Kutarisisa Mune Zvisingaoneki—Chii Chinoratidzwa?
CHII chinowanikwa kana vanhu vakashandisa zvigadzirwa zvitsva kuti vaone zvinhu zvavakanga vasingakwanisi kuona munguva yekare? Kuita kudaro kunogona kubatsira kuona chaizvoizvo zvakanga zvisingazivikanwi munguva yakapfuura.—Ona bhokisi riri pasi.
Vazhinji vaifunga kuti pasi ndiro riri pakati pezvinhu zvose zvakasikwa. Asi zvino kushandiswa kweteresikopu kwakaratidza kuti nyika dzomuchadenga, kusanganisira yedu, dzinochengetwa dziri munzvimbo yadzo dzichitenderera zuva. Munguva pfupi ichangobva kudarika, nokugadzirwa kwakaitwa maikorosikopu dzine simba, vanhu vakaongorora atomu pacharo uye vakaona kuti mamwe marudzi emaatomu anobatana nemamwe marudzi kuti aumbe anonzi mamorekuru.
Funga nezvinobatanidzwa pakuumba morekuru remvura, chinhu chinokosha zvikuru muupenyu. Nemhaka yokugadzirwa kwawo, maatomu maviri ehydrogen anobatana nenzira inoshamisa neatomu rimwe chete reokisijeni kuti aumbe morekuru rimwe remvura—zvokuti mudonhwe rimwe munenge mune mabhiriyoni awo! Chii chatingadzidza nokuongorora morekuru remvura uye kuona zvarinoita mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana?
Kushamisa Kunoita Mvura
Kunyange zvazvo madonhwe emvura achiratidzika zviri nyore, mvura chinhu chakaoma kunzwisisa. Chokwadi, Dr. John Emsley, anonyora nezvenyaya dzesayenzi paImperial College muLondon, England, akati ndiyo “rimwe ramakemikari akaongororwa zvikuru asi harisati ronzwisiwa zvikuru.” Magazini inonzi New Scientist yakati: “Mvura ndicho chinhu chinowanika pose pose Pasi pano, asi ndiyowo chinhu chisinganzwisisiki pane zvose.”
Dr. Emsley akatsanangura kuti pasinei nokutaridzika zviri nyore kwemvura, “hapana chinhu chakaoma kunzwisisa kukunda zvainoita.” Somuenzaniso, akati: “H20 inofanira kuva gasi, . . . asi imvura. Uyezve, kana yaita chando . . . , chimiro chokuoma kwainenge yaita, inova godo rechando, rinoyangarara pane kuti rinyure,” sezvingatarisirwa kuitika. Maererano nokuitika kweizvi zvisingatarisirwi, Dr. Paul E. Klopsteg aimbova purezidhendi weAmerican Association for the Advancement of Science, akati:
“Izvi zvinoita sezvakagadzirirwa kuraramisa zvinhu zvinogara mumvura zvakadai sehove. Funga kuti chii chaizoitika kudai mvura, sezvainooma kuva chando, yaisaita zvatsanangurwa. Magodo echando aizoramba achiumbana kusvikira azara gungwa rose, zvichiuraya zvipuka zvose zvomumvura kana kuti zvakawanda zvacho.” Dr. Klopsteg akati kuita zvisingatarisirwi uku kwemvura “uchapupu hwepfungwa huru dzine chinangwa dziri kushanda muzvinhu zvose zvakasikwa.”
Maererano neNew Scientist, vanotsvakurudza ruzivo vava kufunga kuti vava kuziva chikonzero nei mvura ichiita izvi zvisingatarisirwi. Vakagadzira chinhu chokutanga chinotsanangura zvinoitika zvacho panofutunuka mvura. Vanotsvakurudza ruzivo vacho vakaona kuti “tsananguro yezvinoitika zvacho ndeyekutarangana kwemaatomu eokisijeni mumamorekuru emvura nechando.”
Izvi hazvishamisi here? Morekuru rinoita seriri nyore pakuriona ndiro rinoita kuti vanhu vakwenye misoro vachitadza kunzwisisa kuti rakaita sei. Uyewo kufunga nezvokuti mvura ndiyo inoumba chikamu chinorema zvikuru chomuviri wedu! Iwewo unoona here kushamisa kwemorekuru iri, rinoumbwa nemaatomu matatu ezvinhu zviviri chete, “uchapupu hunoshamisa hwepfungwa huru dzine chinangwa dziri kushanda”? Asi, morekuru remvura iduku kwazvo uye harimbonetsi kunzwisisa pane mamwe mamorekuru akawanda.
Mamorekuru Akaoma Kunzwisisa Kwazvo
Mamwe mamorekuru akaumbwa nezviuru zvemaatomu akawanda ezvinhu 88 zvinowanika panyika. Somuenzaniso, morekuru reDNA (kudimburirwa kwedeoxyribonucleic acid) rine mashoko anotaura nezvezvinhu zvinogarwa nhaka nechinhu chose chipenyu, anogona kuva nemamiriyoni emaatomu ezvinhu zvinoumbwa namaatomu akafanana anoverengeka kwazvo!
Pasinei nokuoma kunzwisisa kwarakaita, morekuru reDNA rakangoreba mamirimita 0,0000025, iduku kwazvo zvokuti rinongoonekwa nemaikorosikopu ine simba. Vasayendisiti vakatozowana kuti DNA ndiyo inotaura zvichagarwa nhaka nomunhu muna 1944. Kuwana uku kwakatanga kutsvakurudza kwakakura nezveiri morekuru rakaoma kunzwisisa.
Asi, DNA nemvura anongova mamorekuru maviri chete emamwe akawanda anoshanda pakuumba zvinhu. Uye sezvo kune mamorekuru akawanda anowanika mune zvinhu zvipenyu nezvisiri zvipenyu, tinofanira here kugumisa kuti pane musiyano muduku pakati pezvipenyu nezvisiri zvipenyu?
Kwenguva yakareba, vanhu vazhinji vaifunga kuti izvi ndizvo zvazvakaita. “Tariro yokuti ruzivo rwezvemakemikari ezvinhu zvipenyu rwakawedzerwa rwaizoita kuti musiyano uripo upere yakanyatsoratidzwa nezvimwe zviremera muma1920 nema1930,” akatsanangura kudaro mumwe anodzidza nezvezvinhu zvipenyu zviduku kwazvo anonzi Michael Denton. Asi, pashure penguva yakati kuti, chii chakanyatsowanikwa?
Upenyu Hunokosha uye Hapana Chakafanana Nahwo
Kunyange zvazvo vasayendisiti vaitarisira kuwana matanho chaiwo anotevedzana, pakati pezvipenyu nezvisiri zvipenyu, Denton akacherechedza kuti kuvapo kwomusiyano chaiwo “kwakaburitswa pachena pakupedzisira pashure pokutanga kudzidzwa kwokurongwa kwakaitwa makemikari ezvinhu zvipenyu mukuvamba kwema1950.” Achitsanangura chokwadi chiri pachena chava kuzivikanwa nevasayendisiti zvino, Denton akaenderera mberi achitsanangura kuti:
“Zvino tava kuziva kwete chete kuvapo kwomusiyano pakati pezvipenyu nezvisiri zvipenyu, asiwo kuti zvinomirira misiyano mikuru neinokosha iripo mune zvakasikwa zvose. Pakati pesero benyu uye zvinhu zvisina upenyu zvakaoma kunzwisisa chose, zvakadai sekristaro kana kuti zaya rechando, pane musiyano wakakura uye wakakwana zvokutadza kunzwisiswa.”
Izvi hazvirevi kuti kugadzira morekuru kuri nyore. Bhuku rinonzi Molecules to Living Cells rinotsanangura kuti “kubatana kwetunhu tuduku tunoumba mamorekuru pachakwo kwakaoma kunzwisisa chose.” Zvisinei, rinowedzera kuti kugadzira mamorekuru akadaro “kuri nyore kana kwoenzaniswa nezvinofanira kunge zvakaitwa kuti pasikwe sero benyu rokutanga.”
Masero anogona kuvapo ari oga sezvinhu zvipenyu pachazvo, zvakadai soutachiona, kana kuti anogona kushanda sechikamu chezvimwe zvipuka zvine masero akawanda, zvakadai somunhu. Zvaizoda masero akakura zviri pakati nepakati anokwana 500 kuti aenzane nekadonhwe kari kwakaperera mutsetse uno. Saka hazvishamisi kuti zvinoitwa nesero hazvigoni kuonekwa neziso riri roga. Saka, chii zvino chinoratidzwa nokushandisa maikorosikopu kutarira musero rimwe chete riri mumuviri womunhu?
Sero—Rakavapo Netsaona Here Kana Kuti Rakagadzirwa?
Kutanga, munhu anototi ashamiswe chete nokuoma kunzwisisa kwakaita masero mapenyu. Mumwe munyori wenyaya dzesayenzi akati: “Kukura kwenguva dzose kwechero sero risina kunyanya kuoma kunzwisisa kunoda kuti kushanda kwemakemikari kune makumi ezviuru kuitike nenzira yakarongeka.” Akabvunza kuti: “Kushanda kwemakemikari kune 20 000 kungaitika sei panguva imwe chete mukasero kaduku-duku?”
Michael Denton akafananidza kunyange sero duku pane ose ne“fekitari duku zvikuru ine zviuru zvezvinhu zvakanyatsogadzirwa zvemichina yemamorekuru anofambidzana, zvakagadzirwa zvose pamwe chete nemaatomu anokwana mamiriyoni ane zana, zvakatonyanya kuoma kukunda chero muchina upi zvawo wakagadzirwa navanhu uye hapana chakafanana nawo pazvinhu zvisina upenyu.”
Vasayendisiti vachiri kuomeswa mate mukanwa nokuoma kunzwisisa kwakaita sero, sezvakataurwa neThe New York Times yaFebruary 15, 2000, kuti: “Vanodzidza nezvezvinhu zvipenyu pavanonyanya kunzwisisa masero mapenyu, vanobva vanyanya kutadza kunzwisisa zvose zvavanoita. Sero romunhu rakakura zviri pakati nepakati iduku zvokutadza kuonekwa, asi nguva dzose magene anosvika 30 000 pa100 000 awo anenge achishanda nguva imwe neimwe, achiita basa rokuchenesa uye kuita zvinenge zvichitaurwa nemamwe masero.”
Times yakabvunza kuti: “Muchina muduku kwazvo zvakadai ungadzidzwa sei? Chero nokuedza kwakakura dai sero rimwe chete romuviri womunhu raizonzwisiswa zvakakwana, kune marudzi anopfuura 200 ari mumuviri womunhu.”
Magazini inonzi Nature, munyaya yaiva nomusoro unoti “Real Engines of Creation,” [Michina Chaiyo Yechisiko] yakashuma kuti pane tumwe tumichina twakawanikwa turi musero rimwe nerimwe romuviri. Utwu tunotenderera kuti tugadzire adenosine triphosphate, panobva simba rinoshandiswa nemasero. Mumwe musayendisiti akati: “Chii chatingaita kana tikadzidza kugadzira michina inoshanda semamorekuru yakafanana neyatinowana mumasero?”
Chimbofunga nezvokugona kugadzira zvinhu kunoita sero! Kuwanda kwemashoko ari muDNA yesero rimwe chete bedzi romuviri wedu kwaizozadza mapeji akakura seino anenge miriyoni! Kudarika izvozvo, nguva imwe neimwe apo sero rinokamukana kuti pave nerimwe idzva, mashoko aya anoiswa musero idzva racho. Unofunga kuti sero rimwe chete—mumuviri mako mune matiririyoni 100—rakasvika sei pakuva nemashoko akadaro? Zvakaitika netsaona here, kana kuti mumwe Mugadziri Mukuru ndiye akazviita?
Zvichida wagumisa sezvakaita Russell Charles Artist, mumwe anodzidza nezvezvinhu zvipenyu. Akati: “Tinoomerwa zvikuru, zvisingatotauriki, kana tikaedza kuwana kuti [sero] rakavapo sei, uyewo nokuda kwaizvozvo kupfuurira kushanda kwaro, kunze kwokuti tatobvuma kuti mumwe munhu akachenjera, ane pfungwa akaita kuti rivepo.”
Kurongeka Kwezvinhu Kunoshamisa
Kare kare, Kirtley F. Mather, panguva iyoyo aiva purofesa wezvidzidzo zvemaumbirwo epasi paHarvard University akagumisa achiti: “Tinorarama muchisiko chose, kwete chakavapo netsaona kana kuti nokushanduka-shanduka, asi chakavapo noMutemo uye Kurongeka. Kutarisirwa kwacho kune pfungwa uye kunofanira kuremekedzwa zvikuru. Funga nezvegadziriro yesvomhu dzomusikirwo dzinoshamisa dzinotigonesa kupa nhamba dzakatevedzana dzezvinoumba atomu pachinhu chimwe nechimwe.”
Ngatimboongororai zvishoma “gadziriro yesvomhu dzomusikirwo dzinoshamisa.” Pazvinhu zvine maatomu akafananaa zvaizivikanwa navanhu vekare paive nendarama, sirivha, mhangura, tini, nesimbi. Arsenic, bismuth, neantimony zvakazowanikwa nevaidzidza nezvemakemikari muma1600, uye pave paya, muma1700, zvimwe zvinhu zvine maatomu akafanana zvakawanda zvakawanikwa. Muna 1863 muchina unoongorora chiedza, unogona kusiyanisa mavara akasiyana-siyana anobudiswa nechinhu chimwe nechimwe chine maatomu akafanana, wakashandiswa kuwana indium, yaiva nhamba yechi63 pazvinhu zvine maatomu akafanana zvakawanikwa.
Panguva iyoyo muongorori wemakemikari wokuRussia ainzi Dmitry Ivanovich Mendeleyev akagumisa kuti zvinhu zvine maatomu akafanana izvi hazvina kungogadzirwa zvachero. Pakupedzisira, musi waMarch 18, 1869, nyaya yake yaiva nomusoro unoti “An Outline of the System of the Elements” yakaverengerwa veRussian Chemical Society. Mairi akati: ‘Ndinoda kutanga imwe nzira yakati isingangoerekani yaitikawo zvayo asi chaiyoiyo ine gwara rokutevera.’
Munyaya yakakurumbira iyi, Mendeleyev akafanotaura kuti: “Tinofanira kutarisira kuwana mamwe asingazivikanwi akawanda; somuenzaniso, akafanana nealuminum nesilicon, zvinhu zvine maatomu akafanana zvine uremu hweatomu hunobva pa65 kusvika ku75.” Mendeleyev akasiya dzimwe nzvimbo dzakanga dzisina chinhu dzezvimwe zvinhu zvitsva zvine maatomu akafanana 16. Paakabvunzwa kuti aratidze kuti zvaaitaura ichokwadi, akapindura achiti: “Hapana chikonzero chokuti ndiratidze kuti izvi ichokwadi. Mitemo yezvinhu zvakasikwa, kusafanana nemitemo yemanyorerwe omutauro, inoti ndizvo chete zviripo.” Akawedzera kuti: “Ndinofunga kuti kana zvimwe zvinhu zvine maatomu akafanana zvisati zvazivikanwa zvikazowanikwa, vanhu vazhinji vachatiteerera.”
Izvi ndizvo chaizvo zvakaitika! “Mumakore 15 akatevera,” inotsanangura kudaro Encyclopedia Americana, “kuwanikwa kwegallium, scandium negermanium, zvine zvakazviumba zvakafanana kwazvo nezvakanga zvafanotaurwa naMendeleyev, kwakaratidza kuti zvinhu izvi zvakarongeka uye zvakaita kuti munhu akatanga kuzvitaura akurumbire.” Pakazosvika makore okutanga ezana remakore rechi20, zvinhu zvose zviripo zvine maatomu akafanana zvakanga zvawanikwa.
Sezvakataurwa naElmer W. Maurer, anotsvakurudza nezvemakemikari, zviri pachena kuti “kurongeka zvakanaka kwazvo uku hakungavi kwakavapo netsaona.” Nezvokuti kurongeka kunoenderana kuri pakati pezvinhu zvine maatomu akafanana kwakangovapo netsaona, purofesa wekemisitiri John Cleveland Cothran akati: “Kuwanikwa kwezvinhu zvine maatomu akafanana kwakazoitwa kwakanga kwafanotaurwa na[Mendeleyev], uye kuva kwawo nezvinhu zvose zvaakanga afanotaura, zvakabvisa zvachose kufungidzira kwokuti zvinogona kuva zvakavapo netsaona. Zvaakanga ataura zvikuru hazvina kumbonzi ‘The Periodic Chance.’ (‘Tsaona yeMarongerwo’) Asi, zvinonzi ‘Periodic Law’ (‘Mutemo weMarongerwo’).’”
Kunyatsodzidza nezvezvinhu zvine maatomu akafanana uye kuti zvinoshanda pamwe chete sei kuti zvigadzire zvinhu zvose zvakasikwa kwakaita kuti imwe nyanzvi yefizikisi inozivikanwa zvikuru inonzi P. A. M. Dirac, yaimbova purofesa wemasvomhu paCambridge University, iti: “Mumwe anogona kuzvitsanangura achiti Mwari inyanzvi yemasvomhu yepadanho rakakwirira zvikuru, uye Iye akashandisa svomhu dzakakwirira zvikuru mukugadzira zvinhu zvose zvaakasika.”
Zvechokwadi zvinofadza kutarira zvinhu zvisingagoni kuonekwa neziso riri roga zvakadai semaatomu maduku kwazvo, mamorekuru, uye masero mapenyu nemapoka enyeredzi akakura ari kure zvokusagona kuonekwa neziso riri roga! Izvi zvinoratidza kuti tiri vaduku. Iwe pachako unozviona sei? Chii chaunoona chichiratidzwa nezvinhu izvi? Unoona zvakawanda kukunda zvaunogona kuona nemaziso ako chaiwo here?
[Mashoko Omuzasi]
a Zvinhu zvinokosha zvakagadzirwa nemaatomu orudzi rumwe chete. Pane zvinhu 88 chete zvine maatomu akafanana zvakasikwa zviri panyika.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 5]
Kumhanyisa Zvokutadza Kuonekwa Nemaziso
Sezvo bhiza richimhanya nokukurumidza kwazvo, varume vomuzana remakore rechi19 vakaitirana nharo nezvokuti pane nguva here apo makumbo aro ose anenge asina kutsika pasi panguva imwe chete. Pakupedzisira, muna 1872, Eadweard Muybridge akatanga kuongorora zvokutora mifananidzo zvakazopedza nharo dzacho. Akagadzira nzira yokutora nayo mabhaisikopo okutanga aive nemifananidzo yaimhanya zvikuru.
Muybridge akaronga makamera 24 akatevedzana ari pedyo napedyo zvishoma. Kubva pakanhu kanovhurika kekamera imwe neimwe kuti mufananidzo utorwe, pakasungirirwa kashinda kakaiswa munzira, kuitira kuti bhiza parinomhanya munzira yacho, raigumha tushinda tuya ndokuvhura tunhu tuya kuti mufananidzo utorwe. Kuongororwa kwemifananidzo yakatorwa kwakaratidza kuti pane dzimwe nguva bhiza raiva risina kana kutsika pasi zvachose.
[Kwazvakatorwa]
Courtesy George Eastman House
[Mufananidzo uri papeji 7]
Nei mvura yakaoma kuita chando ichiyangarara pane kuti inyure?
[Mufananidzo uri papeji 7]
Morekuru reDNA rakareba mamirimita 0,0000025, asi mashoko ariinawo angazadza mapeji anosvika miriyoni
[Kwazvakatorwa]
Mufananidzo wakaitwa nekombiyuta weDNA: Donald Struthers/Tony Stone Images
[Mufananidzo uri papeji 8]
Musero rimwe nerimwe romuviri—ose ari matiririyoni 100—makumi ezviuru emakemikari ari kushanda munzira yakarongeka
[Kwazvakatorwa]
Copyright Dennis Kunkel, University of Hawaii
[Mufananidzo uri papeji 9]
Mendeleyev wokuRussia aiita zvekemisitiri akagumisa kuti zvinhu zvine maatomu akafanana hazvina kungosikwa zvisina kutevedzana
[Kwazvakatorwa]
Courtesy National Library of Medicine