yomudzimu. (Isaya 54:13) Vana vachada mavara aMwari kuti vararame munyika yevakuru. “Masimba [avo] okunzwisisa” anofanira kurovedzwa. (VaHebheru 5:14, NW) Vabereki vanogona kuita zvakawanda kuvabatsira munhau iyi. Mhuri dziri pakati peZvapupu zvaJehovha dzinokurudzirwa kuva nefundo yenguva dzose yeBhaibheri nevana vadzo. Vachitevera muenzaniso wamai vaTimotio, avo vakamudzidzisa Magwaro kubva paucheche, vabereki vari Zvapupu nenzira yakafanana vanodzidzisa vana vavo vaduku.

Mubereki asina mukwanyina Barbara anoita kuti fundo yemhuri yeBhaibheri ive chinoitika chinofadza zvikurusa nokuda kwevana vake. “Manheru iwayo ndinova nechokwadi chokuti ndinopa vana zvokudya zvakaisvonaka, zvakakwana pamwe chete nomuseredzero wavanofarira. Ndinoridza matepi eKingdom Melodies kugadzirira mamiriro ezvinhu akakodzera. Ipapo, pashure pokuzarura nomunyengetero, tinowanzofunda magazini yeNharireyomurindi. Asi kana pane chinodikanwa chaicho, ndinogona kushandisa zvinyorwa zvakadai saMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda.”b Maererano naBarbara, kufunda Bhaibheri kunobatsira vana vake “kuona marangarire anoita Jehovha zvinhu.”

Hungu, hapana chipo chikuru chinogona kupiwa mwana chinopfuura zivo uye nzwisiso yeShoko raMwari, Bhaibheri. Inogona kupa “vasina mano kungwara, jaya zivo nokuchenjera.” (Zvirevo 1:4) Nokudaro akagadzirira, munhu muduku anopinda muukuru achikwanisa kutarisana nedzvinyiriro itsva nemamiriro ezvinhu.

Kunyange zvakadaro, kubva kwevana kunoparira chinjo huru mumararamire evabereki vakawanda zvikurusa. Kuti vanogona sei kubata nokubudirira nomusha usina vana kuchakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nhevedzano yenyaya dzinoti “Parents—You Have Homework Too!” iri muchinyorwa chaSeptember 8, 1988, cheMukai! yechiNgezi.

b Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 22]

“Vana vane vabereki vasina hanya kana kuti vane hasha vanotya kuita chinenge chiito chipi nechipi chokungozvifungira, kubatanidza zvinobatsira, nemhaka yokuti vanotya kuti vabereki vavo vachawana mhaka mune zvavaita ndokutsoropodza kana kuti kuvaranga.”—Bringing Up a Moral Child, rakanyorwa naMichael Schulman naEva Mekler

[Bhokisi riri papeji 22]

Vabereki Vasina Vakwanyina—Denho Yokurega Vachienda

Mubereki asina mukwanyina anonzi Rebecca anoti: “Zvakaomera zvikuru vabereki vasina vakwanyina kuti varege vana vavo vachienda. Kana tikasazvingwarira, tinonyanyovachengera ndokuvadzipa.” Bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri,* mapeji 106-7, rinogovera cherechedzo idzi dzinobetsera:

“Ndekwomuzvarirwo kuti vabereki vasina vakwanyina vave pedyo zvikuru navana vavo, bva ngwariro inofanira kushandiswa yokuti miganhu yakagoverwa naMwari pakati pavabereki navana haipunziki. Somuenzaniso, zvinetso zvakakomba zvinogona kumuka kana amai vasina mukwanyina vachikarira mwanakomana wavo kuita mabasa omurume wemba kana kuti kubata mwanasikana wavo sowokuvimba naye, vachiremedza musikana wacho nezvinetso zvakavanzika. Kuita saizvozvo hakuna kufanira, kunodzvinyirira, uye zvichida kunovhiringidza kumwana.

“Vimbisa vana vako kuti iwe, somubereki, uchavatarisira—kwete zvakapesana. (Enzanisa na2 VaKorinte 12:14.) Padzimwe nguva, ungada zano kana kuti tsigiro. Ritsvake kuvakuru vechiKristu kana kuti zvichida kuvakadzi vechiKristu vakakura mumudzimu, kwete kuvana vako vaduku.—Tito 2:3.”

Apo vabereki vasina vakwanyina vanogadza ganhuriro dzakafanira uye vanochengetedza ukama hwakanaka nevana vavo, zvinowanzovaitira nyore kuvarega vachienda.

* Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mifananidzo iri papeji 23]

Kurovedza kunoshanda kunogona kubatsira vana kuva vakuru vakavimbika zvikuru

[Mifananidzo iri papeji 24]

Fundo yemhuri yeBhaibheri inogona kupa vana uchenjeri hunodikanwa kubata noupenyu hwomukuru

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe