Zvinotaura Bhaibheri
Mushumiri Ndiani?
PAUSIKU hwakatangira rufu rwaJesu rwechibayiro, shamwari dzake dzapedyo dzakaitirana nharo huru. Maererano naRuka 22:24, ipapo “pakavawo nenharo huru pakati pavo pamusoro pokuti ndiani wavo airatidzika somukuru kupfuura vose.” Aka kakanga kasiri kokutanga nharo dzakadaro dzichimuka pakati pevaapostora vaJesu. Pazvinoitika zvinosvika zviviri zvakanga zvapfuura, Jesu aifanira kugadzirisa kufunga kwavo.
Zvinosuruvarisa sei kuti pausiku uhwu hwakaoma, Jesu aifanira kuvayeuchidza zvakare zvinofanira kuva zvakaita mushumiri wechiKristu. Akati: “Mukuru kupfuura vose pakati penyu ngaave somuduku pana vose, uye anoita somukuru ave seanoshumira.”—Ruka 22:26.
Hazvifaniri kutishamisa kuti vaapostora vaiva nepfungwa yakakanganiswa nezvekukosha kwechinzvimbo nemukurumbira. Jesu asati auya, muenzaniso wavo mukuru munhau yekutungamirira zvechitendero waipiwa nevanyori nevaFarisi. Panzvimbo pokutarisira vanhu mumudzimu nokuvatungamirira, vashumiri venhema ava vakaisa tsika dzakaoma uye mitemo iyo yai“pfigira vanhu umambo hwokumatenga.” Vaingoda zvinzvimbo, vaitsvaka mukurumbira, vaingozvifunga pachavo vachiita mabasa avo “kuti vaonekwe nevanhu.”—Mateu 23:4, 5, 13.
Rudzi Rutsva Rwomushumiri
Zvisinei, Jesu akaratidza nzira itsva youshumiri hwomudzimu kuvadzidzi vake. Akadzidzisa kuti: “Musanzi Rabhi, nokuti mudzidzisi wenyu mumwe chete, asi imi mose muri hama. Zvakare, musadana munhu kuti baba venyu pasi pano, nokuti Baba venyu vamwe chete, Ivo vokudenga. . . . Asi mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu.” (Mateu 23:8-11) Vadzidzi vaJesu vaisafanira kutevedzera vatungamiriri vechitendero vomuzuva ravo. Kana vaida kuva vashumiri vechokwadi, vaifanira kutevedzera Jesu. Akasiya muenzaniso worudzii?
Bhaibheri rinowanzoshandisa shoko rechiGiriki rokuti di·aʹko·nos kureva kuti “mushumiri.” The Encyclopedia of Religion inotsanangura kuti shoko iri rinomirira “kwete chinzvimbo asi ukama hwokushumira hwomushumiri newaanoshumira: kutevedzera muenzaniso waKristu . . . ndiko musimboti wokunzwisisa kwechiKristu ushumiri.”
Kuenderana netsananguro yakarurama yeshoko rokuti “mushumiri,” Jesu akazvipa kuti abatsire vamwe. “Mwanakomana womunhu akauya,” akatsanangura nokushivirira, “kwete kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevakawanda.” (Mateu 20:28) Jesu akashandisa nguva, simba, uye mano ake kubatsira vamwe mumuviri nemumudzimu zvisina udyire. Nei? Nokuti akanzwira tsitsi mapoka aibatwa zvisina kufanira mumudzimu aidirana kuzomuona. Aida kubatsira. Rudo rune mutsa ndirwo rwakamupa simba rokuita ushumiri hwake, uye aida kuti vadzidzi vake varatidzewo kuda kupa kwakafanana.—Mateu 9:36.
Noupenyu hwaakararama, Jesu akapa muenzaniso kuvashumiri vomunguva yemberi. “Kukohwa kukuru,” akadaro, “asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” (Mateu 9:37, 38) Hungu, vashumiri vaKristu vaifanira kuva vashandi mubasa guru pane ose rati raonekwa munyika—kugovera nyaradzo yomudzimu kuvanhu vose nokuparidza nokudzidzisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.—Mateu 28:19, 20.
Kusimbisa kupa nokushumira vamwe pane zvavanoda ndikwo kwakaita kuti kuita kwaJesu ushumiri kuve kwakasiyana kwazvo. Akadzidzisa vashumiri vake kuva vashandi, varedzi vomudzimu uye vafudzi, kwete vanhu vasingazivi zvavanotenda uye nhengo dzezvikoro zvepamusoro vanopfeka nokushonga zvinhu zvinokosha.—Mateu 4:19; 23:5; Johani 21:15-17.
Zvinotaura Bhaibheri
Zvinosuruvarisa mukupfuura kwakaita mazana amakore iyi pfungwa yakanaka zvikuru, isina udyire yevashumiri vari vaparidzi nevadzidzisi vanorega zvimwe zvinhu yakavhiringidzwa. Hwakatanga soushumiri hwechiKristu hwakachinja kuva chikoro chakarongwa, chezvinzvimbo. Misha yevafundisi uye zvinzvimbo zvakaumbwa, uye zvakapiwa mukurumbira nesimba uye zvaiwanzowanisa pfuma yakawanda. Izvi zvakatanga mapoka. Boka ravafundisi rakatanga iro rakanga rakazvipira zvikuru kutungamirira sakaramende dzezvitendero uye kupa zano vanokanganisa. ChiKristu chomuzana rokutanga remakore chakachinja nokupindana kwemazana emakore, kubva kuchitendero chaishingaira umo munhu wose aiva mushumiri, kusvika chatonhora, vashomanana bedzi vakanyatsorovedzwa vaigona kuparidza nokudzidzisa.
Zvisinei, Bhaibheri rinozivisa mushumiri wechiKristu, kwete nezvipfeko zvinomusiyanisa, tsika dzokushamisira, mubhadharo, kugadzwa nehurumende, asi nebasa rake risina udyire. Muapostora Pauro akaratidza mafungiro ayo vashumiri vechiKristu vanofanira kuratidza. Akavakurudzira ‘kusaita chinhu nokuzvikudza asi nepfungwa dzinozvidukupisa.’—VaFiripi 2:3.
Pauro zvechokwadi aiita zvaaiparidza. Achinyatsotevera muenzaniso waKristu, haana kumbotsvaka zvinomu“betsera asi zvevakawanda, kuti vaponeswe.” Ainzwisisa uye ainzwa mutoro wake kuti a“govere mashoko akanaka pasina mutengo,” sezvaakataura, “kuti ndirege kushandisa zvisina kufanira simba rangu mumashoko akanaka.” Akanga a“singatsvaki mbiri inobva kuvanhu.”—1 VaKorinde 9:16-18; 10:33; 1 VaTesaronika 2:6.
Muenzaniso wakanaka zvakadini womushumiri wechokwadi wechiKristu! Avo vanotevedzera muenzaniso wake wakaisvonaka uye kufamba mumuenzaniso usina udyire wakapiwa naJesu Kristu, vachizvipa norusununguko kugovera kubatsira mumudzimu nenyaradzo yemashoko akanaka kune vamwe, vanozviratidza kuva vashumiri vechokwadi vaMwari.—1 Petro 2:21.