Kuedza Kwandakaita Kuita Zvisarudzo Zvakanaka
YAKATAURWA NAGUSTAVO SISSON
Ndava nemakore 12, ndakasarudza kuzova chiremba, kunyange zvazvo ndakanga ndakabatikana chaizvo nokushambira. Panguva iyoyowo, ndakatanga kudzidza Bhaibheri ndokubva ndada kuva mushumiri. Chii chakazoitika kuvavariro dzangu uye zvandaida zvakanga zvakasiyana? Zvaipindirana here?
MUNA 1961, Olive Springate, mumwe mumishinari weZvapupu zvaJehovha muBrazil, akavamba kudzidza Bhaibheri neni naAmai. Nemhaka yokushora kwaiita Baba, vaiva chiremba airemekedzwa muPôrto Alegre, takarega kudzidza. Asi Olive akaramba achionana nesu, uye pakupedzisira ndakaona chokwadi mune zvandakanga ndadzidza. Asi kuzosvika panguva ino kuita kwangu zvokushambira kwakanga kwandibvisa pane zvokunamata.
Ndava nemakore 19, ndakasangana neimwe tsvarakadenga yainzi Vera Lúcia kukirabhu kwandaishambira, uye takatanga kudanana. Amai vakamuudza zvataidavira, uye akazvifarira. Saka ndakaonana naOlive, akatanga kudzidza nesu Bhaibheri, pasinei nokushora kwababa vaVera Lúcia.
Vera Lúcia akapfuurira kudzidza, uye akawedzera kuziva Bhaibheri. Akatotanga kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri kune vaishanda pakirabhu pandaishambira. Panguva iyoyo, ndakanyanya kuzvirovedza kushambira kuitira makwikwi okushambira aizotevera omunyika yedu.
Tadzidza uye kupinda misangano yechiKristu kwerinopfuura gore, baba vaVera Lúcia vakatanga kunyumwira kuti chimwe chinhu chakanga chiri kuitika. Rimwe zuva patakadzoka kubva kumusangano, vakanga vakatimirira uye vakatibvunza kuti tainge taenda kupi. Ndakapindura kuti takanga taenda kunopinda musangano wechiKristu uye kuti kunyange zvazvo ivo vakanga vasingafariri zvokunamata, kwatiri yaiva nhau youpenyu norufu. Vakatura befu ndokuti: “A, kana iri nhau youpenyu norufu, ndinotofanira kubvuma izvozvo.” Pfungwa dzavo dzakachinja kubvira musi iwoyo, kunyange vasina kuzombova mumwe weZvapupu zvaJehovha, vakava shamwari yepedyo panguva yataivada.
Kuita Zvisarudzo
Ndakanga ndasarudza kurega kushambira kwemakwikwi kana makwikwi enyika yedu apera, asi kubudirira kaviri uye mukurumbira muBrazil wokushambira sezvaunoda kwemamita 400 ne1 500 kwakaita kuti ndidanwe kuPan American Games muCali, Colombia muna 1970. Kunyange zvazvo Vera Lúcia akanga asingadi kuti ndiende, ndakatanga kuzvirovedza nokuda kwemitambo yacho.
Pandakashambira zvakanaka muCali, varayiridzi vakandibvunza kana ndakanga ndichida kurovedza nokuda kwemitambo yeOlympic. Ndakafunga nezvezvidzidzo zvangu zvokuva chiremba zvakanga zvisati zvapera uye chokwadi chinofadza chandakanga ndadzidza maererano nechinangwa chaJehovha ndikabva ndarasa pfungwa dzose dzokuda kushambira zvekare. Kubvira ipapo, ndakakurumidza kufambira mberi mune zvokunamata. Muna 1972, gore remitambo yeOlympic muMunich, Germany, ini naVera Lúcia takaratidza tsauriro yedu kuna Jehovha nokubhabhatidzwa mumvura. Izvi zvakakurudzira Amai kuti vatangezve kudzidza Bhaibheri, uye pashure penguva yakati naivowo vakabhabhatidzwa.
Amai vabhabhatidzwa, kushora kwaBaba kwakabva kwanyanya. Pakupedzisira vabereki vangu vakarambana, uye zvandakanga ndichiri kuyunivhesiti, taifanira kurarama nemari shoma yaAmai yepenjeni uye mari yavakawana pakatengeswa imba yedu. Saka ini naVera takasarudza kumbomira kuchata. Chaizvoizvo, zvidzidzo zvakanaka kwazvo zvandakanga ndadzidziswa naBaba zvakandibatsira kuti ndiite zvisarudzo zvandakaita. Vaiwanzoti: “Usatya kuva munhu akasiyana nevamwe” uye “Gurumwandira harina kururama nguva dzose.” Vaiwanzotaurawo kuti, “Kukosha kwomurume kunoonekwa nezvaanopa vamwe.”
Somumwe weZvapupu zvaJehovha, ndakwanisa kushandisa mazano akanaka kwazvo aBaba. Ndakanga ndiri parutivi pomubhedha wavo pavakafa muna 1986. Takanga tava shamwari zvekare uye tairemekedzana. Ndine chokwadi chokuti vaidada neni, nokuti kufanana navo, ndakanga ndava chiremba.
Panguva iyoyo, ndakanga ndapedza chikoro chezvokurapa muna 1974. Ndakasarudza kuva chiremba anorapa zvirwere zvakasiyana-siyana, asi pave paya, ndanyatsorangarira nhau yacho, ndakasarudza kuti ndaizogona kubatsira hama dzangu dzechiKristu kana ndikava chiremba anovhiya. (Mabasa 15:28, 29) Saka ndakasarudza kuita iri basa rakaoma uye ndakapedza makore matatu akatevera ndichidzidzira kuva chiremba anovhiya.
Nhau Yomudare Yakanetsa
Imwe nyaya inosuruvarisa yakaitika yaibatanidza mumwe musikana ane makore 15 aiva Chapupu, airwara nokubuda ropa mudumbu. Akanga acheneruka uye ava neropa shoma, asi achinzwisisa uye akatsunga zvakakwana muchisarudzo chake chokuramba kuisirwa ropa. Ndaita kuti ropa rake riwedzere, ndakamuvheneka mukati ndokugeza maronda ake nemvura inotonhora ine sauti kuti kubuda ropa kumire. Pakutanga akaita nani, asi maawa 36 akatevera, paakanga ari muimba yevanonyanya kurwara pachipatara, kubuda ropa kwakaerekana kwatanga zvekare. Pasinei nokuedza nomwoyo wose, chiremba akanga ari pabasa akatadza kumisa kubuda ropa kwacho ndokuchengeta ropa rake rakawanda zvakakwana, musikana wacho achibva afa.
Pakaitika izvi, komiti yemashandire avanachiremba yakamisa kurovedzwa kwangu somudzidzi, mhosva yangu ikabva yakwidzwa kukanzuru yokurapa yomunharaunda. Ndakapomerwa mhosva yokutyora mitemo mitatu yemaitirwe ebasa rokurapa, zvichiita kuti rezenisi rangu rive pamutanhiko ndokurasikirwa nechokurarama nacho.
Komiti yakandipa mazuva 30 andaifanira kunyora tsamba ndichizvidzivirira. Magweta angu akanyora zvikonzero zvepamutemo, uye ndakanyorawo mashoko okuzvidzivirira akanangana nemaitirwe ebasa ndichibatsirwa neDare Rokubata Nechipatara (HLC) romunharaunda yandinogara, boka reZvapupu zvaJehovha rinotsvaka kuita kuti pave nomushandirapamwe pakati pavarwere nezvipatara. Pakatongwa nyaya yacho dare rakabvunza mibvunzo kunyanya nezvebasa rangu sachiremba uye somumwe weZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, kuzvidzivirira kwangu kwakanga kwakanyanya kunangana nezvokurapa uye zvesayenzi nepane mamwe mashoko akabva kuna vanachiremba vanovhiya vanoremekedzwa.
Mashoko akapiwa akaratidzawo kuti murwere akanga aramba kuisirwa ropa uye kuti hapana chandakanga ndaita chakaita kuti asarudze izvozvo. Dare racho rakawanawo kuti pavanachiremba vana vakanga vabvunzwa, ndini chete ndakanga ndatanga kurapa kwakanga kuchibvumirana nezvinodiwa nomurwere nourwere hwake.
Mhosva yangu yakabva yakwidzwa kudare raizovhota vose vanotarisirwa kuvapo varipo. Ndakataura kwemaminiti gumi ndichizvidzivirira, sezvaiva mumashoko akanyorwa andakanga ndambozvidzivirira nawo, ndakanyanya kusimbirira pane zvinhu zvokurapa. Dzateerera ndichitaura, nhengo mbiri dzedare dzakati kunyange zvazvo ndakanga ndisina kuisira ropa, kurapa kwandakanga ndaita kwakanga kuchitsigirwa zvakasimba nesayenzi. Mumwe chiremba akati kurapa pasina kuisira ropa kunobatsira uye vashoma vanofa kana varapwa nenzira iyi. Kanzura wokupedzisira akati apa nyaya yakanga isiri yokuti kuisira ropa kwaiva mushonga wakanaka here kana kuti kwete. Nyaya yaivapo ndeyokuti chiremba aifanira kurapa murwere nomushonga usingadiwi nomurwere here, uye kanzura uyu akati aifunga kuti chiremba akanga asina kodzero iyoyo. Saka, vana kanzura 12 pa14 vacho vakavhota vachibvisa kupomera kwose, vakati handina mhosva zvachose.
Kudzivirira Kodzero Dzomurwere
Vamwe vakuru vakuru vezvokurapa vakapiwa mvumo nematare kuti vamanikidze varwere vari Zvapupu zvaJehovha kubvuma kuisirwa ropa, uye apo neapo ndakataura mumatare mashoko akaita kuti kurayira kwakadaro kuchinjwe. Chimwe chiitiko chaibatanidza Chapupu chaiva netsinga dzeropa dzegurokuro dzakanga dzakazvimba, dambudziko rinokonzera kubuda ropa rakawanda zvikuru mudumbu. Panguva yaakaiswa muchipatara, akanga atova neropa shoma—mwero wake wemasero matsvuku wakanga wava magiramu 4,7 pa10 muzana yerita.a Pakutanga, haana kumanikidzwa kubvuma ropa, saka akarapwa nemimwe mishonga.
Zvadaro, apedza vhiki ari muchipatara, murwere akashamiswa kushanyirwa nomunhu akanga atumwa nedare rairayira kuti aisirwe ropa. Kusvika panguva ino mwero wake wemasero matsvuku wakanga wawedzera kusvika pamagiramu 6,4 pa10 muzana yerita, uye akanga ari nani. Zvinoita sokuti mutongi akanga aita chisarudzo chake pauwandu hwemasero matsvuku hwokutanga kwete hwechipiri, hwakanga hwawedzera.
HLC yakada kubatsira. Murwere akandikumbira kuti ndimuvheneke. Ndakadaro uye pashure ndakabudirira kumuisa muchipatara chaaizorapwa asingaisirwi ropa. Panguva iyoyowo, magweta ake akapikisa murayiro wedare wokuti murwere aisirwe ropa.
Ndakadaidzwa kudare pamberi pomutongi, uyo akandibvunza nezvoutano hwomurwere. Mudare racho, mutongi akandipa mvumo yokupfuurira kurapa murwere ukuwo zvaidiwa nomurayiro wedare zvichikurukurwa. Pakazogarwa dare kechipiri, murwere akanga ava nani uye akanga abudiswa muchipatara. Pandakadanwa kuti ndizozvidavirira zvekare, gweta rechipatara rakati ndiratidze kuti kurapa kwandakanga ndati kuitwe kwaitsigirwa nesayenzi. Ndabudisa nyaya yaiva mumagazini inonyorwa nechipatara charakanga riri kumiririra iyo yaikurudzira kurapa kwakadaro, rikashaya pokupinda nokunyara!
Pakazopiwa chisarudzo chedare, takafara kunzwa kuti kurapa nemishonga kwatakanga taita pane kuisira ropa kwakanga kwatsigirwa. Chipatara chacho chakarayirwa kubhadhara mari dzose, kusanganisira yemagweta. Kunyange zvazvo chipatara chacho chakaikwidza kumatare makuru, chakakundwa zvekare.
Kutarisira Mhuri Yedu
Kubva zvandakava Chapupu, ndave ndichitsigirwa naVera Lúcia seshamwari yakazvipira uye mudzimai anoita zvakanaka ari amai vane muenzaniso wakanaka kuvana vedu. Akakwanisa sei kutarisana nenhamo dzose idzi, kuchengeta musha wedu wakachena uye kutarisira vana, iye zvino vechiduku vakakura mumudzimu? Izvi zvakakwanisika nemhaka yokuda kwake Jehovha zvakadzama uye ushumiri hwechiKristu.
Savabereki, takadzidzisa vana vedu nheyo dzeBhaibheri nedzidziso kubvira vachiri vaduku zvikuru. Pasinei nokuti ndine upenyu hwakabatikana, tinoedza kushumira mubasa renguva yakazara kwemwedzi yakati kuti gore rimwe nerimwe. Uye tinoita zvose zvatinogona kuti tirambe tichiita zvatakaronga, zvinosanganisira kuverenga Bhaibheri nguva dzose, kukurukura rugwaro rweBhaibheri zuva nezuva, uye kuudza vamwe zvatinotenda muushumiri hwechiKristu. Munguva pfupi yapfuura mhuri yedu yave ichiitisa zvidzidzo zveBhaibheri vanhu vasiri Zvapupu vanosvika 12 vhiki imwe neimwe.
Ini naVera Lúcia tinoedzawo kubatanidza vanakomana vedu mumabasa edu, ukuwo tichiremekedza zvavanoda pachavo. Tinodavira kuti zvinhu zvitatu zvikuru zvinokosha pakuti vabereki vatarisire mhuri dzavo zvakanaka. Chokutanga, kudzidzisa kwakarurama, kunobva muShoko raMwari, Bhaibheri. Chechipiri, muenzaniso wakanaka, unopa vana uchapupu hwakajeka hwokuti vabereki vavo vanotya Jehovha zvakanaka. Chechitatu, ushamwari hwakanaka nevamwe vaKristu vemazera ose vanobva mudzimba dzakasiyana-siyana, vanogona kupa zvipo zvakasiyana-siyana nemano kunhengo dzemhuri. Tiri vaviri, takati zvinhu izvi ndizvo zvatinovavarira kugovera mhuri yedu.
Tichitarira shure kumakore edu anoda kusvika 30 tichishumira Jehovha, pasina mubvunzo ini nomudzimai wangu tinoti, Akatipa upenyu hwakanaka kwazvo hune mufaro nezvikomborero. Kunyange zvazvo ndisina kuzokwanisa kuenda kumitambo yeOlympic, ndichiri kunakidzwa nokushambira makiromita anoverengeka pavhiki. Chokwadi, kuva kwangu chiremba uye mumwe weZvapupu zvaJehovha kwakaguma nokuva noupenyu hwakanyanya kubatikana, asi ndakawana kuti zvine mubayiro mukuru kubatsira hama dzangu nehanzvadzi dzechiKristu kuti dzipfuurire kushumira Mwari pakunangana nemiedzo.
Kazhinji ndinobvunzwa kuti zvinondinetsa here kuti ndicharasikirwa nebasa rangu mugadziriro itsva yezvinhu yaMwari pakunenge kusisina kurwara. Ndinopindura ndichiti ndini ndichava wokutanga kusvetuka nomufaro apo ‘chirema chinokwakuka senondo, rurimi rwembeveve rwunodanidzira nomufaro,’ uye ‘hapana anogaramo anoti: “Ndinorwara.”’—Isaya 33:24; 35:6.
[Mashoko Omuzasi]
a Murume mukuru ane utano hwakanaka ane mwero wemasero matsvuku wemagiramu 15 pa10 muzana yerita.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Ndichivhiya murwere
[Mifananidzo iri papeji 15]
Ndiina Vera Lúcia, uye tichidzidza semhuri