Nyika Yose Ichabatana Here?
MUMAKORE achangobva kupfuuura mamiriyoni avanhu vari muEastern Europe nokune dzimwe nzvimbo akatambura nezvakakonzerwa nehondo dzinoparadzanisa. Asi, chero hazvo hondo dzoutsinye dzakadaro dzaiitika, zviuru zvevanhu vari munyika idzi dzakasakadzwa nehondo zvaikwanisa kuramba zvichinyatsochengetedza kubatana kwechokwadi pakati pazvo. Funga nezvemienzaniso mishomanene.
Muna 1991 boka ravanhu vamarudzi akawanda vanoda kusvika 15 000 rakaungana muZagreb, Croatia. Zvakaita kuti mumwe mupurisa aivapo ataure kuti: “Zvaizova zvakanaka kuratidza vanobudisa nhau zviri kuitika munhandare ino, muno chaimo, matiri kuona vaSerbia, vaCroatia, vaSlovenia, vaMontenegro, nevamwe vakagara pedyo nomumwe nomumwe murugare.” Chii chinoita kuti pave nokubatana kwakadaro kusingawanzoitiki?
Muna 1993 kokorodzano yavanhu vamarudzi akawanda yakatokura, yaiva nomusoro unoti “Kudzidzisa Kwoumwari,” yakaitwa muKiev, guta guru reUkraine. Paiva nenhamba inopfuura dzose yavanhu vakapinda inoda kusvika 65 000. Peji yokutanga yeEvening Kiev yakati: “Zvapupu zvaJehovha . . . zvakabatanidzwa kwete chete nemabheji ebhuruu akanyorwa kuti ‘Kudzidzisa Kwoumwari’ asi nokutenda kwechokwadi.”
Kudzidzisa kwaMwari—Simba Rinoita Kuti Pave Nokubatana
Unoshamisika kuti nei Zvapupu zvaJehovha zvakabatana nepo zvakapoteredzwa nokusabatana kwakapararira here? Purofesa wokuPoland Wojciech Modzelewski anozivisa chikonzero chacho nokucherechedza Zvapupu achiti: “Chinhu chinokosha chinoita kuti zvive norugare kusarudza kwazvo kutevera zvino dzave nheyo dzinoziviswa muBhaibheri.” Chokwadi, Zvapupu zvakabatanidzwa munyika yose nokudzidzisa kwoMusiki, Jehovha Mwari. Kudzidzisa kupi ikoko?
Jesu Kristu akataura nezvenheyo inokosha inobatanidza paakataura nezvevateveri vake kuti: “Havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika.” Hungu, kusarerekera kudivi ripi neripi kunoitwa neZvapupu zvaJehovha kwose kwose kunozvibatanidza. Izvi zviri maererano nemashoko aJesu paakanyengetera achiti: “Ndinokumbirira, . . . kuti vose vave vamwe, semi, Baba, muri pamwe neni uye ini ndiri pamwe nemi, kuti ivowo vave pamwe nesu.”—Johani 17:16-21.
Kusarerekera kudivi ripi neripi uku isimba rinoita kuti pave nokubatana nemhaka yokuti kunoita kuti Zvapupu zviri mumativi ose enyika zvirarame maererano nezvakataurwa nomuprofita Isaya pamusoro peavo Mwari acha“dzidzisa nzira dzake.” Isaya akataura kuti vakadaro vaizo“pfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti.” Muprofita wacho akapfuurira kuti: “Rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.”—Isaya 2:2-4.
Kubatana norugare zvakacherechedzwa pakokorodzano dzeZvapupu zvaJehovha muEastern Europe mumakore gumi apfuura zvinoratidza kuti chikamu chiduku chouprofita hwaIsaya chiri kutozadzikwa. MuEurope nokune dzimwe nzvimbo, Zvapupu zvakaita sezvapfura minondo yazvo kuva mapadza namapfumo azvo kuva mapanga okuchekerera miti. Izvi zviri kuguma nokuita kuti vave norugare nokubatana nhasi munyika ino isina kubatana. Saka zvisingashamisi kuti imwe nyaya yomupepanhau yakati: “Dai nyika yose yairarama maererano nomutemo we[Bhaibheri] weZvapupu [zvaJehovha] kudeurwa kweropa nokuvenga zvaizopera, uye rudo rwaizotonga samambo”! Zvichazomboita saizvozvo here?
Kubatana Kuchaita Nyika Yose
Kuita kuti pave nokubatana munyika yose, zvakawanda zvinodiwa kupfuura kapoka kaduku-duku kevanhu vane vavariro dzakanaka. Panofanirawo kuva nehurumende ine simba rokudzora kupesvedzera kunoitwa nevanorwisa kubatana norugare. Kutaura zvazviri, Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera hurumende yakadaro achiti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.” (Mateu 6:10) Hungu, Jesu akaratidza kuti hurumende inounzwa naMwari, “umambo hwokumatenga,” ndiyo yoga inogona kupedza matambudziko enyika—kusanganisira dambudziko rokusabatana.—Mateu 4:17.
Jesu Kristu ndiye Mambo woUmambo hwokudenga uhwu. Mukutonga kwake vanhu vari pasi pano vachava nenguva isina kumboitika yorugare nokubatana. Kubatana kwenyika yose uku hakusi kuzouya nemhaka yokuchinja kwezvoupfumi kunoparirwa nomunhu. Hurumende yenyika iri mumaoko o“Muchinda worugare” yoga ndiyo inogona kuita chinhu chakadaro.—Isaya 9:6, 7.
Kusaruramisira kuripo zvino, kunowanzokonzerwa nourombo nokusashandiswa zvakanaka kwesimba, hakusi kuzoregwa kwakadaro noMuchinda Worugare. Bhaibheri rinopikira kuti: “Madzimambo ose achawira pasi pamberi pake; ndudzi dzose dzichamushumira. Nokuti ucharwira mushaiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa . . . Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.”—Pisarema 72:11, 12, 14, 16.
Urovhawo huchava chinhu chomunguva yakapfuura mukutonga kwaKristu. Muprofita Isaya anoti: “Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.” (Isaya 65:22) Fungidzira kuti, munhu wose ari pasi pano achakwanisa kuita basa rinokosha, rinogutsa!
Kubatana Kwechokwadi—Rini?
Asi kutonga kwaKristu pasi pano kuchavamba rini? Mukupindura mubvunzo iwoyo, Jesu Kristu akataura nezvenguva yaizova nehondo, mishumo yehondo, zvirwere, kudengenyeka kwapasi, nezvimwe zviitiko. Asi, akataurawo nezverimwe divi rakanaka—kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika yose. (Mateu 24:3-14; Ruka 21:11) Zviitiko izvi, akadaro Jesu, zvichaguma no“kutambudzika kukuru” kuchaita kuti pave nokuchinja kwakakwana kwoutongi hwenyika. (Mateu 24:21) Rava hurukuro yake yakanyorwa muna Mateu chitsauko 24 naRuka chitsauko 21. Enzanisa mamiriro ezvinhu aanofanotaura nezvaunoona munyika yose. Unogona kuona zvakajeka kuti zvino tiri kurarama munguva yokuti Mwari gumise kutonga kunoitwa navanhu. Umambo hwake, naJesu Kristu saMambo, ndihwo huchatonga. Nyika yakabatana iri mberi!
Mubvunzo unosara ndewokuti, Unofanira kuitei kuti uone chipikirwa ichi chichiva chechokwadi? Sezvo Bhaibheri richiita basa rinokosha mune zvinotarisirwa navanhu munguva yemberi, kuchenjera kuita zvose zvaungagona kuti uzive Bhaibheri zviri nani. Nokudaro, Zvapupu zvaJehovha zvingafara kuuya kumba kwako kuzodzidza Bhaibheri newe pachena.a Kana ukabvuma izvi, munguva pfupi iri kutevera uchaona kuti kubatana kwenyika kwava pedyo uye kuti iwewo unogona kubatanidzwa!
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uchida mamwe mashoko pamusoro pechirongwa chokudzidza Bhaibheri ichi, nyorera vabudisi vemagazini ino kana kuti ona Zvapupu zvaJehovha zviri munharaunda yako.
[Mifananidzo iri papeji 17]
Kupota nyika yose, Zvapupu zvaJehovha zvakabatana zvinoshamisa
Kiev, Ukraine
Zagreb, Croatia
[Mufananidzo uri papeji 18]
Chinangwa chaMwari ndechokuti vanhu vave mhuri imwe yenyika yose yakabatana