RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 9/8 pp. 16-18
  • Ndingabata sei Nokunetswa Nevane Mesomeso?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingabata sei Nokunetswa Nevane Mesomeso?
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Maonero Anoita Mwari
  • Ndinotaurei?
  • Kudzivisa Kunetswa
  • Kana Ukanetswa
  • Kunetswa Mune Zvevatano—Chinetso Chenyika Yose
    Mukai!—1996
  • Kunetswa Mune Zvevatano—Nzira Yokuzvidzivirira Nayo Umene
    Mukai!—1996
  • Ndingaitei Kuti Ndisashungurudzwa Panyaya Dzepabonde?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Ndingakurira Sei Dambudziko Rokushungurudzwa Panyaya Dzepabonde?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 9/8 pp. 16-18

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndingabata sei Nokunetswa Nevane Mesomeso?

“Vakomana vanondiridzira miridzo uye vanodaidzira mashoko ehasha kwandiri.”—Carla, Ireland.

“Vasikana vanoramba vari parunhare nguva dzose. Vanoedza kuita kuti ukande mapfumo pasi.”—Jason, United States.

“Airamba achibata ruoko rwangu uye achiedza kubata chanza changu.”—Yukiko, Japan.

“Vasikana vanotaura mashoko ane zvaanoreva.”—Alexander, Ireland.

“Mumwe mukomana airamba achidanidzira mashoko kwandiri ari mubhazi rechikoro. Aisada chaizvoizvo kudanana neni. Aingondinetsa chete.”—Rosilyn, United States.

KUYEVA kunoratidza kutamba kworudo, “kurumbidza” kunoratidza kuda zvepabonde, jee rinonyadzisa, kubata kunoratidza kuda zvepabonde—mabatirwo akadaro, kana asingagamuchirwi uye achidzokororwa, anowanzoguma nokunganzi kunetswa nevane mesomeso. Kunyange zvazvo nhamba dzomunyika yose dzisiri nyore kuwana, kuongorora kunoratidza kuti pwere dzakawanda dzezera rinoenda kuchikoro muUnited States dzakapfuura nomazviri.

Asi chii chinonzi kunetswa nevane mesomeso? Bhuku rinonzi Coping With Sexual Harassment and Gender Bias, rakanyorwa naDr. Victoria Shaw, rinokurondedzera so“kunetsa mumwe munhu zvinoratidza kuda zvepabonde . . . Kungava kubata mumwe munhu nenzira inoratidza kuda zvepabonde, kutaura (zvakadai sokutaura mashoko asingagamuchirwi nezvechitarisiko chomumwe munhu), kana kuti pangasava neshoko.” Dzimwe nguva kunetsa kwacho kunosanganisira kutaura zvinonyadzisira.

Kunetswa kwakawanda kunoitwa kuchikoro zvimwe kunobva kune vezera rako. Zvisinei, mune zvimwe zviitiko zvinogumbura zvacho zvinobva kuvanhu vakura, vakadai sevadzidzisi. Imwe nyaya iri mumagazini inonzi Redbook inoti nhamba yakati yavadzidzisi vanowanikwa vane mhosva dzezvepabonde “zvichida inongomirira bedzi vashomanana vevane mhosva.”

Vakadzi—uye pane dzimwe nguva varume—vakambobatwawo zvakaipa kunyange kare munguva inotaurwa muBhaibheri. (Genesi 39:7; Rute 2:8, 9, 15) Uye Bhaibheri rakafanotaura zvinotyisa izvi zvokuti: “Kuchava nenguva dzakaoma mumazuva okupedzisira. Vanhu vachava vanozvida, vanokara, vanozvitutumadza, vanozvikudza; vachava vanotuka . . . ; vachava vasina mutsa, vasina tsitsi, vacheri, vane chisimba, uye vanotyisa.” (2 Timoti 3:1-3, Today’s English Version) Naizvozvo zvinokwanisika, kuti zvimwe iwe pachako uchasangana nokunetswa nevane mesomeso.

Maonero Anoita Mwari

Sezvinobvumwa, hadzisi pwere dzose dzinoshungurudzika nokunetswa kwakakasharara. Vamwe vangatofadzwa nazvo—kana kuzviona sejee. Kumwe kuongorora kunokangaidza kwakaitwa kuUnited States kwakaratidza kuti pakati pevanhu vanonetswa nevane mesomeso, 75 muzana vakabvuma kuti ivo pachavo vakanga vanetsawo vamwe. Vamwe vakura vangawedzera chinetso chacho nokuderedza kukomba kwokunetsa kwakakasharara, vasina hanya nakwo vachiti kutamba kwouhwana. Asi Mwari anozviona sei?

Shoko raMwari, Bhaibheri, rinoshora zvakajeka marudzi ose okunetsa kwemesomeso. Tinorayirwa kusa“pindira pakodzero” dzavamwe nokupfuura patinofanira kugumira panhau dzepabonde. (1 VaTesaronika 4:3-8) Kutaura zvazviri, varume vaduku vanorayirwa zvakananga kuona “vakadzi vaduku sehanzvadzi nokuchena kwose.” (1 Timoti 5:1, 2) Uyezve, Bhaibheri rinoshora “majee anonyadzisa.” (VaEfeso 5:3, 4) Naizvozvo, une kodzero yokutsamwa, kusuwa, kuvhiringidzika, uye kunyange kunzwa sewazvidzwa paunenge wanetswa!

Ndinotaurei?

Unofanira kuita sei, kana mumwe munhu akakunetsa munzira iyi? Dzimwe nguva kupindura kwakaneta kana kuti mhinduro isina kujeka inoita kuti anonetsa wacho atoedzazve. Bhaibheri rinotiudza kuti apo Josefa akakumbirwa nomudzimai womunhu waaishandira kuti arare naye, haana kungoisa zvimiti munzeve. Asi, akaramba zvakasimba maitiro ake ounzenza. (Genesi 39:8, 9, 12) Nhasi, kuva akasimba uye akananga ichiri nzira yakanakisisa yokudzivisa nayo kunetswa.

Chokwadi, ari kukunetsa angava asingadi kukugumbura. Kunoita sokunetsa kungava chaizvoizvo kuedza kukukwezva kusina kutsarukana kuti umuonewo. Naizvozvo usanzwa sokuti iwe unofanira kuita zvisina kunaka kuti umise zvausingadi. Kungotaura bedzi chimwe chinhu chakadai sokuti, ‘Handidi mataurire iwayo’ kana kuti, ‘Usandibata, ndapota’ kungapedza zvose. Zvisinei nokuti unozvitaura sei, usataure zvakatonhora. Aiwa wako ngaareve kuti aiwa! Andrea muduku anoti: “Kana vasinganzwisisi, mashoko ako omutsa, unofanira kuvataurira zvakajeka. Kakawanda unofanira kuva akananga.” Kungoti ‘Rega kudaro mhani!’ kwakasimba kungashanda.

Kana zvikapfuurira, usaedza kupedza nyaya yacho woga. Edza kuikurukura navabereki vako kana kuti vamwe vanhu vakura. Vangava vaine mazano anoshanda okubata nenyaya yacho. Sechinhu chokupedzisira, vanganzwa kuti zvakafanira kuzivisa vakuru vechikoro. Kudaro kungaita kuti unzwe usina kugadzikana, asi zvingakudzivirira pakumwezve kunetswa.

Kudzivisa Kunetswa

Chokwadi, zvakanaka zvikuru kudzivisa kunetswa pakutanga. Chii chingabatsira munhau iyi? Andrea anoti: “Usafa waratidza kuti zvimwe unozvifarira. Vamwe vachanzwa nezvazvo, uye ucharamba uchinetswa.” Nzira yaunopfeka nayo ingaita basa guru. Mara muduku anoti: “Handipfeki sechembere, asi handipfeki mbatya dzinoita kuti muviri wangu ukwezve.” Kuramba maitiro ounzenza nepo wakapfeka mbatya dzinoita kuti ukwezve kungasanzwisiswa. Bhaibheri rinokurudzira kupfeka zvine “mwero nokunaka kwepfungwa.”—1 Timoti 2:9.

Kusarudza kwako shamwari kunewo chokuita namabatirwe aunoitwa. (Zvirevo 13:20) Rosilyn anoti: “Apo vamwe vevasikana vari muboka vanoda kuonekwa navakomana, vakomana vacho vangafungidzira kuti vasikana vose vari muboka racho vanonzwawo saizvozvo.” Carla anotsigirawo achiti: “Kana ukashamwaridzana nevanobvumira mashoko acho kana kuti vanonakidzwa nokuonekwa kwacho, ipapo uchanetswawo.”

Bhaibheri rinotaura nezvomusikana muduku ainzi Dhina uyo akashamwaridzana nevasikana vaibva kuKanani—uko vakadzi vaizivikanwa nounzenza hwavo. Izvi zvakaita kuti abatwe chibharo. (Genesi 34:1, 2) Nechikonzero chakanaka Bhaibheri rinoti: “Rambai muchinyatsongwarira kuti kufamba kwenyu kurege kuva sevanhu vasina kuchenjera asi sevakachenjera.” (VaEfeso 5:15) Hungu, ku“nyatsongwarira” nezvokuti unopfeka sei, unotaura sei, uye kuti unoshamwaridzana naani kungaita zvakawanda kukudzivirira pakunetswa.

Zvisinei, kupwere dzechiKristu, imwe yenzira dzinoshanda zvikuru yokuti vasanetswa nayo kungoita bedzi kuti vamwe vazive nezvechitendero chako. Timon muduku, mumwe weZvapupu zvaJehovha, anoyeuka kuti: “Vana vaiziva kuti ndiri Chapupu, saka izvozvo zvakamisa kunenge kunetswa kwose.” Andrea anoti: “Kuvaudza kuti uri Chapupu kunobatsira zvikuru. Vachaziva kuti wakasiyana navo munzira dzakawanda uye kuti une tsika dzakanaka dzaunofanira kutevedzera.”—Mateu 5:15, 16.

Kana Ukanetswa

Pasinei nokuedza kwaungaita, haungatizi zvachose vanhu vasina unhu, vanobata vamwe zvisina kufanira. Asi kana uchinge wanetswa nomumwe munhu, hapana chikonzero chokunetseka nokunzwa kuva nemhaka—chero bedzi wazvibata somuKristu. (1 Petro 3:16, 17) Kana izvozvo zvikakurwadza mupfungwa, wana tsigiro nokutaura nevabereki vako kana kuti vamwe vakakura mumudzimu vari muungano yechiKristu. Rosilyn anobvuma kuti zvakaoma kunzwa zvakanaka nezvako pachako paunenge uchinetswa. “Kungova nomumwe munhu,” anodaro, “mumwe munhu waungataura naye, zvakanaka zvikuru.” Yeukawo, kuti “Jehovha uri pedyo navose vanodana kwaari.”—Pisarema 145:18, 19.

Hazvisi nyore kuramba wakashinga mukutarisana nokunetswa, asi zvinokosha kwazvo. Somuenzaniso, funga nezvenhoroondo yeBhaibheri yemhandara yaibva kuShunemi. Kunyange zvazvo isina kunetswa sokunzwisiswa kwakajairika kunoitwa shoko racho nhasi, yakaitirwa zvayakanga isingadi naSoromoni, mambo akapfuma uye ane simba zvikuru weJudha. Nokuti yaidanana nomumwe murume, yakaramba izvozvo. Nokudaro iyo pachayo yaigona kuti, “Ini ndaiva rusvingo.”—Rwiyo rwaSoromoni 8:4, 10.

Iwe ratidzawo kusimba kwetsika nokutsunga kwakadaro. Iva “rusvingo” paunotarisana nezvausingadi. Ita kuti zvive zvakajeka kuvanhu vose vakakupoteredza kuti uri muKristu. Nokuita izvi, ungaramba uri “asina cha[a]nopomerwa ne[a]sina mhaka” uye wova nechivimbo chokuti wafadza Mwari.—VaFiripi 2:15.a

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazano ezvokunetswa nevane mesomeso ari muMukai! yaJune 8, 1996; uye yechiNgezi yaAugust 22, 1995; neyaMay 22, 1991.

[Mufananidzo uri papeji 17]

Kuita kuti zvitendero zvako zvechiKristu zvizivikanwe navose kungakudzivirira

[Mufananidzo uri papeji 17]

Nokusashamwaridzana neboka risiro, ungadzivisa kunetswa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe