RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 12/8 pp. 18-20
  • Nei Ndichifanira Kugara Ndisina Vabereki Vangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Ndichifanira Kugara Ndisina Vabereki Vangu?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Haisi Mhaka Yako
  • Zvakaitika Zvinotambudza
  • Kubatsirwa
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Vaduku—Munobaya Mwoyo Yevabereki Venyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Vabereki—Batsirai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Kukudza Vabereki Vedu Vakwegura
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 12/8 pp. 18-20

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Nei Ndichifanira Kugara Ndisina Vabereki Vangu?

“Upenyu hwakanga hwakadini ndisina vabereki vangu? Ndingangoti hwaisuruvarisa nemhaka yezvikonzero zvakawanda. Zvakaoma chaizvo kukura pasina kudiwa nevabereki vako.”—Joaquín.

“Chinetso chikuru chandakaona aiva mazuva ayo vabereki vaifanira kuuya kuzosaina kadhi remaripoti echikoro. Ndainzwa ndasuwa uye ndasurikirwa kwazvo. Ndichiri kunzwa saizvozvo dzimwe nguva.”—Abelina ane makore 16.

INJODZI yemunguva yedu—mamiriyoni evaduku ari kukura asina vabereki. MuEastern Europe zviuru zvava nherera nemhaka yehondo. MuAfrica denda reAIDS raparadza zvakafanana. Vamwe vana vakangosiyiwa nevabereki vavo. Mhuri dzaparadzaniswa nemhaka yehondo kana kuti njodzi isingakonzerwi nomunhu.

Zvinhu zvakaita seizvi zvaivapowo kunyange munguva dzeBhaibheri. Somuenzaniso, nhamo yenherera inodudzwa yadudzwazve muMagwaro. (Pisarema 94:6; Maraki 3:5) Kareko hondo nedzimwe nhamo zvaiparadzanisawo mhuri. Nokudaro Bhaibheri rinotaura nezvekasikana kakaparadzaniswa nevabereki vako pakakatorwa nevarwi vanopamba veSiria.—2 Madzimambo 5:2.

Zvichida uri mumwe wemamiriyoni epwere anozviwanawo asina vabereki. Kana zvakadaro, unonyatsoziva matambudzire anoita zvinhu zvakadaro. Nei izvi zvakaitika kwauri?

Haisi Mhaka Yako

Unombonetseka kuti pamwe Mwari ari kukuranga here? Kana kuti zvimwe unonzwa uchitsamwira vabereki vako kuti vakafirei—sezvinonzi vakazviita noune. Chokutanga, ziva kuti Mwari haana kukutsamwira. Uyewo vabereki vako havana kusarudza noune kukusiya. Rufu mugumo unosuruvarisa wevanhu vasina kukwana, uye dzimwe nguva runosvikira vabereki vana vavo vachiri vaduku. (VaRoma 5:12; 6:23) Zviri pachena kuti, Jesu Kristu pachake akafirwa nababa vake vokurera, Josefa.a Chokwadi yaisava mhaka yechivi chipi nechipi chakaitwa naJesu.

Zivawo kuti, tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timotio 3:1-5, NW) Chisimba, hondo, uye utsotsi zvakauraya nokusasarura mamiriyoni evanhu muzana rino remakore. Vamwe vakauraiwa “nenguva nezvinoitika,” zvinowira munhu wose. (Muparidzi 9:11) Hazvinei kuti rufu rwevabereki vako rungarwadza zvakadini, yaisava mhaka yako. Panzvimbo pokuzvirwadzisa nokuzvipa mhaka kana kuti kugara uchingochema, nyaradzwa nechipikirwa chaMwari chorumuko.b Jesu akafanotaura kuti: “Musashamiswa naizvozvo; nokuti nguva inouya, nayo vose vari mumahwiro vachanzwa inzwi rake, vachabuda.” (Johane 5:28, 29) Abelina, ambodudzwa pakutanga, anoti: “Kuda kwangu Jehovha netariro yerumuko zvakandibatsira kwazvo.”

Kunyange zvakadaro, zvakadini kana vabereki vako vachiri vapenyu asi vakakusiya? Bhaibheri rinorayira vabereki kurera nokupa vana vavo zvavanoda. (VaEfeso 6:4; 1 Timotio 5:8) Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti vamwe vabereki havana havo kana kumboratidzira vana vavo “rudo chairwo.” (2 Timotio 3:3) Kuna vamwe, kuvasiya ndizvo zvinopedzisira zvaitika urombo hukanyanyisa, kushandisa zvinhu zvinodhaka zvisina kufanira, kuiswa mujeri, kana kuti kuraradza. Zvinobvumwa kuti, kune vabereki vanosiya vana vavo nemhaka bedzi youdyire. Chero chingava chikonzero, kuparadzaniswa nemubereki kunorwadza. Asi hazvirevi kuti pane chimwe chinhu chakaipa pauri kana kuti unofanira kuzvitambudza nekuzvipa mhaka. Chaizvoizvo, vabereki vako ndivo vanofanira kuzvidavirira kuna Mwari pamusoro pemabatire avakakuita. (VaRoma 14:12) Chokwadika, kana vabereki vako vakamanikidzwa kuparadzana newe nemhaka yezvinhu zvavasingagoni kuchinja, zvakadai senjodzi isingakonzerwi nomunhu kana kuti kurwara, saka hapana ane mhaka! Pane tariro yokubatanidzwazve, kunyange zvazvo tariro iyoyo ichiita seisingabviri pane dzimwe nguva.—Enzanisa naGenesi 46:29-31.

Zvakaitika Zvinotambudza

Iye zvino, ungatarisana nezvinetso zvinoverengeka zvakakomba. Kunzvera kwakaitwa neUnited Nations Children’s Fund, kunodanwa kunzi Children in War, kunoratidza kuti: “Vana vasina vabereki ndivo vana vari mungozi zvikurusa . . . ndivo vanosangana nezvinhu zvakaipisisa pakurarama, vanoshaya anotsigira pakukura kwavo uye vanobatwa zvisina kufanira. Kuparadzaniswa nevabereki kunogona kuva kurasikirwa kunotambudza zvikurusa kwemwana.” Pamwe unozviwana uchirwa nekunzwa kwekuora mwoyo uye kunetseka mupfungwa.

Yeuka Joaquín, ambodudzwa pamavambo. Vabereki vake vakaparadzana uye ndokumusiya pamwe nevakoma nehanzvadzi dzake huru. Aingova negore bedzi panguva iyoyo uye akarerwa nehanzvadzi dzake huru. Anotsanangura kuti: “Ndaiwanzobvunza kuti nei takanga tisina vabereki sezvakanga zvakaita shamwari dzangu. Uye pandaiona baba vachitamba nemwanakomana wavo, ndaitsumba kuti kudai vaiva baba vangu.”

Kubatsirwa

Hazvinei kuti kurerwa usina vabereki kungaoma sei, hazvirevi kuti uchakundikana. Nekubatsirwa nekutsigirwa, haungopukunyuki bedzi asi unogona kubudirira. Izvi zvingaratidzika sezvakaoma kudavira, kunyanyanya kana une marwadzo okusuruvara akakomba nekugara uchichema. Ziva, zvisinei, kuti kunzwa kwakadaro ndekwemuzvarirwo uye kuti hakuzokutambudzi nokusingaperi. Pana Muparidzi 7:2, 3, tinorava kuti: “Zviri nani kuenda kuimba yokuchema, pakuenda kuimba yomutambo . . Kuchema kunopfuura kuseka, nokuti mwoyo unofadzwa nokupunyaira kwechiso.” Hongu, kuchema nokusuwa ndezvemuzvarirwo uye zvakanaka apo nhamo yakakomba inoitika. Ungazviwanawo zvichibatsira kuvimba neshamwari inonzwisisa kana kuti mutezo weungano wakakura mumudzimu uye kutaura nezvemarwadzo auri kunzwa.

Chokwadi, ungaedzwa kuda kugara uri woga. Asi Zvirevo 18:1 inonyevera kuti: “Unozviparadzanisa navamwe, unongotsvaka kuda kwake, unorwa nouchenjeri hwose kwahwo. Zviri nani kubatsirwa nemumwe munhu ane mutsa uye anonzwisisa. Zvirevo 12:25 inotaura kuti: “Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza; asi shoko nyoro rinoufadza.” Unogona kuwana “shoko nyoro” bedzi kana ukataurira mumwe munhu nezve“kutambudzika pamwoyo” kwako.

Ndiani waungataura naye? Edza kubatsirwa neungano yechiKristu. Jesu anovimbisa kuti ikoko unogona kuwana “vanun’una, nehanzvadzi, namadzimai” avo vachava nehanya newe. (Marko 10:30) Joaquín anoyeuka kuti: “Kushamwaridzana nehama dzechiKristu kwakaita kuti ndione upenyu nenzira yakasiyana. Kupinda misangano nguva dzose kwakaita kuti ndide Jehovha kupfuura zvandaimboita uye kuti ndide kumubatira. Hama dzakakura mumudzimu dzakabatsira mhuri yangu mumudzimu uye dzakaipa zano. Nhasi, vamwe vakoma vangu vashumiri venguva yakazara.”

Yeukawo, kuti Jehovha ndi“Baba venherera.” (Pisarema 68:5, 6) Kare munguva dzeBhaibheri, Mwari akakurudzira vanhu vake kubata nherera netsitsi nokururamisira. (Dheuteronomio 24:19; Zvirevo 23:10, 11) Uye ane hanya zvakafanana nepwere dzisina vabereki nhasi. Saka nyengetera kuna Mwari, une chokwadi chokuti ane hanya newe uye kuti achakupindura. Mambo Dhavhidhi akanyora kuti: “Nokuti baba vangu namai vangu vakandirasha, asi Jehovha uchandigamuchira. Rindira Jehovha; iva nesimba, nomwoyo wako utsunge.”—Pisarema 27:10, 14.

Kunyange zvakadaro, pwere isina vabereki inotarisana nezvinetso zvakaoma zuva nezuva. Uchagara kupi? Uchararama sei mune zvemari? Nyaya ichabuda munguva yemberi ichakurukura kuti zvimwe zvezvinetso izvi zvakaoma zvinogona kubatwa nazvo sei nokubudirira.

[Mashoko Omuzasi]

a Asati afa, Jesu akaronzesa mudzidzi wake Johane basa rokutarisira mai vake, chinhu chingadai chisina kumboitika kudai baba vake vokurera, Josefa, vakanga vachiri vapenyu.—Johane 19:25-27.

b Kuti uwane mashoko pamusoro pekubata nerufu rwomubereki, ona nyaya dze“Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . ” dziri muchinyorwa chaSeptember 8, 1994, cheMukai!

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]

“Kuda kwangu Jehovha netariro yerumuko zvakandibatsira kwazvo”

[Mufananidzo uri papeji 19]

Dzimwe nguva unganzwa wakwana nokusurikirwa

[Mufananidzo uri papeji 20]

Muungano mune shamwari dzinogona kukubatsira nokukukurudzira

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe