RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 3/8 pp. 20-21
  • Kutenda Kwechokwadi—Chii?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutenda Kwechokwadi—Chii?
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutenda Kana Kuti Kungobvuma Here?
  • Kutenda Kwechokwadi Kunobatanidza Munhu naMwari
  • Ratidza Kutenda Kwako Mune Zvakavimbiswa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Shandisa Kutenda Kwakavakirwa Pazvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kutenda—Kunoita Kuti Tive Nesimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • “Tiwedzereiwo Kutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 3/8 pp. 20-21

Zvinotaura Bhaibheri

Kutenda Kwechokwadi—Chii?

“PASINA KUTENDA HAZVIBVIRI KUNYATSOMUFADZA, NOKUTI IYE ANOSVIKA MWARI ANOFANIRA KUTENDA KUTI ARIKO UYE KUTI ANOVA ANOPA MUBAYIRO VANOMUTSVAKA NEMWOYO WOSE.”—VAHEBHERU 11:6.

KUTENDA chii? Vamwe vanotsanangura kutenda sokudavira kwechitendero muna Mwari pasina uchapupu hunogutsa hwokuvapo kwake. Mutori wenhau wokuAmerica H. L. Mencken akarondedzera kutenda so“kudavira pasina kufunga kuitika kwezvinhu zvisingafungidziriki.” Uku ndiko kutenda kwechokwadi sokunorondedzerwa neBhaibheri here? Zvinokosha kunzwisisa zvakajeka kuti kutenda chii, nemhaka yezvataurwa pamusoro apa kuti ‘pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari.’

Bhaibheri rinoti: “Kutenda kuva nechokwadi . . . [che]zvinhu zvatakatarisira.” (VaHebheru 11:1, Bhaibheri Rinoyera) Saka, kutenda kunobva paruzivo rwakarurama, chokwadi chinogona kushandiswa kuita zvisarudzo zvakarurama. Hakungodi kudavira kwoga asi chikonzero chokudavira kwacho.

Kuenzanisira: Zvimwe une shamwari yaunogona kuti: “Ndinovimba nomunhu iyeye. Ndinogona kuvimba naye kuti anoita zvaanotaura. Ndinoziva kuti kana ndine dambudziko, achandibatsira.” Zvimwe waisazodaro nezvomumwe munhu wawakangoziva kwezuva rimwe kana kuti maviri, ndizvo here? Anofanira kuva mumwe munhu akaratidza kuvimbika kwake kakawanda. Zvinofanira kuva zvakadaro nokutenda kwechitendero, kunofanira kuratidza tariro nokugutsa zvinobva pauchapupu hwakasimba hunovimbika.

Kutenda Kana Kuti Kungobvuma Here?

Kwakawanda kunonzi kutenda nhasi zvechokwadi kungobvuma—kungokurumidza kudavira pasina pakunobva kana zvikonzero chaizvoizvo. Kungobvuma kunowanzobva pakuchinja-chinja kwepfungwa uye kutenda mashura. Uku hakusi kutenda kwakanyatsosimba nokuti hakuna pakunobva pakavimbika nokuda kwokudavira kwacho.

Kungobvuma kungakonzera mumwe kungokurumidza kugumisa zvinhu nenzira isingatsinhirani nechokwadi cheBhaibheri. Maererano naizvozvo, Bhaibheri rinonyevera pamusoro pokutenda kusina pakunobva richiti: “Usina mano unotenda mashoko ose, asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.” (Zvirevo 14:15) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ivai nechokwadi nezvinhu zvose; batisisai zvinhu zvakanaka kwazvo.” (1 VaTesaronika 5:21) Bhaibheri haritsigiri kungobvuma. Rinokurudzira kutenda kune uchapupu.

Kugona kusiyanisa kutenda kwechokwadi nokungobvuma inhau inokosha. Munhu anogona kuva wechitendero asi asina kutenda kwechokwadi. Pauro akati: “Kutenda hakusi kwevanhu vose.” (2 VaTesaronika 3:2) Asi vamwe vanhu vane kutenda kunobva muBhaibheri, uye kunochinja upenyu hwavo.

Kutenda Kwechokwadi Kunobatanidza Munhu naMwari

Kutenda kungafananidzwa necheni dzine zvinokochekedzanisa zvakasimba uye zvinovimbwa nazvo zvinobatanidza munhu naMwari. Asi kutenda uku chinhu chinotokudziridzwa; hachisi chinhu chatinozvarwa nacho. Ungakudziridza sei kutenda kwechokwadi? Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Kutenda kunotevera chinhu chakanzwiwa. Uyewo chinhu chakanzwiwa chinouya neshoko pamusoro paKristu.”—VaRoma 10:17.

Saka unofanira kuwana nguva kuti usvike pakuziva Mwari nedzidziso dzoMwanakomana wake, Jesu Kristu. Iyi zivo haingowanwi pasina kuishandira. (Zvirevo 2:1-9) Unofanira kuzvishandisa kuti uzive zvinotaura Bhaibheri kuti uve nechokwadi nokuvimbika kwayo.

Zvisinei, kutenda kwechokwadi kunosanganisira zvinopfuura kungova nezivo kana kuti kudavira kuti chimwe chinhu ndechechokwadi. Kunosanganisirawo mwoyo—unoitisa zvinhu. VaRoma 10:10 inoti: “Munhu anotenda nemwoyo.” Izvi zvinorevei? Sezvaunofungisisa pazvinhu zvaMwari, uchiwedzera kuzvionga kwako, unobvumira shoko reBhaibheri kunyura mukati memwoyo wako. Kutenda kunokura kwova kwakasimba sezvaunonzwa uchida kuita chimwe chinhu pane zvakapikirwa naMwari uye sezvaunoona uchapupu hwechikomborero chake.—2 VaTesaronika 1:3.

Kutenda kwechokwadi chinhu chinokosha zvakadini chokuva nacho! Tinobatsirwa nokukwanisa kutarisana nemamiriro ezvinhu anonetsa tichivimba naMwari, tichivimba nokukwanisa kwake kutungamirira nhanho dzedu uye kuva kwake anoda kutarisira zvinodikanwa zvedu. Uyezve, Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, akataura nezvechimwe chinhu chinobetsera zvechigarire chokutenda, akati: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Upenyu husingaperi—chipo chinoshamisa zvakadini kune vane kutenda!

Kutenda zvipikirwa zvaMwari zvokupa mubayiro vashumiri vake kunopa munhu maonero matsva oupenyu. VaHebheru 11:6 inoti kutenda kwechokwadi kunosanganisira kutenda kukwanisa kwaMwari kupa mubayiro “vanomutsvaka nemwoyo wose.” Saka zvakajeka kuti, kutenda kwechokwadi hakusi kungobvuma, uye kunopfuura kungodavira kuti Mwari ariko. Kunosanganisira kubvuma kukwanisa kwaMwari kuva mupi womubayiro kuna avo vanomutsvaka nemwoyo wose. Unoda chaizvoizvo uye zvechokwadi kuziva Mwari here? Kana uchida, ipapo wana zivo yakarurama kubva muShoko rake, Bhaibheri, uye kutenda kwako kuchapiwa mubayiro.—VaKorose 1:9, 10.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 20]

Mifananidzo yakanyorwa naAlbrecht Dürer/Dover Publications, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe