RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 6/8 pp. 7-10
  • Zvidzivirire Neavo Vaunoda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvidzivirire Neavo Vaunoda
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kana Uchida Kurega
  • Nei Ndisingafaniri Kuona Zvinonyadzisira?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Zvinonyadzisira Hazvikuvadzi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kukuvadza Kunoita Zvinonyadzisira
    Mukai!—2003
  • Kuona Zvinonyadzisira Kwakaipirei?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 6/8 pp. 7-10

Zvidzivirire Neavo Vaunoda

INTERNET inogona kuva chinhu chokushandisa chinobatsira. Asi, kufanana nezvinhu zvokushandisa zvakawanda, inogona kushandiswa zvisiri izvo. Uye cyberporn—zvinonyadzisira zvepakombiyuta—muenzaniso wokushandiswa zvisiri izvo kwacho.

Vachiziva kuti mufananidzo unogona kuva nesimba rakadini, vabereki vanofanira kuita zvose zvavangagona kuita kuti vana vavo vasagone kuvhura nzvimbo dzeInternet dzine zvinhu zvisina kunaka. Kabhuku kanonzi Teen Safety on the Information Highway kanopa mashoko anobatsira panyaya yacho. Kanoti: “Zvino kwava nezvirongwa zvinotaura zviri paweb site uye zvinoenzanisa mapurogiramu zvichiita kuti vabereki vakwanise kuvhara nzvimbo dzavanofunga kuti hadzina kunaka. Mapurogiramu aya anoshanda munzira dzakasiyana-siyana. Mamwe anovhara nzvimbo dzinozivikanwa kuti dzine zvinhu zvisina kunaka. Mamwe anodzivisa vanhu kunyora mashoko akadai sezita ravo nekero. Mamwe mapurogiramu anodzivisa vana kupinda mumachat room kana kuti anodzivisa kukwanisa kwavo kutumira kana kugamuchira tsamba inotumirwa nomukombiyuta. Kazhinji kacho mapurogiramu aya anogona kushandiswa nomubereki kuti avhare nzvimbo dzaanofunga kuti hadzina kunaka.”—Ona bhokisi rakanzi “Kudzivirira Vana Pazvinhu Zvinonyadzisira.”

Zvisinei, zvinofanira kubvumwa kuti vabereki havagoni kuita zvose kuti vabvise purogiramu dzine zvinhu zvisina kunaka idzo vana vavo vangaona. Havagoni kutarisa vana vavo miniti yoga yoga. Uye mwana kana kuti pwere isingagoni kuona zvinonyadzisira pamba inogona kuzviona madiro pakombiyuta kuchikoro kana kuti kumba kweshamwari yokuchikoro. Saka, kuwedzera kukudzivisa vana vavo kuona zvinonyadzisira, vabereki vanofanira kubatsira vana vavo kudzidza kuva nehana inoshanda ichaita kuti vagone kudzivisa kuona zvinonyadzisira vasina kuudzwa.

Kungava kukanganisa kufunga kuti zviri nani kuti vanhu vakura vaone zvinonyadzisira pane vana. Sezvataona munyaya yapfuura, zvinonyadzisira hazvina kukodzera chero kuna ani zvake!

Zvisinei, ngatitii wave uchiona zvinonyadzisira kwenguva yakati. Unoziva kuti zvauri kuita hazvifadzi Mwari, uye unoda kurega tsika yacho. Unogona kurega here? Hungu, unogona. Vanhu vanorega tsika dzakaipa zuva nezuva. Kana uchida zvechokwadi kurega kuona zvinonyadzisira, unogona kudaro.

Kana Uchida Kurega

Danho rokutanga kurega kuona zvinonyadzisira—iye zvino! Kana ukanonoka kurega, zvichanyanya kukuomera. Zvisinei, kurega kuri nyore kutaura pane kuita. Bhaibheri rinonyatsoratidza kuti chivi chinogona kufadza kwenguva duku. (VaHebheru 11:25) Asi chivi chinogonawo kutungamirira kurufu. (VaRoma 6:23) Pakutanga, ungazviona uchipa zvikonzero zvakasiyana-siyana zvokuti uone zvinonyadzisira kokupedzisira. Usateerera pfungwa dzako! Uye usakundwa nomuedzo wokuramba uchiona!

Sezvataurwa kare munyaya dzino dzakatevedzana, kutarisa zvinonyadzisira kunogona kukanganisa chaizvo upenyu hwako. Nyatsotarisa uone kuchinjwa kwaitwa upenyu hwako netsika yacho uye ukama hwako nemhuri yako uye shamwari. Uri murume uye baba here? Pane mukana wokuti mudzimai wako navana vakacherechedza kuchinja kwakati muunhu hwako. Kubva zvawakatanga kuona zvinonyadzisira, ungave wakatanga kuva nechinya, kufundumwara, kuva zindoga, kana kuti usingachatauri navamwe—zvichida usingambozvizivi. Dzimwe nguva unogona kungopopotera nhengo dzemhuri pasina chikonzero. Kana uri kutarisa zvinonyadzisira, zvichida unhu hwako huri kukutengesa. Shamwari uye nhengo dzemhuri dzakaona kuti chimwe chinhu hachina kunaka. Kungoti havazivi kuti chii—kwenguva ino chete!

Kana ukaona kuti nguva nenguva unonzwa uchida kuona zvinonyadzisira, usaedza kurwisa woga. Batsirwa nevamwe. Taura neshamwari yaunovimba nayo. Chokwadi, zvichada kuti ushinge chaizvo kuti ubvume kuti une dambudziko nezvinonyadzisira, asi shamwari yakura ichadada newe nokuda kwokutora danho iri rokuti urege.

Chido chakasimba chokufadza Mwari pasina mubvunzo ndicho chichaita kuti ude kudzivisa zvinonyadzisira. Kana tichiita zvakanaka, tinoita kuti mwoyo waMwari ufare. (Zvirevo 27:11) Kana tikaita zvisina kunaka, tinoita kuti ave “neshungu pamwoyo pake.” (Genesi 6:6) Kana uri muKristu, pasina mubvunzo une hanya nokuti Mwari anonzwa sei. Unofanirawo kuva nehanya nokuti unoshandisa sei pfungwa dzako nomwoyo, izvo zvakatsaurirwa kuna Mwari uye zvinofanira kuchengetwa zvakachena nokuda kwebasa rake. (Ezekieri 44:23) Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuzvichenesa pachavo “pazvinosvibisa nyama nomudzimu zvose, [va]chikwanisa utsvene pakutya Mwari.” (2 VaKorinde 7:1) Hungu, kutya kusafadza Mwari, uyo anoona zvinhu zvose, kunogona kutikurudzira kuti tide kurega kuona zvinonyadzisira.

Zvisinei, ngatitii nepo uri kuedza kurega, unoerekana wavhura web site ine zvinonyadzisira. Vhara nzvimbo iyoyo nokukurumidza! Kana zvakakodzera, dzima chinoshandiswa kutsvaka zvinhu paInternet! Kana ukaona uchiedzwa kuti udzokere, nyengetera kuna Mwari nomwoyo wose, uchimuteterera kuti akubatsire kukunda muedzo wacho. “Muzvinhu zvose,” Bhaibheri rinodaro, “kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari.” Kana ukaona uchinetswa nepfungwa dzisina kunaka, nyengetera kusvika wawana zororo. Ipapo ‘rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo wako nemasimba ako okufunga.’ (VaFiripi 4:6, 7) Chokwadi, uchafanira kutsiva pfungwa dzisina kunaka neidzo dziri ‘dzechokwadi, dzokuva nehanya nadzo zvikuru, dzakarurama, dzakachena, dzinodiwa, dzinotaurwa zvakanaka pamusoro padzo.’—VaFiripi 4:8.

Ungawana zvichibatsira kuziva nomusoro uye kufungisisa ndima dzeBhaibheri dzakadai sedzinotevera.

“Vengai zvakaipa, imi munoda Jehovha.”—Pisarema 97:10.

“Ndinorwadzisa muviri wangu ndichiutungamirira somuranda, kuti, kana ndaparidzira vamwe, ini ndirege kuva asingatenderwi munzira yakati.”—1 VaKorinde 9:27.

“Naizvozvo, urayai mitezo yomuviri wenyu iri pasi pano kana toreva nezvoufeve, kusachena, kushumba.”—VaKorose 3:5.

“Mumwe nomumwe wenyu azive kudzora muviri wake oga muutsvene nokukudzwa, kwete mukuchochora kwokushumba.”—1 VaTesaronika 4:4, 5.

“Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.”—Mateu 5:28.

“Varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Anoda mukadzi wake anozvida.”—VaEfeso 5:28.

Kune zvikonzero zvakawanda zvokurega kuona zvinonyadzisira. Zvinogona kukanganisa chaizvo upenyu hwako, kuchinja mafungire ako, kukuvadza ukama hwako navamwe, uye zvinotonyanya kukosha, kuparadza ukama hwako naMwari. Kana usati watanga tsika yokutarisa zvinonyadzisira, usatanga. Kana wakatotanga, rega izvozvi! Zvingave mubhuku kana mumagazini kana kuti pakombiyuta, zvinonyadzisira hazvisi zvevaKristu. Zvidzivise chero zvodii!

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 9]

Kudzivirira Vana Pazvinhu Zvinonyadzisira

Pfungwa dziri pasi apa dzingakubatsira kudzivirira vana vako panjodzi dzezvinhu zvinonyadzisira zvinobuda pa“Internet.”

● Usabvumira mwana wako kuvhura Internet ari mugota make. Isa makombiyuta api neapi akabatana neInternet mukamuri rinopindwa zviri nyore nenhengo dzose dzemhuri.

● Ziva mapurogiramu ekombiyuta anoshandiswa nomwana wako.

● Tarisa kuti uone kana mwana wako asina kugadzira Web site yake oga usingazvizivi. Kuti uite izvi, edza kutsvaka zita rake papurogiramu inotsvaka zvose zviri paInternet. Nyora zita rake rose muzvikomberedzo (quotes) kuti usavhure nzvimbo dzisidzo.

● Usabvumira mwana wako kuronga kuonana nomumwe anoshandisa kombiyuta wausingazivi.—Ona bhokisi rakanzi “Hakusi Kungotaura Kusina Maturo.”

● Usatarise mashoko kana kuti mifananidzo inoda kuti uite zvimwe zvinhu, zvisina kunaka, zvine chisimba, kana kuti zvinotyisidzira.

● Nyevera vana vako kuti vasavhura zvinhu zvisina kukodzera paInternet. Vadzidzise kuti vazive zvokuita kana usipo. Yeuka kuti makombiyuta okuchikoro kana kuti ari kumba kweshamwari angasava anodzivisa vana kuona zvinonyadzisira.

[Kwazvakatorwa]

Mamwe mashoko anobva mubhurocha rinonzi Child Safety on the Information Highway uye munyaya yaiva muLos Angeles Times, July 5, 1999.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 10]

Hakusi Kungotaura Kusina Maturo

Kunyatsongwarira kunofanira kuvapo kana uchishandisa chat room yekombiyuta. Chat room inzira inogonesa vanoshandisa Internet kukurukurirana. Chokwadi, vanhu vakawanda vanokurukura neshamwari dzepedyo vachishandisa tsamba inotumirwa nomukombiyuta. Vamwe vanogara kure nenhengo dzemhuri vanogona kuramba vachikurukura nenzira iyi. Asi pane musiyano pakati pokutumira tsamba nomukombiyuta kune mumwe munhu waunoziva nokushanyirana nomumwe munhu wausingazivi. Ungafunga nezvokungoridza chero nhamba dzorunhare wobva wangotanga kushamwaridzana nomunhu chero upi zvake anodavira runhare rwacho here? Chokwadika kwete! Zvino unodirei kutanga kushamwaridzana nomunhu wausingazivi zvachose paInternet?

Rimwe dambudziko riripo pakukurukura nomunhu wausingazivi nderokuti angasava zvaanoratidzika kuva. Somuenzaniso, angava munhu anoshinhwa navana anotarisira kushandisa mwana asiri kuziva zviri kuitika kana kuti pwere.

Parry Aftab, gweta rinonyanya kubata nemhosva dzinoparwa pakushandiswa kweInternet, rinotsanangura kuti zviri nyore sei kuita izvi. Rinoti: “Vana kazhinji vanopinda mumachat room. Vanoshinhwa navana vanoziva izvi, vanoverenga mashoko anenge achitumirwa uye kupindurwa, zvadaro voziva vana vanenge vakasurukirwa. Mumwe mwana angatumira mashoko akadai sookuti ‘Vabereki vangu vari kurambana . . . Ndinovenga amai vangu, havambonditengeri purogiramu yekombiyuta yandinoda.’ . . . Munhu anoshinhwa navana anobva apindura achiti ‘Vabereki vangu vari kurambana . . . Ndinovenga amai vangu . . . Handina kuwana purogiramu yekombiyuta yandaida, kusvikira Sekuru Timmy vanditengera. . . . Chaunofanira kuita kuenda kuzvitoro kuti usangane naSekuru Timmy.’” Chaizvoizvo “Sekuru Timmy” ndiye munhu wacho anoshinhwa navana anenge achinyangira mwana.

Somugumisiro, vabereki vanofanira kuramba vane ukama hwakanaka, hworudo navana vavo. Itai kuti nzira dzokukurukura dzirambe dziripo kuitira kuti vana vaduku vasazoda kutsvaka nzvimbo dzisiri idzo kuti vaudzwe zvavanoda kunzwa.

Vakura vakasurukirwa kana kuti vakaroora asi vasingafari havafaniri kuenda kuchat room yekombiyuta kuti vaudzwe zvavanoda kunzwa. Pane njodzi yokutaura navanhu vausingazivi. Vamwe vakura vakasiya vavakaroorana navo nokuda kwomumwe munhu wa“vakasangana” naye paInternet.a

[Mashoko Omuzasi]

a Kana uchida mamwe mashoko nezvemachat room ekombiyuta, tapota ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Ndingadzivisa sei Njodzi dzeInternet?” iri muMukai! yaFebruary 8, 2000.

[Mufananidzo uri papeji 8]

Munyengetero unogona kubatsira mumwe munhu kudzivisa muedzo

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe