Tariro Yechokwadi
ANODA kusvika makore 2 000 akapfuura, Jesu, anowanzonzi munhu mukuru kwazvo ati amborarama, akatongerwa kufa zvisina kururama. Paakanga akaturikwa padanda rokutambudzikira, muiti wezvakaipa aiva akaturikwa pedyo naye akataura kwaari nokuzvidza achiti: “Ndiwe Kristu, handiwe here? Zviponese iwe nesuwo.”
Zvadaro, mumwe muiti wezvakaipa akanga ari kuurayiwawo akatsiura murume wacho achiti: “Haumbotyi Mwari here, zvino zvawava pakutongwa kwakafanana? Isu, zvechokwadi, zvakatifanira, nokuti tiri kugamuchira zvakakwana zvatakafanira nokuda kwezvinhu zvatakaita; asi murume uyu hapana chaakaita chisina kufanira.” Ipapo akatarira kuna Jesu akakumbira kuti: “Mundiyeukewo kana mapinda muumambo hwenyu.”
Jesu akapindura kuti: “Zvechokwadi ndinokuudza nhasi, Uchava neni muParadhiso.”—Ruka 23:39-43.
Jesu aiva netariro inoshamisa yaiva pamberi pake. Muapostora Pauro akaona zvakaitwa netariro iyi pana Jesu, achiti: “Nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akatsungirira danda rokutambudzikira, achizvidza nyadzi.”—VaHebheru 12:2.
Chaivawo mu“mufaro” wakaiswa pamberi paJesu chaiva kurarama naBaba vake zvakare mudenga uye pakupedzisira kushanda soMutongi woUmambo hwaMwari. Uyezve, aizova nomufaro wokugamuchira mudenga vateveri vake vakaedzwa uye vanovimbwa vaizotonga naye samadzimambo pasi pano. (Johani 14:2, 3; VaFiripi 2:7-11; Zvakazarurwa 20:5, 6) Saka Jesu airevei paakapikira muiti wezvakaipa akapfidza kuti aizova muParadhiso?
Itariroi Iripo Nokuda Kwomuiti Wezvakaipa?
Murume iyeye aisakwanisa kuzotonga naJesu kudenga. Haasi pakati pevakanzi naJesu: “Imi ndimi makaramba muneni mumiedzo yangu; uye ndinoita sungano nemi, sokuita sungano youmambo neni kwakaita Baba vangu.” (Ruka 22:28, 29) Asi, Jesu akapikira kuti muiti wezvakaipa wacho aizova muParadhiso naye. Chipikirwa ichi chichazadzikiswa sei?
Murume nomukadzi vokutanga, Adhama naEvha, vakaiswa naJehovha Mwari muParadhiso, bindu romufaro rainzi Edheni. (Genesi 2:8, 15) Edheni raiva pasi pano, uye Mwari aiva nechinangwa chokuti pasi rose rive paradhiso. Zvisinei, Adhama naEvha havana kuteerera Mwari uye vakadzingwa mumusha wavo wakanaka. (Genesi 3:23, 24) Asi Jesu akaratidza kuti Paradhiso ichadzorerwa uye kuti ichava mupasi rose.
Muapostora Petro paakabvunza Jesu kuti mubayiro wake navamwe vaapostora waizova wei nokuda kwokumutevera, Jesu akapikira kuti: “Mukusikazve, apo Mwanakomana womunhu anogara pasi pachigaro chake choumambo chine mbiri, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro zvoumambo zvine gumi nezviviri.” (Mateu 19:27, 28) Zvinokosha kuti nhoroondo yaRuka yokukurukurirana uku, pane kuti iti “mukusikazve,” Jesu anonzi akati “mugadziriro yezvinhu inouya.”—Ruka 18:28-30.
Saka, apo Jesu Kristu anogara pachigaro chake chine mbiri mudenga, pamwe chete nevaya vachatonga naye, achaunza gadziriro yezvinhu itsva yakarurama. (2 Timoti 2:11, 12; Zvakazarurwa 5:10; 14:1, 3) Nokutonga kwaKristu mudenga, chinangwa chaMwari chapakuvamba nokuda kwapasi rose kuti rive paradhiso chichazadzikiswa!
Mukutonga kwoUmambo uku, Jesu achaita zvaakapikira kutsotsi rakafa parutivi pake. Acharimutsa, uye murume iyeye achava achitongwa naJesu ari pasi. Zvadaro muiti wezvakaipa wacho achapiwa mukana wokuita zvinodiwa naMwari ndokurarama nokusingaperi pasi pano achitongwa noUmambo hwacho. Zvechokwadi tinogona kufara zvikuru netarisiro iri muBhaibheri yokurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano!
Upenyu Hunogona Kuva Nezvahunoreva
Fungidzira zvingareva tariro inoshamisa yakadaro muupenyu hwedu. Inogona kubatsira kudzivirira pfungwa dzedu pazvinhu zvinokuvadza zvinokonzerwa nokufunga kwakaipa. Tariro iyoyo yakafananidzwa nomuapostora Pauro norutivi runokosha rwenhumbi dzokurwa nadzo dzomudzimu. Akati tinofanira kupfeka “tariro yoruponeso” se“ngowani.”—1 VaTesaronika 5:8; Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 21:3, 4.
Tariro iyoyo inotsigira upenyu. MuParadhiso iri kuuya, kusurukirwa kuchatsiviwa nemisodzi yokufara sezvo vadiwa vanoitwa vapenyu zvekare na“Mwari anomutsa vakafa.” (2 VaKorinde 1:9) Ipapo kurwadza kwokuva ndonda, kurwadziwa, uye kutadza kufamba zvichakanganwiwa, nokuti “unokamhina uchakwakuka senondo.” ‘Nyama’ yomunhu ‘ichava itsva kupfuura yomwana,’ uye “uchadzokera kumazuva ouduku hwake.”—Isaya 35:6; Jobho 33:25.
Panguva iyoyo, pasina “ugeremo uchati: Ndinorwara,” kuora mwoyo kunounzwa nechirwere chisingadi kupera kuchakanganwiwa. (Isaya 33:24) Kupererwa nezano kunokonzerwa nokuora mwoyo kwakakura kuchachinjwa kuva “mufaro usingaperi.” (Isaya 35:10) Kupererwa nezano kunokonzerwa nokubatwa nechirwere chinouraya kuchanyangarika pamwe chete norufu, muvengi wekare wavanhu.—1 VaKorinde 15:26.
[Mufananidzo uri papeji 18]
Ramba uchifunga nezvetariro inoshamisa yaMwari yenyika itsva