Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kudanana Nomunhu Ari Kure?
“Ndakanga ndichangobva kuperekedza rimwe boka renhume dzaipinda kokorodzano yemarudzi akawanda yeZvapupu zvaJehovha kuhotera yavo. Ndakanga ndoda kuenda kumba, asi rimwe boka rakasvika pandaiva. Saka ndakamira kuti tikurukure, ndipo pandakasangana naOdette. Takazosangana zvakare mukati mevhiki yacho. Takaronga kunyorerana tsamba, uye pashure pemakore akawanda okuzivana netsamba, takatanga kudanana.”—Tony.
NYIKA yazova nzvimbo duku. Makore makumi mashomanana achangobva kupfuura kutanga kufamba nendege kusingadhuri, nhare dzakabatanidzwa dzepasi rose, kutumirwa kwetsamba kunokurumidza, uye Internet zvakavhurira mikana mitsva mune zverudo. Uye munzira dzakawanda pfungwa yokudanana nomunhu ari kure nemazana kana zviuru zvemakiromita ingaratidzika seinofadza—zvikurukuru kana mikana yokuroora kana kuroorwa kumusha ichiratidzika kuva mishoma.
Kuvamwe vanodanana, kudanana nomunhu ari kure kwakava chikomborero. “Tave takaroorana tichifara kwemakore 16,” anodaro Tony. Vamwe vangatotaura kuti kudanana nomunhu ari kure kunobetsera vanodanana kuzivana zvakanaka pasina kubatwa kumeso nesimba rechitarisiko chokunze. Zvisinei, pasinei zvapo nezvakwakanakira, kudanana nomunhu ari kure kune zvinetso zvakwo kwoga.
Kusvika Pakuzivana
Zvakanaka kuziva zvakawanda sezvaunogona pamusoro pemumwe munhu wauri kufunga kuroorana naye. Zvisinei, sezvinotaurwa nomurume akaroora anonzi Frank kubva mune zvakaitika kwaari, anoti: “hazvisi nyore kusvika pakuziva munhu wacho chaiye, ‘munhu wakavanzika womwoyo.’” (1 Petro 3:4) Doug, mumwe muKristu akafambidzana nomunhu aiva kure, anobvuma kuti: “Ndichitarira shure, ndinoona kuti taisazivana zvakanaka.”
Chaizvoizvo zviri nyore kusvika pakuziva mumwe munhu anogara kure nemazana kana zviuru zvamakiromita here? Hungu, asi zvingada nhamburiko inopfuura yaunowanzoita. “Taiva tisina mari yerunhare, nokudaro tainyorerana tsamba kamwe chete pavhiki,” anodaro Doug. Zvisinei Joanne naFrank, vakawana kunyorerana tsamba kusingagutsi. “Tainyorerana tsamba pakutanga ndokuedza runhare gare gare,” anodaro Joanne. “Ipapo Frank akanditumira tepi rekodha duku. Taitepa tepi itsva vhiki imwe neimwe.”
Kuvimbika, Ndiyo Chete Nzira
Pasinei zvapo nenzira yekurukurirano yaunoshandisa, zvinokosha kuva akavimbika. “Kana ukanyepa, zvichabuda pachena gare gare ndokuvhiringidza ukama hwacho,” anodaro mumwe mudzimai wechiKristu anonzi Ester. “Iva akatendeseka kune mumwe wako. Iva akatendeseka pachako. Kana pane chimwe chinhu chausingabvumirani nacho, usachirega chichipfuura. Chikurukurei.” Muapostora Pauro anopa zano rakanaka rinoti: “Mutaure zvokwadi, mumwe nemumwe kune wokwake.”—VaEfeso 4:25; enzanisa naVaHebheru 13:18.
Ndedzipi dzimwe nhau dzamunofanira kuva nechokwadi chokukurukura? Vose vanodanana vanofanira kukurukura nhau dzakadai senharidzano, vana, nhau dzemari, uye utano. Zvisinei, pane nhau dzingada kunyanya kuitirwa hanya. Somuenzaniso, zvichida mumwe kana kuti mose munofanira kutama apo munoroorana. Mupfungwa dzako uye namanzwire aunoita, unoda kudaro here? Unozviziva sei? Wakambotama kana kuva kure nemhuri yako kwenguva refu here? Aizova murume waJoanne aida kuti vose vashande savazvipiri padzimbahwe reWatch Tower Society, vabudisi vemagazini ino. “Akandibvunza kana ndaigona kugara mukamuri duku, nemari shoma,” anoyeuka kudaro Joanne. “Taifanira kunyatsozvikurukura.”
Kana uchidanana nemumwe munhu wekune imwe nyika, unoda kuchinjira kune imwe tsika here? “Munotofadzwa netsika dzemumwe nemumwe wenyu dzezuva nezuva here?” anobvunza kudaro Frank. “Kurukurai idzi nhau huru pakutanga-tanga mukudanana kwenyu. Kana ukakurumidza kuziva, zvichava nani—usati wanyanya kumupa mwoyo wako kana kupedza mari yako.” Hungu, kurarama zuva nezuva uri mutsika yokumwe zvakasiyana nokuva mushanyi anoona nzvimbo kwemazuva mashomanana. Uchada kudzidza mumwe mutauro here? Uchagona kuchinja kuti uwirirane nemararamire akasiyana zvikuru kwazvo here? Uyewo, zvingava here kuti unofadzwa netsika yacho uye zvichida uchifadzwa zvishoma nemunhu wacho? Kufadzwa kwakadaro kungangopera mukufamba kwenguva. Asi roorano inobatanidza vanhu vaviri pamwe chete zvechigarire.—Mateo 19:6.
Tony anotsanangura kuti: “Mumwe musikana wandinoziva anobva kune rumwe rutivi rwenyika akaroorwa nemumwe munhu anobva kuCaribbean. Asi akawana upenyu hwepachitsuwa hwakaoma. Paipisa nguva dzose, saka akarwara. Zvokudya zvakanga zvakasiyana, uye aigarofunga vekumhuri yake. Naizvozvo vakaedza kugara munyika yokumusha kwake. Asi akanzwa sokunge kuti mararamire oupenyu hwemo akanga ari okunyanyoda zvinhu zvenyika, uye aigarofunga ukama hwapedyo hwemhuri yake nevavakidzani. Zvino vakaparadzana; murume ari kugara munyika yokumusha kwake, uyuwo mukadzi kune yekwake. Vana vavo vaviri vanorasikirwa nerudo nekutarisira kwavabereki vavo.”
Kuroora mumwe munhu anobva kure, zvichida weimwe tsika, kunopa zvimwe zvinetso. Wakagadzirira kushandisa mari yokuwedzera pakufamba uye pakukurukurirana here? Lydia anoyeuka kuti: “Phil aiwanzoita majee kuti tinofanira kuroorana nokuti mabhiri ake erunhare akanga akakwira kwazvo, asi zvino tinofanira kubhadhara mari yokuridzira kwandinoita amai vangu runhare!” Zvakadini kana mukava nevana? Vamwe vanokura vachiziva zvishoma nezvehama dzavo, vasingagoni kunyange kukurukura nadzo parunhare nemhaka yokusiyana kwemutauro! Izvi hazvirevi kuti zvinetso zvakadaro hazvigoni kukurirwa. Asi munhu anofanira kuziva zvinodikanwa pakuva neroorano yakadaro.—Enzanisa naRuka 14:28.
Ko Iye Murume (Kana Kuti Mukadzi) Akadini?
Ungaziva sei kana shamwari yako yakasununguka uye iri yechokwadi? “Muti mumwe nomumwe wakanaka unobereka zvibereko zvakanaka,” panodaro pana Mateo 7:17. Naizvozvo mabasa ake akadini? Zviito zvake zvinotsigira zvaanotaura here? Upenyu hwake hwekare hunotsigira nharidzano dzake dzaanotaura here? “Zvinhu zvatakatanga kuziva pamusoro pomumwe nemumwe zvaiva nharidzano dzedu dzemudzimu,” anotsanangura kudaro Ester. “Akanga ashanda semuevhangeri wenguva yakazara kwemakore masere, uye izvozvo zvakandipa chivimbo chokuti aitaura chokwadi kuti aida kupfuurira.”
Asi ngatitii mumwe munhu wauri kudanana naye anoita seasiri kubatika. Usangorega nhau yacho uchitarisira zvakanaka chete. Muongorore zvakanyanya! Bvunza kuti NEI? Chirevo chinoti: “Mano mumwoyo womunhu angaita semvura yakadzika; asi munhu wenjere uchaichera.” (Zvirevo 20:5) “Usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake,” chinonyevera kudaro chimwe chirevo.—Zvirevo 14:15.
Makatarisana Chiso neChiso
Zvisinei, unogona kudzidza zvishomanana nezvemunhu iyeye netsamba kana runhare. Nenzira inofadza, muapostora Johane akanyora tsamba dzakawanda kuhama dzake dzechiKristu. Kunyange zvazvo idzi tsamba dzakaita zvakawanda kusimbisa chisungo choukama hwavo, Johane akati: “Kunyange ndine zvizhinji zvandaida kukunyorerai, handidi kunyora ne[tsamba] neingi; asi ndinotarira kuti ndichauya kwamuri, tigotaurirana nemuromo.” (2 Johane 12) Saizvozvowo, hapana chinopfuura kupedzera nguva yakawanda pamwe chete. Zvingatoshanda kuti mumwe wenyu ambotama kuitira kuti muve pedyo nemumwe nemumwe. Izvi zvichabetserawo uyo ari kutama kurovedzana nemamiriro ekunze uye mararamiro ekungangozova kumusha kwake kutsva.
Munogona sei kushandisa zvakanaka nguva yamunenge muri mose? Itai zvinhu zvinoburitsa unhu hwenyu pachena. Dzidzai Shoko raMwari pamwe chete. Cherekedzanai apo mumwe anotsinhira pamisangano yeungano uye muushumiri. Itai mabasa apamba pamwe chete, akadai sekuchenesa uye kutenga. Kuona maitire anoita mumwe panguva dzakaoma nepurogiramu yakabatikana kunogona kuita kuti munzwisisane.a
Nguva inofanirawo kupedzerwa neavo vanotarisirwa kuzova vanatezvara kana kuti vanaambuya. Edza kuva neukama hwakanaka navo. Nokuti kana imi vaviri mukaroorana, vachazova mhuri yenyu. Unovaziva here? Munowirirana here? Joanne anopa zano rokuti: “Kana zvichibvira, zvakanaka kuti mhuri dzose dziri mbiri dzionane.” Tony anopfuurira kuti: “Mabatire anoita shamwari yako mhuri yake ndiwo mabatire aachakuita.”
Pasinei zvapo nokuti mungave muchironga zverudo muchionana kana kuti nerunhare uyewo netsamba, regai kuita zvisarudzo zvokukurumidzira. (Zvirevo 21:5) Kana zvava pachena kuti kuroorana kwenyu imi vaviri hakuchabudiriri, ipapo ingava nzira yokuchenjera kukurukura nhau yokugumisa kudanana kwacho. (Zvirevo 22:3) Asiwo, zvingangova kuti nguva yakawanda inodikanwa yekukurukurirana nemwoyo wose.
Kudanana nemunhu ari kure kunogona kuva kwakaoma, asi kunogonawo kupa mubayiro. Kunyange zvakadaro, inhau inoda kufungisisa. Zvipe nguva. Svikai pakuzivana imi pachenyu. Ipapo, kana wasarudza kuroora kana kuroorwa, nguva yenyu yokudanana ichava imwe yenguva yamuchakoshesa, kwete yokuzozvidemba.
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uchida kuziva zvakawanda nezvekudanana, ona bhuku rinonzi: Vechiduku Vanobvunza Kuti—Mhinduro Dzinoshanda, mapeji 255-60, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 22]
Ivai nechokwadi chokukurukura nhau dzakadai senharidzano, vana, uye nhau dzemari zvikurukuru pakutanga-tanga pekudanana kwenyu