Kutyisidzira Kwenyukireya Kwava Kupera Here?
KWAMAKORE anopfuura 40, nyika yakararama ichityisidzirwa neArmagedhoni yenyukireya. Zvadaro, muna 1989, Rusvingo rweBerlin rwakaputsika—mavambo ekuwa kwechiKomonizimu chomuSoviet. Nokukurumidza pashure peizvi, nyika dzine masimba makuru dzainge dzabvumirana kurega kunongedzerana zvombo. Hondo ye“Armagedhoni” yenyukireya ichiratidzika seyamiswa, kana kuti kungononotswa, nyika yakatura befu rainge rakamirirwa kwenguva refu.
Zvisinei, nyanzvi dzakawanda dzinofunga kuti nguva yokupemberera ichiri kure zvikuru. Muna 1998 wachi yakakurumbira yezuva rokuparadzwa yeThe Bulletin of the Atomic Scientists yakawedzerwa maminiti mashanu, kusvika kumapfumbamwe pakati pousiku pasati pasvika—chiratidzo chakajeka chokuti kutyisidzira kwenyukireya kuchiripo.a Chokwadi, mamiriro ezvinhu munyika achinja. Masimba makuru maviri enyukireya haasisiri kutyanana panyukireya. Zvino nyika dzinoverengeka dzinokwanisa kugadzira zvombo zvenyukireya! Mukuwedzera, nyanzvi dzinotya kuti zvasarira nguva chete kuti rimwe boka remagandanga rive nezvinhu zvinochetura uye kugadzira chero bhombawo zvaro reatom.
Zvakare, pasinei zvapo nokuderedza kukuru, United States neRussia dzichine matura ezvombo zvikuru zvenyukireya. Maererano neboka rinonzvera rinonzi Committee on Nuclear Policy, zvombo zvenyukireya zvinosvika 5 000 panguva ino zvakatogadzirira kushandiswa. “Naizvozvo,” mushumo wavo unodaro, “kana murayiro wokuti zvishandiswe ukapiwa mumamirire akaita zvinhu, mabhomba 4 000 [anozvikanda ega, anokwanisa kusvika chero kupi ehondo] (2 000 kudivi rimwe nerimwe) anokwanisa kuenda kwaanofanira mumaminiti mashomanene uye mamwe 1 000 [mabhomba anokandwa nengarava dzemumvura] anokwanisa kuenda kwaanofanira nokukurumidza pashure pacho.”
Kuvapo kwezvombo izvi kunoita kuti hondo inotangwa netsaona kana kuti yakarongwa igone kuitika. “Tsaona yakarongwa inogona kupinza nyika mumhirizhonga yehondo yenyukireya, mukusiyana nezvinoda vatungamiriri vezvematongerwe enyika,” akanyevera kudaro mukuru mukuru wehondo akakurumbira wekuRussia Vladimir Belous. Saka nepo Hondo Yemashoko ingave yapera, kutyisidzira kwekuparadza kukuru kwenyukireya hakusati kwapera. Asi chaizvo kutyisidzira uku kukuru zvakadini? Pasi richazombobviswa zvombo zvenyukireya here? Nyaya dzinotevera dzichataura nezvenhau idzi.
[Mashoko Omuzasi]
a Wachi yezuva rokuparadzwa iri pabutiro reThe Bulletin of the Atomic Scientists chiratidzo chekufungidzira chokuti nyika iri pedyo zvakadini ne“zuva rokuparadza” kwehondo yenyukireya. Mumakumi amakore, chinoratidza maminiti chewachi chakafambiswa kuratidzira kuchinja kuri kuita mamiriro ezvematongerwe enyika.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Kuputika kuri pamapeji 2 ne3: U.S. National Archives photo