RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 6/8 pp. 5-6
  • Chaizvoizvo Zvinokuvadza Zvikuru Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chaizvoizvo Zvinokuvadza Zvikuru Here?
  • Mukai!—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Kukuvadza Kunoita Zvinonyadzisira
    Mukai!—2003
  • Kuona Zvinonyadzisira Kwakaipirei?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Zvinonyadzisira Hazvikuvadzi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Nei Ndisingafaniri Kuona Zvinonyadzisira?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 6/8 pp. 5-6

Chaizvoizvo Zvinokuvadza Zvikuru Here?

SEZVATAONA, Internet yakaita kuti zvinonyadzisira zviwanikwe zviri nyore navanhu vakura uye vana. Unofanira kunetseka nazvo here? Zvinonyadzisira zvinokuvadza chaizvoizvo here?

Vakawanda vanofunga kuti kumboti tarisei zvinonyadzisira hakukuvadzi. Zvisinei, mashoko echokwadi anoratidza kuti hazvina kudaro. Funga nezvechakaitika kune vamwe vaviri vakaroorana vairatidzika savanofara. Vakanga vaine mari, uye vaida zvokufamba. Shamwari dzavo dzaifunga kuti vaiva pedyo napedyo, vachidanana, vakazvipira, uye munzira dzakawanda vakanga vakadaro.

Zvisinei, matambudziko akavamba apo murume wacho akatanga kutarisa zvinonyadzisira. Achinyorera kune mumwe akakurumbira anopa mazano mupepanhau, mudzimai wake ainetseka akatsanangura zvaimunetsa achiti: “Apo [murume wangu] akatanga kupedza nguva yakawanda ari pakombiyuta pakati pousiku uye mambakwedza, akandiudza kuti akanga ari ‘kutsvaka ruzivo.’ Ndakaerekana ndapinda mukamuri racho mamwe mangwanani ndikamuwanikidza achitarisa [zvinonyadzisira] . . . Akati akanga achingoda kuziva. Pandakanyatsotarisa zvaakanga achiona, mwoyo wangu wakamira. Akabatwa nenyadzi akavimbisa kurega kuonazve, uye ndakabvuma kuti airevesa. Nguva dzose ave ari munhu anokudzwa—murume anoita zvaanenge ataura.”

Kufanana nomurume uyu, vakawanda vanotanga kutarisa zvinonyadzisira vachida kuziva. Vachitya kuti vangaonekwa, vanovhura Internet pakati pousiku kana kuti mambakwedza. Kana vakawanikidzwa, kazhinji vanoedza kuvanza zvavanga vachiita nokunyepa, sezvakaitwa nomurume uyu. Mumwe munhu angataura zvakanaka kuti “mutambo” unoita kuti “murume anoita zvaanenge ataura” averevedze pakati pousiku uye anyepere vadiwa vake haukuvadzi here?

Tsika yacho inogona kutungamirira kumatambudziko akanyanya omunhu oga neemhuri. Vamwe vakabvuma kuti kuona zvinonyadzisira kwakavadzivisa kutanga ushamwari hwapedyo nevamwe. Havadi vamwe vanhu pedyo navo pavanenge vachiona zvinonyadzisira. Vanhu vanowanzofungidzira pavanoona zvinonyadzisira, uye kufungidzira hakuiti kuti munhu ave noukama hwakanaka kana kuti kurarama upenyu munyika isiri yokufungidzira. Chinhu chinopedza nguva chinoita kuti vasave navamwe vanovada chinganzi hachikuvadzi here?

Mune zvimwe zviitiko vanhu vanotarisa kana kuti vanorava mabhuku ane zvinonyadzisira havagutswi pavanosangana pabonde newavakaroorana naye. Kuti unzwisise chikonzero chacho, funga nezvechinangwa chaMwari chapakutanga kuvanhu vakaroorana. Norudo akapa varume navakadzi mano okugona kuratidza rudo kune mumwe nomumwe nenzira inokudzwa yokusangana pabonde. Zvirevo 5:18, 19 inoratidza kuti izvi zvaifanira kuva zvinofadza: “Ufarire mukadzi woujaya hwako . . . Mazamu ake ngaakufadze nguva dzose. Ugare uchigutiswa norudo rwake.”

Cherechedza kuti rudo ndirwo rwaifanira kuva chinhu chikuru pakusangana pabonde. Munhu anotarisa zvinonyadzisira ari kukudziridza rudo rwakanaka uye ukama hwapedyo here? Kwete, ari kugutsa zvaanoda pachake pakusangana pabonde—ari oga, kazhinji kacho. Murume akaroora anotarisa zvinonyadzisira angatanga kuona mudzimai wake sechinhu chokushandisa chete—mumwe munhu aripo kuti iye afadzwe chete. Izvi zvakasiyana chose nokukudza uye kuremekedza vakadzi uko Musiki aida kuti varume vaite. (1 Petro 3:7) Tsika inovhiringidza zvinhu zvakanaka chaizvo zvevakaroorana inganzi inodiwa here?

Uyezve, icho chingave chakatangwa chichinzi chinhu chokuvaraidza nguva, chinogona kutungamirira kukupindwa muropa kwenguva refu. Mumwe munyori anoti: “Kungofanana nevakapindwa muropa nezvinodhaka vanoda zvinodhaka zvakawanda kuti ‘vadhakwe,’ vanoona zvinonyadzisira vanofanira kuona zvakatonyanya kuipa kuti vanyatsogutswa sezvavakaita munguva yakapfuura.”

Izvi zvingangova ndizvo zvakaitika kumurume ataurwa kwokutanga kwenyaya ino. Mumwe musi manheru mwedzi inoverengeka abva kuvimbisa kurega kuona zvinonyadzisira, mudzimai wake akadzoka kumba akamuwana ari pakombiyuta. Kubva pachitarisiko chake akaona kuti chimwe chinhu chakanga chisina kururama. “[Ai]ratidza kunetseka uye kushatirwa,” akanyora kudaro. “Ndakatarisa pakombiyuta, uye zvechokwadi akanga ave achiona zvinhu zvisina kunaka zvisingadaviriki. Akati akanga ataura nomwoyo wose paakanga avimbisa kurega, asi akanga asingakwanisi kurega.”

Tichifunga nezvekukuvadza kunogona kuitwa nezvinonyadzisira uye kuwanikwa zviri nyore kwazvinoita, unofanira kunetseka nezvazvo. Ungazvidzivirira sei pamwe navana vako? Nyaya yokupedzisira panyaya dzino dzakatevedzana ichakurukura mubvunzo uyu.

[Mufananidzo uri papeji 6]

Zvinonyadzisira zvinokanganisa tsika

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe