Zvinotaura Bhaibheri
Kubatana Pachitendero Kwevakaroorana—Nei Kuchikosha
MHURI inogara pasi kuti ive nezvokudya zvamanheru. Sezvo baba vanonyengetera, amai vanonyengetera chinyararire kune mumwe mwari. Mune imwe mhuri mukadzi anonamatira pane imwe chechi, asi murume wake anopinda kusinagogi. Kune mhuri umo mumwe mubereki anodzidzisa vana nezvaSanta Claus, nepo mumwe achivaudza nezveHanukkah.
Maererano nokunzvera kwakapedzisira kuitwa, zvinoitika zvakadaro zviri kuwanda sezvo vanhu vakawanda vanoroora kunze kwechitendero chavo. Kumwe kunzvera kunoratidza kuti muUnited States, 21 muzana yavaKaturike zvino vanoroora kunze kwechitendero chavo; pakati pavaMormon nhamba yacho i30 muzana; kuvaMuslim, 40 muzana; uye kuvaJudha, inopfuura 50 muzana. Nemhaka yamazana amakore okuvengana kwezvitendero, vamwe vanorangarira kuroorana kwevezvitendero zvakasiyana sokukunda kusashivirira. Munyori wenyaya dzomupepanhau akanyora kuti: “Kuroorana kwevezvitendero zvakasiyana kunofanira kurumbidzwa.” Izvi ndizvo zvinotaura Bhaibheri here?
Kunofanira kucherechedzwa kuti Bhaibheri haritsigiri rusaruro rwerudzi kana kuti dzinza. Shoko raMwari rinotsigira kusasarura kwerudzi. Muapostora Petro akataura nenzira yakajeka panyaya iyi: “Zvirokwazvo, ndinoona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, anomutya, achiita zvakarurama, anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Panguva imwe chete, Bhaibheri rinodzidzisa kuti vanamati vechokwadi vaJehovha vanofanira kuroora bedzi “munaShe.” (1 VaKorinte 7:39) Neiko?
Chinangwa Chekuroorana
Mwari aida kuti kuroorana kuve zvikurukuru chisungo chapedyo. (Genesi 2:24) Mukuvamba gadziriro yekuroorana, Mwari aifunga nezvezvinopfuura ushamwari. Apo Jehovha akagovera vakaroorana vokutanga basa rokurera vana nokutarisira musha wavo wepasi, akaratidza kuti vaifanira kushandira pamwe chete mukuita kuda kwake. (Genesi 1:28) Nekushandira pamwe mukunamata Mwari mubasa iri, murume nomukadzi vaizofara, kwete bedzi noushamwari, asi mubatanidzwa wapedyo usingaperi.—Enzanisa naMaraki 2:14.
Jesu akataurawo nezvemubatanidzwa wakadaro paakataura mashoko anozivikanwa zvikuru okuti: “Havachiri vaviri, asi nyama imwe. Zvino, izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.” (Mateo 19:6) Jesu akashandisa mutauro wefananidzo kuenzanisa mubatanidzwa wekuroorana nejoko rinobatanidza madhonza maviri pamwe chete pakukweva kana kuti kuita basa rakati. Fungidzira kurwadziwa kunoita madhonza maviri ari pajoko ari kukwevera kumativi akasiyana! Saizvozvowo, avo vanoroora kunze kwechitendero chechokwadi vangazviwana vachitamburira kurarama maererano nenheyo dzeBhaibheri nepo wavakaroorana naye achidzivisa. Nenzira yakakodzera, Bhaibheri rinoti: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi.”—2 VaKorinte 6:14.
Kuoorana Kuri Nani
Uyezve, kubatana mukunamata kwechokwadi kunogona kusimbisa kuroorana zvikuru. Mumwe munyori akatsinhira kuti: “Kunamata pamwe chete ndicho chimwe chezvinhu zvikuru zvemhuri dzakasimba nedzinofara.” Muparidzi 4:9, 10 inoti: “Vaviri vanopfuura mumwe, nokuti vane mubayiro wakanaka wokubata kwavo. Nokuti kana vakawira pasi, mumwe uchasimudza shamwari yake.”
Pavanovakira upenyu hwavo pakunamata kwavo, vakaroorana vechiKristu vanobatanidzwa kwete bedzi munyama asiwo mumudzimu. Sezvavanonyengetera pamwe chete, kufunda Shoko raMwari pamwe chete, kuungana navaKristu vavanonamata navo, nokugoverana kutenda kwavo navamwe, vanoumba chisungo chokumudzimu chinobetsera zvikuru kukuva pedyo kwemhuri yavo. Mumwe mudzimai wechiKristu akatsinhira kuti: “Kunamata kwechokwadi inzira youpenyu. Handigoni kufungidzira ndichisarudza kuroorwa nomumwe munhu asingagoverani hwaro hwezvandiri.”—Enzanisa naMarko 3:35.
Avo vanoroora “munaShe” vangatarisira vavanoroorana navo kutevedzera kuzvibata kwaJesu. Varume vechiKristu vanofanira kubata vakadzi vavo sokubata ungano norudo kwakaita Jesu. Vakadzi vechiKristu vanofanira kubata varume vavo noruremekedzo. (1 VaKorinte 11:3; VaEfeso 5:25, 29, 33) VaKristu vanoita izvi nechido kwete bedzi chokungofadza vavakaroorana navo asi kufadza Mwari, uyo achaita kuti vakaroorana vazvidavirire pamusoro penzira yavanobata nayo nomumwe nomumwe.—Maraki 2:13, 14; 1 Petro 3:1-7.
Kuomerera kuzvitendero zvakafanana kunobatsirawo vaKristu vakaroorana kupedza kusanzwisisana murugare. Bhaibheri rinopa zano vaKristu kuti va“rege kutarira zva[vo], asi [va]tarire zvavamwewo.” (VaFiripi 2:4) Pasinei zvapo nezvinodiwa nomunhu oga, vakaroorana vakabatana mukutenda vanotarira kuShoko raMwari sechiremera chavanobvumirana chokugadzikisa kusabvumirana. (2 Timotio 3:16, 17) Nenzira iyi vanotevera zano reBhaibheri rokuti vaKristu vave “nokufunga kumwe.”—1 VaKorinte 1:10; 2 VaKorinte 13:11; VaFiripi 4:2.
Kukwezva Netsika Dzakafanana
Sezvinobvumwa, paukama pane zvakawanda zvinopfuura kugoverana kutenda kwakafanana. Kukwezvana chitemisowo. (Rwiyo rwaSoromoni 3:5; 4:7, 9; 5:10) Asi kuti mhuri ipfuurire, tsika dzakafanana dzinokosha. Maererano nebhuku rinonzi Are You the One for Me? “vakaroorana vanogoverana tsika dzakafanana vane mukana wakakura wokuumba ukama hunofadza, hunowirirana, nohunopfuurira.”
Sezvineiwo, vanhu vanokwezvana vangasagadzirisa kusanzwisisana kukuru kutozosvikira varoorana. Somuenzaniso, fungidzira uchitenga imba nemhaka bedzi yokuti unofarira kutaridzika kwayo. Zvisinei, pashure bedzi pokunge wava kugaramo, wozoziva kuti fandesheni haina kusimba. Nefandesheni isina kusimba, zvinhu zvose zvinotaridzika zvakanaka zvemba yacho zvinoshaya basa. Saizvozvowo, munhu angakwezwva nomunhu ane kutenda kwakasiyana, anoratidzika kuva akamukodzera—asi pashure peroorano ukama hwacho hunogona kuzova nezvikanganiso zvikuru.
Funga nezvedzimwe nhau dzakaoma dzingazobuda pachena gare gare muroorano dzezvitendero zvakasiyana: Mhuri ichanamatira kupi? Irovedzo yechitendero chipi iyo vana vachagamuchira? Kutenda kupi uko mhuri ichatsigira nemari? Mumwe wevakaroorana achaomerera pakugoverana mutsika namazororo zvakati izvo mumwe anoti ndezvechihedheni here? (Isaya 52:11) Mhuri yoga yoga inoda kuti mumwe nomumwe achinje zvakafanira; zvisinei, kubvumiranisa nheyo dzeBhaibheri pane zvisina kufanira—kunyange nokuda kwekuchengetedza mhuri—hazvidiwi naMwari.—Enzanisa naDheuteronomio 7:3, 4; Nehemia 13:26, 27.
Kuti vachengetedze rugare rwemhuri yavo, vamwe vakaroorana vari vezvitendero zvakasiyana vanoita mazvake mazvake pakunamata. Kunyange zvakadaro, zvinosuruvarisa kuti kunamata mazvake mazvake kunoumba buri rokumudzimu mumhuri. Mumwe mudzimai wechiKristu akaroorana nomurume aiva nokutenda kwakasiyana nokwake akati: “Kunyange zvazvo taive takaroorana kwamakore 40, murume wangu aisambondiziva chaizvoizvo.” Asi, mhuri ine vakaroorana vose vanonamata “mumweya nezvokwadi” ina Mwari pakati payo. Seizvo Bhaibheri nenzira yokudetemba rinoti, “rwonzi rwakakoshwa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.”—Johane 4:23, 24; Muparidzi 4:12.
Zvakadini Navana?
Vamwe vari kufunga kuroorana newavasingatendi naye vanganzwa sokuti vanogona kudzidzisa vana kutenda kuviri ndokubvumira vana kuzvisarudzira. Ichokwadi kuti vabereki vose vane kodzero yapamutemo netsika yokupa rovedzo yechitendero, uye pakupedzisira, vana vanozvisarudzira.a
Bhaibheri rinorayira vana kuteerera vabereki vose “munaShe.” (VaEfeso 6:1) Zvirevo 6:20 inotiwo: “Mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako; usarasa kudzidzisa kwamai vako.” Panzvimbo pokuudzwa dzidziso dzakasiyana, vana vanorerwa navabereki vane kutenda kwakafanana vanobatanidzwa muicho Bhaibheri rinodana kuti “Ishe mumwe, nokutenda kumwe, norubhapatidzo rumwe.”—VaEfeso 4:5; Dheuteronomio 11:19.
“MunaShe” Zvechokwadi
Kana kugoverana tsika dzakafanana kuri chinhu chinokosha kumhuri inobudirira, kwaizova kuchenjera here kuroora chero wose zvake anoti muKristu? Bhaibheri rinopindura kuti: “Uyo anoti ndinogara maari [Jesu], anofanira kufambawo sezvaakafamba iye.” (1 Johane 2:6) Saka, muKristu ari kufunga nezvekuroora aizotsvakawo muKristu anovavarira zvapachokwadi kutevera Jesu. Waunotarisira kuroorana naye iyeye aizova akatsaurira upenyu hwake kuna Mwari ndokubhapatidzwa. Aizova achitevedzera unhu hwaJesu nokuparidza kwake kwokushingaira Umambo hwaMwari. Sezvaive zvechokwadi naJesu, aizovakira upenyu hwake pakuita kuda kwaMwari.—Mateo 6:33; 16:24; Ruka 8:1; Johane 18:37.
Nokumirira nenzira yokushivirira wokuroorana naye akakodzera mumhuri yaMwari yavanamati, avo vari kufunga nezvekuroora vanogadza muenzaniso wokuisa kuda kwaMwari pakutanga muupenyu hwavo. Pakupedzisira muenzaniso wakadaro uchabetsera pakuva nemhuri inofara, inogutsa.—Muparidzi 7:8; Isaya 48:17, 18.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “Murangariro weBhaibheri: Vana Vanofanira Kusarudza Rudzidziso Rwavo Vamene Here?” muMukai! yaMarch 8, 1997, mapeji 26-7. Uyewo, ona mapeji 24-5 eZvapupu zvaJehovha Nedzidzo, rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, 1995.
[Bhokisi riri papeji 16]
Chinobetsera Mhuri Dzine Zvitendero Zvakasiyana
Nemhaka yezvikonzero zvakasiyana-siyana, nhasi vakaroorana vakawanda vane zvitendero zvakasiyana. Vamwe vanhu vangave vakasarudza wokuroorana naye ane chitendero chakasiyana. Asi vakaroorana vakawanda vakavamba vaine kutenda kwakafanana uye gare gare ndokuparadzana muchitendero apo mumwe akagamuchira mamwe manamatire. Pangave namamwe mamirire ezvinhu anounza kusiyana kwezvitendero mumhuri. Zvisinei, pasinei zvapo nezvakakonzera, mhiko dzekuroorana hadzifaniri kudamburwa kana kuti kurerutswa nemhaka bedzi yokuti vakaroorana havabvumirani pakusarudza chitendero. Bhaibheri rinoremekedza utsvene nokupfuurira kwemhuri, kunyange apo vakaroorana vanenge vasina kubatana mukunamata. (1 Petro 3:1, 2) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kana hama ine mukadzi asingatendi, kana iye achida hake kugara naye, ngaarege kumurasa.” (1 VaKorinte 7:12) Kana dzikashandiswa, nheyo dzinowanwa muBhaibheri dzinogona kubetsera vakaroorana vapi navapi kufara norugare muukama hwerudo norukudzo.—VaEfeso 5:28-33; VaKorose 3:12-14; Tito 2:4, 5; 1 Petro 3:7-9.