Kurega Kwaungaita
KUFANANA nokudzidzira kuchovha bhasikoro, kurega fodya hakuwanzoitwi panguva yokutanga yaunoedza. Saka kana wakashinga kurega, unofanira kugadzirira kuramba uchiedza kusvika wabudirira. Usati kana ukasvuta zvekare woti wakundikana. Funga nezvazvo sechidzidzo, kamhingamupinyi mune chinogona kuva chirongwa chinobudirira. Hezvino zvimwe zvingabatsira zvakashanda kune vamwe. Zvingashanda kwauriwo.
Gadzirira Pfungwa Dzako Kurega
■ Kutanga, unofanira kuzvitendisa kuti kurega kwakafanirwa nokutamburira kwacho. Nyora zvikonzero zvako zvokuda kurega, kusanganisira kubatsira kwose kunoitika. Kana wazorega, kuongorora zvawakanyora izvi kuchasimbisa chisarudzo chako. Kuda kufadza Mwari ndicho chinhu chikuru chokuita kuti ude kurega. Bhaibheri rinoti tinofanira kuda Mwari nepfungwa dzedu dzose, mwoyo, mweya nesimba. Hatingagoni kuita izvi kana takapindwa muropa nefodya.—Mako 12:30.
■ Ongorora tsika yako yokusvuta uone kuti ndirini uye nei uchisvuta. Ungabatsirwa nokunyora papepa nguva yaunosvuta uye kwaunosvutira mudzanga woga woga pazuva rakati. Izvi zvichakubatsira kuona mamiriro ezvinhu angakuedza kuti usvute kana wazorega.
Ronga Zuva Rokurega
■ Sarudza musi wokurega, uye unyore pakarenda yako. Zvakanyanya kunaka kusarudza zuva raunenge usina kumanikidzwa kwazvo nezvinhu zvinonetsa. Kana zuva iroro rasvika, rega zvachose—pakarepo uye zvachose.
■ Musi wokurega usati wasvika, rasa ndiro dzemadota efodya, machisi uye magwenya. Geza mbatya dzako dzose dzine munhuwi wefodya.
■ Kumbira kubatsirwa nevaunoshanda navo, shamwari, uye mhuri yako kuti vakukurudzire mukuedza kwako kurega. Usatya kukumbira vamwe kuti varege kusvuta kana uripo.
■ Ronga zvokuita zuva raunoda kurega. Unogona kuenda kune imwe nzvimbo isingabvumidzwi kusvuta, kwakadai sokumiyuziyamu kana kuti kunoitirwa mitambo. Unogonawo kurovedza muviri—kushambira kana kuchovha bhasikoro kana kuti kufamba netsoka daro refu.
Kukwanisa Kurega
Kana uchisvuta zvakanyanya, ungangova nezviratidzo zvokurega, zvinovamba mumaawa mashoma uchangobva kusvuta mudzanga wokupedzisira. Izvi zvingava kushatirwa, kusashivirira, kuva nehasha, kunetseka, kuora mwoyo, kushaya hope kwenguva refu, kutadza kuzorora, kuda kudya zvakanyanya uye havi yemidzanga. Zvichida chiremba wako anogona kukunyorera mushonga uchakubatsira kunyaradza marwadzo aya. Uyewo, pane zvinhu zvaungaita kuti uzvibatsire kukunda hondo yacho.
■ Mumavhiki mashoma okutanga akaoma, idya zvokudya zvinopa simba shoma, uye inwa mvura yakawanda chaizvo. Vamwe vakaona zvichibatsira kudya miriwo isina kubikwa, yakadai semakarotsi kana kuti celery. Kana uchirovedza muviri, zvichakubatsira kurega kuwedzera uremu kwava kuita kuti nyama dzisununguke.
■ Dzivisa nzvimbo kana kuti mamiriro ezvinhu angakuedza kuti usvute.
■ Dzivisa kufunga kusina kunaka kungakuedza kuti usvute. Hezvino zvimwe zvinowanzofungwa nevamwe pavanenge vachida kurega: ‘Ndichangosvuta nhasi chete kuti ndipukunyuke panguva yakaoma iyi.’ ‘Kusvuta ndiro dambudziko rangu chete!’ ‘Fodya haina kunyanya kuipa; vamwe vanosvuta midzanga yakawanda vanorarama kupfuura makore 90.’ ‘Ndichangofa nechimwe chinhu.’ ‘Upenyu hahunakidzi pasina fodya.’
■ Kana wava kuda kusvuta zvekare, nonoka. Nokumira kwemaminiti gumi chete, havi yakanyanya ingapera. Dzimwe nguva pfungwa yokuti hauchasvuti zvekare ingakuomera. Kana uchifunga seizvi, sarudza kuti urege kwanhasi chete.
■ Kana uchida kushumira Mwari, nyengetera kuti ubatsirwe. Tinga“betserwa panguva yakafanira,” nomusiki wedu ane rudo kana tiri vaya vari kuedza kuita kuti upenyu hwedu huwirirane nezvaanoda. (VaHebheru 4:16) Asi usatarisire chishamiso. Unofanira kuita maererano neminyengetero yako.
Usasvuta Zvekare
■ Mwedzi mitatu yokutanga ndiyo yakaoma zvikuru, asi kunyange pashure pacho, kana zvichiita, dzivisa vanhu vanosvuta uye mamiriro ezvinhu angakuedza kuti usvute.
■ Usazvinyengera uchifunga kuti unogona kusvuta hako apo neapo, kunyange kana warega kwegore kana kuti akawanda.
■ Dzivisa muedzo wokuva no“mudzanga mumwe chete hawo.” Mumwe chete unogona kutungamirira kune mimwe, uye mushure menguva pfupi uchange waparadza basa rose rakaoma rawakaita pawakarega. Zvisinei, kana ukatadza ndokusvuta mudzanga, hapana chikonzero chokusvuta mumwezve. Kana ukasvutazve, rega zvekare.
Mamiriyoni evasvuti akabudirira kurega. Nokushinga uye kutsungirira, iwewo unogona kudaro!