Zvinotaura Bhaibheri
Sayenzi Ingaunza Upenyu Husingaperi Here?
MAKORE AKAPFUURA, mubvunzo wakadaro waidai wakaratidzika sousina kumbofungwa. Zvisinei, iye zvino vamwe vanhu vava kufunga nezvetariro yacho zvakakomba. Masayendisiti akatokwanisa kuwedzera upenyu hwenhunzi dzepamichero nehonye zvakapetwa kaviri nokushandisa mitoo iyo vamwe vanofunga kuti ingashandiswa pavanhu.
Kutsvakurudza kwakaratidza kuti masero omunhu asina chaakaitwa anofa, anokamuka kanoverengeka chete. Pashure paizvozvo anomira kukamuka. Maitikiro acho akaenzaniswa newachi isingamiri inodzora apo vanhu vanochembera nokufa. Masayendisiti ari kushanda kuti aite kuti wachi iyi itangezve.
Imwe rondedzero yakakurumbira inoti chinokonzera kukwegura chinowanikwa pakagumira katambo kamwe nekamwe keDNA, panonzi telomere. Matelomere akafananidzwa nemipendero yepurasitiki iri kwakaperera tambo dzebhutsu, yakagadzirirwa kudzivirira tambo kuti dzisarudunuka. Masayendisiti akaona kuti pose panokamuka masero, matelomere anopfupika sefiyuzi iri kutsva. Pakupedzisira, zvinoratidzika sokuti, matelomere anopfupika kusvika pakuti sero rinomira kukamuka. Zvisinei, kana paine imwe enzayemu matelomere haapfupiki. Nokudaro, maererano nerondedzero yacho, izvi zvaigona kuita kuti masero arambe achikamuka kusvikira kunguva isingazivikanwi. Mukuru mukuru weimwe kambani iri kuitawo basa irori akati: “Aka ndiko kokutanga katinogona kufungidzira nezvokusafa kwavanhu.” Asi haasi masayendisiti ose anobvumirana nazvo.
Mauyire Akaita Rufu
Chokwadi, vanhu vane kutenda muBhaibheri vanga vachidavira kwezviuru zvemakore kuti zvinobvira kuti vanhu vave noupenyu husingaperi. Chivimbo chavo hachisi pamasayendisiti evanhu asi paMusayendisiti Mukuru, akasika zvipenyu zvose, Jehovha Mwari.—Pisarema 104:24, 25.
Bhaibheri rinoratidza kuti rufu rwevanhu rwakanga rwusiri rutivi rwechinangwa choMusiki. Vanhu vaviri vokutanga vakasikwa nomufananidzo waMwari ndokuiswa mubindu reparadhiso. Vaive vakakwana, vasina kuremara mupfungwa kana mumuviri. Zvavaive vakadaro, vaive netariro yokurarama nokusingaperi pasi pano. Ndicho chaive chido chaMwari nokuda kwavo. Akavarayira kuva nevana uye kutambanudzira Paradhiso pasi rose zvishoma nezvishoma.—Genesi 1:27, 28; 2:8, 9, 15.
Sezvinoratidzwa muna Genesi chitsauko 3, Adhamu, achiziva kuti chirango chacho chaiva rufu, akapandukira Mwari achinyatsoziva. Uyezve, nokutevera nzira yokusateerera, akaunza chivi norufu pavana vake vaive vasati vaberekwa. Muapostora Pauro akazvitsanangura nenzira iyi: “Sokupinda kwakaita chivi munyika nemhaka yomunhu mumwe norufu nemhaka yechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vaita chivi.” (VaRoma 5:12) Nemamwe mashoko, nokuti Adhamu akaita chivi, muviri wake wakanga usisina kukwana. Zvishoma nezvishoma akatanga kuchembera nokufa. Vana vake vakagara nhaka urema ihwohwo.
Saka rufu rwevanhu rwakauya somugumisiro wokupanduka kwaAdhamu nokutonga kwakazoitwa naMwari. Vanhu havazogoni kudzorera kumashure kutonga ikoku. Kunyange zvazvo sayenzi yafambisira mberi zvakawanda zvokurapa, mashoko aMosesi akafuridzirwa, akanyorwa makore 3 500 akapfuura, achiri echokwadi okuti: “Mazuva amakore edu anosvika makore makumi manomwe, kana tine simba makore makumi masere; asi kunyange achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo bedzi. Nokuti gare gare aenda, nesu tabhururuka taenda.”—Pisarema 90:10.
Gadziriro yaJehovha Youpenyu Husingaperi
Zvinofadza kuti pane tariro! Kunyange hazvo iye zvino vanhu vachipedzisira vafa, hachisi chinangwa chaMwari kuti zvirambe zvakadaro kusvikira kunguva isingazivikanwi. Nepo Adhamu naEvha vaikodzera kufa, Mwari aiziva kuti paizova nevakawanda pakati pevana vavo vaive vasati vazvarwa vaizoyemura kutarisira kwake kworudo. Nokuda kwevanhu ivavo akaita gadziriro youpenyu husingagumi pasi pano. Munyori wepisarema akanyora kuti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Asi izvi zvichaitwa sei?
Izvi zvaisazoitwa somugumisiro wokududzira kwevanhu zvisinganzwisisiki zveDNA. Panzvimbo pezvo, upenyu husingaperi chipo icho Jehovha achapa vanotenda maari. Achiona kuti vana vaAdhamu naEvha vaida kununurwa, akapa nzira yavaizowana nayo upenyu husingaperi—chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. Jesu akataura nezvegadziriro iyi paakati: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16.
SaAdhamu, Jesu aive munhu akakwana. Kusiyana naAdhamu, Jesu aiteerera Mwari zvakakwana. Saka Jesu aikwanisa kubayira upenyu hwake hwomunhu hwakakwana kuripa chivi chaAdhamu. Nechiito ichi chorudo, icho chakaenzanisa chikero cheruramisiro, vana vaAdhamu vaigona kusunungurwa pamutongo worufu. Somugumisiro, vose vanotenda muna Jesu vachagamuchira chipo chaMwari choupenyu husingaperi.—VaRoma 5:18, 19; 1 Timoti 2:5, 6.
Dai vanhu vaigona kukurira kusakwana vozviunzira upenyu husingaperi, paizodai pasingadiwi rudzikinuro. Bhaibheri rinopa zano iri rokuchenjera: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira. Mweya wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; nezuva iro mano ake anopera. Une mufaro munhu uyo kana Mwari waJakobho ari mubatsiri wake, unotarira kuna Jehovha Mwari wake. Iye akaita kudenga napasi, negungwa nezvose zviri mukati mazvo; Iye unoramba akatendeka nokusingaperi.”—Pisarema 146:3-6.
Upenyu husingaperi huchabva, kwete mukutsvakurudza kwesayenzi, asi kuna Jehovha. Chipi zvacho icho Mwari anotanga kuita, anochikwanisa uye achachipedza. “Kuna Mwari hapana chinoziviswa chichava chisingabviri.”—Ruka 1:37.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]
© Charles Orrico/SuperStock, Inc.